RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 11/15 p. 25
  • Pfuurirai Kunharidzano!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pfuurirai Kunharidzano!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavara echiKristu Ari Pachena
  • Rambai Muchipfuurira Kunharidzano
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 50—VaFiripi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • VaFiripi 4:13—“Ndinogona Kuita Zvinhu Zvese Nekuda kwaKristu”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Maziso Ako Ngaarambe Ari pamubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 11/15 p. 25

Pfuurirai Kunharidzano!

Mapfundo Makuru Anobva Muna VaFiripi

MUAPOSTORA Pauro aida kuti maKristu omuFiripi arambe achipfuurira kunharidzano yomubairo woupenyu husingagumi. Nokudaro, iye akavanyorera munenge muna 60 kana kuti 61 N.V., mukati mokupinzwa mutorongo kwake kwokutanga muRoma. Tsamba yake yakatumirwa kuungano yaakanga atanga makore gumi pamberi pezvi muFiripi, guta rakatangwa naPhilip weMakedhonia (baba vaAlexander Mukuru). Pakasvika zana rokutanga ramakore N.V., rakanga rava “guta guru renyika yeMakedhonia,” zvino rutivi rweGirisi yokuchamhembe neYugoslavia yokumaodzanyemba.—Mabasa 16:11, 12.

Vatendi veFiripi vakanga vari varombo asi vane rupo. Kanopfuura kamwe, vakanga vatumira chimwe chinhu kugutsa zvinodikanwa zvaPauro. (VaFiripi 4:14-17) Asi tsamba yake yaipfuura zvikuru kwazvo tsamba yokuonga. Yakapawo kurudziro, yakaratidzira rudo, uye yakagovera zano.

Mavara echiKristu Ari Pachena

Tsamba yaPauro yakazarura noufakazi hworudo rwake nokuda kwavatendi veFiripi. (1:1-30) Iye akaonga Jehovha nokuda kwomupiro wavo kukufambisirwa mberi kwamashoko akanaka ndokunyengetera kuti rudo rwavo ruwedzere. Pauro akafara kuti kupinzwa mutorongo kwake kwakavaparira kuratidza ‘ushingi hukuru hwokutaura shoko raMwari vasingatyi.’ Akashuva kuva naKristu asi akanzwa kuti aigona kuvashumirazve. Pauro aidawo kuti vapfuurire “kutamburira pamwe chete kutenda kwamashoko akanaka.”

Tevere kwakauya zano pachimiro nomufambiro. (2:1-30) VaFiripi vakakurudzirwa kuratidza fariro yomunhu oga muvamwe uye kuratidzira kuzvininipisa kwakafanana nouko kwaKristu. Vakanga vachi“penya sezvivheneko munyika” uye vakakurudzirwa kuchengeta “kubatisisa pashoko roupenyu.” Pauro aikarira kutumira Timotio kwavari uye akanga aine chivimbo chokuti iye amene aizouya nokukurumidza. Kuti avanyaradze pamusoro paEpafrodhito, uyo akanga ave achirwara zvikuru, Pauro akanga achivatumira uyu mubatiri akavimbika.

Rambai Muchipfuurira Kunharidzano

Muapostora akatevera kuratidza vaFiripi pokuisa chivimbo chavo sezvavaipfuurira kunharidzano. (3:1-21) Chinofanira kuiswa muna Jesu Kristu, kwete munyama kana kuti mukudzingiswa sezvakanga zvichiita vamwe. Pauro akarangarira zvipupuriro zvake zvenyama kuva marara nemhaka yo“kunaka kwokuziva Kristu.” Muapostora akanga “achironda nharidzano yomubairo wokudana kwokudenga kwaMwari kupfurikidza naKristu Jesu” uye akakurudzira vaFiripi kuva vechimiro chimwe chetecho chendangariro.

Kushandisa zano rokupfiga raPauro kwaizobetsera vaFiripi kuchengeta nharidzano nomubairo muchiono. (4:1-23) Iye akavakurudzira kupa funganyo dzavo kuna Mwari mumunyengetero ndokuzadza ndangariro dzavo nemifungo yakanaka. Pauro akavarumbidzazve nokuda kworupo rwavo ndokupedzisa nekwaziso nechishuvo chokuti mutsa usakafanirwa waShe Jesu Kristu uve nomudzimu wavakaratidza.

Tsamba yaPauro kuvaFiripi inosimudzira rupo, rudo, uye kuzvininipisa. Inokurudzira chivimbo muna Kristu nomunyengetero womwoyo wose kuna Mwari. Uye mashoko aPauro zvirokwazvo anobetsera Zvapupu zvaJehovha kuramba zvichipfuurira kunharidzano yomubairo woupenyu husingagumi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

Kunharidzano: “Ndinokanganwa zviri shure, ndichivavarira kune zviri mberi,” akanyora kudaro Pauro, “ndinoshingairira nharidzano kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 3:13, 14) Muapostora akanga achizvishandisa amene kufanana nomumwe munhu ari munhangemutange. Haana kupambadza nguva nenhamburiko achitarira shure asi akapfuurira kunharidzano yake—kufanana nomumhanyi ari kutamburira kuyambuka mutsetse wokupedzesa. Nokuda kwaPauro namamwe maKristu akazodzwa, mubairo wacho wakanga uri upenyu hwokudenga kupfurikidza norumuko pashure pokupedza nzira yapasi yokutendeka kuna Mwari. Kana tariro dzedu dziri dzokudenga kana kuti dzapasi, ngatichengetei perero kuna Jehovha ndokupfuurira kunharidzano seZvapupu zvake.—2 Timotio 4:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe