Kukutapura Kunogona Kuita Mudzimu waMwari
“PAKUTANGA Mwari akasika matenga napasi. Pasi rakanga risina chimiro uye risina chinhu, uye rima rakanga riri pamusoro pemvura; uye Mudzimu waMwari wakanga uchifamba pamusoro pemvura.” (Genesi 1:1, 2, Revised Standard Version) Uku kutaura kwapaMagwaro kunosimbisa nzira yakatanhamara umo munhu ari wose ari mupenyu akabetserwa nayo nomudzimu mutsvene. Mudzimu iwoyo wakanga uchishingaira mukati mechisiko, uye kuonga ngakupiwe kumubato wawo, pasi rakava musha unofadza worudzi rwomunhu.
Asi vanhu vanogona kubetserwa zvikuru kwazvo nomudzimu mutsvene. Chirevo chakafuridzirwa chinoti: “Dzokai kana muchinzwa kuraira kwangu, tarirai ndichadurura [mudzimu, NW] wangu pamusoro penyu; ndichakuzivisai mashoko angu.” (Zvirevo 1:23) Muzuva redu “mashoko” akaunganidzwa aMwari anowanika muBhaibheri Dzvene, rakanyorwa navanhu avo “vakatsigirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:21, NW; Marko 12:36; 2 Timotio 3:16) Panguva ipi neipi apo munhu anozvininipisa anorava Bhaibheri, anobetserwa nomudzimu mutsvene.
Mudzimu Mutsvene Nebasa Rokuparidzira
Apo mumwe weZvapupu zvaJehovha anoshanya pamusha pako kuzotaura pamusoro pamashoko akanaka oUmambo, mudzimu mutsvene unogona kutapura upenyu hwako neimwe nzira. Tinoziva sei? Eya, apo Jesu Kristu akavamba kuparidzira mashoko akanaka, akashandisa kwaari amene mashoko omuporofita Isaya, achiti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nemhaka yokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, . . . kuparidzira gore rinogamuchirika raJehovha.” (Ruka 4:18, 19, NW; Isaya 61:1, 2) Hungu, Jesu akazodzwa nomudzimu mutsvene kuti aparidzire mashoko akanaka.
Uyezve, Jesu akadeya kutaura kuti kuparidzirwa kwamashoko akanaka kwaizopfuurira pashure porufu rwake. Iye akaporofita, kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Nguva pfupi Jesu asati akwira kudenga, akapa vateveri vake iri basa: “Endai . . . uye itai vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Pashure pokukwira kwaKristu kudenga, naizvozvo, vadzidzi vake vakapfuuridzira basa rakabvumirwa nomudzimu rokuparidzira nokudzidzisa. Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotcvedzera ava vadzidzi vapakuvamba mukuparidzira mashoko akanaka munyika yose.
Rubhapatidzo Nomudzimu Mutsvene
Apo mumwe munhu anogamuchira zvakanaka mashoko akanaka, Jesu akati anofanira kubhapatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” Naizvozvo vadzidzi vatsva vanotapurwazve nomudzimu mutsvene. Kutaura kwokuti “muzita ra” kunoreva chaizvoizvo “kupfurikidza nechiremera cha” kana kuti “kuziva nzvimbo ya.”a Nokudaro, kubhapatidzwa muzita raBaba kunoreva kugamuchira pasina panikiro uchangamire hwaMwari muupenyu hwedu. Rubhapatidzo muzita roMwanakomana runoreva kugamuchira Jesu soMudzikinuri, Muenzaniso, uye Mambo. Uye rubhapatidzo muzita romudzimu mutsvene runobatanidza kutsamira pamudzimu nokuzviisa pasi pesimba rawo.b
Mudzimu Mutsvene Muupenyu Hwako
Nenzira inosuruvarisa, kusatendeseka, utere, masimba masimba, uye kusateerera mutemo kwavose zvatinoona munyika dze“chiKristu” zvinoratidzira idi rokuti vazhinjisa vaavo vanotaura kuva maKristu vanodzivisa zvomenemene mudzimu mutsvene. Asi avo vanozviisa pasi pawo vanokomborerwa zvikuru. Kutanga, ivo vanorangarira zvakakomba chavanorava muBhaibheri rakafuridzirwa nomudzimu uye vanochishandisa muupenyu hwavo. Nokudaro, ivo vane uchenjeri, nzwisiso, ungwaru, uchenjeri, uye mano okufunga. (Zvirevo 1:1-4) Aya mavara anokosha munguva dzedu dzinotambudzwa.
Mudzimu mutsvene unobetserawo vanhu vakadaro kukurira zvinetso zvakaoma. Munguva dzakare, Mwari akaratidza vanhu vake kuti vaizokwanisa sei kupedza basa rakaoma zvikuru. Jehovha akataura kuti kwaizoitwa “kwete nesimba rehondo, kana kuti nesimba, asi nomudzimu” wake. (Zekaria 4:6, NW) Kana tikazviisa pasi paMwari nomudzimu wake, tichabetserwa kuita mabasa ndokukurira mhinganidzo idzo nezvisizvo dzaizova dzakanyanyotikurira.—Mateo 6:33; VaFiripi 4:13.
Uyezve, mudzimu waMwari unotibetsera kufarikanya rusununguko rusingazivikanwi kunyika yose. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Pane mudzimu waJehovha pane rusununguko.” (2 VaKorinte 3:17, NW) Avo vanozviisa pasi pomudzimu waMwari vanofarikanya rusununguko murudzidziso rwenhema, kutenda mashura, kutyiwa kwenguva yemberi, uye zvimwe zvinhu zvakawanda zvinopinza muuranda. Mudzimu waMwari zvirokwazvo isimba rezvakanaka! Unogona kunyange kuchinja vanhu. Bhaibheri rinotaura pamusoro paikoku parinoti: “Chibereko chomudzimu ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora. Hapana mutemo unorwisana nezvinhu zvakadaro.” (VaGaratia 5:22, 23, NW) Nyika ino yaizova yakasiana sei kudai munhu ari wose akazviisa pasi pesvedzero yomudzimu waMwari!
Seboka, maKristu echokwadi anofarikanyawo “humwe hwomudzimu hwechisungo chinobatanidza chorugare.” (VaEfeso 4:3, NW) Chinzwano norugare zvinhu zvechienzi nhasi. Asi zviripo apo mudzimu waMwari unoshingaira. Zvamazvirokwazvo, pakati peZvapupu zvaJehovha chisungo chinobatanidza chomudzimu mutsvene chakapinza vanhu vamadzinza ose, mitauro, uye marudzi mu“sangano [rechokwadi] rehama.”—1 Petro 2:17, NW.
Mudzimu waMwari Newe
Unoona here betsero yokuva nouchenjeri hunopiwa naMwari neyokufarikanya rusununguko rwechokwadi? Hakusati kwaizova kunoshamisa here kuva nebetsero youmwari mukupedza zvinetso nokusakurira rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora? Ipapo zviise pasi pesimba romudzimu mutsvene waMwari. Asi munhu anogona sei kuita ikoku?
Shoko raMwari, Bhaibheri, ngaripesvedzere ndangariro yako nomwoyo. Songanirana naavo vanorega mudzimu mutsvene uchipesvedzera upenyu hwavo. Ita nhano zvino dzokudzidza ndokuita kuda kwoumwari. Ipapo, “Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare kupfurikidza nokutenda, kuti mugova netariro yakawanda nesimba romudzimu mutsvene.”—VaRoma 15:13, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa nokutaura kweShona kwokuti “muzita romutemo.” Onawo Mateo 10:41 muKing James Version, umo Jesu akashandisa mashoko okuti “muzita romuporofita” uye “muzita romunhu akarurama.”
b Ona hurukuro yaPetro kuvaJudha paPentekosta 33 N.V., apo iye akatsanangura mativi akawanda ebasa raJesu nomudzimu mutsvene muupenyu hwavatendi vakabhapatidzwa. Pashure pehurukuro yake, 3 000 vakabhapatidzwa muzita raBaba, roMwanakomana, uye romudzimu mutsvene.—Mabasa 2:14-42.