RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/15 p. 22
  • lvai Vakagadzirira Zuva raJehovha!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • lvai Vakagadzirira Zuva raJehovha!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidza Uye Kurudzira
  • Rambai Makamuka Mumudzimu!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 52—1 VaTesaronika
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Ramba Wakagadzirira Zuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 53—2 VaTesaronika
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Musaneta Kuita Zvakarurama”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/15 p. 22

lvai Vakagadzirira Zuva raJehovha!

Mapfundo Makuru Anobva Muna VaTesaronika Wokutanga

ZUVA raJehovha! MaKristu aiva muTesaronika yakare aifunga kuti rakanga rava pedyo. Vakanga vakarurama here? Raizouya rini? Iyoyo yakanga iri nhau imwe inokosha yakataurwa mutsamba yokutanga yomuapostora Pauro kuvaTesaronika, yakatumirwa kubva Korinte murinenge gore ra 50 reNguva yedu yaVose.

Pauro naSirasi vakatanga ungano muTesaronika, nzvimbo inodzora yeruwa rweRoma rweMakedhonia. (Mabasa 17:1-4) Gare-gare, mutsamba yake yokutanga kuvaTesaronika, Pauro akapa rumbidzo, akagovera zano, uye akakurukura zuva raJehovha. Isuwo tinogona kubetserwa netsamba iyi, zvikurukuru nezuva raJehovha zvino rava pedyo zvikuru.

Rumbidza Uye Kurudzira

Pauro akatanga kurumbidza vaTesaronika. (1VaT 1:1-10) Rumbidzo yakanga yakafanira nokuda kwebasa ravo rokutendeka netsungiriro. Kwakanga kuchirumbidzwawo kuti ivo vaka“gamuchira shoko mudambudziko guru, nomufaro [womudzimu, NW] mutsvene.” Unorumbidza vamwe, sezvakaita Pauro here?

Muapostora akanga agadza muenzaniso wakaisvonaka. (2:1-12) Pasinei zvapo nokubatwa kwoutsinye muFiripi, iye akanga a‘wana ushingi kupfurikidza naMwari kuti ataure mashoko akanaka’ kuvaTesaronika. Iye akanga adzivisa unyengeri, kuchochora, uye kutsvaka mbiri. Pauro akanga asina kuva mutoro unodhura asi akanga ari munyoro navo somureri ane mwana wake. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwavakuru nhasi!

Mashoko anotevera aPauro akakurudzira vaTesaronika kuti varambe vakasimba pavaitambudzwa. (2:13–3:13) Ivo vakanga vatsungirira chitambudzo chakaitwa navarume vomunyika yavo, uye Timotio akanga aunzira Pauro mushumo wakanaka pamusoro pomugariro wavo womudzimu. Muapostora akanyengetera kuti vawande murudo uye kuti mwoyo yavo isimbiswe. Nenzira yakafanana, Zvapupu zvaJehovha zvino zvinonyengeterera vatendi biyazvo vanotambudzwa, kuvakurudzira kana zvichibvira, uye zvinofarira mishumo yokutendeka kwavo.

Rambai Makamuka Mumudzimu!

VaTesaronika vakatevera kugamuchira zano. (4:1-18) Vaifanira kufamba zvizere zvikuru munzira inofadza Mwari, vachiratidzira rudo rwouhama rwakawanda uye kushanda namaoko avo kuti vawane zvinodikanwa zvavo. Uyezve, vaifanira kunyaradzana netariro yokuti pakuvapo kwaJesu vatendi vakaberekwa nomudzimu vakanga vafa vaizomutswa pakutanga ndokubatanidzwa naye. Pashure pacho, vakazodzwa vanopukunyuka parufu rwavo norumuko vaizokumbanira Kristu naavo vakanga vatomutsirwa kuupenyu hwokudenga.

Pauro akatevera kukurukura zuva raJehovha ndokupa rimwe zano. (5:1-28) Zuva raJehovha rakanga richiuya sembavha, noruparadziko rwakamwe kamwe rwaiva rwechokwadi pashure pokudanidzira, kuti: “Rugare nokuchengeteka!” Naizvozvo vaTesaronika vaifanira kuramba vakamuka mumudzimu, vakadzivirirwa nechifukidziro chechifuva chokutenda norudo uye netariro yoruponeso sengowani. Vaifanira kuva noruremekedzo rukuru rwakadzama nokuda kwaavo vanotungamirira muungano uye vaifanira kurega uipi, sezvatinofanira.

Tsamba yokutanga yaPauro kuvaTesaronika inofanira kutisunda kuti tipe rumbidzo nekurudziro kuvatendi biyedu. Inofanira kutisundawo kuti tive vomuenzaniso mumufambiro uye chimiro. Uye zvirokwazvo zano rayo rinogona kutibetsera kuva vakagadzirira nokuda kwezuva raJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Chidzitiro Chechifuva uye Ngowani: Achikurudzira kumuka kwomudzimu, Pauro akanyora, kuti: “Ngatisvinuke takapfeka chidzitiro chechifuva chokutenda norudo, nengowani ive tariro yoruponeso.” (1 VaTesaronika 5:8) Chidzitiro chechifuva chaiva dziviriro yechifuva yakashongedzerwa yomurwi, yakanga yakaumbwa namakwati, ngetani, kana simbi yakasimba. Nenzira yakafanana, chidzitiro chechifuva chokutenda chinotidzivirira mumudzimu. Uye zvakadiniko nengowani yomunguva dzakare? Ichiwanzova yakagadzirwa nesimbi, yaiva chipfeko chomumusoro chavarwi chakagadzirirwa kudzivirira murwi pakurwa. Sokudzivirira kwaiita ngowani musoro womurwi, naizvozvo tariro yoruponeso inodzivirira masimba endangariro, nokudaro zvichigonesa muKristu kuti achengete perero. Kunokosha sei kuti vanhu vaJehovha vapfeke chishongo chomudzimu chakadaro!—VaEfeso 6:11-17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe