Vanopedza Kufunda veGilead Vanogamuchira Chipo Chebasa Roufundisi
PANA March 1, 1992, mitezo 22 yekirasi inopedza kufunda yechi 92 yeWatchtower Bible School of Gilead yakagamuchira chipo—chipo chebasa roufundisi. Pakutaura kukirasi, Lloyd Barry woMutumbi Unodzora akati: “Gamuchirai chipo ichocho chinoshamisa nomufaro mukuru, uye chishandisei mukuunza mufaro kuvamwe.”
Vaenzi vakakokwa vane 4 662 nemitezo yemhuri yeBheteri vakaungana paJersey City Assembly Hall, muNew Jersey, nokuda kwepurogiramu yokupedza kufunda. Vamwe vane 970 kuzvivako zveNew York zveWatchtower Society muBrooklyn, Wallkill, uye Patterson vakabatanidzwa netambo yorunhare. Vose vakasanoteerera sezvo vanopedza kufunda vakapiwa zano rokuoneka iro raizovabetsera kukoshesa zvikuru chipo chebasa roufundisi uye kuchishandisa nenzira yokuchenjera.
Purogiramu yakanga yatanga nokuimbwa kune mbavarira kworwiyo nhamba 155, “‘Gamuchiranai’!” Pashure pacho, vose vakanyandurwa sezvo Frederick W. Franz, purezidhendi ane makore 98 okukura weChikoro cheGilead, akapa munyengetero womwoyo wose. Ipapo, sachigaro, Carey Barber woMutumbi Unodzora, akachingamidza vose kupurogiramu yokupedza kufunda ndokuti: “Hakuna kutongova nedikanwo huru zvikuru yavafundisi veGilead kupfuura nhasi.” Pashure petsinhiro dzake, akasuma nhevedzano yehurukuro pfupi, dzinobetsera.
Curtis Johnson weDare Romusha weBheteri akatanga kutaura, achikudziridza musoro unoti “Tarisirai Zvakanaka Bindu Renyu.” Hama Johnson vakataura kuti apo ava vafundisi vatsva vanosvika kumigove yavo, mumwe nomumwe wavo achava nebindu romudzimu rokurima. (1 VaKorinte 3:9) Vanhu vaJehovha munyika yose ibindu romudzimu riri kumera kururama nerumbidzo pamberi pamarudzi ose. (Isaya 61:11) ‘Matarisire amunoita bindu renyu romudzimu munguva yemberi,’ mukurukuri wacho akasimbisa kudaro, ‘achatapura nenzira inokosha budiriro yenyu mumugove wenyu woufundisi.’ Chii chichavabetsera kutarisira zvakanaka bindu ravo romudzimu? ‘Jehovha anogona kuva rusvingo rwedziviriro runopoteredza bindu renyu romudzimu. Kana makatsunga kurima mabasa akarurama, rambai muri pedyo naye mumunyengetero, uye ipapo shandai mutsinhirano neminyengetero yenyu.’
Tevere, Lloyd Barry akataura pamusoro unoti “Farai munaShe Nguva Dzose.” (VaFiripi 4:4) Namakore anopfuura 25 oruzivo rwokuzviwanira oufundisi muJapan rwokushandisa, akanga ane zvikarakadzo zvakati zvinoshanda zvokubetsera vanopedza kufunda kufarikanya chipo chebasa roufundisi. Iye akati: ‘Muchawana kuti mufaro wamunova nawo mubasa raMwari unokubetserai kukurira dzakawanda dzenhamo uye zvichida zvimwe zvezvinetso zvomuviri zvamunosangana nazvo.’ (Zvirevo 17:22) Akayeuchidza vanopedza kufunda kuti vangasangana nemigariro nenzvimbo zvakasiana kwazvo nezvavave vakarovedzana nazvo. Vangafanira kudzidza mutauro mutsva. ‘Muchafanira kushanda zvakaoma pakudzidza mutauro wacho. Asi apo munokwanisa kukurukura zvakasununguka navanhu vacho mumutauro wavo vamene, ikokuwo kuchawedzera kumufaro wenyu.’
Achikudziridza musoro unoti “Chengeta Meso Ako Ari Pamubairo,” Eldor Timm weDare reFekitari akatevera kutaura. Chii chiri mubairo wacho? Upenyu husingaperi! Kuti tiuwane tinofanira kuchengeta meso edu akanangidzirwa pauri. Mukurukuri akakurukura dzimwe dzefanano nemisiano pakati pamaKristu ari munhangemutange youpenyu navamhanyi vari mumakwikwi okumhanya omuzana rokutanga ramakore. Kufanana navamhanyi, maKristu anofanira kurovedza nesimba, kuchengeta mitemo, uye kuzvibvisira amene mitoro inorema. Asi kusafanana navamhanyi chaivoivo, maKristu ari munhangemutange youpenyu hwose uye anotsvaka mubairo usingaperi. Panzvimbo pokuva nomukundi mumwe, vose vanomhanya nhangemutange youpenyu kusvikira kumugumo vachagamuchira mubairo. Hama Timm vakagumisa, kuti: ‘Kuti tiwane mubairo woupenyu, tinofanira kuva norugare naJehovha, Mupi womubairo. Uye kuti tive norugare naJehovha, tinofanira kuva norugare nehama dzedu.’
Milton Henschel woMutumbi Unodzora akatevera kutaura pamusoro unoti “Kupfurikidza Nenyaradzo Inobva muMagwaro, Tine Tariro.” (VaRoma 15:4) ‘Kwemwedzi mishanu yakapfuura,’ mukurukuri akavamba kudaro, ‘mave makabatikana neBhaibheri. Kuva pedyo kukuru kwakavakwa. Mune tariro yakasimba. Sezvamunoenda kumigove yenyu, tapota yeukai chikonzero nei tariro yenyu yakasimba kwazvo. Imhaka yokuti makaramba muri pedyo naMagwaro.’ Kuti aratidze muenzaniso wenhauro yeBhaibheri unonyandura tariro, mukurukuri akanongedzera kuna Vatongi maganhuro 6 kusvikira ku 8, iyo inorondedzera kuti Gidheoni akatumwa sei kuzonunura Israeri muudzvinyiriri hweMidhiani. Pashure pokukurukura nhauro yacho noukoshi hwayo nokuda kwezuva redu, akati: ‘Apo munova nebanza rokuva pedyo naMagwaro ndokufunga pamusoro pezvinhu izvozvi, kunokuzorodzai. Munowana ushingi.’
Vose vakanga vachidisa kunzwa kuti izanoi rokuoneka iro varairidzi vakuru vaviri vechikoro vangava naro nokuda kwavadzidzi. Jack Redford akatanga kutaura pamusoro unoti “Itai Chinhu Chakarurama.” Akayeuchidza vanopedza kufunda, kuti: ‘PaGilead makarovedzwa zvakakwana mune zvakarurama mukuwirirana naMagwaro. Zvino munoenda kumigove youfundisi inodenha. Uye tinoziva kuti zvimwe muchawana zvinetso zvakaoma sezvamunopfuurira. Pasinei zvapo naikoku, uye pasinei zvapo nokunzwa kwenyu mumene, tinoziva kuti munogona kuita chinhu chakarurama.’ Chii chichabetsera? Chokutanga, kuva nomurangariro wakarurama wavamwe. Mukurukuri akati: ‘Musakarira kukwana kubva mukusakwana.’ Kuva nomurangariro wakarurama wemigariro inotambudza kunogonawo kubetsera. ‘Tose tine zvinofadza nezvisingafadzi muupenyu,’ iye akadaro. ‘Munhu upi noupi anogona kutarisira zvinofadza. Kuti uchatarisira sei zvisingafadzi ndiko kuchasarudza kana uchitsungirira mubasa roufundisi.’—Jakobho 1:2-4.
Munyori wechikoro, Ulysses Glass, akasarudza musoro unoti “Itariroi Nokuda Kwenguva Yemberi?” Nechimiro chenzwi choubaba, iye akakurudzira vanopedza kufunda kuchengeta tariro yavo ichipfuta zvakajeka. (Zvirevo 13:12) ‘Kutanga kwokurasikirwa netariro kungasatongova kunocherekedzwa,’ iye akatsanangura kudaro. ‘Migariro ingatiparira kuva vakabatikana nesu timene panzvimbo poukama hwedu naMwari. Tingarwara kana kuti kunzwa tichibatwa zvisina kunaka navamwe. Vamwe vangava nezvinhu zvokunyama zvakawanda kupfuura zvatinazvo kana kuti vangawana miuyo iri nani muushumiri, uye tingati ivei neshanje. Kana tikatongobvumira zvinhu zvakadaro kutisvikira zvishoma nezvishoma, nokukurumidza uzvomene hwetariro yoUmambo huchasvava mumwoyo wedu nendangariro, uye tingatorega kutsungirira munhangemutange youpenyu.’ Chii chinogona kuitwa? ‘Chiito chakanaka chinofanira kuitwa kana tichizomutsidzira tariro yedu. Tinofanira kuzadza ndangariro dzedu nemwoyo nezvipikirwa zvechokwadi zvaMwari ndokurereudzira ngwariro yedu yakazara kuuzvomene hwoUmambo hwaMwari. Uye tinofanira kudzorera kurukurirano yedu naJehovha, nokuti iyoyi ichatungamirira zvirokwazvo kumufaro.’
Karl Klein woMutumbi Unodzora akapa hurukuro yokupedza kufunda. Musoro wake wakanga uri wokuti “Kuzvininipisirei?” Uye chii chiri mhinduro kumubvunzo iwoyo? ‘Nemhaka yokuti ndicho chinhu chakarurama nechakanaka chokuita, chinhu chokuchenjera nechorudo chokuita,’ iye akatsanangura kudaro mumashoko ake okuzarura. Vateereri vakafadzwa sezvaakakurukura mienzaniso mina yokuzvininipisa yatinoita zvakanaka kutevedzera: (1) Jehovha Mwari, uyo zvamazvirokwazvo akanga achizvininipisa pakubata naAbrahama naMosesi (Genesi 18:22-33; Numeri 14:11-21; VaEfeso 5:1); (2) Jesu Kristu, uyo ‘akazvininipisa amene ndokuva anoteerera kusvikira kurufu padanda rokutambudzira’ (VaFiripi 2:5-8; 1 Petro 2:21); (3) muapostora Pauro, uyo ‘akabatira Ishe nokuzvininipisa kukurusa kwendangariro’ (Mabasa 20:18, 19; 1 VaKorinte 11:1); uye (4) ‘avo vanotungamirira pakati pedu,’ vakadai sapurezidhendi wokutanga weSosaiti, Hama Russell, uyo akambonyora, kuti: “Basa mariri Ishe akafadzwa kuti tishandise mano edu akaderera rave risitongori basa rokuvamba kupfuura rokuvakazve, kugadziridza, kutsinhiranisa.” (VaHebheru 13:7) Hama Klein vakaratidza zvimwe zvikonzero zvine simba zvokuva vanozvininipisa. Zvirokwazvo, kuteerera zano rokuva vanozvininipisa kuchabetsera vanopedza kufunda kushandisa nokuchenjera chipo chebasa roufundisi!
Pashure petsinhiro idzodzo, sachigaro akagoverana kwaziso dzakagamuchirwa kubva mumativi akasiana-siana apasi. Nguva zvino yakanga yasvika yokuti vanopedza kufunda vagamuchire magwaro avo. Vakanga vabva kunyika nomwe—Canada, Finland, France, Mauritius, Netherlands, Sweden, uye United States. Asi migove yavo youfundisi inovaendesa kunyika 11—Bolivia, Estonia, Grenada, Guatemala, Honduras, Hungary, Mauritius, Peru, Togo, Turkey, uye Venezuela.
Pashure pokutindika, purogiramu yamasikati yakavamba neFundo yeNharireyomurindi yokupfupikisa yakaitiswa naJoel Adams weDare Rebato Rebasa. Pashure paikoko, vanopedza kufunda vakaita zvimwe zvezvinoitika zvebasa romumunda zvavakanga vafarikanya mukati menhambo yechikoro. Pakupedzisira, chinoitika chinoti Kuremekedzerei Nhevedzano Youbati Ushe hwaMwari? chakapiwa nokuda kwokuvakwa kwavateereri vose, kubatanidza vanopedza kufunda.
Zvirokwazvo, vanopedza kufunda ivava vakaenda kumigove yavo yokumwe nezano nekurudziro zvichavabetsera kushandisa chipo chebasa roufundisi kuunza mufaro kwete bedzi kwavari vamene asi kune vamwewo.
[Chati iri papeji 22]
Zviverengero Zvekirasi
Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 7
Chiverengero chenyika dzakagoverwa kwadziri: 11
Hwerengedzo yavadzidzi: 22
Avhareji yezera: 33,4
Avhareji yamakore muzvokwadi: 16,7
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 11,8
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kirasi Inopedza Kufunda Yechi 92 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira kumberi kudzokera shure uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Chan Chin Wah, M.; Bouancheaux, N.; Chapman, B.; Östberg, A.; Cole, L.; Jackson, K.; Meerwijk, A. (2) Smith, J.; Wollin, K.; Chapman, R.; Gabour, N.; Chan Chin Wah, J.; Smith, C.; Edvik, L. (3) Bouancheaux, E.; Östberg, S.; Cole, K.; Jackson, R.; Gabour, S.; Edvik, V.; Meerwijk, R.; Wollin, G.