Kuredza Vanhu Mumvura Dzenyika Yose
“Nokuti kana ndichiparidza [mashoko akanaka, “NW”], handina chandingazvirumbidza nacho, nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi [mashoko akanaka, “NW”].”—1 VAKORINTE 9:16.
1, 2. (a) Ndivanaani vakaita zvirokwazvo denho inorehwa pana 1 VaKorinte 9:16, uye neiko uchipindura kudaro? (b) Mutoroi uyo Zvapupu zvaJehovha zvakagamuchira?
NDIVANAANI muzana rino ramakore rechi 20 vakasangana zvirokwazvo nedenho yakapiwa namashoko aPauro ari pamusoro apa? Ndivanaani vakapinda munyika mumamirioni kundoredza varume navakadzi avo vano“ziva chinodikanwa chavo chomudzimu”? (Mateo 5:3, NW) Ndivanaani vakapinda mungozi yokupinzwa mutorongo norufu, uye ndivanaani vakatambura zvakadaro munyika zhinji nemhaka yokuzadzika murairo waKristu uri pana Mateo 24:14?
2 Chinyorwa chinopindura, kuti: Zvapupu zvaJehovha. Gore rakapera roga Zvapupu zvinopfuura mamirioni mana zvakaenda paimba neimba ‘zvichizivisa mashoko akanaka’ munyika 211 nendima uye mumitauro inopfuura 200. Ivava vakanga vasiri chete boka rakasarudzwa ravafundisi vakarovedzwa. Aiwa, vose veZvapupu zvaJehovha vanonzwa mutoro wokuparidzira nokudzidzisa paimba neimba napanhambo iri yose yakafanira. Neiko vachinzwa kudikanwa ikoko kwokugoverana zvitendero zvavo navamwe? Nemhaka yokuti vanoziva kuti zivo inounza mutoro.—Ezekieri 33:8, 9; VaRoma 10:14, 15; 1 VaKorinte 9:16, 17.
Kuredza Vanhu, Denho Yenyika Yose
3. Basa rokuredza rinofanira kuva rakakura sei?
3 Iri basa guru rokuredza harina kuganhurirwa, sokunge zvakadaro, kurwizi rwakati kana kuti nyanza kana kuti kunyange gungwa rimwe. Aiwa, sokuraira kwakaita Jesu, rinofanira kuitwa “mumarudzi ose.” (Marko 13:10, NW) Asati akwira kuna Baba vake, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 28:19, 20, NW.
4. (a) Chii chinofanira kuve chakashamisa vateveri vaJesu vapakuvamba vechiJudha? (b) Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira sei ukuru hwebasa razvo rokuparidzira?
4 Kuvateveri vechiJudha vaJesu, ikoko kunofanira kuve kwakava basa rinokatyamadza. Akanga achiudza vadzidzi vake vechiJudha kuti zvino vaizofanira kubudira kuVamarudzi “vasina kuchena” vamarudzi ose ndokuvadzidzisa. Kwakada gadziridzo dzakati kuti vagamuchire simba romugove iwoyo ndokuita chiito pauri. (Mabasa 10:9-35) Asi pakanga pasina kunzvenga; Jesu akanga avaudza mumufananidzo kuti “munda inyika.” Naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinorangarira nyika yose senzvimbo yamaruramiro azvo okuredza. Hapagoni kuva no“muganhu wamakiromita 20” kana kuti “mvura dzendima” dzinoganhurira basa razvo rinobva kuna Mwari. Pane dzimwe nguva uchenjeri hunodikanwa uko kunenge kusina rusununguko rworudzidziso. Kunyanguvezvo, zvinoredza nepfungwa yekurumidziro. Neiko kwakadaro? Nemhaka yokuti zvinoitika zvenyika nokuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri zvinoratidzira kuti tiri murutivi rwokupedzisira rwebasa renyika yose rokuredza.—Mateo 13:38; Ruka 21:28-33.
Fambiro Mberi Mubasa Renyika Yose Rokuredza
5. Rudzii rwavanhu rwuri kugamuchira basa renyika yose rokuredza?
5 Vazhinjisa vavadyi venhaka voUmambo vakazodzwa vaka“redzwa” vachibva mumarudzi pamberi pa 1935, naizvozvo chiverengero chavo chakazara chakapedzwa zvikurukuru. Naizvozvo, zvikurukuru chifo cha 1935, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichitsvaka vanhu vanozvininipisa ivavo avo vangarondedzerwa sa“vanyoro” avo “vachava varidzi vapasi.” (Pisarema 37:11, 29, NW) Ivava vanhu vari “kugomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zviri kuitwa.” Vari kufamba vachida kutonga kwoUmambo hwaMwari “dambudziko guru” risati rarovanya tsika yezvinhu yakashata neyakaipa yaSatani uye vanamati vake vasati vaiswa mu“vira romwoto” roruparadziko rwokupedzisira.—Ezekieri 9:4; Mateo 13:47-50; 24:21, NW.
6, 7. (a) Inhanoi dzakaitwa muna 1943 pamusoro pebasa rokuparidzira? (b) Chii chave chiri miuyo yacho?
6 Basa renyika yose rokuredza rave richibudirira here kusvikira zvino? Maidi ngaazvitaurire amene. Shure muna 1943, Hondo yeNyika II yakanga ichiri kudya marasha, bva hama dzakatendeka dzakazodzwa dzapadzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, dzakadeya kuona kuti basa guru renyika yose rokuredza raizofanira kuitwa. Naizvozvo, inhanoi dzakaitwa?a—Zvakazarurwa 12:16, 17.
7 Muna 1943 Watchtower Society yakatanga chikoro chavafundisi chinonzi Gilead (chiHebheru, “Murwi weZvapupu”; Genesi 31:47, 48) icho chakavamba kurovedza vafundisi vane zana mwedzi mitanhatu iri yose kuti vagogona kutumirwa savaredzi vokufananidzira mupasi rose. Shure ipapo, pakanga pane Zvapupu 126 329 bedzi zvairedza vanhu nokushingaira munyika 54. Mukati mamakore gumi zviverengero izvozvo zvakanga zvodokusvetukira kuZvapupu 519 982 munyika 143! Zvirokwazvo, Chikoro cheGilead chakanga chichibereka varedzirume navaredzikadzi vakashinga, vaidisa kuenda kutsika dzokumwe ndokuchinjira kumvura itsva dzokuredza. Somuuyo, zviuru zvavanhu vane mwoyo wakatendeseka zvakagamuchira. Vafundisi ivavo, uye Zvapupu zvomunzvimbomo zvavakashanda nazvo, vakavanzarika nheyo yewedzero inoshamisa iyo zvino iri kuitika.
8, 9. (a) Mienzanisoi ingadudzwa yebasa rakatanhamara roufundisi? (b) Vafundisi vakaona sei kukura kwakatanhamara muminda yavo? (Onawo 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses.)
8 Nyanzvi zhinji dzakatendeka dzomumakirasi iwayo apakuvamba eGilead dzichiri kubatira mumigove yadzo yokumwe, kunyange zvazvo zvino vapfuura makore 70 kana kuti kunyange 80 ezera. Muenzaniso mumwe unoratidzira vazhinji vaivava ndouya waEric Britten ane makore 82 okukura nomudzimai wake, Christina, avo vakapedza kufunda mukirasi yechi 15 yeGilead muna 1950 uye vachiri kubatira muBrazil. Pavakaenda kundobatira muBrazil, makanga mune Zvapupu zvisingasviki 3 000 munyika iyoyo. Zvino mune zvinopfuura 300 000! Zvirokwazvo, ‘muduku azova rudzi rune simba’ muBrazil nemhaka yokuti basa rokuredza rave richibereka zvibereko.—Isaya 60:22.
9 Uye chii chatinogona kutaura pamusoro pavafundisi vari muAfrica? Vazhinjisa vakachinjira kutsika yakasiana zvikuru uye vakasvika pakuda marudzi omuAfrica. Mienzaniso chaiyo ndihama John naEric Cooke navadzimai vavo, Kathleen naMyrtle, zvino vari kubatira muSouth Africa. John naEric vakapedza kufunda mukirasi yechisere muna 1947. Pakati pavo vakabatira muAngola, Zimbabwe, Mozambique, uye South Africa. Vamwe vafundisi vakafira muAfrica nemhaka yehosha, uye vamwe nemhaka yehondo nechitambudzo, vakadai saAlan Battey naArthur Lawson, avo vakafa mukati mehondo yavagari vemo yemisi ichangobva kupfuura muLiberia. Bva, mvura dzeAfrica dzakabvumikisa kuva dzinobereka zvibereko zvikuru. Zvino mune Zvapupu zvinopfuura 400 000 zvakapararira munyika yose huru iyoyo.
Vose Vane Rutivi
10. Neiko mapiona ari kuita basa rinorumbidzwa uye munzirai?
10 Zvisinei, kunofanira kuzivikanwa kuti nepo vafundisi vokumwe vakasvika zviuru, vaparidzi vomunzvimbomo namapionab vakava mamirioni. Vari kuita zhinjisa rebasa rokuparidzira mupasi rose. Muna 1991 makanga mune avhareji yamapiona anopfuura 550 000 navashumiri vanofambira. Ichocho chiverengero chinoorora zvakadini patinofunga nezveizvi Zvapupu zvose zvakatendeka zviri kuita nhamburiko chaiyo yokutora rutivi mubasa guru rokuredza, zvinoita avhareji yamaawa api naapi kuvambira pa 60 kusvikira ku 140 okuparidzira mwedzi mumwe nomumwe. Vazhinji vanoita ikoku pakurega zvinhu kukuru kwomunhu oga nendyiko. Asi neiko? Nemhaka yokuti vanoda Jehovha Mwari wavo nomwoyo wavo wose, ndangariro, mweya, uye simba, uye vanoda vavakidzani vavo saivo vamene.—Mateo 22:37-39.
11. Ufakazii hwechokwadi huripo hwokushanda kwomudzimu waJehovha pakati pavanhu vake?
11 Chii chatinogona kutaura nezvezvimwe Zvapupu zvinopfuura mamirioni matatu nehafu izvo zvisiri mubasa renguva yakazara asi kunyanguvezvo zvinopa 100 muzana mubasa raJehovha, mukuwirirana nemigariro yazvo? Vamwe vadzimai, kunyange vanamai vanotarisira vana vaduku, avo kunyanguvezvo vanopa imwe yenguva yavo inokosha kubasa renyika yose rokuredza. Vazhinji varume kana kuti vanababa vane basa renguva yakazara rokunyika; bva, vanotsaura nguva pakupera kwamavhiki namanheru kuti vadzidzise zvokwadi kuvaenzi. Ipapo pane boka guru ravarume vasina kuroora navakadzi navaduku vanogoverana mukuparidzira uye vanorumbidza zvokwadi kupfurikidza nomufambiro wavo. Nderimwe bokai rorudzidziso rine vazvipiri vanopfuura mamirioni mana vasingabhadharwi avo mwedzi uri wose vanoparidzira mashoko akanaka okutonga kwoUmambo hwaMwari? Zvirokwazvo ikoku kunopupurira kushanda kwomudzimu waJehovha!—Pisarema 68:11; Mabasa 2:16-18; enzanisa naZekaria 4:6.
Zvinhu Zvinobetsera Kukura
12. Neiko vanhu vari kugamuchira zvokwadi uye muzviverengeroi?
12 Iri basa guru rokuparidzira riri kuunza miuyo inoshamisa gore riri rose. Muna 1991 Zvapupu zvitsva zvinopfuura 300 000 zvakabhapatidzwa kupfurikidza nokunyudzwa chose chose mumvura. Ikoko kunoenzana neungano dzinopfuura 3 000 neZvapupu 100 imwe neimwe! Kwose ikoku kunoitwa sei? Ngatiyeukei icho Jesu akataura: “Hakuna munhu angauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; . . . Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: ‘Vachadzidziswa vose na[Jehovha, NW].’ Mumwe nomumwe wakazvinzwa kuna Baba, akadzidza, unouya kwandiri.” Naizvozvo, hakusi chete kupfurikidza nenhamburiko yomunhu kuti mumwe anogamuchira kuredza kwenyika yose. Jehovha anonzwisisa chimiro chomwoyo uye anokwevera kwaari amene avo vakafanira.—Johane 6:44, 45; Mateo 10:11-13; Mabasa 13:48.
13, 14. Chimiroi chakaisvonaka icho Zvapupu zvakawanda zvakaratidzira?
13 Varedzi vavanhu vashandi, zvisinei, avo Jehovha anoshandisa kukwevera vanhu kwaari. Naizvozvo, chimiro chavo kuvanhu nendima kwavanoredza chinokosha. Kunokurudzira sei kuona kuti voruzhinji zvikuru vakarangarira zvakakomba mashoko aPauro kuvaGaratia, anoti: “Zvino ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaGaratia 6:9.
14 Zvapupu zvizhinji zvakatendeka zvave zvichiparidzira kwamakumi amakore, zvichisanotarira zvinoitika zvenyika. Zvakaona kuvamba nokuwa kwechiNazi, chiFascist, uye mamwe masangano anodzvinyirira. Zvimwe zvakapupurira hondo zhinji idzo dzakaitika chifo cha 1914. Zvakaona vatungamiriri venyika vachivimba neChinzwano chaMarudzi uye ipapo neChibatanwa chaMarudzi. Zvakaona basa raJehovha richirambidzwa uye gare gare richinyoreswa pamutemo munyika zhinji. Mukati maizvozvi zvose, Zvapupu zvaJehovha hazvina kurega kuita chiri chakaisvonaka, kubatanidza kubatira savaredzi vavanhu. Chinyorwa chakatanhamara zvakadini cheperero!—Mateo 24:13.
15. (a) Ibetseroi yatakava nayo mukuchinjira kuzvinodikanwa zvendima yedu yenyika yose? (b) Zvinyorwa zvakabetsera sei mumugove wako?
15 Kune zvimwe zvinhu izvo zvakabetsera uku kukura munyika yose. Chimwe chimiro chinochinjika chavaredzi kuzvinodikanwa zvendima. Nokutama kwavanhu vetsika dzakasiana-siana, marudzidziso, uye mitauro, Zvapupu zvaJehovha zvakakudza kunzwisisa kwazvo iyi mirangariro yakasiana-siana. Uye ungano yenyika yose yakabetsera zvikuru kupfurikidza nokugadzirira maBhaibheri namabhuku eBhaibheri mumitauro inopfuura 200. New World Translation of the Holy Scriptures, yose kana kuti murutivi, zvino iri mumitauro 13, kubatanidza chiCzech nechiSlovak. Bhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! zvino rave kuwanika mumitauro 198, kubvira muchiAlbanian kusvikira kuchiZulu, nokutsikirirwa kwamakopi ane mamirioni 72. Bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama rava kutowanika mumitauro 69. Mankind’s Search for God, rakabudiswa mumitauro 29, rinopa nzwisiso mumavambo nezvitendero zvamasangano makuru orudzidziso enyika uye riri kubvumikisa kuva yamuro yechienzi mukuredza munyika yose.
16. Vamwe vakaita sei kuzvinodikanwa zvokudzimwe nyika?
16 Chiizve chakapfuuridzira basa rokuredza renyika yose? Zviuru zvave zvichidisa kugamuchira ‘kudana kweMakedhonia.’ Sezvo Pauro akanga achidisa kubva muAsia Minor kuenda kuMakedhonia muEurope, pakudana kwaMwari, Zvapupu zvizhinji zvakatamira kunyika nendima uko kune kudikanwa kukuru zvikuru kwavaparidzi voUmambo, pamwe chete nokwavakuru navabatiri vanoshumira. Zvave zvakafanana navaredzi chaivoivo avo vanowana mvura dzavo dzomunzvimbomo kuva dzakaredzwa zvikuru ndokupinda mumvura dzine magwa mashomanene uye hove dzakawanda.—Mabasa 16:9-12; Ruka 5:4-10.
17. Mienzanisoi yatinayo yaavo vakagamuchira ‘kudana kweMakedhonia’?
17 Makirasi achangobva kupfuura echikoro chavafundisi cheGilead akabatanidza vadzidzi vakabva kunyika dzakasiana-siana dzeEurope avo vakadzidza chiNgezi uye ipapo vakazvipa vamene nokuda kwebasa mudzimwe nyika netsika. Nenzira yakafanana, kupfurikidza neChikoro Chokurovedza Vashumiri, hama zhinji dzisina kuroora dzinopiwa mwedzi miviri yerovedzo huru uye ipapo dzinotumirwa kumamwe marudzi kundosimbisa ungano namatunhu. Dzimwe nzvimbo dzokuredza dzechienzi indima idzo zvino dziri kuzaruka muEastern Europe naaichimbova maripabhureki eSoviet.—Enzanisa naVaRoma 15:20, 21.
18. (a) Neiko mapiona kazhinji kazhinji ari vashumiri vanobudirira? (b) Anogona sei kubetsera vamwe muungano?
18 Yamuro yokuwedzera mubasa renyika yose rokuredza Chikoro Chebasa Roupiona icho mapiona enguva dzose anopinda. Mumavhiki maviri okufukidzwa kukuru kwechinyorwa chinonzi Kupenya Sezvivheneko Munyika, chakasanogadzirirwa mapiona, vanovandudza mano avo oushumiri sezvavanorangarira misoro yakadai sokuti “Kuronda Nzira Yorudo,” “Teverai Jesu Somuenzaniso,” uye “Kukudziridza Unyanzvi Hwokudzidzisa.” Ungano dzose dzinoonga sei kuva naaya mapoka avaredzi vakakwaniriswa vapaimba neimba avo vanogona kurovedza vazhinji muiri basa guru rokuredza!—Mateo 5:14-16; VaFiripi 2:15; 2 Timotio 2:1, 2.
Tinogona Kuvandudza Here?
19. Kufanana nomuapostora Pauro, tinogona sei kuvandudza muushumiri hwedu?
19 Kufanana naPauro, tinoda kuva nechimiro chakanaka, chokutarira mberi. (VaFiripi 3:13, 14) Iye akachinjira kumarudzi ose avanhu nemigariro. Iye aiziva kuti aigona sei kuwana fariro uye kuti angarangarira sei pahwaro hwezvimiro zvomunzvimbomo netsika. Tinogona kutanga fundo dzeBhaibheri kupfurikidza nokuva vakasvinurira kukuita kwasaimba kushoko roUmambo uye ipapo kuchinjira mharidzo yedu kuzvinodikanwa zvomunhu. Nemhatsa huru yeyamuro dzefundo yeBhaibheri dzatinadzo, tinogona kugovera iyo inokodzera chitarisiko chomunhu wacho. Kuchinjika kwedu nokusvinurira zvinhu zvinokoshawo mukuredza kunobereka zvibereko.—Mabasa 17:1-4, 22-28, 34; 1 VaKorinte 9:19-23.
20. (a) Neiko basa redu rokuredza richikosha kwazvo zvino? (b) Chii chiri mutoro wedu womunhu mumwe nomumwe zvino?
20 Neiko iri basa rechienzi renyika yose rokuredza richikosha kwazvo zvino? Nemhaka yokuti kubva mumauporofita eBhaibheri anoratidzirwa muzvinoitika zvakaitika nezviri kuitika, kuri pachena kuti tsika yenyika yaSatani iri kunanga kumugumo une ngwavaira. Naizvozvo, chii icho isu, Zvapupu zvaJehovha, tinofanira kuva tichiita? Nyaya nhatu dzefundo dziri mumagazini ino dzasimbisa mutoro wedu wokuva vanoshanda zvakaoma navanoshingaira mumubato wedu wokuredza muchikamu chedu chemvura dzenyika. Tine chipikirwa chakasimba chinobva muBhaibheri chokuti Jehovha haasati achizokanganwa mubato wedu wokuredza wokushingaira. Pauro akati: “Mwari haasati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino. Zvino tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ashingaire saizvozvo, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.”—VaHebheru 6:10-12.
[Mashoko Omuzasi]
a Onawo Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 185 ne 186, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b “Muparidzi piona . . . Mushandi wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha.”—Webster’s Third New International Dictionary.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichirangarira nyika yose senzvimbo yemibato yazvo yokuredza?
◻ Chikoro chavafundisi cheGilead chave chiri chikomboreroi kubasa rokuredza?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvakabetsera budiriro yeZvapupu zvaJehovha?
◻ Tinogona sei somunhu mumwe nomumwe kuvandudza muushumiri hwedu hwechiKristu?
[Chati iri papeji 24]
MIUYO YOKUREDZA MUMARUDZI OSE
Gore Nyika Zvapupu
1939 61 71 509
1943 54 126 329
1953 143 519 982
1973 208 1 758 429
1983 205 2 652 323
1991 211 4 278 820
[Mufananidzo uri papeji 25]
Basa rokupupurira richiri kuitwa pakati pavaredzi veGarirea