Rudzi Rwomunhu Runoda Chaizvoizvo Mesia Here?
“NYIKA INODA MESIA, ANODARO MUKURU MUKURU”
Musoro mukuru iwoyo wakaoneka muThe Financial Post yeToronto, Canada, muna 1980. Mukuru mukuru akanokorwa mashoko akanga ari Aurelio Peccei, purezidhendi nomuvambi wesangano ravaongorori rinosanozivikanwa rinonzi Bandiko reRoma. Mukuwirirana nePost, Peccei akadavira kuti “mutungamiriri ane mbavarira—wesayenzi, wezvamatongerwe enyika, kana kuti worudzidziso—aizova ruponeso bedzi rwenyika kubva muchinjo dzenzanga nedzemari idzo dzinotyisidzira kuparadza shambidziko.” Iwe unofungei? Nyika ino iri chaizvoizvo mumugariro wakaipa wakadaro zvokuti rudzi rwomunhu runoda Mesia here? Rangarira chimwe chete chezvinetso nyika ino yakatarisana nacho—nzara.
MESO maviri makuru, matsvuku anokutarira ari mupikicha iri mupepanhau kana kuti magazini. Iwo meso omwana, kamusikana kaduku kasati kachimbova namakore mashanu okukura. Asi aya meso haasati achikunyemwereresa. Hakuna runako rwouhwana kwaari, hakuna pfungwa inofadza yeshamisiko, hakuna chivimbo chisina mhaka. Iwo akazadzwa panzvimbo pezvo namarwadzo okuvhiringidzika, kudzimba kusinganyanyi, nzara isina tariro. Mwana wacho ari kuziya nenzara. Marwadzo nenzara ndizvo bedzi akaziva.
Zvichida, kufanana navazhinji, iwe haudi kufunga zvikuru pamusoro pamapikicha akadaro, naizvozvo unokurumidza kuvhara peji yacho. Hakusati kuri kuti hauitiri hanya, asi unonzwa uchikangaidzwa nemhaka yokuti unofunga kuti kwava kunyanyononoka nokuda kwouyu musikana. Makumbo namaoko zvaondoroka nedumbu rakazvimba zviratidzo zvokuti muviri wake wakatovamba kuzvidya umene. Panosvika nguva yaunoona pikicha yake, iye zvimwe akatofa. Zvakaipa zvikuru, unoziva kuti chake hachisati chichitongova chinoitika chiri choga.
Chinetso chacho chikuru sei chaizvo? Eya, unogona kufungidzira here vana vane mamirioni 14? Vazhinjisa vedu hatigoni; nhamba yacho yakanyanyokura zvokusagona kuisa muchiono. Fungidzira, ipapoka, nhandare inogara vanhu 40 000. Zvino ifungidzire yakazadzwa zvikuru navana—mutsetse wezvigaro pamusoro pomutsetse, nhevedzano yezvigaro pamusoro penhevedzano yezvigaro, zviso zvakawanda. Kunyange ikoko kwakaoma kufananidzira. Bva, kungatora nhandare dzakadaro 350 dzakazadzwa navana kusvika kumamirioni 14. Mukuwirirana neUNICEF (United Nations Children’s Fund), iyoyo inhamba inokatyamadza yavana vari pasi pamakore mashanu ezera vanofa nemhaka yezvokudya zvisina kukwana nehosha dzinodzivisika nyore nyore gore rimwe nerimwe munyika dziri kubudirira. Ikoko kunosvika kuinodokuva nhandare imwe yakazara navana vanofa zuva rimwe nerimwe! Wedzera kuna ikoku nhamba yavakuru vane nzara, uye unowana hwerengedzo yenyika yose yavanhu vane bhirioni imwe vanodya zvisina kukwana nguva dzose.
Neiko Kune Nzara Yose?
Nyika ino panguva ino inobereka zvokudya zvakawanda kupfuura izvo vanhu zvino vanodya, uye ine simba rokubereka zvakawanda. Bva, miniti iri yose, vana 26 vanofa nemhaka yezvokudya zvisina kukwana nehosha. Mukati meminiti imwe cheteyo, nyika inoshandisa inenge Z$10 000 000 pakugadzirira nokuda kwehondo. Unogona here kufungidzira izvo mari iyoyo yose—kana kuti chikamu chayo chete—ingagona kuitira vana 26 ivavo?
Nenzira yakajeka, nzara yenyika haigoni kupiwa zvayo mhaka pakushaikwa kwezvokudya kana kuti mari. Chinetso chacho chinodzika zvikuru. Jorge E. Hardoy, purofesa weArgentina, akati, “nyika yose zvayo ine kusakwanisa kwenguva dzose kwokugoverana nyaradzo, simba, nguva, pfuma uye zivo naavo vanoda izvi zvinhu zvikuru.” Hungu, chinetso chacho, hachina pfuma yomunhu, asi chine munhu amene. Makaro noudyire zvinoratidzika kuva masimba anodzora muchaunga chavanhu. Chikamu chimwe chezvishanu chavapfumi zvikurusa chavagari vapasi chinofarikanya zvinhu nebetsero zvinopfuura naka 60 kupfuura zvinoita chikamu chimwe chezvishanu chavarombo zvikurusa.
Chokwadi, vamwe vari kuedza zvapachokwadi kusvitsa zvokudya kuvane nzara, asi hurusa dzenhamburiko dzavo dzinodziviswa nezvinhu zvavasingagoni kudzora. Nzara kazhinji kazhinji inorwadza nyika idzo dzasakadzwa nehondo yavagari vemo kana kuti kupandukira, uye hakusati kuri kwechienzi kuti mauto anorwisana adzivise migove yezvokudya kusvika vanoshaiwa. Mativi ose ari maviri anotya kuti kupfurikidza nokubvumira zvokudya kusvika vagari vemo vanoziya nenzara vari munyika yomuvengi, ivo vachava vachidyisa vavengi vavo. Hurumende dzimene hadzisati dziri dzisingashandisi kuziya nenzara sechombo chezvamatongerwe enyika.
Hapana Mhinduro Here?
Sezvineiwo, chinetso chamamirioni anoziya nenzara hachisati chichitongova njodzi bedzi inotambudza munhu wazvino uno. Ruparadziko rwakapararira nokukuvadzwa kwemhoteredzo, denda rinopfuurira rehondo iro rinoparadza mamirioni oupenyu, kupararira kwoutsotsi hwamasimba masimba uko kunobereka rutyo nokusavimba munzvimbo iri yose, uye mugariro wetsika unoipa nguva dzose uyo unoratidzika kuva uri pamavambo ezvakawanda zveizvi zvakaipa—njodzi dzose idzodzi dzenyika dzinobatana, sokunge zvakadaro, uye dzinosimbisa zvokwadi imwe cheteyo yakaoma—munhu haagoni kuzvitonga amene nenzira inobudirira.
Pasina panikiro ndokusaka vanhu vazhinji vakarasikirwa netariro yokuona mhinduro kuzvinetso zvenyika. Vamwe vanonzwa sezvakaita Aurelio Peccei, nyanzvi yeItaly yadudzwa pakuvamba. Kana pachifanira kuva nemhinduro, ivo vanorangarira kudaro, inofanira kubva—mumanyuko echienzi—zvichida kunyange anopfuura omunhu. Nokudaro murangariro wamesia une kufadza kwakasimba. Asi ndokwapachokwadi here kukarira mesia? Kana kuti tariro yakadaro inongova bedzi kufunga kwokushuva here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Mifananidzo yebutiro: Pamusoro: U.S. Naval Observatory photo; Pazasi: NASA photo
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
WHO photo yakatorwa naP. Almasy
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 4]
WHO photo yakatorwa naP. Almasy
U.S. Navy photo