RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/15 pp. 12-17
  • “Roorano Ngaikudzwe Pakati Pavose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Roorano Ngaikudzwe Pakati Pavose”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mugariro Unochinja
  • Ungano yechiKristu Inotapurwa
  • Kukweviwa Ndokunyengerwa
  • Chinokosha Kukudzivisa
  • Miedzo Inozivikanwa Kuvose
  • Imba Inogona Kubudirira Munyika Yanhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Itai Kuti Jehovha Asimbise Imba Yenyu Uye Aichengete
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/15 pp. 12-17

“Roorano Ngaikudzwe Pakati Pavose”

“Roorano ngaikudzwe pakati pavose, uye huvato hweroorano ngahuve husina kusvibiswa.”—VAHEBHERU 13:4, NW.

1. Vanhu vakawanda vakadzidzei pamusoro peroorano inobudirira?

MAMIRIONI avanhu, kunyange muzera rino rechatanuro iri nyore, anofarikanya roorano dzinotsungirira. Akawana nzira yokubudirira nayo, pasinei hapo nemisiano yohunhu uye mugariro wekare. Roorano dzakadaro dzinowanikwa pakati peZvapupu zvaJehovha. Muzvinoitika zvizhinjisa ava vanyakuroorana vachabvuma kuti vakava nenhambo dzavo dzinofadza uye dzisingafadzi, kunyange zvisakiso zvokunyunyutirana. Bva, vakadzidza kutsungirira zvitambudzo zviduku zveroorano ndokuchengeta chikepe chavo cheroorano chiri mugwara. Zvii zviri zvimwe zvezvinhu zvakavagonesa kuramba vachipfuurira?—VaKorose 3:13.

2. (a) Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvakanaka zvinotsigira roorano? (b) Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinogona kushatisa roorano? (Ona bhokisi riri papeji 14.)

2 Tsinhiro dzakaitwa navamwe vane roorano dzechiKristu dzave dzichifara uye dzichigarisa dzinokosha zvikuru. Mumwe murume wamakore 16 ari muroorano, akati: “Nguva ipi neipi chinetso chakamuka, takaita chaizvoizvo nhamburiko yokuteerera murangariro womumwe nomumwe.” Ikoku kunosimbisa chimwe chezvinhu zvinosimbisa muroorano dzakawanda—kurukurirano yakajeka, yapachokwadi. Mudzimai, akaroorwa kwamakore 31, akati: “Kubatana maoko uye kuita zvinhu zvinofadza kuchengeta rudo pakati pedu nguva dzose kwave kuri kwokutanga.” Uye ikoko rutivi rwokuwedzera rwekurukurirano. Vamwe vanyakuroorana, vakaroorana kwaanodokusvika makore 40, vakasimbisa kukosha kwokuchengeta mufungo wokusetsa, wokukwanisa kuzviseka vamene uye kusekana. Vakataurawo kuti kwakabetsera kukwanisa kuona zvakanakisisa uye zvakaipisisa zviri mune mumwe nomumwe ndokungoratidza rudo rwokuvimbika. Murume akadudza kudisa kubvuma mhosho uye ipapo kukumbira ruregerero. Uko kune mudzimu wokutera, roorano ichachinjika panzvimbo pokutyoka.—VaFiripi 2:1-4; 4:5, Kingdom Interlinear.

Mugariro Unochinja

3, 4. Ichinjoi muchimiro chendangariro dzakaitika pamusoro pokutendeka muroorano? Unogona kupa mienzaniso here?

3 Mumakumi amakore mashomanene apfuura, munyika yose, nzwisiso dzakachinja pamusoro pokutendeka muroorano. Vamwe vanhu vakaroorana vanodavira kuti hapana chakaipa nechinoitika, kutaurwa kwazvino kunofadza kwoupombwe, zvikurukuru kana mumwe mukwanyina achichiziva uye achichigamuchira.

4 Mumwe mutariri wechiKristu akatsinhira pamusoro pomugariro wacho, kuti: “Nyika yodokurega kuedza kwakakomba kupi nokupi kurarama mukuwirirana nebumbiro remitemo retsika. Mufambiro wakachena wasvika pakurangarirwa sowechinyakare.” Vanhu vakatanhamara vezvamatongerwe enyika, vemitambo, uye vevaraidzo vanoputsa pachena mipimo yeBhaibheri yomufambiro wakanaka, uye vanhu vakadaro vanopfuurira kupiwa mbiri. Panodokuva pasina kunyara kunobatanidzwa norudzi rupi norupi rwechakaipa chetsika kana kuti shatiso. Rucheno nokuperera hazvina kukosheswa nguva dzose muinonzi nzanga yakakwirira. Ipapo, panheyo yokuti ‘mbudzi kudya mufenje hufana nyina,’ vakawanda vanotevera muenzaniso iwoyo ndokufuratira izvo Mwari anoshurikidza. Kuri seizvo Pauro akakutaura, kuti: “Zvavakava vasitongorina pfungwa yose yetsika, vakazvipa vamene kumufambiro wokusazvidzora wokuita kusachena kworudzi rwuri rwose namakaro.”—VaEfeso 4:19, NW; Zvirevo 17:15; VaRoma 1:24-28; 1 VaKorinte 5:11.

5. (a) Chii chiri chimiro chaMwari pamusoro poupombwe? (b) Chii chinobatanidzwa nokushandisa kweBhaibheri shoko rokuti “ufeve”?

5 Mipimo yaMwari haina kuchinja. Chimiro chake kuti kugara pamwe chete pasina betsero yeroorano kurarama muufeve. Kusatendeka muroorano kuchiri upombwe.a Muapostora Pauro akataura zvakajeka, kuti: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, . . . havangagari nhaka youshe hwaMwari. Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, no[mudzimu, NW] waMwari wedu.”—1 VaKorinte 6:9-11.

6. Ikurudziroi yatinogona kuwana mumashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 6:9-11?

6 Pfundo rinokurudzira murugwaro irworwo kutaura kwaPauro, kwokuti, “Vamwe venyu vakanga vakadaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene.” Hungu, vazhinji avo munguva yakapfuura vaifamba mu“kusazvidzora” kwenyika vakafunga zvakanaka, vakagamuchira Kristu nechibairo chake, uye vakanga vacheneswa. Vakasarudza kufadza Mwari kupfurikidza nokurarama upenyu hwakanaka uye vanofara zvikuru somuuyo.—1 Petro 4:3, 4.

7. Irwisanoi iripo mukunzwisiswa kwo“utere,” uye ndoupi uri murangariro weBhaibheri?

7 Pane rumwe rutivi, rondedzero yenyika yazvino uno youtere yakarerutswa zvikuru zvokuti haiwirirani nomurangariro waMwari. Duramashoko rinorondedzera “utere” sohuno“pesana netsika dzakagadzwa.” “Tsika dzakagadzwa” dzanhasi, idzo dzinofuratira vatano yapamberi peroorano uye kunze kweroorano pamwe chete nevatano yavane mitezo yevatano yakafanana, ndidzo idzo Bhaibheri rinoshurikidza soutere. Hungu, mumurangariro weBhaibheri, utere kuputswa kwakakomba kukuru kwebumbiro remitemo retsika raMwari.—Eksodho 20:14, 17; 1 VaKorinte 6:18.

Ungano yechiKristu Inotapurwa

8. Utere hunogona sei kutapura avo vari muungano yechiKristu?

8 Utere nhasi hwakaparira kwazvo zvokuti hunogona kunyange kuisa dzvinyiriro pana avo vari muungano yechiKristu. Hunogona kuvapesvedzera kupfurikidza nepurogiramu dzeTV dzakapararira, dzinoshatisa, mavhidhiyo, uye zvokurava zvoutere. Kunyange zvazvo chikamu chiduku bedzi chamaKristu chichitapurwa, kunofanira kuzivikanwa kuti mhaka zhinjisa dzokudzinga kubva pakati peZvapupu zvaJehovha nokuda kwomufambiro wokusapfidza usina kufanira muKristu dzine chokuita nechimiro chakati choutere hwevatano. Kurutivi rwakanaka, chikamu chikuru chaavo vanodzingwa pakupedzisira vanoziva zvikanganiso zvavo, vanotangazve nzira yakachena youpenyu, uye pashure penguva yakati vanodzorerwa muungano.—Enzanisa naRuka 15:11-32.

9. Satani anoshandisa sei vasina kungwarira?

9 Hapana panikiro kuti Satani ari kufamba-famba seshumba inodzvova, akagadzirira kuparadza vasina kungwarira. Mazano ake, kana kuti “manomano,” ari kupinza mumusungo maKristu asina kungwarira gore riri rose. Mudzimu uripo nguva dzose wenyika yake hudyire, kurondwa kwomufaro, uye kusazvibata. Unogutsa zvishuvo zvenyama. Unoramba kuzvidzora.—VaEfeso 2:1, 2; 6:11, 12 (NW), mashoko omuzasi; 1 Petro 5:8.

10. Ndivanaani vanoedzwa, uye nei?

10 Ndiani muungano anogona kuratidzirwa kumiedzo youtere? MaKristu mazhinjisa, vangave vakuru vari muungano yomunzvimbomo, vatariri vanofambira, vashandi vapaBheteri, mapiona anoparidzira maawa akawanda mwedzi mumwe nomumwe, vabereki vakabatikana kurera mhuri, kana kuti vanhu vaduku vakatarisana nedzvinyiriro yavaenzani. Muedzo wokunyama unozivikanwa navose. Kwezvo yevatano inogona kutangwa pakunenge kusingakarirwi zvikuru. Nokudaro Pauro aigona kunyora, kuti: “Naizvozvo, unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa. Hakuno muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose.” Kunosuruvarisa, asi mamwe maKristu ari munzvimbo dzemitoro akatera kuiyi kwezvo youtere.—1 VaKorinte 10:12, 13.

Kukweviwa Ndokunyengerwa

11-13. Ndeipi iri mimwe migariro yakatungamirira kuutere?

11 Chii chiri miedzo nemigariro izvo zvakatungamirira vamwe kunzira youpenzi youpombwe noufeve? Zvakawanda uye zvakaoma uye zvingasiana munyika imwe neimwe kana kuti tsika. Zvisinei, pane migariro yakati mikuru inooneka munyika dzakawanda. Somuenzaniso, kunoshumwa kuti vamwe vakaronga mapati uko zvinwiwa zvinodhakisa zvaiwanika nyore nyore. Vamwe vakada nziyo dzenyika dzinokarakadzira uye kudzana kunonyandura. Mune dzimwe nharaunda dzeAfrica, mune varume vakapfuma—vasingatendi—vane varongo; vamwe vakadzi vakaedzwa kutsvaka chengeteko yemari mumugariro wakadaro kunyange zvazvo uchibatanidza utere. Mune dzimwe nharaunda varume vechiKristu vakasiya mhuri dzavo kuti vandowana zvokurarama nazvo mumigodhi kana kuti imwewo nzvimbo. Ipapo kuvimbika kwavo nokutendeka zvinoedzwa kusvikira kumwero wakati kana kuti munzira dzingadai dzisina kuwanwa shure kumusha.

12 Munyika dzakabudirira vamwe vakawira mumusungo waSatani kupfurikidza nokuva kazhinji kazhinji nomutezo une mitezo yokubereka nayo yakasiana uye pasina munhu wechitatu aripo—zvakadai sokuva woga nguva dzose mumotokari nomuridzi wokuchaira nokuda kwezvidzidzo zvokuchaira.b Vakuru vanoita shanyo dzokufudza vanofanirawo kungwarira kuti vasava voga nehanzvadzi pakuipa zano. Kurukurirano dzinogona kuva dzinonyandurwa nemirangariro ndokuguma nomugariro unonyadzisa nokuda kwavose vari vaviri.—Enzanisa naMarko 6:7; Mabasa 15:40.

13 Migariro yadudzwa yakatungamirira mamwe maKristu kuderedza kungwarira kwawo ndokuita zviito zvoutere. Kunyange sezvakaitika muzana rokutanga ramakore, akazvibvumira amene ku‘edzwa ndokukweviwa nezvishuvo zvawo amene zvenyama,’ uko kwakatungamirira kuchivi.—Jakobho 1:14, 15; 1 VaKorinte 5:1; VaGaratia 5:19-21.

14. Neiko udyire huri chinhu chikuru mumhaka dzoupombwe?

14 Kusanorangarirwa kwokudzinga kunoratidza kuti zviito zvoutere zvine zvinhu zvakati zvinokosha zvakafanana. Muzvinoitika zvakadaro pane chimiro chakati choudyire. Neiko tichitaura kudaro? Nemhaka yokuti muzvinoitika zvoupombwe, mumwe munhu kana kuti vanhu vasina mhaka vachakuvadzwa. Angava mukwanyina wapamutemo. Zvamazvirokwazvo vachava vana, kana pane vapi navapi, nokuti kana upombwe hukaguma nechatanuro, vana vavo, vanoshuva chengeteko yemhuri yakabatana, vangatambura zvikurusa. Mhombwe iri kufunga zvikurukuru nezvomufaro wayo imene nebetsero. Ihwohwo hudyire.—VaFiripi 2:1-4.

15. Zvii zvingave zvakava zvisakiso zvinokutungamirira kuupombwe?

15 Kazhinji kazhinji upombwe hahusi chiito chakamwe kamwe choutera. Pave pane kushata kushoma nokushoma, kunyange kusingacherechedzwi, muroorano imene. Zvichida kurukurirano yava inofinha kana kuti isina muuyo. Pangave pakava nekurudzirano duku. Mumwe nomumwe angave akakundikana kuonga mumwe. Vanyakuroorana vangave vasina kugutsa mumwe nomumwe muvatano kwenguva yakati. Zvamazvirokwazvo apo upombwe hunoitika, pave panewo ukama hunoderera naMwari. Jehovha haachacherechedzwi zvakajeka saMwari mupenyu anoziva mifungo yedu yose nezviito. Kungatova kuti mundangariro yemhombwe, “Mwari” rinongovawo zvaro shoko, munhuwo zvake asati ari rutivi rwoupenyu hwezuva nezuva. Ipapo kunova nyore zvikuru kutadzira Mwari.—Pisarema 51:3, 4; 1 VaKorinte 7:3-5; VaHebheru 4:13; 11:27.

Chinokosha Kukudzivisa

16. MuKristu anogona sei kudzivisa muedzo wokuva asina kutendeka?

16 Kana muKristu upi noupi akafanira kuzviwana amene achiedzwa kupinda munzira yokusatendeka, zvinhui zvinofanira kurangarirwa? Kutanga kwazvose, mufungo unofanira kupiwa kurevo yorudo rwechiKristu, rwakavakirwa zvakasimba panheyo dzeBhaibheri. Rudo rwomuviri kana kuti rwezvishuvo zvevatano harutongofaniri kubvumirwa kudzora ndokuparira mavambo okuwira muudyire, kuchiunza kutambura kuna vamwe. Panzvimbo pezvo, mugariro wacho unofanira kurangarirwa mumurangariro waJehovha. Unofanira kurangarirwa mumugariro mukuru zvikuru weungano uye ruzvidzo urwo mufambiro wakashata ungaunza pairi uye pazita raJehovha. (Pisarema 101:3) Ngwavaira ingadziviswa kupfurikidza nokuwana ndangariro yaKristu panhau yacho uye ipapo kuita nenzira inowirirana. Yeuka, rudo rwakafanana norwaKristu rwusina udyire harutongokundikani.—Zvirevo 6:32, 33; Mateo 22:37-40; 1 VaKorinte 13:5, 8.

17. Mienzanisoi inovaka yokutendeka yatinayo?

17 Chinokosha kukudzivisa kusimbisa kutenda kwomunhu uye chiono chetariro iri mberi. Ikoku kunoreva kuchengeta zvikurukuru mumwoyo mienzaniso yakatanhamara yeperero iyo varume navakadzi vokutendeka vekare, uye Jesu amene, vakasiya. Pauro akanyora, kuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga pa[danda rokutambudzira, NW] nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari. Nokuti cherekedzai uyo wakatsunga pakukakavara kwakadai kwavatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.” (VaHebheru 12:1-3) Panzvimbo pokuparadza chikepe cheroorano, munhu akachenjera achafunga nezvenzira dzokugadzira nadzo kuvadziko ipi neipi kuti aidzorere kumugariro wakanaka, nokudaro achidzivisa ngozi younyengeri nokusatendeseka.—Jobho 24:15.

18. (a) Neiko unyengeri risati riri shoko rakasimba zvikuru kurondedzera upombwe? (b) Mwari anorangarira sei kuripirwa kwemhiko?

18 Unyengeri, uhwo huri rumukiro, ishoko rakasimba zvikuru pamusoro poutere here? Rumukiro kuregwa kworuvimbiko kana kuti chivimbo. Zvirokwazvo mhiko yeroorano inobatanidza ruvimbiko nechitsidzo zvokuda nokutarisira, munguva dzose dzakanaka nedzakashata. Inobatanidza chimwe chinhu icho vazhinji vanorangarira kuva chechinyakare nokuda kwenguva dzatinorarama madziri—shoko romunhu rorukudzo rinotaurwa mumhiko yeroorano. Kurega ruvimbiko irworwo kuita chimiro chakati chokumukira mukwanyina wako. Murangariro waMwari wemhiko unotaurwa zvakajeka muBhaibheri: “Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika.”—Muparidzi 5:4.

19. Satani anofara apo Chapupu chinokundikana mukupesana nechii?

19 Ngaparege kuva nokupanikira pamusoro pako. Sezvo pane kufara kukuru mudenga pamusoro pokuponeswa kwomutadzi mumwe, naizvozvo pane kufara kukuru pasi pano pakati pamapoka aSatani, anooneka neasingaoneki, apo mumwe weZvapupu zvaJehovha anokundikana kuchengeta perero yake.—Ruka 15:7; Zvakazarurwa 12:12.

Miedzo Inozivikanwa Kuvose

20. Tinogona sei kudzivisa muedzo? (2 Petro 2:9, 10)

20 Utere hahudzivisiki mune zvimwe zvinoitika here? Nyama naSatani zvakasimba kwazvo zvokuti maKristu haagoni kudzivisa ndokuchengeta perero yawo here? Pauro anopa kurudziro muaya mashoko, anoti: “Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” Munyika yanhasi tingasadzivisa muedzo chose chose, asi kupfurikidza nokutendeukira kuna Mwari mumunyengetero, zvamazvirokwazvo tinogona kutsungirira ndokukurira muedzo upi noupi.—1 VaKorinte 10:13.

21. Mibvunzoi ichapindurwa mufundo yedu inotevera?

21 Mwari anotipei kutibetsera kutsungirira miedzo ndokubuda takurira? Chii chatinoda somunhu oga kuti tidzivirire roorano dzedu, mhuri dzedu, pamwe chete nomukurumbira wezita raJehovha uye uyo weungano? Nyaya yedu inotevera ichabata mibvunzo iyoyo.

[Mashoko Omuzasi]

a “‘Ufeve’ mumufungo wakafara, uye sezvakashandiswa pana Mateo 5:32 uye 19:9, sezviri pachena hunonongedzera kutambanuko yakafara yevatano isati iri yapamutemo kana kuti yakaipa kunze kweroorano. Porneia [shoko rechiGiriki rinoshandiswa mumagwaro iwayo] anobatanidza kushandiswa kwakakomba kwoutere kwemu[i]tezo wo[yo]kubereka nawo[yo] yeanenge munhu mumwe (mungave munzira yomuzvarirwo kana kuti yakashata); uyewo, panofanira kuva paiva nomumwe kuutere hwacho—munhu womutezo wokubereka nawo upi kana upi, kana kuti chikara.” (Nharireyomurindi, September 1, 1983, peji 31) Upombwe: “Vatano yokuzvidira pakati pomunhu akaroora nomumwe asiri murume kana kuti mudzimai wapamutemo.”—The American Heritage Dictionary of the English Language.

b Sezvinooneka, pangava nenguva dzakafanira apo hama ingatakura hanzvadzi, uye migariro yakadaro haifaniri kusanzwisiswa.

Unoyeuka Here?

◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinobetsera kusimbisa roorano?

◻ Nei tichifanira kudzivisa murangariro wenyika wetsika?

◻ Ndeipi iri mimwe miedzo nemigariro zvinogona kutungamirira kuutere?

◻ Chii chiri chinokosha chikuru kukudzivisa chivi?

◻ Mwari anotibetsera sei munguva dzomuedzo?

[Bhokisi riri papeji 14]

ZVINHU ZVINOZIVIKANWA NAVOSE MUROORANO DZINOGARISA

◻ Kuomerera zvakasimba kunheyo dzeBhaibheri

◻ Vakwanyina vose vari vaviri vane ukama hwakasimba naJehovha

◻ Murume anoremekedza mudzimai wake, mirangariro yake uye pfungwa dzake

◻ Kurukurirano yakanaka pahwaro hwezuva nezuva

◻ Tsvakai kufadzana

◻ Mufungo wokusetsa; kukwanisa kuzviseka umene

◻ Bvuma mhosho nenzira yakasununguka; kanganwira nenzira yakasununguka

◻ Chengetai rudo rwuri rupenyu

◻ Ivai vakabatana mukurerwa nokurangwa kwavana

◻ Kubatana nguva dzose mumunyengetero kuna Jehovha

ZVINHU ZVAKAIPA ZVINOSEKESA ROORANO

◻ Udyire nechisimbwa

◻ Kukundikana kuita zvinhu pamwe chete

◻ Kurukurirano isina kutsarukana

◻ Kushaikwa kwokutsvaka zano kwakaringana pakati pavakwanyina

◻ Kutarisirwa kwemari kusina kutsarukana

◻ Misiano yemwero mukubata navana uye/kana kuti vana vokurera

◻ Murume anoshanda kusvikira usiku kana kuti anoregeredza mhuri nokuda kwemimwe mibato

◻ Kukundikana kutarisira zvinodikanwa zvomudzimu zvemhuri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kuchengeta roorano ichikudzwa kunounza mufarwa unogara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe