Unokanganwira Here?
BILL nomwanasikana wake aiva namakore 16 okukura, Lisa, vaiva nechinetso chokuwirirana. Kusabvumirana kuduku pakati pavo kazhinji kazhinji kwaiguma nokutukana. Pakupedzisira, kunetsana kwacho kwakasvika papfundo rokuti Lisa akakumbirwa kubva pamba.a
Pashure penguva yakati, Lisa akasvika pakuziva kuti akanga ane mhaka ndokutsvaka kanganwiro yababa vake. Asi panzvimbo pokufuratira zvikanganiso zvomunguva yakapfuura zvaLisa, baba vake vakashatirwa vakaramba nhamburiko dzake dzokuita rugare. Fungidzira! Vakanga vasingadisi kupa ngoni kumwanasikana wavo vamene!
Mazana amakore apfuura mumwe murume asina mhaka akashurikidzwa kuti afire mhaka iyo asina kupara. Zvapupu zvakapa chipupuriro chenhema, uye vakuru vakuru vezvamatongerwe enyika vakaramba namaune kuita ruramisiro. Murume iyeyo asina mhaka akanga ari Jesu Kristu. Chinguvana asati afa, akakumbira Mwari nenzira yokunyengetera, kuti: “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.”—Ruka 23:34.
Jesu akakanganwira norusununguko, kuchibva mumwoyo make, uye vateveri vake vakakurudzirwa kumutevedzera muna ikoku. (VaEfeso 4:32) Kufanana naBill, zvisinei, vakawanda havadisi nenzira ine utsinye kukanganwira. Unokwanirisa sei muna ikoku? Unodisa here kukanganwira vamwe apo vanokutadzira? Uye zvakadiniko nezvezvivi zvakakomba? Izvozvi zvinofanira kukanganwirwawo here?
Kanganwiro Idenho
Kupa kanganwiro hakusi nyore nguva dzose. Uye munguva dzino dzinotambudza, ukama hwavanhu hwazova hune zvinetso zvikuru nguva dzose. Upenyu hwemhuri zvikurukuru hunowanzozadzwa nokunetseka nedzvinyiriro. Muapostora wechiKristu Pauro kare kare akataura kuti migariro yakadaro yaizopararira mu“mazuva okupedzisira.” Iye akati: “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, . . . vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi.”—2 Timotio 3:1-4.
Nenzira isingadzivisiki, ipapoka, tose zvedu tinotarisana nedzvinyiriro dzokunze idzo dzinoedza mano edu okukanganwira vamwe. Mukuwedzera, tinorwisanawo nedzvinyiriro dzomukati. Pauro akachema, kuti: “Zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.” (VaRoma 7:19, 20) Somugumisiro, vakawanda vedu havasati vari vanokanganwira sezvatinoda kuti kudai taiva. Pashure pokurangarira zvose, kusakwana kwakagarwa nhaka nechivi zvinoshandisa pesvedzero ine simba patiri tose, pane dzimwe nguva zvichititorera ngoni nokuda kwavanhu biyedu.
Apo akakurudzirwa kukanganwira mumwe nokuda kwechikanganiso chiduku, mumwe mukadzi akapindura, kuti: “Hakuna munhu akafanirwa nenhamburiko yakunoda kuti ukanganwire.” Nechapamusoro tsinhiro yakadaro ingaratidzika kuva yokusakendenga, yokusakatara, kunyange yokuwanira mhaka. Tichirangarira zvikuru, zvisinei, tinoona kuti inoratidzira kangaidziko iyo vanhu vakawanda vanonzwa apo vanotarisana nenyika iyo vanorangarira kuva ine udyire, isingaitiri hanya, uye ine utsinye. Mumwe murume akati: “Vanhu vanokushandisa zvisakafanira apo unovakanganwira. Kwakafanana nokutsikwa.”
Hakushamisi, ipapoka, kuti kusakurira chimiro chendangariro chokukanganwira kwakaoma mumazuva ano okupedzisira. Zvisinei, Bhaibheri rinotikurudzira kukanganwira nomutsa. (Enzanisa na 2 VaKorinte 2:7.) Neiko tichifanira kuva vanokanganwira?
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.