Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Betsero dzebasa rouprista hukuru hwaKristu Jesu, dzinodudzwa pana VaHebheru 4:15, 16, dzinoshanda sei ku“mamwe makwai” zvino?
Kunyange zvazvo basa raJesu soMuprista Mukuru rine revo huru nokuda kwaavo vachava naye mudenga, vaKristu vane tariro dzapasi vanobetserwa kunyange zvino nebasa rouprista hwaJesu.
Chibviro chaAdhama, vanhu vave vachiremedzwa nechivi. Tinotambura kusakwana kwakagarwa nhaka, sezvakaita vaIsraeri. Vakatendeukira kumutsara murefu wavaprista vakuru navaprista vanokumbanira, avo vaipa zvibayiro nokuda kwezvivi zvavo vamene uyewo nokuda kweizvo zvavanhu. Mushure menguva yakati, Jesu akazodzwa somuprista “maererano nomutoo waMerkizedheki.” Mushure mokunge amutswa, Jesu akaoneka pamberi paJehovha kuti ape ukoshi hwechibayiro chake chakakwana chounhu.—Pisarema 110:1, 4, NW.
Ikoku kunorevei nokuda kwedu nhasi? Mutsamba yake kuvaHebheru, Pauro akakurukura basa raJesu soMuprista Mukuru. Pana VaHebheru 5:1, tinorava, kuti: “Muprista mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abayire zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.” Ipapo,VaH 5 mundima 5 ne 6, Pauro akaratidza kuti Jesu akava muprista mukuru, uko kunogona kutungamirira kubetsero nokuda kwedu.
Seiko? Pauro akanyora, kuti: “Kunyange aiva Mwanakomana, wakadzidza kuteerera nezvaakatambudzika; akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera.” (VaHebheru 5:8, 9) Pakutanga, ndima iyoyo ingaita kuti tifunge nezvenzira iyo tichakwanisa kubetserwa nayo munyika itsva, apo avo vakavimbika kuna Mwari naJesu vachabvisirwa chimiro chavo chokusakwana uye vachawana upenyu husingaperi. Iyoyo ikariro yakasimba, yakavakirwa paukoshi hunodzikinura hwechibayiro chaJesu nebasa rake soMuprista Mukuru.
Chaizvoizvo, kunyange zvakadaro, tingabetserwa iko zvino norutivi kana kuti basa rake soMuprista Mukuru. Cherechedza VaHebheru 4:15, 16 inoti: “Hatino muprista mukuru usingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi wakaidzwa pazvinhu zvose sesu, asine zvivi. Naizvoizvo, ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha, kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.” “Nguva yakafanira” yaizova rini? Apo tinoda ngoni nemutsa usakafanirwa. Tose zvedu, nemhaka yokusakwana kwedu, tinofanira kunzwa ichi chinodikanwa zvino.
VaHebheru 4:15, 16 rinobudisa mufungo wokuti Jesu—zvino muprista mudenga—akambovawo munhu, naizvozvo anogona kuva anonzwira urombo. Vanaani? Isu. Rini? Zvino. Apo akanga ari munhu, Jesu akatambura dzvinyiriro dzinozivikanwa navanhu. Panhambo nenhambo, Jesu akava nenzara nenyota. Uye pasinei zvapo nokuva akakwana, akaneta. Ikoko kunofanira kutikurudzira. Neiko? Nemhaka yokuti Jesu akatambura kuneta kwomuzvarirwo, anoziva nzira yatinowanzonzwa nayo. Yeukawo, kuti Jesu aifanira kurwisana nokukakavara kwegodo pakati pavadzidzi vake. (Marko 9:33-37; Ruka 22:24) Hungu, aiva nokuora mwoyo. Ikoko hakufaniri kutipa chivimbo here chokuti anonzwisisa apo tinokangaidzwa, tinoodzwa mwoyo here? Zvirokwazvo.
Apo unoodzwa mwoyo, chii chaunogona kuita? Pauro akataura here kuti unongofanira kumirira kutozosvikira, munyika itsva, Muprista wako Mukuru, Jesu, akubetsera kuva akakwana mundangariro nomumuviri? Aiwa. Pauro akati: “Tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira,” uye ikoko kunobatanidza zvino. Kupfuurirazve, apo Jesu akanga ari munhu, akawana matambudziko nenhamo, achi“idzwa pazvinhu zvose sesu.” Naizvozvo apo tinotarisana nezvinhu zvakadaro, akagadzirira kutibetsera, zvichivakirwa panzwisiso yake yezvatiri kutambura. Ikoko hakutikweveri kwaari here?
Zvino cherechedzaVaH 4 ndima 16. Pauro anotaura kuti isu—uye ikoku kunobatanidza vose vari vaviri vakazodzwa naavo vamamwe makwai—tinogona kusvika Mwari norusununguko rwokutaura. (Johane 10:16) Muapostora haana kureva kuti isu mumunyengetero tinogona kutaura chinongova chinhu chipi nechipi chatinoda, kunyange zvinhu zvokutsamwa, zvisina kukodzera. Panzvimbo pezvo, pahwaro hwechibayiro chaJesu nebasa rake soMuprista Mukuru, tinogona kusvika Mwari pasinei zvapo nokuva kwedu vatadzi.
Imwe nzira iyo tinogona kubetserwa nayo kunyange zvino nebasa roMuprista wedu Mukuru, Jesu Kristu, inobatanidza zvivi zvedu, kana kuti zvikanganiso. Zvirokwazvo hatikariri kuti mutsika yazvino Jesu aizoshandisa kwatiri runako rwakazara rwechibayiro chake. Kunyange kudai akadaro, taizongova tiri tisina upenyu husingaperi. Yeuka chakaitika chakanyorwa pana Ruka 5:18-26, chinobatanidza murume akaoma mitezo ane mubhedha wake wakadzikiswa napakavhurwa mudenga reimba? Jesu akamuudza, kuti: “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.” Ikoko hakuna kureva zvivi zvakati izvo zvakaparira kuoma mitezo. Kunofanira kuva kwakareva zvivi zvose hazvo zvomurume wacho, uye kusvikira kumwero wakati kungagona kuve kwakabatanidza kusakwana kwake kwakagarwa nhaka, uko kunoparira kutambura.
Kuchivakirwa pachibayiro icho aizopa, Jesu aigona kutakura zvivi zvomurume wacho, seizvo mbudzi yaAzazeri yaitakura zvivi zvaIsraeri paZuva Rokuyananisa. (Revhitiko 16:7-10) Bva, murume wacho akaoma mitezo akanga achiri munhu. Aizotadza zvakare, uye mushure menguva yakati akafa, seizvo vatadzi vanofanira. (VaRoma 5:12; 6:23) Izvo Jesu akataura hazvina kureva kuti murume wacho akawana upenyu husingagumi pakarepo. Asi murume wacho akakomborerwa nomwero wakati wekanganwirwo panguva iyoyo.
Zvino rangarira mamiriro edu ezvinhu. Tichiva vasina kukwana, tinokanganisa zuva nezuva. (Jakobho 3:2) Chii chatinogona kuita pamusoro pako? Eya, mudenga tine Muprista Mukuru ane ngoni uyo kupfurikidza naye tinogona kusvika Jehovha mumunyengetero. Hungu, seizvo Pauro akanyora, tose zvedu tinogona ku“swede[ra] tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha [chaMwari], kuti tinzwirwe ngoni, tiwane nyasha, tibatsirwe nenguva yakafanira.” Somugumisiro, nhasi vose avo vari vamamwe makwai vari kuwana zvirokwazvo betsero dzinoshamisa, kubatanidza hana yakachena, kubva mubasa rouprista hukuru hwaKristu.
VaKristu vose vane tariro yapasi vanogona kukarira betsero dzakaisvonaka zvikuru munyika itsva iri kuswedera. Ipapo Muprista wedu Mukuru wokudenga achashandisa zvizere runako rwechibayiro chake, kuchitungamirira kukukanganwirwa kwechivi kwakakwana. Achatambanudzawo betsero huru zvikuru kupfurikidza nokutarisira utano hwenyama nohwomudzimu hwavanhu. Uye Jesu achafutunura zvikuru dzidzo yavanhu vaMwari pasi pano, sezvo kudzidzisa Mutemo rakanga riri basa guru ravaprista muna Israeri. (Revhitiko 10:8-11; Dheuteronomio 24:8; 33:8, 10) Nokudaro, nepo tichibetserwa nebasa rouprista hwaJesu zvino, zvakawanda zvikuru zvakatimirira!