RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/1 pp. 4-7
  • Mwari Anokuitira Hanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anokuitira Hanya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wakare
  • Jehovha Akakukweva
  • Zvishamiso zvaJesu
  • Jehovha Anova Mutusi
  • Pane Mumwe Munhu Ane Hanya Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jehovha Ane Hanya Newe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jehovha “Anopa Mubayiro Vanomutsvaka Nemwoyo Wose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jehovha Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/1 pp. 4-7

Mwari Anokuitira Hanya

MARY, mukadzi wechiKristu ane zera ramakore omukupera kwama40, akatambura zvakawanda muupenyu hwake. Upombwe hwomurume wake hwakatungamirira kukurambana anopfuura makore gumi akapfuura. Pashure pacho, Mary akatambura kuti aite basa rake somubereki mumwe kuvana vake vana. Asi achiri oga, uye padzimwe nguva ushoma hunoratidzika kuva husingatsungiririki. Mary anoshamisika kuti, ‘Ikoku kunoreva kuti Mwari haaitiri hanya ini kana kuti vana vangu vasina baba here?’

Kana wakawana nhamo yakafanana kana kuti kwete, zvirokwazvo iwe unogona kusiririswa nokunzwa kwaMary. Tose zvedu takatsungirira mamirire ezvinhu anotambudza, uye tingave takashamisika kuti Jehovha aizoita chiito rini uye sei chaizvo nokuda kwedu. Zvimwe zveizvi zviitiko mugumisiro wakananga wokuomerera kwedu kumitemo yaMwari. (Mateo 10:16-18; Mabasa 5:29) Zvimwe mugumisiro wokuva kwedu vanhu vasina kukwana vanogara munyika inotongwa naSatani. (1 Johane 5:19) Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwe chete.”—VaRoma 8:22.

Zvisinei, idi rokuti wakatarisana nomuedzo wakakomba harirevi kuti Jehovha akusiya kana kuti haafariri garikano yako. Unogona seiko kuva nechokwadi chaikoku? Chii chinoratidza kuti Mwari anokuitira hanya?

Muenzaniso Wakare

Bhaibheri rinogovera ufakazi hwakajeka hwokuitira hanya kwaJehovha vanhu savanhu vamwe navamwe. Rangarira Dhavhidhi. Jehovha akanga achifarira somunhu oga uyu mufudzi, achimuwana kuva “munhu unofadza mwoyo wake.” (1 Samueri 13:14) Gare gare, apo Dhavhidhi akatonga samambo, Jehovha akamuvimbisa, kuti: “Ndichabvumikisa kuva newe kupi kana kupi kwaunoenda.”—2 Samueri 7:9, NW.

Ikoku kunoreva here kuti Dhavhidhi airarama upenyu “hwakadzivirirwa,” husina nhamo ipi neipi? Aiwa, Dhavhidhi akatarisana nemiedzo yakakomba pose pari paviri kutonga kwake kusati kwasvika uye mukati mako. Kwamakore anoverengeka asati ava mambo, iye akarondwa pasina kurega naMambo Sauro anoponda. Mukati meiyi nhambo youpenyu hwake, Dhavhidhi akanyora, kuti: “Mweya wangu uri pakati peshumba . . . ivo vanakomana vavanhu, vane meno anenge mapfumo nemiseve.”—Pisarema 57:4.

Zvisinei, munhamo yake yose Dhavhidhi akapwiswa nezveitiro hanya yomunhu oga yaJehovha. “Imi munoverenga madzungairire angu,” akazivisa kudaro mumunyengetero kuna Jehovha. Hungu, kuna Dhavhidhi kwakanga kwakaita sokunge Jehovha akanga anyora chinyorwa chenhamo yacho yose. Ipapo Dhavhidhi akawedzera, kuti: “Isai misodzi yangu mumudziyo wenyu; haizi murugwaro rwenyu here?”a (Pisarema 56:8) Nouyu muenzaniso, Dhavhidhi akaratidzira chivimbo chokuti Jehovha akanga achiziva kwete bedzi mamirire acho ezvinhu asiwo kutapura mirangariro kwawo.

Nechokumugumo kwoupenyu hwake, Dhavhidhi aigona kunyora kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga, kuti: “Mufambire womunhu unosimbiswa naJehovha; unofarikanya munzira yake. Kunyange akawa, haangawiswi chose; nokuti Jehovha unomutsigira noruoko rwake.” (Pisarema 37:23, 24) Iwewo unogona kuva nechivimbo chokuti kunyange kana miedzo yako ichipfuurira uye ichienderera mberi, Jehovha anocherekedza uye anokoshesa tsungiriro yako. Pauro akanyora, kuti: “Nokuti Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, zvamakashumira vatsvene, muchivashumira nazvino.”—VaHebheru 6:10.

Zvakare, Jehovha anogona kuita chiito nokuda kwako kupfurikidza nokukupa simba rokutsungirira mhinganidzo ipi kana ipi inoiswa munzira yako. “Wakarurama une ma[t]ambudzo mazhinji,” akanyora kudaro Dhavhidhi, “asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” (Pisarema 34:19) Zvirokwazvo, Bhaibheri rinotiudza kuti meso aJehovha “anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.

Jehovha Akakukweva

Ufakazi hwokuwedzera hweitiro hanya yomunhu oga yaJehovha hunogona kuwanwa mumashoko aJesu. “Hakuna munhu ungauya kwandiri,” iye akadaro, “kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi.” (Johane 6:44) Hungu, Jehovha anobetsera vanhu somunhu mumwe nomumwe kushandisa betsero dzechibayiro chaKristu. Seiko? Kusvikira kutambanuko huru, kuri kupfurikidza nebasa rokuparidza Umambo. Chokwadi, iri basa rinobatira se“uchapupu kumarudzi ose,” bva rinosvika vanhu pahwaro hwomunhu mumwe nomumwe. Idi rokuti uri kuteerera nokudavidza kushoko remashoko akanaka ufakazi hwekukuitira hanya kwomunhu oga kwaJehovha.—Mateo 24:14, NW.

Kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake, Jehovha anokweverawo vanhu vamwe navamwe kuMwanakomana wake netariro youpenyu husingagumi. Iwoyu unogonesa munhu mumwe nomumwe kunzwisisa ndokushandisa zvokwadi dzomudzimu pasinei zvapo neganhuriro dzomuzvarirwo nokusakwana. Chaizvoizvo, munhu haagoni kunzwisisa zvinangwa zvaMwari pasina betsero yomudzimu waMwari. (1 VaKorinte 2:11, 12) Sokunyora kwakaita Pauro kuvaTesaronika, “havazi vose vanotenda.” (2 VaTesaronika 3:2) Jehovha anogovera mudzimu wake bedzi kuavo vanoratidzira kudisa kukweverwa kwaari.

Jehovha anokweva vanhu nemhaka yokuti anovada savanhu vamwe navamwe uye anoda kuti vawane ruponeso. Ufakazi hwakasimba hwakadini hweitiro hanya yomunhu oga yaJehovha! Jesu akati: “Hakuzi kuda kwaBaba venyu vari kudenga, kuti mumwe wavaduku ava afe.” (Mateo 18:14) Hungu, mumeso aMwari munhu ari wose anokosha somunhu oga. Ndicho chikonzero nei Pauro aigona kunyora, kuti: “Iye uchapa mumwe nomumwe paakaita napo.” (VaRoma 2:6) Uye muapostora Petro akati: “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu [munhu mumwe], unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Zvishamiso zvaJesu

Kufarira vanhu kwomunhu oga kwaMwari kwakaratidzirwa nenzira inoorora muzvishamiso zvakaitwa noMwanakomana wake, Jesu. Uku kuporesa kwakava pamwe chete netsitsi. (Marko 1:40, 41) Sezvo Jesu asinga“goni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita,” tsitsi dzake dzinoratidzira kuitira hanya kwaJehovha mumwe nomumwe wavabatiri vake.—Johane 5:19.

Rangarira nhoroondo yechishamiso icho Jesu akaita, yakanyorwa pana Marko 7:31-37. Pano Jesu akaporesa murume akanga ari matsi uye aitambura nokukakamira. Iye “akamubvisa [murume wacho] pakati pavanhu vazhinji,” Bhaibheri rinorondedzera kudaro. Ipapo, “akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari: Efata, ndokuti: Dziuka.”

Neiko Jesu akabvisa uyu murume paboka? Eya, kungave kuti munhu ari matsi anonetseka kutaura aizonzwa achinyara pamberi pavaoni. Jesu angave akacherekedza kusasununguka kwouyu murume, uye ndokusaka akasarudza kumuporesa pachivande. “Nhau yacho yose,” inotsinhira kudaro imwe nyanzvi yeBhaibheri, “inotiratidza nenzira yakajeka zvikurusa kuti Jesu haana kurangarira murume wacho sechiitiko bedzi; akamurangarira somunhu. Murume wacho akanga ane chinodikanwa chaicho nechinetso chaicho, uye nokurangarira kwounyoro zvikurusa Jesu akabata naye nenzira isina kukuvadza mirangariro yake uye nenzira yaaigona kunzwisisa.”

Iyi nhoroondo inoratidza kuti Jesu akanga ane kuitira hanya vanhu kwomunhu oga. Unogona kuva nechokwadi chokuti anongokufarira zvakafanana. Chokwadi, rufu rwake rwechibayiro rwakanga rwuri kuratidzirwa kworudo nokuda kwenyika yose yorudzi rwomunhu runodzikinurika. Bva, unogona kutora chiito ichocho somunhu oga, sezvakaita Pauro, uyo akanyora, kuti: “Mwanakomana waMwari . . . akandida ndokuzvipa nokuda kwangu.” (VaGaratia 2:20, NW) Uye sezvo Jesu akatsinhira kuti ‘akanga amuona akanga aonawo Baba,’ tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anofarira zvakafanana mumwe nomumwe wavabatiri vake.—Johane 14:9.

Jehovha Anova Mutusi

Kupinza zivo yaMwari kunobatanidza kusvika pakuziva rutivi rumwe norumwe rwounhu hwake sezvarunoziviswa muBhaibheri. Zita rimene rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anosakisa Kuva,” zvichireva kuti Jehovha anogona kuva chipi kana chipi chaanosarudza kuti aite kuda kwake. Munhau yose, iye akaita mabasa akasiyana-siyana, kubatanidza ayo oMusiki, Baba, Changamire Ishe, Mufudzi, Jehovha wehondo, Munzwi womunyengetero, Mutongi, Murayiridzi Mukuru, uye Mudzikinuri.b

Kuti tinzwisise revo yakazara yezita raMwari, tinofanirawo kusvika pakuziva Jehovha soMutusi. Pauro akanyora, kuti: “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.”—VaHebheru 11:6.

Jehovha akapikira upenyu husingaperi muparadhiso yapasi kune avo nhasi vanosarudza kumubatira nemwoyo wose. Hausi udyire kukarira kuzadzikwa kwechipikirwa ichocho chakaisvonaka, uyewo hakusi kuzvitutumadza kuzvifungidzira umene uchigara imomo. Mosesi “wakatarira mubayiro.” (VaHebheru 11:26) Pauro nenzira yakafanana aikarira zvikuru kuzadzikwa kwechipikirwa chaMwari nokuda kwavaKristu vakazodzwa vakatendeka. Akanyora, kuti: “Ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 3:14.

Iwewo ungakarira tuso iyo Jehovha anovimbisa kune avo vanotsungirira. Kukarira tuso iyoyo rutivi runokosha rwokuziva Mwari netsungiriro yako mubasa rake. Naizvozvo fungisisa zuva nezuva pamusoro pezvikomborero izvo Jehovha akakuchengetera. Mary, adudzwa pakuvamba, akaita nhamburiko chaiyo yokuita ikoku. “Kwenguva yokutanga muupenyu hwangu,” iye anodaro, “ndakabvuma nguva pfupi yapfuura kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinoshanda kwandiri. Ndiri kuvamba kunzwa kuti Jehovha anondiitira hanya somunhu. Ndave ndiri muKristu kweanopfuura makore 20, asi ndakavamba kudavira ikoku nguva pfupi yapfuura bedzi.”

Kupfurikidza nefundo nekufungisisa Bhaibheri kwemwoyo wose, Mary, pamwe chete namamiriyoni avamwe, ari kusvika pakudzidza kuti Jehovha anoitira hanya vanhu vake kwete bedzi seboka asiwo savanhu vamwe navamwe. Muapostora Petro akapwiswa kwazvo nezvaikoku zvokuti akanyora, kuti: “Kandirai funganyo yenyu yose pana [Mwari], nemhaka yokuti iye anokuitirai hanya.” (1 Petro 5:7, NW) Hungu, Mwari anokuitira hanya!

[Mashoko Omuzasi]

a Mudziyo wakanga uri chivigiro chedehwe remhuka chaishandiswa kuchengeta zvinhu zvakadai semvura, mafuta, mukaka, waini, bhata, uye chizi. Mabhodhoro ekare aisiyana-siyana zvikuru muukuru nokuumbwa, mamwe acho achiva mabhegi edehwe uye mamwe zvivigiro zvine mutsipa mutete nezvivharo.

b Ona Vatongi 11:27; Pisarema 23:1; 65:2; 73:28; 89:26; Isaya 8:13; 30:20; 40:28; 41:14; onawo New World Translation of the Holy Scriptures—With References, Appendix 1J, peji 1568, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Bhokisi riri papeji 6]

Rumuko—Chibvumikiso Chokuti Mwari Anoitira Hanya

CHIBVUMIKISO chinopwisa chokufarira kwaMwari munhu mumwe nomumwe chinowanwa muBhaibheri pana Johane 5:28, 29: “Nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi [raJesu], vachabuda.”

Nenzira inofadza, shoko rechiGiriki rokuti mne·meiʹon (hwiro hweyeuko) rinoshandiswa pano panzvimbo petaʹphos (guva). Shoko rokuti taʹphos rinongopa mufungo wokuviga. Asi mne·meiʹon rinokarakadza kuti chinyorwa chomunhu akafa chinoyeukwa.

Muna ikoku, chimbofunga pamusoro peizvo rumuko ruchada kuna Jehovha Mwari. Kudzorera mumwe munhu kuupenyu, anofanira kuziva chinhu chiri chose pamusoro paiyeyo—kubatanidza mavara ake akagarwa nhaka neyeuko yakakwana. Panguva iyoyo bedzi apo munhu iyeyo angagona kudzoswa nokuzivikanwa kumwe cheteko.

Chokwadika, ikoku hakubviri pakurangarira kwomunhu, asi “kuna Mwari zvinobvira.” (Marko 10:27) Anotogona kuva nechokwadi chezviri mumwoyo womunhu. Kunyange kana munhu ave akafa kwamazana mazhinji amakore, kumuyeuka kwaMwari hakukundikani; hakuperi. (Jobho 14:13-15) Nokudaro, apo aidudza Abrahama, Isaka, uye Jakobho, Jesu aigona kutaura kunyange mazana amakore pashure pokunge vafa kuti Jehovha “haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.”—Ruka 20:38. (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)

Nokudaro, mabhiriyoni ayo akafa ari muyeuko yaJehovha Mwari muudzame hwakazara. Chibvumikiso chinokatyamadza zvakadini chokuti Mwari anoitira hanya vanhu pahwaro hwomunhu mumwe nomumwe!

[Mufananidzo uri papeji 7]

Jesu aifarira somunhu oga avo aiporesa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe