Kuchengeta Meso Nemwoyo Zvakanangidzirwa Pamubayiro
YAKATAURWA NAEDITH MICHAEL
Mukuvamba kwema1930 takanga tichigara kunze kweSt. Louis, Missouri, U.S.A., apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanya. Paakangosvika waya yekuyanikira mbatya yakadambuka, ichidonhedzera mbatya chena zvikuru dzaAmai mumadhaka. Vakagamuchira mabhuku akagoverwa, kungoitira chete kuti mukadzi wacho aende, uye vakaaisa pasherufu, vachikanganwa nezvawo.
IWAYO akanga ari makore okuderera mune zvekutengeserana, uye Baba vakadzingwa basa. Rimwe zuva vakabvunza kana makanga mune chinhu chipi nechipi mumba chokurava. Amai vakavaudza nezvamabhuku acho. Vakavamba kuarava, uye pashure pechinguvana vakadanidzira, kuti: “Amai, iyi ndiyo zvokwadi!”
“Haiwa, rumwe rudzidziso chete runoda mari kufanana nemamwe ose asara,” vakapindura kudaro. Zvisinei, Baba vakavakurudzira kugara pasi ndokutarira magwaro navo. Apo vakadaro, ivowo vakapwiswa. Pashure paikoko vakavamba kutsvaga Zvapupu uye vakaziva kuti zvaisangana muhoro yairendwa pedyo nepakati peSt. Louis, horo yaishandiswawo nokuda kwedhanzi nezvimwe zviitiko.
Baba naAmai vakaenda neni—ndakanga ndine makore anenge matatu—uye takawana horo yacho, asi makanga mune dhanzi yaiitika. Baba vakaziva nguva apo misangano yaiitwa, uye takadzokera. Takavambawo kupinda fundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki pedyo nekwataigara. Yaiitirwa pamusha pemukadzi akanga atanga kutishanyira. “Nei musingaunzi vanakomana venyuwo?” akabvunza kudaro. Amai vakanga vachinyara kutaura kuti vakanga vasina shangu. Apo vakadaro pakupedzisira, shangu dzakagoverwa, uye hanzvadzi dzangu dzakatanga kupinda misangano nesu.
Amai vakapiwa ndima yekuparidzira pedyo nemusha wedu, uye vakavamba muushumiri hwepaimba neimba. Ndakaenda navo, ndakahwanda kumashure kwavo. Vasati vadzidza kutyaira, taifamba inopfuura kiromita imwe kuti tibate bhazi raitiendesa kumisangano muSt. Louis. Kunyange apo kwakanga kune aizi nesinou, hatina kutongopotsa misangano.
Muna 1934, Amai naBaba vakabhapatidzwa. Iniwo ndaida kubhapatidzwa, uye ndakaramba ndichiomerera kutozosvikira Amai vakumbira chimwe Chapupu chakura kutaura neni pamusoro pako. Chakabvunza mibvunzo mizhinji mumutoo wandaigona kunzwisisa. Ipapo chakaudza vabereki vangu kuti handifaniri kudziviswa kubhapatidzwa; kungakuvadza kukura kwangu mumudzimu. Naizvozvo ndakabhapatidzwa zhezha rakatevera racho, apo ndakanga ndichine makore matanhatu.
Ndaida bhukwana raHome and Happiness, iro ndaigara naro nguva dzose, kunyange kurichengeta pasi pepiro yangu pandairara. Ndaikumbira ndakumbirazve Amai kuti vandiravire, kutozosvikira ndava kuriziva nemusoro. Kumashure kwaro kwakanga kune mufananidzo wekasikana kari muParadhiso kaine shumba. Ndaitaura kuti ndini ndakanga ndiri kasikana kacho. Mufananidzo iwowo wakandibetsera kuchengeta meso angu ari pamubayiro weupenyu munyika itsva yaMwari.
Ndainyara zvikuru, asi kunyange zvazvo ndingave ndaibvunda, ndaigaropindura mibvunzo paFundo yeungano yeNharireyomurindi.
Kunosuruvarisa kuti, Baba vakatya kuti vaizorasikirwa nebasa ravo, naizvozvo vakarega kusonganirana neZvapupu. Hanzvadzi dzangu dzakadarowo.
Ushumiri Hwenguva Yakazara
Amai vakaita kuti mapiyona, kana kuti vashumiri venguva yakazara, vamise karavhani yavo muruvanze rwedu rwekuseri, uye pashure pechikoro ndaivakumbanira muushumiri. Nokukurumidza ndaida kupayona, asi Baba vakashora ikoku, vachidavira kuti ndinofanira kuva nedzidzo huru yekunyika. Amai pakupedzisira vakavapwisa kuti vandibvumidze kupayona. Naizvozvo muna June 1943, apo ndakanga ndine makore 14, ndakavamba ushumiri hwenguva yakazara. Kuti ndibetsere ndyiko dzapamusha, ndaiita basa rekunyika renguva isina kuzara, uye pane dzimwe nguva ndaishanda nguva yakazara. Bva ndaisvitsa nharidzano yemwedzi nemwedzi yemaawa 150 mubasa rokuparidza.
Mukufamba kwenguva ndakawana piyona biyangu, Dorothy Craden, uyo akanga atanga kupayona muna January 1943, apo akanga ane makore 17. Akanga ave ari muKaturike anoshingaira, asi pashure pemwedzi mitanhatu yekufunda Bhaibheri, akabhapatidzwa. Kwemakore mazhinji akanga ari manyuko ekurudziro nesimba kwandiri, uye ndakanga ndakadaro kwaari. Takava pedyo zvikuru kupfuura hanzvadzi dzokunyama.
Kuvambira muna 1945, takapayona pamwe chete mumataundi maduku muMissouri umo makanga musina ungano. MuBowling Green takachenesa imwe horo yemisangano; Amai vakauya ndokutibetsera. Ipapo takashanyira misha yose mutaundi vhiki imwe neimwe ndokukoka vanhu kuhurukuro yavose iyo takaronga kuti hama dzaibva kuSt. Louis dziuye ndokupa. Taiva nevapindi vevhiki nevhiki vaiva pakati pe40 ne50. Gare gare takaita zvimwe chetezvo muLouisiana, umo takarenda imwe tembere yevaFreemason. Kuti tifukidze ndyiko dzekurenda mahoro, taibudisa mabhokisi emupiro, uye vhiki imwe neimwe ndyiko dzose dzaibhadharwa.
Tevere takaenda kuMexico, Missouri, uko takarenda rimwe kamuri rechitoro. Takarigadzira kuti ungano duku yaivepo ishandise. Chivako chacho chakanga chine makamuri aiva pedyo nacho umo taigara. Taibetserawo kuronga hurukuro dzavose muMexico. Ipapo takaenda kudzimbahwe renyika, Jefferson City, uko mangwanani ari ose ezuva repakati pevhiki taionana nevakuru vakuru vehurumende muhofisi dzavo. Taigara mukamuri raiva pamusoro peHoro yoUmambo naStella Willie, uyo akanga akaita samai kwatiri.
Tabva ikoko vatatu vedu takaenda kumataundi eFestus neCrystal City, ayo akanga ari pedyo nerimwe nerimwe. Taigara muchikwere chehuku chakachinjwa kuseri kweimba yeimwe mhuri yaifarira. Sezvo kwakanga kusina varume vakabhapatidzwa, taiitisa misangano yose. Nokuda kwebasa renguva isina kuzara, taitengesa mafuta okuzora. Takanga tine zvishoma zvekunyama. Kutaura idi, taisagona kuita kuti maburi aiva mushangu dzedu agadzirwe, naizvozvo mangwanani mamwe namwe taidziisa kadhibhokisi idzva, uye usiku mumwe nemumwe wedu aiwacha rokwe rake rimwe bedzi.
Pakuvamba muna 1948, apo ndakanga ndine makore 19, Dorothy neni takakokwa kukirasi yechi12 yeWatchtower Bible School of Gilead yevafundisi. Pashure pekosi yemwedzi mishanu, vadzidzi vane zana vakapedza kufunda pana February 6, 1949. Yakanga iri nguva inofadza zvikuru. Vabereki vangu vakanga vatamira kuCalifornia, uye Amai vakabva ikoko kuti vavepo.
Kuenda Kumugove Wedu
Vakapedza kufunda makumi maviri nevasere vakagoverwa kuItaly—vatanhatu, kubatanidza Dorothy neni, kuguta reMilan. Pana March 4, 1949, takabva muNew York tiri mungarava yeItaly Vulcania. Rwendo rwacho rwakatora mazuva 11, uye gungwa risina kuterama rakaita kuti vazhinjisa vedu varware. Hama Benanti vakauya kuchiteshi chengarava cheGenoa kuti vasangane nesu ndokudzokera nesu kuMilan nechitima.
Apo takasvika pamusha wavafundisi muMilan, takawana maruva ayo mumwe musikana weItaly akanga aisa mune rimwe nerimwe remakamuri edu. Makore gare gare musikana uyu, Maria Merafina, akaenda kuGilead, akadzoka kuItaly, uye iye neni takabatira mumusha wevafundisi pamwe chete!
Mangwanani pashure pokunge tasvika kuMilan, takatarira panze nepafafitera rekamuri rokugezera. Mumugwagwa kuseri kwakanga kune furati huru yakabhombwa. Imwe ndege yekubhomba yeAmerica yakanga yakadonhesa bhomba netsaona iro rakauraya mhuri dzose 80 dzaigarapo. Imwe nguva, imwe fekitari yakapotswa uye mabhomba akarova chimwe chikoro ndokuuraya vana 500. Naizvozvo vanhu vakanga vasingafadzwi zvikuru nevanhu veAmerica.
Vanhu vakanga vaneta nehondo. Vazhinji vaitaura kuti kudai imwe hondo yaitanga, vaisazoenda kudziviriro yemabhomba asi vaizogara pamusha ndokuzviuraya negasi ipapo. Takavavimbisa kuti takanga tiriko kumirira, kwete United States kana kuti imwe hurumende ipi neipi yakaitwa navanhu, asi Umambo hwaMwari, hwaizogumisa hondo dzose nekutambura kwadzinounza.
Muguta guru reMilan, ungano yoga yevanenge 20 kana kuti kupfuura yaisangana mumusha wavafundisi. Kwakanga kuchigere kuva nendima dzokuparidzira dzakagadzirwa, naizvozvo takatanga kupupura mune rimwe furati. Pasuo rokutanga, takasangana naVaGiandinotti, avo vaida kuti mudzimai wavo asiye chechi, naizvozvo vakagamuchira chimwe chezvinyorwa zvedu. Mai Giandinotti vakanga vari mukadzi wapachokwadi, aiva nemibvunzo mizhinji. “Ndichafara pamuchadzidza chiItalian,” vakadaro, “kuti mugone kundidzidzisa Bhaibheri.”
Denga refurati ravo rakanga riri pakakwirira uye chiedza chakanga chisina kujeka, naizvozvo vaiisa chigaro chavo patafura usiku kuti vave pedyo nechiedza kuti varave Bhaibheri. “Kana ndikafunda Bhaibheri nemi,” vakabvunza kudaro, “ndinogona kungoenda kuchechi here?” Takavaudza kuti zvakanga zviri kwavari. Vaienda kuchechi mangwanani eSvondo ndokuuya kumisangano yedu masikati. Ipapo rimwe zuva vakati, “Handichaendizve kuchechi.”
“Nei?” takabvunza kudaro.
“Nemhaka yekuti havasi kudzidzisa Bhaibheri, uye ndakawana zvokwadi kupfurikidza nokufunda Bhaibheri nemi.” Vakabhapatidzwa ndokufunda nevakadzi vazhinji vaienda kuchechi zuva riri rose. Gare gare vakatiudza kuti kudai takanga tavaudza kuti vasaende kuchechi, vaizodai vakarega kufunda uye sezvinobvira zvimwe vangadai vasina kutongodzidza zvokwadi.
Migove Mitsva
Pashure penguva yakati Dorothy neni, pamwe chete nevamwe vafundisi vana, takagoverwa kuguta reItaly reTrieste, iro panguva iyeyo rakanga rakatapwa nemauto eBritain neAmerica. Kwakanga kune Zvapupu zvinenge gumi bedzi, asi nhamba iyoyi yakakura. Takaparidza muTrieste kwemakore matatu, uye apo takabva, kwakanga kune vaparidzi voUmambo 40, 10 vavo vakanga vari mapiyona.
Mugove wedu wakatevera rakanga riri guta reVerona, iro rakanga risina ungano. Asi apo chechi yakaisa dzvinyiriro pazviremera zvenyika, takamanikidzwa kubva. Dorothy neni takagoverwa kuRome. Ikoko takarenda kamuri rakashongedzwa, uye takashanda ndima iri pedyo neVatican. Pakanga pari apo takanga tiriko apo Dorothy akaenda kuLebanon kundoroorwa naJohn Chimiklis. Takanga tave tiri pamwe chete kwemakore anodokuva 12, uye ndakamusuwa chaizvoizvo.
Muna 1955 musha mutsva wevafundisi mune rumwe rutivi rweRome wakazarurwa mumugwagwa unonzi New Appian Way. Mumwe wevana vaiva mumusha wacho akanga ari Maria Merafina, musikana akanga aisa maruva mumakamuri edu usiku hwatakasvika muMilan. Ungano itsva yakaumbwa munharaunda iyi yeguta. Pashure pekokorodzano yemarudzi akawanda muRome zhizha iroro, ndakaropafadzwa kupinda kokorodzano muNuremberg, Germany. Mufaro wakadini kusananga naavo vakanga vatsungirira zvikuru kwazvo muhurumende yaHitler!
Kudzokera KuStates
Muna 1956, nemhaka yezvinetso zveutano, ndakadzokera kuUnited States pazororo rekurwara. Asi handina kutongobvisa meso angu pamubayiro wekubatira Jehovha zvino uye nokusingagumi munyika yake itsva. Ndakaronga kudzokera kuItaly. Zvisinei, ndakasangana naOrville Michael, uyo aibatira padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Takaroorana pashure pekokorodzano yamarudzi akawanda ya1958 muNew York City.
Nokukurumidza pashure paikoko takatamira kuFront Royal, Virginia, uko takafarikanya kubata neimwe ungano duku. Taigara mune rimwe furati duku kuseri kweHoro yoUmambo. Pakupedzisira, muna March 1960 kwakava kuri madikanwa kudzokera kuBrooklyn kuti tiwane basa rokunyika kuitira kuti tibhadhare zvikwereti zvedu. Taishanda usiku mumabhangi akasiyana-siyana kuitira kuti tigogona kurambira mubasa renguva yakazara.
Patakanga tiri muBrooklyn, baba vangu vakafa, uye amai vemurume wangu vakanga vane sitiroko duku. Naizvozvo takasarudza kutamira kuOregon kuti tive pedyo navanamai vedu. Tose tiri vaviri takawana basa renyika renguva isina kuzara ndokupfuurira muushumiri hweupiyona ikoko. Mukupera kwa1964, isu navanamai vedu takaenda kuti tinopinda musangano wegore negore weWatch Tower Bible and Tract Society muPittsburgh, Pennsylvania.
Mukati mekushanyira kwedu Rhode Island, takakurudzirwa nemutariri wedunhu, Arlen Meier, uye mudzimai wake kutamira kudzimbahwe renyika, Providence, kwakanga kune kudikanwa kukuru zvikuru kwevaparidzi veUmambo. Vanamai vedu vakatikurudzira kugamuchira mugove uyu mutsva, naizvozvo pakudzokera kuOregon, takatengesa zvizhinjisa zvezvinhu zvedu zvemumba ndokutama.
Kuchikoro cheGilead Zvekare
Mukati mezhizha ra1965, takapinda imwe kokorodzano kuYankee Stadium. Ikoko takakumbira nokuda kweChikoro cheGilead sevaroorani. Unenge mwedzi gare gare, takashamiswa kugamuchira kumbiriso, idzo dzaifanira kudzorerwa mumazuva 30. Ndakanga ndichiitira hanya kuenda kunyika iri kure zvikuru sezvo Amai vakanga vasina utano hwakanaka. Asi vakandikurudzira: “Zadza kumbiriso idzodzo. Unoziva kuti nguva dzose unofanira kugamuchira ropafadzo ipi neipi yebasa iyo Jehovha anogovera!”
Ikoko kwakakupedza. Takazadza kumbiriso dzacho ndokudzitumira. Chakanga chiri chishamiso chakadini kukokwa kukirasi yechi42, iyo yakavamba pana April 25, 1966! Chikoro cheGilead panguva iyoyo chakanga chiri muBrooklyn, New York. Mwedzi isingasviki mishanu gare gare, 106 vedu takapedza kufunda pana September 11, 1966.
Takagoverwa kuArgentina
Mazuva maviri pashure pekupedza kufunda, takanga tava munzira kuenda kuArgentina nePeruvian Airlines. Apo takasvika muBuenos Aires, mutariri webazu, Charles Eisenhower, akasangana nesu pachiteshi chendenge. Akatibetsera kupfuura nepanopinda nekubuda zvinhu napo munyika uye ipapo akatiendesa kubazu. Takanga tine zuva rimwe rokurongonora ndokugadzikana; ipapo kirasi dzedu dzechiSpanish dzakatanga. Taifunda chiSpanish maawa 11 pazuva kwemwedzi wekutanga. Mwedzi wechipiri, taifunda mutauro maawa mana pazuva ndokuvamba kugoverana muushumiri hwemumunda.
Takanga tiri muBuenos Aires kwemwedzi mishanu uye ipapo takagoverwa kuRosario, guta guru rinenge maawa mana kuchamhembe nechitima. Pashure pekubatira ikoko kwemwedzi 15, takatumirwa kure kuchamhembe kuSantiago del Estero, guta riri muruwa rinopisa rerenje. Apo takanga tiriko, muna January 1973, amai vangu vakafa. Ndakanga ndisina kuvaona mumakore mana. Yakabetsera kunditsigira munhamo yangu yakanga iri tariro yechokwadi yerumuko pamwe chete nekuziva kuti ndakanga ndichibatira uko Amai vaizoda kuti ndive ndiri.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Vanhu vaiva muSantiago del Estero vakanga vane ushamwari, uye fundo dzeBhaibheri dzakanga dziri nyore kutanga. Apo takasvika muna 1968, makanga mune vanenge 20 kana kuti 30 vaipinda misangano, asi makore masere gare gare makanga mune vanopfuura zana muungano yedu. Mukuwedzera, makave neungano mbiri itsva dzevaparidzi vari pakati pe25 ne50 mumataundi aiva pedyo.
Kudzokera Zvakare kuStates
Nemhaka yezvinetso zveutano, muna 1976 takagoverwazve kuUnited States semapiyona chaiwo—kuFayetteville, North Carolina. Kwakanga kune vanhu vazhinji vanotaura chiSpanish ikoko kubva kuCentral neSouth America, Dominican Republic, Puerto Rico, uye kunyange Spain. Takanga tine fundo zhinji dzeBhaibheri, uye pashure penguva yakati ungano yechiSpanish yakatangwa. Takapedza anodokuva makore masere tiri mumugove iwowo.
Zvisinei, taida kuva pedyo zvikuru navamwene vangu, avo vakanga vakwegura zvikuru uye vakanga vakaremara. Vaigara muPortland, Oregon, naizvozvo takagamuchira mugove mutsva kuungano yechiSpanish muVancouver, Washington, iyo isiri kure nePortland. Ungano yacho yakanga iri duku apo takasvika muna December 1983, asi tiri kuona vatsva vazhinji.
Muna June 1996, ndakapedza makore 53 ebasa renguva yakazara, uye murume wangu akapedza makore 55 pana January 1, 1996. Mukati memakore aya mazhinji, ndakava neropafadzo yokubetsera mazana kusvika pazivo yezvokwadi yeShoko raMwari ndokutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha. Vazhinji veivava zvino vanobatira sevakuru uye vashumiri venguva yakazara.
Padzimwe nguva ndinobvunzwa kana ndichitongodemba kuti handina kuita vana. Idi nderekuti, Jehovha akandikomborera nevana vazhinji vemudzimu navazukuru. Hungu, upenyu hwangu hwave hwakapfuma uye hwakazara mubasa raJehovha. Ndinogona kunongedzera kumwanasikana waJefta, uyo akapedzera upenyu hwake mubasa retembere uye asina kutongova nevana nemhaka yeropafadzo yake huru yebasa.—Vatongi 11:38-40.
Ndichiri kuyeuka ndichiita tsauriro yangu kuna Jehovha apo ndakanga ndiri kasikana zvako. Mufananidzo weParadhiso wakajeka chaizvo mundangariro yangu zvino kufanana nezvawakanga wakaita panguvayo. Meso angu nemwoyo zvichakanangidzirwa pamubayiro weupenyu husingagumi munyika itsva yaMwari. Hungu, chishuvo changu ndechekubatira Jehovha, kwete kwemakore 50 chete, asi nokusingaperi—mukutonga kwoUmambo hwake.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Dorothy Craden, ane maoko ari pamapfudzi angu, uye mapiyona biyangu muna 1943
[Mufananidzo uri papeji 23]
MuRome, Italy, nevafundisi biyangu muna 1953
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nemurume wangu