RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/1 pp. 24-28
  • Kubatira Jehovha Semhuri Yakabatana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Jehovha Semhuri Yakabatana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidza Zvokwadi yeBhaibheri
  • Kufara Mubasa Renguva Yakazara
  • Kufarikanya Chinjo Muupenyu Hwangu
  • Zvisarudzo Zvavana Vedu
  • Nzira Yokubudirira Nayo
  • Iri Ndiro Ringava Basa Rakanakisisa Kwauri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ungada Kubatsira Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Munhu Wose Ari Kukokwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/1 pp. 24-28

Kubatira Jehovha Semhuri Yakabatana

YAKATAURWA NAANTONIO SANTOLERI

Baba vangu vakanga vane makore 17 apo vakabva kuItaly muna 1919. Ivo vakatamira kuBrazil vachitsvaka upenyu huri nani. Pashure penguva yakati, ivo vakasvika pakuva nechitoro chokugera mudhorobha duku romukati menharaunda yeSão Paulo.

RIMWE ZUVA muna 1938, apo ndakanga ndine makore manomwe, Baba vakawana shanduro yeBrasileira yeBhaibheri kuno mumwe murume akapfuura napachitoro chavo. Makore maviri gare gare Amai vakarwara zvakakomba ndokuramba vari ndonda kusvikira parufu rwavo. Baba vakarwarawo, naizvozvo tose zvedu—Amai, Baba, hanzvadzi yangu Ana, neni—takanogara nehama dzokunyama muguta reSão Paulo.

Mukati mokudzidza kwangu muSão Paulo, ndakava muravi ane mbavarira, zvikurukuru wezvinyorwa zvenhau. Ndakaororwa kuti Bhaibheri panhambo nenhambo raidudzwa mazviri. Rimwe bhuku rengano, randakanga ndakumbira kuraibhurari yavose yeSão Paulo, rakadudza Mharidzo yapaGomo kanoverengeka. Ipapo ndipo pandakasarudza kuwana Bhaibheri kuti ndizviravire mharidzo iyoyo ndimene. Ndakatsvaka Bhaibheri iro Baba vakanga vawana makore akapfuura ndokuriwana pakupedzisira pasi petirangi, parakanga rava riri kwamakore manomwe.

Mhuri yedu yakanga iri yeKaturike, naizvozvo ndakanga ndisina kutongokurudzirwa kurava Bhaibheri. Zvino, pachangu, ndakadzidza kunzvera maganhuro nendima. Ndakarava nomufaro mukuru kwete chete Mharidzo yapaGomo asi bhuku rose raMateo pamwe chete nemamwe mabhuku eBhaibheri. Chakandiorora zvikurusa mataurirwo ezvokwadi iyo kupfurikidza nayo dzidziso dzaJesu nezvishamiso zvakapiwa.

Ndichiziva kuti rudzidziso rweKaturike rwakanga rwakasiyana sei nezvandakanga ndarava muBhaibheri, ndakavamba kupinda Chechi yePresbyterian, uye Ana akandikumbanira. Bva, ndakanga ndichiri kunzwa ndisina chinhu mumwoyo mangu. Kwamakore akati kuti ndakanga ndave ndichitsvaka Mwari nembavarira. (Mabasa 17:27) Humwe husiku hwakanga hune nyeredzi, pandakanga ndichifungisisa, ndakashamisika kuti, ‘Nei ndiri pano? Chii chiri chinangwa choupenyu?’ Ndakatsvaka nzvimbo iri yoga muchivanze, ndakapfugama, uye ndakanyengetera kuti, ‘Ishe Mwari! Ndimi ani? Ndinogona sei kukuzivai?’ Mhinduro yakauya nokukurumidza pashure pacho.

Kudzidza Zvokwadi yeBhaibheri

Rimwe zuva muna 1949, mukadzi muduku akasvika Baba sezvavakaburuka mumota inofamba panjanji. Iye akavagovera magazini eNharireyomurindi neMukai! Ivo vakazvinyoresa kuNharireyomurindi ndokumukumbira kuti ashanyire musha wedu, vachitsanangura kuti vakanga vane vana vaviri vaipinda Chechi yePresbyterian. Mukati meshanyo yomukadzi wacho, iye akasiyira Ana bhuku raChildren ndokuvamba fundo yeBhaibheri naye. Gare gare ndakakumbanira fundo yacho.

Muna November 1950 takapinda kokorodzano yedu yokutanga yeZvapupu zvaJehovha. Ikoko bhuku ra“Mwari Ngaave Wazvokwadi” rakabudiswa, uye takapfuudzira fundo yedu yeBhaibheri tichishandisa bhuku iroro senhungamiro yedu. Nokukurumidza pashure pacho takaziva kuti takanga tawana zvokwadi, uye muna April 1951 takabhapatidzwa mukuratidzira tsauriro yedu kuna Jehovha. Baba vakaita tsauriro yavo makore akati gare gare uye vakafa vakatendeka kuna Mwari muna 1982.

Kufara Mubasa Renguva Yakazara

Muna January 1954, apo ndakanga ndichingova namakore 22 bedzi, ndakagamuchirwa nokuda kwebasa pahofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha, iyo inonzi Bheteri. Pakusvika ikoko, ndakashamisika kuwana kuti murume akandipfuura namakore maviri bedzi, Richard Mucha, akanga ari mutariri webazu. Muna 1955, apo dikanwo yakamuka yavabatiri vematunhu, seizvo vatariri vanofambira vaidanwa panguva iyeyo, ndakanga ndiri pakati pevarume vashanu vakakokwa kugoverana muiri basa.

Mugove wangu wakanga uri nyika yeRio Grande do Sul. Makanga mune ungano 8 bedzi dzeZvapupu zvaJehovha apo ndakavamba, asi mukati memwedzi 18 ungano 2 itsva uye mapoka 20 ari oga akatangwa. Munharaunda iyi nhasi, mune matunhu 15 eZvapupu zvaJehovha, rimwe nerimwe rine ungano dzinenge 20! Pakupera kwa1956, ndakaziviswa kuti dunhu rangu rakanga rakamurwa kuva mana maduku ayo aizotarisirwa navabatiri vamatunhu vana. Panguva iyoyo ndakarayirwa kuti ndidzoke kuBheteri nokuda kwomugove mutsva.

Kukushamisika kwangu nomufaro, ndakagoverwa kuBrazil yokuchamhembe somubatiri woruwa, mushumiri anofambira anobatira matunhu akati. Brazil ipapo yakanga ine vashumiri 12 000 veZvapupu zvaJehovha, uye nyika yacho yakanga ine maruwa maviri. Richard Wuttke aibatira mumaodzanyemba, uye ini ndakanga ndine ruwa rwokuchamhembe. PaBheteri takarovedzwa kushandisa purojekita nokuda kwokuratidza mafirimu aibudiswa neZvapupu zvaJehovha, The New World Society in Action uye The Happiness of the New World Society.

Mumazuva iwayo kufamba kwakanga kwakati siyanei. Hapana nomumwe weZvapupu akanga ane motokari, naizvozvo ndaifamba neigwa, chikepe, chikochikari, bhiza, ngoro, rori duku, uye kamwe chete nendege. Kwakanga kuchifadza kubhururuka napamusoro pesango reAmazon kunomhara muSantarém, guta riri pakati peBelém pamuromo peAmazon neManaus, dzimbabwe reAmazonas State. Vabatiri voruwa panguva iyoyo vakanga vane magungano edunhu mashomanene okuti vabatire, nokudaro ndakapedza nguva yangu yakawanda zvikuru ndichiratidza mafirimu eSosaiti. Mumaguta makuru, mazana akapinda.

Rwakandiorora zvikurusa kuchamhembe kweBrazil rwakanga rwuri ruwa rweAmazon. Pandakanga ndichibatira ikoko muna April 1957, Amazon River nehova dzinodira marwuri zvaipfachukira mahombekombe azvo. Ndakanga ndine ropafadzo yokuratidza rimwe ramafirimu musango, ndichiisa sikirini pakati pemiti miviri. Magetsi epurojekita aibva pachikepe chakanga chakamiswa murwizi rwaiva pedyo. Yakanga iri firimu yokutanga iyo vakawanda zvikurusa vavateereri vakanga vati vamboona.

Nokukurumidza pashure pacho ndakadzokera kubasa rapaBheteri, uye gore rakatevera racho, muna 1958, ndakava neropafadzo yokupinda Gungano ro“Kuda Kwoumwari” rinokosha Ramarudzi Akawanda reZvapupu zvaJehovha, muNew York City. Nhume dzaibva kunyika 123 dzakanga dziri pakati pevane 253 922 vakazadza Yankee Stadium uye Polo Grounds iri pedyo pazuva rokupedzisira rekokorodzano iyoyo yamazuva masere.

Kufarikanya Chinjo Muupenyu Hwangu

Nokukurumidza pashure pokunge ndadzokera kuBheteri, ndakazivana naClara Berndt, uye muna March 1959 takaroorana. Takagoverwa kubasa redunhu munyika yeBahia, umo takabatira kwerinenge gore. Clara neni tichiri kuyeuka nomufaro kuzvininipisa, mutsa, shingairo, uye rudo rwehama dzaimomo; dzakanga dziri varombo munyama asi dzakapfuma muzvibereko zvoUmambo. Ipapo takachinjirwa kuNharaunda yeSão Paulo. Kwakanga kuri ikoko, muna 1960, uko mudzimai wangu akava napamuviri, uye takanga tichifanira kurega ushumiri hwenguva yakazara.

Takasarudza kutamira kunzvimbo iri munyika yeSanta Catarina, uko mudzimai wangu akaberekerwa. Mwanakomana wedu, Gerson, akanga ari wokutanga wavana vedu vashanu. Akateverwa naGilson muna 1962, Talita muna 1965, Tárcio muna 1969, uye Janice muna 1974. Nemhaka yaJehovha nezano rakaisvonaka raanogovera, takakwanisa kutarisana nedenho yokuvarera mu“kuranga nokurayira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.

Tinorangarira mumwe nomumwe wavana vedu kuva anokosha. WezvaMapisarema akasanotaura mirangariro yedu: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Pasinei hapo nezvinetso, takatarisira vana vedu sezvataizoita “nhaka [ipi neipi] inobva kuna Jehovha,” tichirangarira mirayiridzo inowanwa muShoko rake. Tuso dzave dzakawanda. Kwakatipa mufaro usingatauriki apo vose vashanu vanotevedzana, vakaparadzana, uye nechisarudzo chavo vamene vakataura chishuvo chavo chokubhapatidzwa mukuratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha.—Muparidzi 12:1.

Zvisarudzo Zvavana Vedu

Takafadzwa zvikuru apo Gerson, achangopedza kosi yemakombiyuta, akati aida kubatira paBheteri, nokudaro achisarudza ushumiri hwenguva yakazara panzvimbo pebasa rokunyika. Bva upenyu hwapaBheteri pakutanga hwakanga husiri nyore nokuda kwaGerson. Pashure pokumushanyira apo akanga ava muBheteri kwemwedzi mina bedzi, ndakatapurwa nokusuruvara kwairatidzirwa muchiso chake sezvatakaenda. Mugirazi remotokari yedu rokuona zviri shure, ndakamuona achititarisa kutozosvikira tapfuura kona yokutanga mumugwagwa. Maziso angu akanga azara kwazvo nemisodzi zvokuti ndakanga ndichifanira kumira parutivi rwomugwagwa tisati tapfuurira norwendo rwedu rwemakiromita 700 rwokumusha.

Gerson akasvika chaizvozvo pakufarikanya Bheteri. Pashure pokunge avapo anodokusvika makore matanhatu, akaroora Heidi Besser, uye vakabatira pamwe chete muBheteri kwamamwe makore maviri. Heidi ipapo akava napamuviri, uye vakanga vachifanira kuenda. Mwanasikana wavo, Cintia, zvino ane makore matanhatu okukura, avanoperekedza mumibato yavo yoUmambo.

Isati iri nguva refu pashure pokunge tatanga kushanyira Gerson paBheteri, Gilson, uyo akanga achangobva kupedza gore rake rokutanga muzvidzidzo zvebhizimisi, akataura kuti iyewo aida kubatira ikoko. Rongedzero dzake dzakanga dziri dzokutangazve kosi yake yebhizimisi pashure pokunge abatira gore rimwe paBheteri. Asi rongedzero dzake dzakachinja, uye akaramba ari mubasa reBheteri. Muna 1988 akaroora Vivian Gonçalves, piyona, seizvo vashumiri venguva yakazara vanodanwa. Chibvirocho, vave vachibatira pamwe chete paBheteri.

Mifaro yedu yakapfuurira apo mwana wedu wechitatu, Talita, akasarudza kupinda mubasa roupiyona muna 1986 pashure pokuita kosi yokunyora mapurani. Makore matatu gare gare iyewo akakokwa kuBheteri. Muna 1991 iye akaroorwa naJosé Cozzi, akanga ave achibatira paBheteri kwamakore gumi. Ivo vanopfuurira varipo sevaroorani.

Mudzimai wangu neni takafadzwa zvakare apo Tárcio, muduku anotevera, akadzokorora kutaura kumwe cheteko kwatakanga tatonzwa katatu, “Baba, ndinoda kuenda kuBheteri.” Kumbiriso yake yakagamuchirwa, uye muna 1991 iyewo akavamba basa rapaBheteri, uko akagara kutozosvikira muna 1995. Tinofara kuti akashandisa simba rake roupwere kutsigira fariro dzaJehovha dzoUmambo muiyi nzira kwaanopfuura makore matatu.

Gotwe redu, Janice, rakaita chisarudzo charo chokubatira Jehovha uye rakabhapatidzwa pazera ramakore 13. Mukati mokudzidza kwaro, iro rakabatira kwegore sapiyona webetsero. Ipapo, pana September 1, 1993, iro rakavamba sapiyona wenguva dzose muungano medu muno muguta reGaspar.

Nzira Yokubudirira Nayo

Chii chiri chakavanzika chokuchengeta mhuri yakabatana mukunamatwa kwaJehovha? Handidaviri kuti pane muitiro wakati wamashiripiti. Jehovha akagovera zano muShoko rake rokuti vabereki vechiKristu vatevere, naizvozvo mbiri yose inofanira kuenda kwaari nokuda kwemigumisiro yakaisvonaka yatakafarikanya. Takangoedza zvedu kutevera nhungamiro dzake. (Zvirevo 22:6) Vana vedu vose vakagara nhaka unhu hwechiLatin kwandiri uye mudzimu unoshanda wechiGerman kuna mai vavo. Asi chinhu chinokosha zvikurusa chavakagamuchira kwatiri chakanga chiri nhaka yomudzimu.

Upenyu hwedu hwapamusha hwakavakirwa pafariro dzoUmambo. Kuchengeta idzi fariro dziri pakutanga kwakanga kusiri nyore. Somuenzaniso, takanga tine chinetso nguva dzose chokuchengeta fundo yeBhaibheri yemhuri yenguva dzose, bva hatina kutongorega. Kubvira pamazuva avo okutanga oupenyu, mwana mumwe nomumwe akaunzwa kumisangano yechiKristu pamwe chete nokumagungano uye kokorodzano. Chirwere bedzi kana kuti chimwe chinhu chinoda betsero yekurumidziro chaitidzivisa kupinda. Mukuwedzera, pazera duku zvikuru, vana vaitiperekedza muushumiri hwechiKristu.

Apo vakanga vava nemakore anenge gumi, vana vakavamba kupa hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Takavabetsera kugadzirira hurukuro dzavo dzokutanga, tichivakurudzira kushandisa ndaza panzvimbo pamanyoro. Gare gare, mumwe nomumwe aigadzirira hurukuro yake amene. Uyewo, apo vakanga vava pakati pemazera e10 ne12, vakavamba mumwe nomumwe kugoverana nguva dzose muushumiri. Awa ndiwo akanga ari mararamiro bedzi avaiziva.

Mudzimai wangu, Clara, akaita basa rinokosha mukurerwa kwavana vedu. Usiku huri hwose, apo vakanga vari vaduku zvikuru—nguva iyo mwana anopinza sechiponji zvose zvaanodzidziswa—Clara aivaravira nhau yeBhaibheri ndokunyengetera nomumwe nomumwe. Iye akashandisa nebetsero yakanaka mabhuku aKubva ku Paradhiso Yakarasika ku Paradhiso Ichawanika Zve, Kuteerera kunoMudzidzisi Mukuru, uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.a Apo akava anowanika, takashandisawo makaseti okuteerera uye yamuro dzokuona dzakagoverwa neZvapupu zvaJehovha.

Chakaitika chedu savabereki vechiKristu chinosimbisa kuti vana vanoda ngwariro yezuva nezuva. Rudo rukuru, fariro yomunhu oga, uye nguva yakawanda zviri pakati pezvinodikanwa zvinokosha zvavaduku. Hatina kungourangarira bedzi somutoro wedu wavabereki kugovera izvi zvinodikanwa namano edu ose asi takawana mufarwa mukuru mukuita kudaro.

Zvirokwazvo, kunogutsa kuti vabereki vawane zadziko yamashoko ari paPisarema 127:3-5: “Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa. Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya. Une mufaro iye murume une goba rizere navo.” Kubatira Jehovha semhuri yakabatana zvirokwazvo kwakatiparira kufara!

[Mashoko Omuzasi]

a Ose rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Antonio Santoleri nemhuri yake yapedyo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe