‘Kugovera Vemhuri Yako’ Kunangana Nedenho Yacho Munyika Dziri Kubudirira
“ASI kana munhu asingachengeti vokwake, zvikuru veimba yake, warasha kutenda, wakaipa kupfuura usingatendi.” Akataura kudaro muapostora Pauro. (1 Timotio 5:8) Nepo kurera mhuri kwazova kwakaoma nenzira inowedzera munyika dzakapfuma, kuita saizvozvo munyika iri kubudirira kazhinji kazhinji kunopa denho inototyisa zvikuru.
MuAfrica, somuenzaniso, nhamo yemari yakarovedzeka, haisi yechienzi. Mabasa mashoma, uye apo anowanika, vose vari vaviri murume nomudzimai vangafanira kushanda kuti vagovere chete zvokurarama nazvo. Misoro yemhuri ingafanira kufamba madaro marefu kuti iwane basa, ichisiya vakwanyina vayo navana vari voga kwemwedzi—kana kuti makore. Pokugara pakakwana pangava pakaomawo kuwana. Mhuri dzakawanda dzavatema dzakakura; pokugara nokudaro panowanzova pakatsvikinyidzana, pasina zvinhu zvinokosha zvokushandisa. Mamiriro ezvinhu asina utsanana anowanzotekeshera.
Mukuwedzera, tsika dzomunzvimbomo, magamuchidzanwa enguva refu, uye mirangariro yakakurumbira zvingava zvinopesana nerevo yeShoko raMwari, Bhaibheri. Rangarira zvimwe zvimiro zvendangariro zvakapararira pamusoro peroorano uye vana. Mimwe misoro yemhuri inodavira kuti ine mutoro bedzi wokuripira rendi nesikurufizi inomanikidzirwa. Vadzimai vavo—uye pane dzimwe nguva kunyange vana vakura—vanosiiwa nebasa rokugovera zvinhu zvikuru zvakadai sezvokudya nezvokupfeka.
Kupfuurirazve, vamwe varume vane murangariro wokuti “mari yangu imari yangu, asi mari yako imari yanguwo.” Ikoku kazhinji kazhinji kunonyandura pfunde pfunde pakati pavadzimai vanowana mari. Mumwe mukadzi wokuTanzania akanyunyuta, kuti: “Mari yacho inopedzerwa pakunwa doro, kwete patiri kana kuti pavana. Tinogoverana basa, kana kuti kuita rakawanda raro, asi anotora mari yose achitiudza kuti ndeyake—kuti ndiye akaiwana.”
VaKristu, zvisinei, vanoisa Shoko raMwari pamberi petsika dzomunzvimbomo kana kuti murangariro wakakurumbira. Bhaibheri rinopa nhungamiro inobetsera panhau yokutarisira mhuri yomunhu. Somuenzaniso, rinotaura kuti “vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana.” (2 VaKorinte 12:14) Nokudaro, varume vanotya Mwari vanokwanisa kushanda havasati nemhaka yousimbe vachikusiira kuvadzimai vavo kana kuti kuvana vakura kugovera zvokudya nezvokupfeka zvemhuri; mutoro iwoyo unowira chose chose pamafudzi omusoro wemhuri.—1 VaKorinte 11:3.
Chokwadi, mari yomurume ingava isingakwani kutarisira zvinodikanwa zvose zvemhuri yake. Asi kana mudzimai wake achiwana mari kunze kwomusha, murume wechiKristu haasati achizoshatirwa. Panzvimbo pezvo, achamubata se“shamwari” inoremekedzwa. (Maraki 2:14) Nokudaro, haasati achizotora mari yake yakawanwa zvakaoma asina tsitsi ndokuipambadza pasina kurangarira mirangariro yake. Mukupesana, iye nomudzimai wake vacha‘rangarira’ ndokusarudza kuti mari inogona kushandiswa zvakanakisisa sei nokuda kwokubetserwa kwemhuri yose. (Zvirevo 13:10) Uko kunobvira, murume anotobvumira mudzimai wake mwero worusununguko rwokutarisira mari, serwaifarikanywa no“mukadzi unoita zvakanaka” munguva dzeBhaibheri. (Zvirevo 31:10, 11, 16) Kutevera zano reBhaibheri munhau dzakadaro kunotsigira mufarwa wemhuri negutsikano.
Kutarisana Nedenho Dzourovha
Rangarira chinetso chourovha. Apo mabasa anenge ari mashoma uye mubhadharo wakaderera, misoro yemhuri yakawanda yavatema yakatsvaka basa kure zvikuru nomusha—mumigodhi, mumafekitori, pamapurazi, uye pamapurandesheni. Kana murume wechiKristu akava mumamiriro aya ezvinhu, angazviwana amene aparadzaniswa navanamati biyake uye aratidzirwa kusonganiro yakashata zvikuru. (Zvirevo 18:1; 1 VaKorinte 15:33) Nepo mhuri yake ingaedza kubata nemamiriro acho ezvinhu, sezvingabvira vangatambura nemhaka yokusava nababa pamusha vokutungamirira mumudzimu kana kuti kupa tsigiro yemirangariro. Nenzira inoshamisa, kusavapo kwenguva refu kwacho kungagumawo nechinhu chimene chakwaifungidzirwa kudzivisa—nhamo yemari.
Vamwe amai, vakati: “Murume wangu akaenda kunochera ndarama. Akaronga kudzoka pashure pemwedzi kana kuti zvikurukuru pashure pemiviri. Rakava gore! Ndakasiiwa nevana vatanhatu vokutarisira. Ipapo kwakanga kune rendi yokubhadhara. Sezvo utano hwangu hwakanga husina kunaka, ndaifanira kubhadhara mari yokuchipatara. Taida zvokupfeka, uye taifanira kudya zuva riri rose. Ndakanga ndisina basa. Kwakanga kwakaoma. Rutivi rwakaomesesa rwakanga rwuri kutarisira vana mumudzimu—fundo yemhuri, misangano, uye basa rokuparidza. Netsigiro yaJehovha, munzira yakati takapona.”
Kunyange vamwe vanaamai vakanzwa vachisungirwa kusiya mhuri dzavo shure kwemwedzi yakawanda kuti vashande. Vamwe vanorarama sevashambadzi vanofamba uye havawanzowanika pamusha. Vana vakura nokudaro vanomanikidzwa kutora rutivi rwoubereki ndokutarisira zvokudya, mabasa epamusha, uye kunyange kuranga vatevedzani vaduku. Kutora rutivi mumibato yomudzimu kunotambura. Hungu, dzvinyiriro pamhuri yacho inogona kuva huru!
Chokwadika, apo mamiriro ezvinhu emari anova akakomba, mubereki angava asina imwe nzira yokugovera nayo mhuri yake kupfuura kutsvaka basa rokure. Munguva dzeBhaibheri vanakomana vaJakobho sezviri pachena vaifanira kusiya mhuri dzavo shure kuti vawane zvokudya muEgipita. (Genesi 42:1-5) Naizvozvo apo mamiriro ezvinhu akafanana anomuka nhasi, misoro yemhuri inofanira kuyera betsero dzipi nedzipi dzokunyama dzingaunzwa nebasa rokure nekuvadziko yomudzimu neyemirangariro yokuparadzana kwenguva refu. Mhuri dzakawanda dzinosarudza kutsungirira nhamo yemari panzvimbo pokuparadzana kwenhambo refu yenguva. Vanoyeuka mashoko aPauro anowanwa pana 1 Timotio 6:8: “Asi kana tine zvokudya nezvokufuka tichatenda nazvo.”—Enzanisa naZvirevo 15:17.
Kazhinji kazhinji kune zvakasiyana nokufamba. Kupfurikidza nokuratidzira kutanga nounyanzvi, vamwe vakakwanisa kuvamba basa kupfurikidza nokugovera mabasa anobetsera.a (Enzanisa naZvirevo 31:24.) Kana kuti ingava nhau yokugamuchira mabasa akaderera ayo anorangarirwa navamwe seasingabhadhare zvikuru. (VaEfeso 4:28) Muapostora Pauro amene ‘akabishaira nokushanda usiku namasikati’ kuti adzivise kuva mutoro wezvemari kuna vamwe. (2 VaTesaronika 3:8) Varume vechiKristu nhasi vanogona kutevera muenzaniso iwoyo.
Zvinetso Zvokudzidza
Chimwe chinetso chinobatanidza kudzidza. Mudzimwe nharaunda dziri kure, kunozivikanwa kuti vabereki vaendese vana vavo kure kunogara nehama dzokunyama kwenhambo dzakareba dzenguva kuti vape vana dzidzo yakakwana. Vaparadzaniswa navabereki vavo, vana vakadaro kazhinji kazhinji vane chinetso mukupinda misangano kana kuti kutora rutivi muushumiri hwomumunda. Vachishayiwa chirango chiri madikanwa, nenzira iri nyore vanova nyajambwa kusonganiro dzakashata. Somugumisiro, vakawanda vakati vakasiya mararamiro echiKristu.
Hapana panikiro kuti dzidzo yokunyika ine betsero dzayo. Asi Bhaibheri rinoisa ukoshi hukuru zvikuru padzidzo yomudzimu, uye Mwari akapa vabereki mutoro wokugovera murayiridzo wakadaro. (Dheuteronomio 11:18, 19; Zvirevo 3:13, 14) Kuendesa mwana kure kwenhambo dzakareba dzenguva, zvisinei, sezvingabvira kuchanetesa nhamburiko dzavabereki dzokumurera “pakuranga nokurayira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.b
Apo mikana yomunzvimbomo yedzidzo inoratidzika kuva isina kukwana, vabereki vangasava nechisarudzo kunze kwokuita zvavanogona ivo vamene kudzidzisa vana vavo unyanzvi hukuru. Betsero inogoverwawo no“Mudzidzisi Mukuru” wedu, Jehovha. (Isaya 30:20) Ungano dzomunzvimbomo dzeZvapupu zvaJehovha dzinogovera gadziriro dzakati dzedzidzo. Ungano dzakawanda dzinoitisa kirasi dzokudzidza kurava nokunyora. Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nenzira yakafanana igadziriro inobetsera iyo inogona kurodza mano emwana okurava nokutaura zvakajeka.
Murangariro Wakadzikama Wokubereka Vana
Kugovera vana kunogona kuva kwakaoma zvikuru apo vanenge vakawanda. Vabereki vevatema vanowanzotaura kuti vanoda vana; nokudaro, vanova nevakawanda sevavanogona! Nepo vana vangarangarirwa semanyuko emari, vabereki vakawanda havakwanisi kugovera zvakakwana nhamba yakakura yavo.
Chokwadika, Bhaibheri rinotaura kuti “vana inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Cherekedza, zvisinei, kuti mashoko iwayo akanyorwa munhambo yemamiriro ezvinhu akanaka muna Israeri. Gare gare, nzara huru nehondo zvakaita kuti kurera vana kuve kunonetsa. (Mariro aJeremia 2:11, 20; 4:10) Nemhaka yemamiriro ezvinhu akaoma akapararira munyika dzakawanda dziri kubudirira, vaKristu vakavimbika vanofanira kurangarira zvakakomba kuti vana vangani vavanogona chaizvoizvo kudyisa, kupfekedza, kuwanira pokugara, uye kurovedza. Varangarira ndyiko yacho, varoorani vakawanda vanosarudza kuti kwaizova kwakanakisisa kupesana negamuchidzanwa uye vanoganhura nhamba yevana vavanova navo.c—Enzanisa naRuka 14:28.
Nenzira yakajeka, dzino i“nguva dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-5, NW) Sezvo tsika ino inoenda kumugumo wayo usingadzivisiki, pasina panikiro dzvinyiriro pamhuri munyika dziri kubudirira dzichawedzera. Bva, kupfurikidza nokusanoomerera kunheyo dzeShoko raMwari, misoro yemhuri inogona kubudirira mukutarisira zvose zviri zviviri zvinodikanwa zvomuviri nezvomudzimu zvemhuri dzayo, nokuti Jehovha anoita ichi chipikirwa kuavo vanomubatira nokuvimbika: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Hungu, kunyange munyika dzine urombo, vaKristu vanogona kunangana zvinobudirira nedenho yokugovera mhuri dzavo!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Kuita Mabasa Munyika Dziri Kubudirira” iri muchinyorwa chaOctober 22, 1994, cheimwe magazini yedu, yeMukai!
b Nokuda kwohumwe udzame, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaAugust 15, 1982.
c Mashoko anobetsera akagoverwa munhevedzano yenyaya inoti “Kuronga Mhuri—Nhau Yenyika Yose,” yakaoneka muMukai yaFebruary 22, 1993.