RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/15 pp. 14-19
  • Uri Kuronda Kunaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kuronda Kunaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Akaronda Kunaka
  • Vakaramba Vakanaka
  • Kuronda Kunaka Nhasi
  • Ramba Wakarinda!
  • Basa Rokufunda Nokufungisisa
  • Kunaka Nesonganiro
  • Ramba Uchironda Kunaka
  • Tingagovera Sei Kunaka Kukutenda Kwedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kukudziridza Kwatingaita Kunaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Nei Tichifanira Kukudziridza Kunaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuramba Takanaka Munyika Yakazadzwa Nouipi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/15 pp. 14-19

Uri Kuronda Kunaka Here?

“Kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.”—VAFIRIPI 4:8.

1. Uipi chii, uye nei husina kusvibisa kunamatwa kwaJehovha?

UIPI kushata kwetsika. Hwakazara munyika yatiri kurarama. (VaEfeso 2:1-3) Zvisinei, Jehovha Mwari haazobvumiri kunamatwa kwake kwakachena kuti kushatiswe. Zvinyorwa zvechiKristu, misangano, magungano, uye kokorodzano zvinotipa nyevero dzakakodzera nguva mukurwisana nomufambiro usina kunaka. Tinogamuchira betsero yakasimba yaMagwaro yoku‘namatira zvakanaka’ mumeso aMwari. (VaRoma 12:9) Sesangano, naizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zviri kuvavarira kuva zvakachena, zvakanaka. Asi zvakadini nesu somunhu mumwe nomumwe? Zvirokwazvo, uri kuronda kunaka here?

2. Kunaka chii, uye nei nhamburiko ichidikanwa kuti tirambe takanaka?

2 Kunaka itsika dzakanaka, chiito nokufunga zvakarurama. Harisi vara risingashandi asi rinoshanda, rakanaka. Kunaka kunobatanidza zvinopfuura kudzivisa chivi; kunoreva kuronda zvakanaka. (1 Timotio 6:11) Muapostora Petro akarayira vaKristu biyake kuti: “Goverai kunaka kukutenda kwenyu.” Sei? Kupfurikidza noku“pa mukugamuchira [zvipikirwa zvaMwari zvinokosha] nhamburiko yose yapachokwadi.” (2 Petro 1:5, NW) Nemhaka yokutadza kwedu, zvinoda nhamburiko chaiyo kuti tirambe takanaka. Bva, vanhu vaitya Mwari vomunguva yakapfuura vakaita kudaro, pasinei zvapo nemhinganidzo huru.

Akaronda Kunaka

3. Mambo Ahazi akanga ane mhaka yezviitoi zvakaipa?

3 Magwaro ane nhoroondo dzakawanda dzaavo vakaronda kunaka. Somuenzaniso, rangarira Hezekia akanga akanaka. Baba vake, Mambo Ahazi waJudha, sezviri pachena vakanamata Moreki. “Ahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri; akabata ushe paJerusarema makore ane gumi namatanhatu. Asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi. Nokuti wakafamba nenzira yamadzibaba aIsraeri, akapinzawo mwanakomana wake mumoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri. Akabayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, napazvikomo, napasi pemiti yose mitema.” (2 Madzimambo 16:2-4) Vamwe vanotaura kuti ‘kupfuura nomumoto’ kwaifananidzira imwe tsika yakati yokucheneswa uye kwete chibayiro chomunhu. Zvisinei, bhuku rinonzi Molech—A God of Human Sacrifice in the Old Testament, rakanyorwa naJohn Day, rinoti: “Pane ufakazi mumanyuko ePunic [Carthaginian], pamwe chete noufakazi hwezvokuchera matongo, hwokuvapo kwechibayiro chomunhu . . . munyika yavaKanani, naizvozvo hapana chikonzero chokusava nechokwadi nokutaura kweTestamende Yekare [kuchibayiro chomunhu].” Uyezve, 2 Makoronike 28:3 inotaura zvakananga kuti Ahazi “akapisa vana vake mumoto.” (Enzanisa naDheuteronomio 12:31; Pisarema 106:37, 38.) Zviito zvakaipa zvakadini!

4. Hezekia akazvibata sei mumhoteredzo yakanga yakazadzwa nouipi?

4 Hezekia akabudirira sei muiyi mhoteredzo yakazadzwa nouipi? Pisarema rechi119 nderefariro, nokuti vamwe vanodavira kuti Hezekia akarinyora, achiita izvi achiri mwanakomana wamambo. (Pisarema 119:46, 99, 100) Naizvozvo mamiriro ake ezvinhu angaratidzirwa nemashoko okuti: “Machindawo akagara akandireva; asi muranda wenyu wakafungisisa mitemo yenyu. Mweya wangu unonyunguruka nokuremerwa.” (Pisarema 119:23, 28) Akapoteredzwa navanhu vaitenda rudzidziso rwenhema, Hezekia angava akatukwa nemitezo yedare roumambo, zvokuti kurara kwakanga kwakaoma. Bva, akaronda kunaka, pashure penguva yakati akava mambo, uye “akaita zvakarurama pamberi paJehovha . . . Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsraeri.”—2 Madzimambo 18:1-5.

Vakaramba Vakanaka

5. Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakatarisana nemiedzoi?

5 Vaivawo vomuenzaniso mukunaka vakanga vari Dhanieri neshamwari dzake nhatu dzechiHebheru, dzainzi Hanania, Mishaeri, uye Azaria. Vakamanikidzwa kubuda munyika yokumusha kwavo uye vakaendeswa senhapwa kuBhabhironi. Pwere dzacho ina dzakapiwa mazita echiBhabhironi—Bherteshazari, Shadraki, Meshaki, uye Abedi-nego. Vakapiwa “mugove wezvokudya zvamambo,” kubatanidza zvokudya zvairambidzwa noMutemo waMwari. Uyezve, vakagombedzerwa kuita kosi yaiva nechokuita ne“magwaro norurimi rwavaKardhea.” Izvozvi zvaibatanidza zvinopfuura kungodzidza chete mumwe mutauro, nokuti sezvingabvira shoko rokuti “vaKardhea” pano rinoratidzira vanhu vakadzidza. Nokudaro, idzi pwere dzechiHebheru dzakaratidzirwa kudzidziso dzakaipa dzeBhabhironi.—Dhanieri 1:1-7.

6. Nei tichigona kutaura kuti Dhanieri akaronda kunaka?

6 Pasinei zvapo nedzvinyiriro huru dzokuti abvumirane pane zvisina kufanira, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakasarudza kunaka pane uipi. Dhanieri 1:21 inoti: “Dhanieri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.” Hungu, Dhanieri “akaramba aripo” somubatiri waJehovha akanaka kwamakore anopfuura 80—mukati mokutonga nokuwa kwamadzimambo anoverengeka aiva nesimba. Akaramba akatendeka kuna Mwari pasinei zvapo nounyanzvi uye kuronga kwavakuru vakuru vehurumende vakashata uye uipi hwevatano hwakazadza rudzidziso rweBhabhironi. Dhanieri akaramba achironda kunaka.

7. Chii chinogona kudzidzwa munzira yakateverwa naDhanieri neshamwari dzake nhatu?

7 Tinogona kudzidza zvakawanda kuna Dhanieri aitya Mwari neshamwari dzake. Vakaronda kunaka uye vakaramba kubatanidzwa netsika dzeBhabhironi. Kunyange zvazvo vakapiwa mazita echiBhabhironi, havana kumborasikirwa nokuzivikanwa kwavo savabatiri vaJehovha. Chokwadi, anenge makore 70 gare gare, mambo weBhabhironi akadana Dhanieri nezita rake rechiHebheru! (Dhanieri 5:13) Mukati moupenyu hwake hwose, Dhanieri akaramba kubvumirana pane zvisina kufanira kunyange muzvinhu zviduku. Somunhu muduku, akanga “akazvisunga mumwoyo make kuti haangazvisvibisi nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa.” (Dhanieri 1:8) Ichi chiito chokusabvumirana pane zvisina kufanira chakaitwa naDhanieri neshamwari dzake nhatu pasina mubvunzo chakavasimbisa kuti vapukunyuke miedzo youpenyu norufu yavakatarisana nayo gare gare.—Dhanieri, maganhuro 3 ne6.

Kuronda Kunaka Nhasi

8. Pwere dzechiKristu dzinogona sei kuramba kufananidzwa nenyika yaSatani?

8 Kufanana naDhanieri neshamwari dzake nhatu, vanhu vaMwari nhasi vanoramba kuenzaniswa nenyika yakaipa yaSatani. (1 Johane 5:19) Kana uri pwere yechiKristu, ungava uchiwana dzvinyiriro yakasimba kubva kuvaenzani kuti utevedzere kupfeka kwavo, kushambidzika, uye nziyo. Panzvimbo pokutevera muitiro wose wechinguvana kana kuti zvitayera zvinobuda, kunyange zvakadaro, tsiga, uye usazvibvumira ku“enzaniswa nenyika ino.” (VaRoma 12:2) “Ramb[a] kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, . . . raram[a] nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari.” (Tito 2:11, 12) Chinhu chinokosha itendero kwete yevawakaenzana navo asi yaJehovha.—Zvirevo 12:2.

9. VaKristu vari munyika yebhizimisi vangatarisana nedzvinyiriroi, uye vanofanira kuzvibata sei?

9 VaKristu vakura vanotarisanawo nedzvinyiriro uye vanofanira kuva vakanaka. Vanamuzvinabhizimisi vechiKristu vangaedzwa kushandisa mitoo inomutsa mubvunzo kana kuti kufuratira mitemo yehurumende uye mitemo yemitero. Pasinei zvapo nenzira iyo vakwikwidzi vebhizimisi kana kuti vaunoshanda navo vanoita nayo, zvisinei, “tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Magwaro anoda kuti tive vakatendeseka uye vanoruramisira vashandirwi, vashandi, vatengi, uye hurumende dzenyika. (Dheuteronomio 25:13-16; Mateo 5:37; VaRoma 13:1; 1 Timotio 5:18; Tito 2:9, 10) Ngatiedzeiwo kuva vakarongeka munhau dzedu dzebhizimisi. Kupfurikidza nokuchengeta zvinyorwa zvakarurama uye kuita zvibvumirano zvinonyoreranwa, kazhinji kazhinji tinogona kudzivisa kusanzwisisana.

Ramba Wakarinda!

10. Nei pane kudikanwa kwoku‘ramba takarinda’ pamusoro pokusarudza kwedu nziyo?

10 Bhuku raPisarema 119:9 rinosimbisa rumwe rutivi rwokuramba takanaka mukuona kwaMwari. Wezvemapisarema akaimba kuti: “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” Chimwe chezvombo zvinoshanda zvikurusa zvaSatani inziyo, idzo dzine simba rokunyandura mirangariro. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vaKristu vakakundikana ‘kurinda’ pakunouya kunziyo, uye vanozviwana vakweverwa kumamwe marudzi adzo, akadai serap uye heavy metal. Vamwe vangati nziyo dzakadaro hadzivakuvadzi kana kuti havateereri mashoko acho. Vamwe vanotaura kuti vanongofarikanya chete mutinhimira wakasimba kana kuti kurira kwamagitare anoita ruzha. KuvaKristu, kunyange zvakadaro, nhau yacho haisi pakuti chimwe chinhu chinofadza. Itiro hanya yavo iri pamusoro pokuti kana “zvi[chi]fadza Ishe.” (VaEfeso 5:10, kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Kazhinji kazhinji, nziyo dzeheavy metal nerap dzinotsigira uipi hwakadai sokunyadzisira, ufeve, kunyange uSatani—zvinhu izvo zvirokwazvo zvisina nzvimbo pakati pavanhu vaMwari.a (VaEfeso 5:3) Vaduku kana kuti vakuru, mumwe nomumwe wedu angaita zvakanaka kufungisisa zvakanaka mubvunzo uyu, Kupfurikidza nenziyo dzandinosarudza, ndiri kuronda kunaka kana uipi here?

11. MuKristu anogona kuramba akasvinura sei pamusoro pemapurogiramu eterevhizheni, mavhidhiyo, uye mabhaisikopu?

11 Mapurogiramu akawanda eterevhizheni, mavhidhiyo, uye mabhaisikopu zvinokurudzira uipi. Maererano neimwe nyanzvi yakatanhamara yezvendangariro, ‘kudisisa mufarwa, vatano, masimba masimba, makaro, uye udyire’ zvakapararira mumabhaisikopu mazhinjisa ari kubudiswa nhasi. Naizvozvo, kuramba wakarinda kunobatanidza kuva vanosarudza pamusoro pezvatinosarudza kuona. Wezvamapisarema akanyengetera kuti: “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo.” (Pisarema 119:37) Pwere yechiKristu inonzi Joseph yakashandisa iyi nheyo. Apo imwe firimu yakavamba kuratidzira vatano nemasimba masimba, yakabuda mubhaisikopu racho. Yakanyara kuita izvi here? “Aiwa, nyangwe napaduku pose,” anodaro Joseph. “Ndakafunga nezvaJehovha kutanga uye nezvokumufadza.”

Basa Rokufunda Nokufungisisa

12. Nei fundo yomunhu oga nokufungisisa zvichidikanwa kuti tironde kunaka?

12 Hazvina kukwana kudzivisa zvinhu zvakaipa. Kuronda kunaka kunobatanidzawo kufunda uye kufungisisa zvinhu zvakanaka zvakanyorwa muShoko raMwari kuitira kuti nheyo dzaro dzakarurama dzigogona kushandiswa muupenyu. “Ndinoda murau wenyu seiko!” akadaro wezvamapisarema. “Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Fundo yomunhu oga yeBhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu rutivi rworudungwe rwako rwevhiki nevhiki here? Chokwadi, kuronga nguva yefundo yokushingaira yeShoko raMwari uye kuifungisisa nenzira yokunyengetera kunogona kuva kunodenha. Asi kazhinji kazhinji zvinobvira kutenga nguva kubva kumimwe mibato. (VaEfeso 5:15, 16) Zvichida maawa omumangwanani-ngwanani angakuitira zvakanaka senguva yokunyengetera, kufunda, uye kufungisisa.—Enzanisa nePisarema 119:147.

13, 14. (a) Nei kufungisisa kuchikosha? (b) Kufungisisa magwaro api kunogona kutibetsera kusema unzenza?

13 Kufungisisa kunokosha, nokuti kunotibetsera kuyeuka zvatinodzidza. Zvinokosha zvikuru, kunogona kubetsera kutsigira mirangariro yaMwari. Kuenzanisira: Ndechimwe chinhu kuziva kuti Mwari anorambidza ufeve asi chimwe chakasiyana ku‘sema chakaipa uye kunamatira pane zvakanaka.’ (VaRoma 12:9) Chaizvoizvo tinogona kunzwa nenzira iyo Jehovha anonzwa nayo pamusoro pounzenza kupfurikidza nokufungisisa magwaro anokosha eBhaibheri, akadai saVaKorose 3:5, inokurudzira kuti: “Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Upombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.” Zvibvunze kuti: ‘Ndinofanira kuuraya rudzii rwokuda vatano? Ndinofanira kudzivisei chingamutsa chishuvo chisina kuchena? Pane chinjo dzandinoda kuita munzira yandinobata nayo vane mitezo yakasiyana here?’—Enzanisa na1 Timotio 5:1, 2.

14 Pauro anokurudzira vaKristu kutiza ufeve uye kushandisa kuzvidzora kuitira kuti “munhu . . . arege kuitira hama yake zvakaipa kana kumunyengera.” (1 VaTesaronika 4:3-7) Zvibvunze kuti: ‘Nei kuita ufeve kuchikuvadza? Ikuvadzikoi yandingazviitira kana kuti yandingaitira mumwe munhu kana ndikatadza munhau iyi? Ndingatapurwa sei mumudzimu, mumurangariro, uye mumuviri? Zvakadiniko navanhu vari muungano vakaputsa mutemo waMwari uye vakava vasingapfidzi? Zvinhu zvakaita sei nokuda kwavo?’ Kuteerera zvinotaura Magwaro pamusoro pomufambiro wakadaro kunogona kukudza kuvenga kwedu chakaipa mumeso aMwari. (Eksodho 20:14; 1 VaKorinte 5:11-13; 6:9, 10; VaGaratia 5:19-21; Zvakazarurwa 21:8) Pauro anotaura kuti chifeve hachi“rambi munhu, asi Mwari.” (1 VaTesaronika 4:8) Ndoupi muKristu wechokwadi angaramba Baba vake vokudenga?

Kunaka Nesonganiro

15. Songaniro inoita basai mukuronda kwedu kunaka?

15 Imwe yamuro yokuramba takanaka isonganiro yakanaka. Wezvamapisarema akaimba kuti: “Ndiri shamwari yavose vanokutyai [Jehovha], neyavanochengeta zvirevo zvenyu.” (Pisarema 119:63) Tinoda songaniro yakanaka inogoverwa pamisangano yechiKristu. (VaHebheru 10:24, 25) Kana tikazvitsaura, tingava vanozvimirira mukufunga kwedu, uye uipi hungagona kutikurira nenzira iri nyore. (Zvirevo 18:1) Uhama hwoushamwari hwechiKristu, zvisinei, hunogona kusimbisa kutsunga kwedu kuramba takanaka. Chokwadika, tinofanirawo kudzivisa songaniro dzakaipa. Tinogona kuva noushamwari navavakidzani, vatinoshanda navo, uye vadzidzi biyedu. Asi kana tichifamba nenzira yokuchenjera chaizvoizvo, tichadzivisa kuva noushamwari hwapedyo naavo vasiri kuronda kunaka kwechiKristu.—Enzanisa naVaKorose 4:5.

16. Kushandiswa kwa1 VaKorinte 15:33 kunogona kutibetsera sei kuronda kunaka nhasi?

16 Pauro akanyora kuti: “Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.” Kupfurikidza nokutaura uku, akanga achinyevera vatendi kuti vaigona kurasikirwa nokutenda kwavo kupfurikidza nokusonganirana navaitaura kuva vaKristu avo vakaramba dzidziso yaMagwaro pamusoro porumuko. Nheyo yairehwa nenyevero yaPauro inoshanda kusonganiro dzedu kwose kuri kuviri kunze nomukati meungano. (1 VaKorinte 15:12, 33) Sezvingakarirwa, hatidi kutiza hama dzedu nehanzvadzi dzomudzimu nemhaka yokuti hadzibvumirani nomumwe murangariro womunhu oga watinawo. (Mateo 7:4, 5; VaRoma 14:1-12) Kunyange zvakadaro, ngwariro inodikanwa kana vamwe muungano vachibatanidzwa mumufambiro unomutsa mubvunzo kana kuti vachiratidzira chimiro chendangariro chakakasharara kana kuti chokunyunyuta. (2 Timotio 2:20-22) Kuchenjera kuramba tiri pedyo naavo vatinogona kufarikanya navo “kukurudzirana.” (VaRoma 1:11, 12, NW) Izvi zvichatibetsera kuronda nzira yakanaka uye kuramba tiri pa“nzira youpenyu.”—Pisarema 16:11.

Ramba Uchironda Kunaka

17. Maererano naNumeri ganhuro 25, inhamoi yakawira vaIsraeri, uye izvi zvinogovera chidzidzoi nokuda kwedu?

17 Nokukurumidza vaIsraeri vasati vatora Nyika Yakapikirwa, zviuru zvavo zvakasarudza kuronda uipi—uye vakatambura nhamo. (Numeri, ganhuro 25) Nhasi, vanhu vaJehovha vanomira pachikumbaridzo chenyika itsva yakarurama. Kupindamo kuchava ropafadzo yakakomborerwa yaavo vanopfuurira kuramba uipi hwenyika ino. Savanhu vasina kukwana, tingava tine zvimiro zvendangariro zvakaipa, asi Mwari anogona kutibetsera kutevera kutungamirira kwakarurama kwomudzimu wake mutsvene. (VaGaratia 5:16; 1 VaTesaronika 4:3, 4) Naizvozvo ngatiteererei nyevero yaJoshua kuna Israeri: “Ityai Jehovha zvino, mumushumirei nomwoyo wose nezvokwadi.” (Joshua 24:14) Kutya kusafadza Jehovha kuchatibetsera kuronda nzira yokunaka.

18. Pamusoro pouipi nokunaka, chii chinofanira kuva kutsunga kwavaKristu vose?

18 Kana chishuvo chomwoyo wako chiri chokufadza Mwari, tsunga kuteerera zano raPauro rokuti: “Zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo.” Kana ukaita izvi, chii chichava mugumisiro? Pauro akati: “Itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.” (VaFiripi 4:8, 9) Hungu, nebetsero yaJehovha unogona kuramba uipi ndokuronda kunaka.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yaApril 15, 1993, mapeji 19-24, uye nhevedzano ye“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .” dziri muMukai! yaFebruary 8, March 8, uye April 8, 1993, uye December 8, 1996.

Mifungo Yokuhwirudzura

◻ Chii chinodikanwa kuti tironde kunaka?

◻ Hezekia, Dhanieri, uye vaHebheru vatatu vakaramba vakanaka mumamiriroi ezvinhu?

◻ Tinogona sei kuva saDhanieri mukuramba miedzo yaSatani?

◻ Nei vaKristu vachifanira kuramba vakarinda pamusoro pevaraidzo?

◻ Kufunda, kufungisisa, uye kusonganirana zvinoita basai mukuronda kunaka?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Hezekia muduku akaronda kunaka kunyange zvazvo akanga akapoteredzwa navanamati vaMoreki

[Mifananidzo iri papeji 17]

VaKristu vanofanira kuramba vakarinda pamusoro pevaraidzo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe