Simudzai Maoko Akavimbika Muchinyengetera
“Ndinoda kuti varume munzvimbo dzose varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika, pasina hasha uye nharo.”—1 TIMOTIO 2:8, NW.
1, 2. (a) Rugwaro rwa1 Timoti 2:8 rwunoshanda sei pamunyengetero unobatanidza vanhu vaJehovha? (b) Zvino tichafunda nezvei?
JEHOVHA anotarisira kuti vanhu vake vave vakavimbika kwaari nokuna vamwe vavo. Muapostora Pauro akabatanidza kuvimbika nokunyengetera paakanyora kuti: “Ndinoda kuti varume munzvimbo dzose varambe vachinyengetera, vachisimudza maoko akavimbika, pasina hasha uye nharo.” (1 Timotio 2:8, NW) Zviri pachena kuti Pauro akanga achitaura nezvomunyengetero unonyengetererwa vamwe “munzvimbo dzose” dzaiungana vaKristu. Ndivanaani vakanga vachifanira kumiririra vanhu vaMwari mumunyengetero pamisangano yeungano? Varume vatsvene bedzi, vakarurama, vanokudzwa vainyatsochengeta mabasa ose omuMagwaro aiitirwa Mwari. (Muparidzi 12:13, 14) Vaifanira kuva vakachena mumudzimu nomutsika uye vachizvipira kuna Jehovha Mwari zvisina mubvunzo.
2 Vakuru veungano ndivo vanofanira kunyanya ‘kusimudza maoko akavimbika vachinyengetera.’ Minyengetero yavo inobva pamwoyo inoenda nokuna Jesu Kristu inoratidza kuvimbika kuna Mwari uye inovabetsera kuti vadzivise nharo nekuputika nehasha. Chaizvoizvo, munhu upi noupi anopiwa ropafadzo yokuti amiririre ungano yechiKristu pakunyengeterera vamwe anofanira kuva asina hasha, ruvengo, uye kusavimbika kuna Jehovha nesangano rake. (Jakobho 1:19, 20) Ndedzipizve dzimwe nhungamiro dzeBhaibheri dziripo nokuda kwaavo vanopiwa ropafadzo yokuti vamiririre vamwe pakunyengeterera vamwe? Uye ndedzipi dzimwe nheyo dzomuMagwaro dzatinofanira kushandisa muminyengetero yedu somunhu oga uye yemhuri?
Fanofunga Nezvomunyengetero
3, 4. (a) Nei zvichibetsera kufanofunga munyengetero unonyengetererwa vamwe? (b) Magwaro anoratidzei nezvokureba kweminyengetero?
3 Kana takumbirwa kuti tinyengeterere vamwe, tingangokwanisa kufanofunga zvishomanene nezvomunyengetero wedu. Kuita izvi kungatiita kuti tigone kutaura zvinhu zvinokosha zvakakodzera tisingatauri munyengetero wakareba, usina chinangwa. Chokwadika, minyengetero yedu somunhu oga ingataurwawo zvinonzwika. Ingava yakareba sezvatinoda. Jesu akapedza usiku hwose achinyengetera asati asarudza vaapostora vake 12. Zvisinei, paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake, zviri pachena kuti minyengetero yake yechingwa newaini yakanga yakati pfupikei. (Marko 14:22-24; Ruka 6:12-16) Uye tinoziva kuti kunyange minyengetero mipfupi yaJesu yakagamuchirwa zvakakwana naMwari.
4 Ngatitii tapiwa ropafadzo yokumiririra mhuri pakunyengetera isati yadya. Munyengetero wakadaro ungava wakati pfupikei—asi chipi nechipi chingataurwa chinofanira kubatanidza mashoko okuonga zvokudya zvacho. Kana tichinyengeterera vamwe musangano wechiKristu usati watanga kana kuti wapera, hatifaniri hedu kutaura munyengetero wakareba une zvinhu zvakawanda. Jesu akatsoropodza vanyori vai‘ita minyengetero mirefu yokubata kumeso.’ (Ruka 20:46, 47) Munhu waMwari haangambodi kuita izvozvo. Zvisinei, pane dzimwe nguva munyengetero wakati rebei uchinyengeterera vamwe ungava wakafanira. Somuenzaniso, mukuru anosarudzwa kuti ape munyengetero wokupedzisira pagungano anofanira kufanoufunga uye angada kutaura pfungwa dzinoverengeka. Asi, kunyange munyengetero wakadaro haufaniri kuva wakanyanyisa kureba.
Taura naMwari Norukudzo
5. (a) Chii chatinofanira kuyeuka patinenge tichinyengeterera vamwe? (b) Nei tichifanira kunyengetera norukudzo uye ruremekedzo?
5 Patinenge tichinyengeterera vamwe tinofanira kuyeuka kuti hatisi kutaura navanhu. Panzvimbo pezvo, tiri zvisikwa zvinotadza zviri kuteterera Changamire Ishe Jehovha. (Pisarema 8:3-5, 9; 73:28) Saka tinofanira kuratidzira kutya kusamufadza nezvatinotaura nematauriro atinozviita. (Zvirevo 1:7) Munyori wePisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nokuwanda kwounyoro hwenyu, ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.” (Pisarema 5:7) Kana tichifunga saizvozvo, tichataura sei patinokumbirwa kuti tinyengeterere vamwe pamusangano weZvapupu zvaJehovha? Kudai tanga tiri kutaura namambo ari munhu chaiye, taizodaro nokuremekedza uye norukudzo. Minyengetero yedu haifaniri kuva inotokudza uye inoremekedza zvikuru, sezvatinenge tichinyengetera kuna Jehovha, “Mambo asingagumi” here? (Zvakazarurwa 15:3, NW) Saka patinonyengetera tingadzivisa kutaura kwakadai sokuti, “Mangwanani Jehovha,” “Tinokutumirai rudo rwedu,” kana kuti, “Muve nezuva rakanaka.” Magwaro anoratidza kuti Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe woga, Jesu Kristu, haana kumbotaura naBaba vake vokudenga achidaro.
6. Chii chatinofanira kufunga patino‘swedera pachigaro choushe chenyasha’?
6 Pauro akati: “Ngatiswederei tisingatyi kuchigaro choushe chenyasha.” (VaHebheru 4:16) Tinogona kutaura naJehovha “tisingatyi” pasinei zvapo nokuva kwedu vanhu vanotadza nemhaka yokutenda kwedu muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Mabasa 10:42, 43; 20:20, 21) Asi, ‘kusatya’ kwakadaro hakurevi kuti tiri kutaura nyaya naMwari; uyewo hatifaniri kutaura naye zvinhu zvinoratidza kusaremekedza. Kana minyengetero yatinonyengeterera vamwe ichizofadza Jehovha, inofanira kutaurwa nokuremekedza kwakafanira norukudzo, uye zvingava zvisina kufanira kuishandisa kuita zviziviso, kupa vanhu zano, kana kuti kutsiura vanhu vanenge varipo.
Nyengetera Uchizvininipisa
7. Soromoni akaratidza sei kuzvininipisa paainyengetera pakutsaurirwa kwetemberi yaJehovha?
7 Tingava tiri kunyengeterera vamwe kana kuti tichizvinyengeterera, nheyo yomumaMagwaro inokosha yatinofanira kuramba tichiyeuka ndeyokuti tinofanira kuratidza kuzvininipisa muminyengetero yedu. (2 Makoronike 7:13, 14) Mambo Soromoni akaratidza kuzvininipisa paainyengeterera vamwe pakutsaurirwa kwetemberi yaJehovha muJerusarema. Soromoni akanga achangobva kupedza chimwe chezvivako zvakaisvonakisisa chisati chambovakwa pasi pano. Asi, akanyengetera nokuzvininipisa achiti: “Ko mukati Mwari ungagara panyika here? Tarira, denga nokudenga-denga hazvingamuringani; ndoda imba ino yandakavaka!”—1 Madzimambo 8:27.
8. Ndedzipi dzimwe nzira dzinoratidzwa nadzo kuzvininipisa pakunyengeterera vamwe?
8 SaSoromoni, tinofanira kuzvininipisa patinenge tichimiririra vamwe pakunyengetera. Kunyange zvazvo tichifanira kudzivisa kutaura kwokuzviita vatsvene, kuzvininipisa kunogona kuratidzwa nenzwi redu. Minyengetero yokuzvininipisa haisi yokuda kuonererwa kana kuti yokushamisira. Inoita kuti vanhu vaise pfungwa dzavo, kwete pamunhu ari kunyengetera, asi pane Ari kutaurwa naye. (Mateo 6:5) Kuzvininipisa kunoratidzwawo nezvatinotaura mumunyengetero. Kana tikanyengetera tichizvininipisa, hatizoiti sokuti tiri kurayira Mwari kuti aite zvimwe zvinhu nenzira yedu. Panzvimbo pezvo, tichateterera Jehovha kuti aite nomutoo unowirirana nokuda kwake kwakanaka. Munyori wePisarema akaenzanisira mafungiro akafanira paakateterera kuti: “Tiponesei zvino, Jehovha—ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufarwa—ndizvo zvatinonyengetera.”—Pisarema 118:25; Ruka 18:9-14.
Nyengetera Zvinobva Pamwoyo
9. Izano ripi rakapiwa naJesu rakaisvonaka rinowanwa pana Mateo 6:7, uye ringashandiswa sei?
9 Kana minyengetero yedu yatinonyengeterera vamwe kana kuti yatinozvinyengeterera ichizofadza Jehovha, inofanira kubva pamwoyo. Saka, hatizongodzokorori manyengeterero akafanana kakawanda tisina kufunga nezvezvatiri kutaura. MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akapa zano rokuti: “Pakunyengetera, usadzokorore zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofungidzira [zvisirizvo] kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko akawanda.” Namamwe mashoko, Jesu akati: “Musarutsa mashoko; musadzokorora zvisingarevi chinhu.”—Mateo 6:7, NW; mashoko omuzasi.
10. Nei zvingava zvakafanira kunyengeterera nhau yakafanana kanopfuura kamwe?
10 Chokwadika, tingafanira kuramba tichinyengeterera nhau yakafanana. Izvozvo hazvingavi zvakaipa nokuti Jesu akakurudzira kuti: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.” (Mateo 7:7) Zvichida panofanira kuva neHoro yoUmambo itsva nemhaka yokuti Jehovha ari kuita kuti basa rokuparidza romunharaunda iyoyo ribudirire. (Isaya 60:22) Zvingava zvakafanira kuti urambe uchitaura izvi paunozvinyengeterera kana kuti paunenge uchinyengeterera vamwe pamisangano yavanhu vaJehovha. Kuita kudaro hakungarevi kuti tinenge tiri ku‘dzokorora zvisingarevi chinhu.’
Yeuka Kuonga Nokurumbidza
11. Rugwaro rwaVaFiripi 4:6, 7 rwunoshanda sei pakuzvinyengeterera nokunyengeterera vamwe?
11 Vanhu vakawanda vanongonyengetera kuti vakumbire chimwe chinhu, asi kuda kwedu Jehovha Mwari kunofanira kutiita kuti timuonge nokumurumbidza patinozvinyengeterera kana kuti patinonyengeterera vamwe. “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe;” akanyora kudaro Pauro, “asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.” (VaFiripi 4:6, 7) Hungu, mukuwedzera kumikumbiro nokuteterera, tinofanira kuonga Jehovha nokuda kwezvikomborero zvomudzimu nezvekunyama. (Zvirevo 10:22) Munyori wePisarema akaimba kuti: “Bayirai Mwari zvibayiro zvokuonga; uripire Wokumusorosoro mhiko dzako.” (Pisarema 50:14) Uye rwiyo rwomunyengetero rwaDhavhidhi rwaibatanidza mashoko aya anobaya mwoyo: “Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, ndichamukudza nokuonga.” (Pisarema 69:30) Hatifaniri kuita zvakafanana kana tichinyengeterera vamwe kana kuti tichizvinyengeterera here?
12. Pisarema 100:4, 5 riri kuzadzika sei nhasi, saka tingarumbidza nokuonga Mwari nokuda kwechii?
12 NezvaMwari, munyori wePisarema akaimba kuti: “Pindai pamasuo ake muchionga, napavazhe dzake muchirumbidza; chimuongai, murumbidze zita rake. Nokuti Jehovha wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.” (Pisarema 100:4, 5) Nhasi, vanhu vamarudzi ose vari kupinda muvazhe dzaJehovha dzokunamatira, uye tinofanira kumurumbidza nokumuonga nokuda kweizvi. Unoonga Mwari nokuda kweHoro yoUmambo yomunharaunda yenyu ndokuratidza kuonga kwako nokuungana ikoko nguva dzose naavo vanomuda here? Paunenge uri ikoko, unoimba zvinonzwika nomwoyo wose uchiimba nziyo dzokurumbidza nokuonga Baba vedu vokudenga here?
Usambonyara Kunyengetera
13. Muenzaniso upi womuMagwaro unoratidza kuti tinofanira kuteterera Jehovha kunyange patinonzwa kuti hatina kufanirwa nemhaka yekuva nemhosva?
13 Kunyange kana tichinzwa kuti hatina kufanirwa nemhaka yokuva nemhosva, tinofanira kuteterera Mwari nomwoyo wose. VaJudha pavakatadza nokutora vadzimai vokumwe, Ezra akapfugama, akatambanudza maoko ake akavimbika kuna Mwari, uye akanyengetera nokuzvininipisa achiti: “Haiwa, Mwari wangu, ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvadarika misoro yedu, mhosva yedu yakakwira kusvikira kudenga. Kubva pamazuva amadzibaba edu takapara mhosva kwazvo kusvikira nhasi . . . Zvatakaitirwa izvi zvose nokuda kwamabasa edu akaipa, uye nokuda kwemhosva dzedu huru, imi Mwari wedu zvamusina kutirova zvakaringana zvakaipa zvedu, mukatisiyira vamwe vakadai, zvino tingapamhidzazve kudarika mirayiro yenyu here, nokushamwaridzana navanhu vanoita izvi zvinonyangadza here? Hamungazotitsamwiri kusvikira matiparadza here, kusvikira kusina wakasiyiwa, kana wakapukunyuka? Jehovha, Mwari waIsraeri, imi makarurama; nokuti tasiyirwa vamwe vakapukunyuka, sezvazvakaita nhasi; tarirai tiri pamberi penyu nemhosva dzedu, nokuti hakuna ungamira pamberi penyu nokuda kwechinhu ichi.”—Ezra 9:1-15; Dheuteronomio 7:3, 4.
14. Sezvakaratidzwa muzuva raEzra, chii chinodikanwa kuti tikanganwirwe naMwari?
14 Kuti tikanganwirwe naMwari, kureurura kwaari kunofanira kubatanidzwa nokupfidza ne“zvibereko zvakafanira kutendeuka.” (Ruka 3:8; Jobho 42:1-6; Isaya 66:2) Muzuva raEzra, kupfidza kwakanga kwakabatanidzwa nenhamburiko yokururamisa zvakaipa nokudzinga vadzimai vokumwe. (Ezra 10:44; enzanisa na2 VaKorinte 7:8-13.) Kana tiri kutsvaka kukanganwirwa naMwari nokuda kwezvakanyanyisa kuipa zvatakaita, ngatireururei mumunyengetero wokuzvininipisa ndokubereka zvibereko zvakafanira kupfidza. Kuda kupfidza uye chishuvo chokururamisa zvakaipa zvingatiitawo kuti titsvake kubetserwa mumudzimu navakuru vechiKristu.—Jakobho 5:13-15.
Nyaradzwa Nomunyengetero
15. Zvakaitika kuna Hana zvinoratidza sei kuti tinogona kunyaradzwa nomunyengetero?
15 Kana mwoyo wedu uchirwadziwa nemhaka yechimwe chinhu, tinogona kunyaradzwa nomunyengetero. (Pisarema 51:17; Zvirevo 15:13) Hana akavimbika akadaro. Akararama panguva yainyanyoitwa mhuri dzakakura muna Israeri, asi akanga asina kubereka vana. Murume wake, Erikana, akanga ane vanakomana navanasikana nomumwe mukadzi wake, Penina, uyo aiseka Hana nemhaka yokuva ngomwa. Hana akanyengetera nomwoyo wose ndokuvimbisa kuti kana akakomborerwa nomwanakomana, ‘aizomupa Jehovha mazuva ose oupenyu hwake.’ Anyaradzwa nomunyengetero wake uye namashoko oMupristi Mukuru Eri, Hana “akarega kuramba achinetseka.” Akabereka mwanakomana waakatumidza kuti Samueri. Gare gare, akamuendesa kuti ashande panzvimbo yokunamatira Jehovha. (1 Samueri 1:9-28, NW) Achionga nyasha dzaakanga aitirwa naMwari, akanyengetera munyengetero wokuonga—wairumbidza Jehovha seasina waakaenzana naye. (1 Samueri 2:1-10) SaHana, tinogona kunyaradzwa nomunyengetero, tichivimba kuti Mwari anopindura mikumbiro yose inowirirana nokuda kwake. Patinodurura mwoyo wedu kwaari, ngatichi“rega kuramba [ti]chinetseka (NW),” nokuti achabvisa mutoro wedu kana kuti achatigonesa kuutsungirira.—Pisarema 55:22.
16. Sezvinoratidzirwa nechiitiko chaJakobho, nei tichifanira kunyengetera patinenge tichitya kana kuti tichinetseka?
16 Kana zvinhu zvichiita kuti titye, kurwadziwa mwoyo, kana kuti kunetseka, ngatiregei kukundikana kunyengetera kuna Mwari kuti atinyaradze. (Pisarema 55:1-4) Jakobho aitya paakanga oda kusangana nomukoma wake wakanga ava kumuvenga, Esau. Asi, Jakobho akanyengetera kuti: “Imi, Mwari wababa vangu Abrahama, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri: Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka; handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Joridhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri. Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti uchauya akandiparadza ini, namai, pamwe chete navana. Ndimi makati: Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.” (Genesi 32:9-12) Esau haana kunetsa Jakobho navaaiva navo. Saka Jehovha aka“itira zvakanaka” Jakobho panguva iyoyo.
17. Maererano naPisarema 119:52, munyengetero ungatinyaradza sei patinenge tichiedzwa zvakaoma?
17 Patinenge tichikumbira, tinganyaradzwa nokuyeuka zvinhu zvinotaurwa muShoko raMwari. Mupisarema rakarebesesa—munyengetero wakaisvonaka unoenderana nenziyo—Muchinda Hezekia angava ariye akaimba achiti: “Ndakarangarira zvamakatonga kare kare, Jehovha, ndikazvinyaradza.” (Pisarema 119:52) Tikanyengetera nokuzvininipisa patinenge tichiedzwa zvakaoma, tingayeuka nheyo yeBhaibheri kana kuti mutemo unogona kutibetsera kuti tironde nzira inoguma nevimbiso inonyaradza yokuti tiri kufadza Baba vedu vokudenga.
Vakavimbika Vanoramba Vachinyengetera
18. Nei zvichigona kunzi ‘vose vakavimbika vachanyengetera kuna Mwari’?
18 Vose vakavimbika kuna Jehovha Mwari vacha‘ramba vachinyengetera.’ (VaRoma 12:12) MuPisarema rechi32, ringangodaro rakanyorwa Dhavhidhi atadza naBhati-shebha, akarondedzera kurwadziwa kwake nemhaka yokutadza kutsvaka kukanganwirwa nokusunungurwa kwaakaunzirwa nokupfidza nokureurura kuna Mwari. Ipapo Dhavhidhi akaimba kuti: “Saka [nokuti kukanganwira kwaJehovha kunowanika kune vanopfidza zvechokwadi] vose vanotya Mwari ngavanyengetere kwamuri panguva yamungawanikwa.”—Pisarema 32:6.
19. Nei tichifanira kusimudza maoko akavimbika tichinyengetera?
19 Kana tichikoshesa ukama hwedu naJehovha Mwari, tichanyengeterera ngoni dzake nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu. Nokutenda, tinogona kusvika chigaro chenyasha dzisina kufanirwa tisingatyi kuti tiwane ngoni nokubatsirwa panguva yakafanira. (VaHebheru 4:16) Asi pane zvikonzero zvakawanda kwazvo zvokunyengetera! Saka ngati‘rambe tichinyengetera’—nguva zhinji nemashoko okurumbidza kunobva pamwoyo nokuonga Mwari. (1 VaTesaronika 5:17) Siku nesikati, ngatisimudzei maoko akavimbika tichinyengetera.
Ungapindura Uchitii?
◻ Zvinobetserei kufanofunga munyengetero watinonyengeterera vamwe?
◻ Nei tichifanira kunyengetera noruremekedzo norukudzo?
◻ Tinofanira kuratidza chimiro chipi patinenge tichinyengetera?
◻ Patinenge tichinyengetera, nei tichifanira kuyeuka kuonga nokurumbidza?
◻ Bhaibheri rinoratidza sei kuti tinogona kunyaradzwa nomunyengetero?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mambo Soromoni akaratidza kuzvininipisa paainyengeterera vamwe pakatsaurirwa temberi yaJehovha
[Mifananidzo iri papeji 18]
SaHana, unogona kunyaradzwa nomunyengetero