Kunamata Bhaari—Kurwira Mwoyo Yavaisraeri
Kwemakore anoda kusvika chiuru, mwoyo yorudzi rwavaIsraeri yakarwirwa. Kutya mashura netsika dzepabonde zvakarwisana nekutenda kune rimwe divi uye kuvimbika kune rimwe racho. Kurwisana uku kwoupenyu norufu kwakarwisanisa kunamatwa kwaBhaari nokunamatwa kwaJehovha.
RUDZI rwaIsraeri rwaizoomerera nokutendeka kuna Mwari wechokwadi, akavabudisa muEgipita here? (Eksodho 20:2, 3) Kana kuti vaizoenda here kuna Bhaari, mwari ainyanyodiwa navaKanani, akanga avimbisa kuti aizoita kuti nyika yacho ibereke?
Hondo iyi yomudzimu, yakarwiwa zviuru zvemakore zvakapfuura, inokosha kwatiri. Nei? “Izvi,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “zvakanyorwa kuti tinyeverwe isu, takasvikirwa nokuguma kwenyika.” (1 VaKorinte 10:11) Nyevero huru yokurwisana uku kukuru ichareva zvakawanda kana tikanzwisisa kuti Bhaari aiva ani uye kuti kunamata Bhaari kwaibatanidzei.
Bhaari Aiva Ani?
VaIsraeri vakaziva Bhaari pavakasvika muKanani, munenge mugore ra1473 B.C.E. Vakaona kuti vaKanani vainamata vanamwari vakawanda vakanga vakafanana navanamwari veEgipita, nyange zvazvo vakanga vane mazita akasiyana nekumwe kuita kwakasiyana. Zvisinei, Bhaibheri rinosiyanisa Bhaari saiye oga mwari mukuru wevaKanani, uye zvakaoneka pakuchera matongo zvinosimbisa kukurumbira kwake. (Vatongi 2:11) Nyange zvazvo Bhaari akanga asiri hake mwari mukuru wevamwari vavo, akanga ari mwari ainyanyokosha kuvaKanani. Vaidavira kuti akanga ane simba rokunayisa mvura, rokudzora mhepo, uye makore uye kuti iye oga ndiye aigona kununura vanhu—uyewo nemhuka dzavo nembesa—pakusabereka kana kuti nyange parufu. Kana Bhaari aisavadzivirira, Mot, mwari weKanani aida zvokutsiva, aitoti avaunzire nhamo chete.
Kunamata Bhaari kwaifambirana netsika dzepabonde. Nyange zvinhu zvechitendero zvaiva nechokuita naBhaari, seshongwe tsvene nematanda matsvene, zvaireva zvepabonde. Zviri pachena kuti, shongwe tsvene dzacho—mabwe kana kuti matombo akavezwa akaita sechiratidzo chomutezo wechirume—zvaimirira Bhaari, rutivi rwomurume rwokurara nomukadzi. Matanda matsvene, kune rimwe divi, zvakanga zviri zvinhu zvakagadzirwa nemiti kana kuti miti yaimirira Ashera, mudzimai waBhaari uye zvaimirira mutezo wechikadzi.—1 Madzimambo 18:19.
Chipfambi chepatemberi nokubayira vana zvakanga zviri zvimwe zvinhu zvakakurumbira zvaiitika pakunamata Bhaari. (1 Madzimambo 14:23, 24; 2 Makoronike 28: 2, 3) Bhuku rinonzi The Bible and Archaeology rinoti: “Mutemberi dzevaKanani makanga mune pfambi dzechirume nedzechikadzi (varume nevakadzi ‘vatsvene’) uye marudzi ose okurara kwomurume nomukadzi kwakanyanyisa aiitwa. [VaKanani] vaidavira kuti munzira yakati tsika idzi dzaiita kuti zvirimwa nezvipfuwo zviwande.” Izvozvo zvaitonzi nechitendero hazvina kuipa, nyange zvazvo unzenza hwakadaro pasina mubvunzo hwaifadza zvishuvo zvenyama zvevanamati vacho. Saka, Bhaari akanyengedza sei mwoyo yevaIsraeri?
Nei Zvakanga Zvichikwezva Kudaro?
Zvimwe vaIsraeri vakawanda vakasarudza kutevera chitendero chaisada zvakawanda kwavari. Pakunamata Bhaari vakarerutsirwa kuchengeta Mutemo, wakadai seSabata nokuganhurirwa kwakawanda mune zvetsika. (Revhitiko 18:2-30; Dheuteronomio 5:1-3) Zvimwe, kubudirira mune zvokunyama kwevaKanani kwakaita kuti vamwe vadavire kuti Bhaari aifanira kupfupwa.
Nzvimbo tsvene dzeKanani, dzaizivikanwa senzvimbo dzakakwirira uye dzaiva mumasango aiva nemiti akanga ari pamusoro pemakomo, dzinofanira kuva dzakava nzvimbo yakanaka yetsika dzoruzvaro dzaiitwa ikoko. Nenguva isipi, vaIsraeri vakanga vasingachagutsikani nokuramba vachienda kunzvimbo tsvene dzechiKanani; vakatozvivakira dzavo pachavo. “Naivo vakazvivakira matunhu akakwirira, neshongwe, namatanda okunamata nawo pazvikomo zvose zvakakwirira, napasi pemiti yose mitema.”—1 Madzimambo 14:23; Hosea 4:13.
Asi zvinonyanyokosha, kunamata Bhaari kwaifadza nyama. (VaGaratia 5:19-21) Miitiro yacho yenyama yakapfuura kushuva kuva nezvirimwa nezvipfuwo zvakawanda chete. Zvepabonde zvakakosheswa. Izvi zvinopupurirwa netumifananidzo twakawanda twakafukunurwa, twune mitezo yakavandika yakapamhidzirwa, dzairatidza kunzwa kuda kurara nomunhu. Mabiko, kutamba, uye nziyo zvakaita kuti vanhu vade kuita muitiro usingadzorwi.
Tinogona kufungidzira zvaiitika nguva dzose pamavambo ematsutso. Mumarongero anoshamisa omuzvarirwo, akazadzwa nokudya achinyandurwa newaini, vanamati vacho vanotamba. Kutamba kwavo kworuzvaro kunoitirwa kumutsa Bhaari pakusashanda kwake kwomuchirimo kuitira kuti nyika ikomborerwe nemvura. Vanotamba vachipoterera shongwe dzakaita semitezo yechirume nematanda matsvene. Kuzununguka kwacho, kunyanya kuya kwepfambi dzepatemberi, ndekwokuparira chishuvo chokurara nomunhu uye kwenyama. Nziyo dzacho nevanhu zvinovakurudzira. Uye zvimwe, pavanenge vava kunyanyisa kutamba, vatambi vacho vanoenda kumakamuri emba yaBhaari kuti vanoita zvounzenza.—Numeri 25:1, 2; enzanisa naEksodho 32:6, 17-19; Amosi 2:8.
Vaifamba Nokuona, Kwete Nokutenda
Nepo rudzi rwokunamata kwenyama rwakadaro rwakakwezva vakawanda, kutya kwakaitawo kuti vaIsraeri vanamate Bhaari. VaIsraeri zvavakarasa kutenda kwavo muna Jehovha, kutya vakafa, kutya nguva yemberi, uye kunakidzwa nemashiripiti zvakavaita kuti vadavire midzimu, izvo zvakazobatanidzawo tsika dzakashatisisa. The International Standard Bible Encyclopedia inotsanangura kuti vaKanani vaikudza sei midzimu yevakanga vafa sorutivi rwokunamata kwavo madziteteguru: “Mabiko . . . aipembererwa muguva remhuri kana kuti pokuvigira nokudhakwa kwetsika nokurara kwomurume nomukadzi (zvimwe kwaibatanidza makunakuna) maifungidzirwa kuti vakafa vacho vaipembererawo.” Kuitawo miitiro yokudavira midzimu inonyadzisa zvakadaro kwakaramba kuchiparadzanisa vaIsraeri naMwari wavo, Jehovha.—Dheuteronomio 18:9-12.
Mifananidzo—netsika dzaibatanidzwa—zvakakwezvawo vaIsraeri vaya vaisarudza kufamba nokuona pane kutenda. (2 VaKorinte 5:7) Nyange pashure pokuona zvishamiso zvikuru zvaiitwa neruoko rusingaoneki rwaJehovha, vaIsraeri vakawanda vakanga vabva kuEgipita vakafunga kuti vaida kunyatsomuona. (Eksodho 32:1-4) Vamwe vevazukuru vavo vaidawo kunamata chimwe chinhu chaioneka, chakadai semifananidzo yaBhaari.—1 Madzimambo 12:25-30.
Ndiani Akakunda?
Kurwira mwoyo yevaIsraeri kwakaramba kuchiitwa kwemazana emakore, kubva panguva yavakasvika mumapani eMoabhi vava kuda kuzopinda muNyika Yakapikirwa kusvika panguva yokuendeswa kwavo kuBhabhironi. Kubudirira kwavo kunoita sekwaisiyana-siyana. Dzimwe nguva, vaIsraeri vakawanda vacho vakaramba vakavimbika kuna Jehovha, asi vaiwanzoenda kuna Bhaari. Chikonzero chikuru cheizvi kwakanga kuri kushamwaridzana kwavo nevanhu vechihedheni vavaigara navo.
Vakurirwa muhondo, vaKanani vakarwa nedzimwe nzira dzounyengeri. Vakagara pedyo nevaIsraeri ndokukurudzira vakanga vavakunda kuti vagamuchire vanamwari venyika yacho sevavo. Vatongi vakanga vakashinga vakadai saGideoni naSamueri vakaramba muitiro uyu. Samueri akakurudzira vanhu kuti: “Bvisai vamwari vatorwa . . . , mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga.” Kwenguva yakati vaIsraeri vakateerera zano raSamueri, uye “vakabvisa vaBhaari neAshtaroti, vakashumira Jehovha oga.”—1 Samueri 7:3, 4; Vatongi 6:25-27.
Pashure pokutonga kwaSauro naDhavhidhi, Soromoni akazotanga kubayira zvibayiro kuna vanamwari vokumwe mumakore ake okupedzisira. (1 Madzimambo 11:4-8) Mamwe madzimambo aIsraeri naJudha akaita zvakafanana uye akazvipira kuna Bhaari. Nyange zvakadaro, vaporofita nemadzimambo vakanga vakatendeka, vakadai saEria, Erisha, uye Josia, vakatungamirira mukurwisa kunamatwa kwaBhaari. (2 Makoronike 34:1-5) Uyezve, munguva iyi yose yenhau yaIsraeri, kwakanga kune vamwe vanhu vakaramba vakatendeka kuna Jehovha. Nyange panguva yaAhabhi naJezebheri, pakanga panyanyokurumbira kunamata Bhaari, vane zviuru zvinomwe vakaramba ‘kupfugamira Bhaari nemabvi avo.’—1 Madzimambo 19:18.
Pakupedzisira, vaJudha vadzoka kuutapwa kuBhabhironi, kunamatwa kwaBhaari hakuzombodudzwizve. Kufanana nevaya vanotaurwa nezvavo pana Ezra 6:21, vose ‘vakazvitsaura vachibva pamatsvina evahedheni venyika, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsraeri.’
Nyevero Inowanwa Pakunamatwa kwaBhaari
Nyange zvazvo kunamatwa kwaBhaari kwakapera kare kare, chitendero ichocho chechiKanani nenzanga yanhasi zvakafanana pachinhu chimwe—kukudzwa kwezvepabonde. Kunyengedzwa nounzenza kunoita sokuti kuri mumhepo chaiyo yatinofema. (VaEfeso 2:2) “Tiri kurwisana nesimba risingaoneki riri kudzora nyika ino iri murima, uye vamiriri vomudzimu vanobva kudzimbahwe chairo rouipi,” Pauro anonyevera kudaro.—VaEfeso 6:12, Phillips.
Iri “simba risingaoneki” raSatani rinokurudzira unzenza kuitira kuti riise vanhu muuranda hwomudzimu. (Johane 8:34) Munyika yanhasi inoregeredza, unzenza hahuitwi setsika yoruzvaro asi, panzvimbo pazvo, senzira yokuzvigutsa nokuita zvinhu zvako wega. Uye mashoko anoparadzirwa anongokurudzirawo zvakafanana. Mashoko ane chokuita nezvepabonde ari kuzadza vanhu pachishandiswa varaidzo, nziyo, uye kushambadza. Vashumiri vaMwari havana kudzivirirwa pazvinhu izvi zvinokuvadza. Kutaura chokwadi, vakawanda veavo vanodzingwa muungano yechiKristu vanhu vakaita miitiro yakadaro. MuKristu angatoramba akachena nokungodzivisa mazano aya ounzenza.—VaRoma 12:9.
Zvapupu zviduku kunyanya ndizvo zviri pangozi, sezvo zvinhu zvakawanda zvavangawana zvichikwezva zvakazadzwa nezvepabonde. Zvinotoita kuti nyaya yacho inyanyooma ndezvekuti, vanofanira kudzivisa kupesvedzera kwevamwe vaduku vanovakurudzira. (Enzanisa naZvirevo 1:10-15.) Vakawanda vakapinda mudambudziko, somuenzaniso, panoungana vakawanda. Sezvaiitwa pakunamatwa kwaBhaari munguva dzekare, nziyo, kutamba uye kukwezva kwekuda zvepabonde zvinobva zvanyatsopindirana.—2 Timotio 2:22.
“Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” akabvunza kudaro munyori wepisarema. “Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu.” (Pisarema 119:9) Mutemo waMwari zvawakarayira vaIsraeri kuti vadzivise kunyanyoshamwaridzana nevaKanani, saka Bhaibheri rinotichenjedza nezvengozi yokushamwaridzana kusiri kwokuchenjera. (1 VaKorinte 15:32, 33) MuKristu muduku anoratidza kukura kwake mupfungwa paanoramba zvingava zvinokwezva panyama asi zvaanoziva kuti zvinokuvadza tsika. Kufanana naEria akanga akatendeka, hatingaregi kukukura kwepfungwa dzevanhu vose kuti kutisarudzire.—1 Madzimambo 18:21; enzanisa naMateo 7:13, 14.
Imwe nyevero ine chokuita nekurasikirwa nokutenda, “zvivi zvinongotinamatira.” (VaHebheru 12:1) Zvinoita sokuti vaIsraeri vakawanda vakanga vachiri kudavira muna Jehovha, asi vaitarira kuna Bhaari samwari aizodzivirira mbesa dzavo nokuvapa zvavaida mazuva ose. Zvimwe vaifunga kuti temberi yaJehovha yaiva muJerusarema yakanga iri kure zvikuru zvokuti kuchengeta mitemo yake kwakanga kusingaiti. Kunamata Bhaari kwakanga kusingadi zvakawanda zvikuru uye kuri nyore—vaigona nyange kubayira zvinonhuwira kuna Bhaari pamusoro pedzimba dzavo. (Jeremia 32:29) Zvingadaro kuti, vakatanga kunamata Bhaari zvishoma nezvishoma nokungoitawo dzimwe dzetsika kana kuti nyange nokungopa zvibayiro kuna Bhaari muzita raJehovha.
Tingarasikirwa sei nokutenda ndokubva kuna Mwari mupenyu zvishoma nezvishoma? (VaHebheru 3:12) Tingarasikirwa zvishoma nezvishoma nokukoshesa kwataimboita misangano nemagungano. Pfungwa yakadaro inoparira kurasikirwa nechivimbo mugadziriro yaJehovha ye“zvokudya [zvomudzimu] nenguva yakafanira.” (Mateo 24:45-47) Taneteswa kudaro, tingaregeredza ku“batisisa [kwedu] shoko roupenyu” nyange kutotanga kuva nemwoyo miviri, zvimwe tichitadza kudzivisa zvinorondwa zvenyama kana unzenza.—VaFiripi 2:16; enzanisa naPisarema 119:113.
Kubatisisa Kutendeka Kwedu
Pasina mubvunzo, nhasi kurwira mwoyo kuri kuitwa. Ticharamba takavimbika kuna Jehovha here kana kuti tichatsauswa nokurarama kwounzenza kwenyika ino? Zvinosuruvarisa kutaura kuti, kungofanana nevaIsraeri vakakwezviwa nemiitiro inosemesa yevaKanani, vamwe varume nevakadzi vechiKristu nhasi vakakwezviwa kuti vaite zviito zvinonyadzisa.—Enzanisa naZvirevo 7:7, 21-23.
Kukurirwa mumudzimu kwakadaro kunogona kudziviswa kana tika‘ramba takasimba setinoona Iye usingaoneki,’ kufanana naMosesi. (VaHebheru 11:27) Chokwadi, tinofanira ku“rwir[a] kwazvo kutenda.” (Judhasi 3) Asi nokuramba takatendeka kuna Mwari wedu nokunheyo dzake, tinogona kutarira mberi kunguva apo kunamata kwenhema kuchava kusisipo zvachose. Kunamatwa kwaJehovha zvakwakakurira kunamatwa kwaBhaari, saka tinogona kuva nechokwadi chokuti nokukurumidza “nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:9.
[Mufananidzo uri papeji 31]
Matongo ari muGezer eshongwe tsvene dzaishandiswa pakunamata Bhaari
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
Musée de Louvre, Paris