Kuchengeta Vimbiso Yangu Yokushumira Mwari
YAKATAURWA NAFRANZ GUDLIKIES
Pachikwata changu chevarwi vanopfuura zana vana chete ndivo vakasara vari vapenyu. Ndatarisana norufu, ndakapfugama nemabvi angu ndokuvimbisa Mwari kuti, ‘Kana ndikapukunyuka hondo, ndichakushumirai nguva dzose.’
NDAKAITA vimbiso iyoyo makore 54 akapfuura, muna April 1945, pandakanga ndiri murwi muuto reGermany. Hondo Yenyika II yakanga yava kuda kutoguma, uye uto reSoviet rakanga richiuya chaizvo rakananga kuBerlin. Varume vokwedu vakanga vari pedyo nedhorobha reSeelow paRwizi rweOder, makiromita asingasviki 65 kubva kuBerlin. Ikoko takanga tichirohwa chaizvo siku nesikati nezvombo zvihombe, uye chikwata changu chakanga chichiparadzwa chaizvo.
Panguva iyoyo, ndipo pandakachema ndokunyengetera nemisodzi kuna Mwari, kokutanga muupenyu hwangu. Ndakayeuka rugwaro rweBhaibheri rwaiwanzotaurwa naamai vangu vaitya Mwari: “Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; ini ndichakurwira, iwe ugondirumbidza.” (Pisarema 50:15) Ndiri mumakoronga imomo uye ndakabatira ura mumaoko, ndakavimbisa zvadudzwa pamusoro apa kuna Mwari. Ndakakwanisa sei kuiita? Uye zvakafamba sei kuti ndakanga ndava nhengo yeuto reGermany?
Kukura Ndiri muLithuania
Muna 1918, munguva yeHondo Yenyika I, Lithuania yakazivisa kuzvitonga kwayo ndokugadza gadziriro yehurumende yegutsaruzhinji. Ndakaberekwa muna 1925 muruwa rweMemel (Klaipėda) pedyo neGungwa reBaltic. Ruwa rwacho rwakanga ruchangobva kubatanidzwa neLithuania gore rakatangira kuberekwa kwangu.
Ini nehanzvadzi dzangu shanu takava nenguva youduku inofadza. Baba vakanga vakaita seshamwari yataiwirirana nayo, vachigaroita zvinhu nesu vana. Vabereki vedu vaiva nhengo dzeChechi yeEvangelical, asi vakanga vasingaendi kuminamato nokuti Amai vaigumburwa neunyengeri hwomufundisi. Nepo, vaida Mwari neShoko rake, Bhaibheri, ravairava vachidisa.
Muna 1939, Germany yakatora divi reLithuania rataigara. Zvadaro, pamavambo a1943, ndakadanwa kubasa rechiuto muuto reGermany. Imwe hondo yacho yakandisiya ndakuvara, asi pandakapora mavanga acho, ndakadzokera kumabvazuva kwaipisa hondo. Panguva iyi, hondo yakanga yapinduka uye vaGermany vakanga vava kutiza uto reSoviet. Panguva iyoyo ndipo pandakapukunyuka kuurayiwa nepaburi retsono, sezvarondedzerwa musumo.
Kuchengeta Vimbiso Yangu
Hondo payairwiwa, vabereki vangu vakatamira kuOschatz, Germany, nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweLeipzig. Hondo ichangopera, zvakanga zvakaoma kuvawana. Asi takafara sei kusonganiswazve pakupedzisira! Pasina nguva izvozvo zvaitika, muna April 1947, ndakaperekedza Amai kuhurukuro yavose yakapiwa naMax Schubert, chimwe Chapupu chaJehovha. Amai vaidavira kuti vakanga vawana chitendero chechokwadi, uye pashure pokupinda misangano mishomanene, ndakasvika pakudavirawo zvavaidavira.
Kwapera chinguva chiduku, Amai vakakoromoka pamanera, vakaita mavanga akazovauraya mwedzi mishoma gare gare. Pavakanga vari muchipatara vasati vafa, vakandikurudzira noushamwari vachiti: “Ndainyengetera kakawanda kuti anenge mumwe hake wevana vangu awane nzira inoenda kuna Mwari. Zvino ndinoona kuti minyengetero yangu yapindurwa, uye ndinogona kufa norugare.” Ndinotarisira mberi sei kunguva apo Amai vachamuka kuvakafa ndokuziva kuti zvavakanga vanyengeterera zvakanga zvaitika!—Johane 5:28.
Musi wa8 August 1947, mwedzi mina chete chete pashure pokunzwa hurukuro yaHama Schubert, ndakabhabhatidzwa pagungano romuLeipzig kuratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari. Pakupedzisira ndakanga ndava kutora matanho okuti ndiite zvandakanga ndavimbisa Mwari. Pasina nguva ndakava piyona, sokudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Panguva yacho kwaiva nemapiyona aida kusvika 400 aigara mune yakazova German Democratic Republic, kana kuti East Germany.
Miedzo Yokutenda Yokutanga
Mumwe muvakidzani muOschatz akaedza kundiita kuti ndifarire pfungwa dzaMarx, achindipa mukana wokuwana dzidzo yepayunivhesiti inobhadharwa neHurumende kana ndaizojoina Socialist Unity Party of Germany (SED). Ndakaramba chikumbiro chacho, Jesu zvaakangorambawo chikumbiro chaSatani.—Mateo 4:8-10.
Rimwe zuva muna April 1949, mapurisa maviri akauya kubasa kwangu ndokundirayira kuti ndiende navo. Ndakaendeswa kuhofisi yomunharaunda yacho yeC.I.O. yomuSoviet kwandakapomerwa mhosva yokushandira macapitalist okuMadokero. Vakati ndaigona kupa uchapupu hwokusava kwangu nemhosva, nokuramba ndichiita basa rangu repaimba neimba asi ndichivakwenyera munhu chero upi zvake aitaura zvakaipa nezveSoviet Union kana SED kana kuti munhu chero upi zvake aishanyira misangano yeZvapupu zvaJehovha. Pandakaramba kushandira pamwe, ndakakiyirwa muchitokisi. Gare gare, ndakaendeswa kune rairatidzika sedare reuto. Mutongo wangu: makore 15 ndichishanda zvakaoma muSiberia!
Ndakaramba ndakadzikama, uye izvozvo zvakaorora vakuru vakuru vacho. Vakazondiudza kuti mutongo wangu waizoramba uripo, asi kuti zvaizova zvakakwana kuti ndidzokepo kamwe vhiki yoga yoga kutozosvikira ndava kuda kushandira pamwe navo. Ndichida zano rezvimwe Zvapupu zvakakura mumudzimu, ndakaenda kuMagdeburg, kwakanga kune hofisi yebazu reWatch Tower Society panguva iyoyo. Rwendo rwacho rwakanga rwusiri nyore, sezvo ndaiongororwa. Ernst Wauer, akanga achishanda muDhipatimendi Remutemo muMagdeburg, akandiudza kuti: “Irwa uye uchabudirira. Rega uye uchakundwa. Ndizvo zvatakadzidza mumisasa yavasungwa.”a Zano iroro rakandibatsira kuchengeta vimbiso yangu yokushumira Mwari.
Kurambidzwa Nokusungwazve
Muna July 1950, ndakarumbidzwa kuti ndishande somutariri anofambira. Zvisinei, musi wa30 August, mapurisa akangoerekana apinda muzvivako zvedu muMagdeburg, uye basa redu rokuparidza rakarambidzwa. Nokudaro basa rangu rakachinjwa. Ini naPaul Hirschberger taifanira kushanda neungano dzinenge 50, tichipedza mazuva maviri kana matatu tine imwe, tichibatsira hama kuva dzakarongeka kuti dziite ushumiri dzakarambidzwa. Mumwedzi yakatevera, ndakapukunyuka kusungwa nemapurisa katanhatu!
Imwe ungano yakanga yapindwa nomumwe munhu akatitengesa kuStasi, Sangano reHurumende Rokudzivirira. Saka, muna July 1951, ini naPaul takasungwa mumugwagwa nevarume vashanu vakanga vane pfuti. Tichitarira shure, taigona kuona kuti takanga tisina kutsamira pasangano raJehovha chaizvo sezvataifanira kuita. Takanga tambonyeverwa nehama dzedu dzakanga dzakura kuti tisafe takafamba tose. Kunyanya kuzvivimba kwakanga kwaita kuti tirasikirwe norusununguko rwedu! Uyezve, takanga tisina kugara tataurirana kuti taizoti kudii kana tasungwa.
Ndiri ndoga muchitokisi mangu, ndakakumbira Jehovha ndichichema kuti andibatsire kuti ndisatengesa hama dzangu kana kuti ndisarega kutenda kwangu. Pandakanga ndabatwa nehope, ndakaerekana ndamutswa nenzwi reshamwari yangu Paul. Nechepamusoro pechitokisi changu chaipo ndipo pakanga pane kamuri raakanga achibvunzirwa neStasi. Sezvo hwakanga huri usiku hwaidziya uye hune mwando, suo repavharanda rakanga rakavhurwa, uye ndaigona kunzwa zvose nokure. Gare gare, pandakabvunzwa, ndakapa mhinduro dzakafanana, zvakashamisa vakuru vakuru vacho. Rugwaro rwaidiwa zvikuru naAmai, “Udane kwandiri pazuva rokutambudzika; ini ndichakurwira” rwakaramba rwuchidzoka mupfungwa dzangu, uye ndakakurudzirwa zvokuti.—Pisarema 50:15.
Pashure pokubvunzurudzwa, ini naPaul takapedza mwedzi mishanu takasungwa tisati tatongwa tiri mujeri reStasi raiva muHalle uye gare gare kuMagdeburg. Patakanga tiri kuMagdeburg, ndaimbopota ndichiona zvivako zvedu zvakanga zvavharwa panguva iyoyo. Ndakashuva kuti dai ndakanga ndiri kushanda ipapo panzvimbo pokuva mujeri! Muna February 1952 mutongo wedu wakaziviswa: “Makore 10 mujeri uye makore 20 tisina kodzero yokuva vagari womunyika yacho.”
Kuramba Tine Kutenda Mujeri
Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvatongerwa makore asiri pasi pegumi zvaipfeka zvimwe zvinhu zvaizviratidza imwe yenguva yazvaiva mujeri. Tambo tsvuku yaisonerwa pagumbo rokurudyi remudhebhe uye kuruoko rworudyi rwemabhachi edu. Uyezve, kakadhibhokisi katsvuku keraundi kakanamatidzirwa panze pesuo rechitokisi chedu kuti vanyevere varindiri kuti takanga tiri matsotsi ane ngozi.
Vakuru-vakuru vaitonyatsotiona setaiva matsotsi okupedzisira. Takanga tisingabvumirwi kuva neBhaibheri nemhaka yokuti sematsanangurire akaita mumwe murindiri: “Chapupu chaJehovha chine Bhaibheri muruoko rwacho chakafanana netsotsi rine pfuti muruoko rwaro.” Kuitira kuti tiunganidze zvidimbu zveBhaibheri, tairava mabhuku omunyori wokuRussia Leo Tolstoy, aiwanzonyora mashoko eBhaibheri mumabhuku ake. Takadzidza Magwaro eBhaibheri aya nomusoro.
Ndisati ndasungwa muna 1951, ndakanga ndavimbisa kuroora Elsa Riemer. Aindishanyira kakawanda kaaigona mujeri uye ainditumira pasuru yezvokudya kamwe pamwedzi. Aivigawo zvokudya zvomudzimu mupasuru dzake. Kamwe, akamboisa nyaya dzomuNharireyomurindi mumasoseji. Varindiri vaiwanzocheka vachivhura masoseji kuti vaongorore kana makanga mune chimwe chinhu chakanga chakavigwa mukati, asi nguva ino pasuru yacho yakasvika zuva rokushanda rava kutonopera, uye haina kuongororwa.
Panguva yacho, ini naKarl Heinz Kleber taigara muchitokisi nevamwe vasungwa vatatu vakanga vasiri Zvapupu. Taizorava sei Nharireyomurindi yacho tisingaonekwi? Tainyepedzera kurava bhuku, asi takanga taviga nyaya dzeNharireyomurindi mukati macho. Taipfuudzawo zvokudya zvomudzimu izvi zvaikosha kune vamwe vedu vaiva Zvapupu vakanga vari mujeri.
Patakanga tiri mujeri takashandisa mikana yataiwana kuudza vamwe nezveUmambo hwaMwari. Ndakafara kuona mumwe wandakanga ndakasungwa naye achizoguma ava mutendi.—Mateo 24:14.
Kudzoka Kubasa Renguva Yakazara
Musi wa1 April 1957, kwapera makore anenge matanhatu ndiri mujeri, ndakasunungurwa. Mavhiki asingasviki maviri akazotevera, ndakaroora Elsa. Stasi payakanzwa nezvekusunungurwa kwangu, yakatsvaka chikonzero chokuti ndidzorerwe kujeri. Kuti tidzivise izvozvo kuitika, ini naElsa takayambuka muganhu kuti tindogara kuWest Berlin.
Patakasvika kuWest Berlin, Sosaiti yaida kuziva zvatakanga taronga. Takatsanangura kuti mumwe wedu aizopayona apo mumwe wacho aizoshanda kunyika.
“Munganzwa sei kana mose mukava mapiyona?” takabvunzwa.
“Kana zvichiita,” takapindura tichidaro, “tichatotanga iko zvino.”
Saka taipiwa kamari kashoma mwedzi woga woga kutibatsira kuzvitsigira, uye takatanga kushanda semapiyona chaiwo muna 1958. Mufaro wakadini watakava nawo kuona vanhu vataidzidza navo Bhaibheri vachichinja upenyu hwavo kuti vave vashumiri vaJehovha! Makore gumi akatevera tiri mubasa roupiyona chaihwo akatidzidzisa kushanda takabatana somurume nomudzimai. Elsa airamba aneni, nyange pandaigadzira motokari. Tairava, kudzidza, uye kunyengetera tose.
Muna 1969 takapiwa basa rokufambira, kushanyira ungano yakasiyana vhiki yoga yoga kuti tishumire zvaidiwa nenhengo dzayo. Josef Barth, murume akanga ane ruzivo mubasa rokufambira, akandipa zano iri: “Kana uchida kubudirira mubasa rako, ingova hama kuhama.” Ndakaedza kushandisa zano iroro. Takaguma tava noukama hunofadza uye hwokuwirirana nevamwe vedu Zvapupu, izvo zvakaita kuti zvive nyore kuti tipe zano parakanga richidiwa.
Muna 1972, Elsa akaongororwa ndokuoneka ane gomarara uye akavhiyiwa. Gare gare, akazovawo nechirwere chokupiswa muviri. Nyange zvazvo airwadziwa, aingondiperekedza vhiki yoga yoga, kushanyira ungano, kushanda nehanzvadzi muushumiri kakawanda sekaaigona.
Kugadziridza Zvinodiwa
Muna 1984 vabereki vomudzimai wangu vakanga vava kuda kuramba vachitarisirwa, saka takarega basa rokufambira kuti tivatarisire kusvikira pavakazofa kwapera makore mana. (1 Timotio 5:8) Zvadaro, muna 1989, Elsa akarwara zvokurwara zviya. Zvinofadza kuti, ati nayei, asi ndaitofanira kutarisira mabasa ose omumba. Ndichiri kudzidza kubata nomumwe munhu anoramba achirwadziwa. Nepo, pasinei zvapo nokunetseka kwatakaita mupfungwa, takaramba tichida zvinhu zvomudzimu.
Tinofara kuti nhasi, tichiri kupayona. Zvisinei, tasvika pakunzwisisa kuti chakakosha haisi nzvimbo yatinayo kana kuti tinokwanisa kuita zvakawanda sei, asi kuti tirambe takatendeka. Tinoda kushumira Mwari wedu, Jehovha, kwete chete kwemakore mashomanene, asi nokusingagumi. Zvakaitika kwatiri kwave kuri kurovedzwa kwakaisvonaka nokuda kwenguva yemberi. Uye Jehovha akatipa simba rokumurumbidza nyange mumamiriro ezvinhu anoedza zvikuru.—VaFiripi 4:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya youpenyu yaErnst Wauer yakabuda muNharireyomurindi yaAugust 1, 1991, mapeji 25 kusvikira ku29.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndakaiswa mujeri pano muMagdeburg
[Kwazvakatorwa]
Gedenkstätte Moritzplatz Magdeburg für die Opfer politischer Gewalt; Foto: Fredi Fröschki, Magdeburg
[Mufananidzo uri papeji 23]
Patakaroorana muna 1957
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ndina Elsa nhasi