Mumwe Munhu ane Hanya Chaizvoizvo
ZVIURU zvevanhu zvinoratidza kuti zvine hanya chaizvoizvo. Hazvina pfungwa dzakatindivara, dzeudyire dzekuti nhamo yemumwe hairambirwi sadza. Asi, zvinoita zvose zvazvinogona—padzimwe nguva zvichiisa kunyange upenyu hwazvo pangozi—kuti zvideredze kutambura. Iri ibasa guru, rinoitwa kuti riome nezvinhu zvine simba zvazvisingagoni kudzora.
Zvinhu zvakadai sekukara, chitsotsi chezvematongerwe enyika, hondo, uye ngozi dzinoitika dzega zvinogona kukanganisa kunyange “vavariro dzakanaka dzemwoyo wose dzokushingaira kubvisa nzara,” anodaro mumwe mushandi anopa rubatsiro. Kupedza nzara chimwe chematambudziko akawanda ayo vanhu vane hanya vanonangana nawo. Vanorwisawo zvinhu zvakadai sechirwere, urombo, kusaruramisira, uye kutambura kukuru kunoparirwa nehondo. Asi vari kubudirira here?
Mukuru mukuru werimwe sangano rinopa rubatsiro akati avo vane “vavariro dzakanaka dzemwoyo wose dzokushingaira” kubvisa nzara nekurwadziwa vakafanana nemuSamaria ane tsitsi akataurwa mumuenzaniso waJesu Kristu. (Ruka 10:29-37) Akati pasinei nezvavanoita, nhamba yevanoitirwa utsinye inongoramba ichiwedzera. Saka akabvunza kuti: “MuSamaria akanaka anofanira kuitei kana akafamba nenzira iyoyo zuva nezuva kwemakore anoverengeka ndokuwana mumwe munhu anenge apondwa nemakororo vhiki yega yega pamucheto penzira?”
Zvaizova nyore kukurirwa nezvakatsanangurwa se‘kurwara kunouraya anobatsira’ kwava kungoregawo zvakadaro aora mwoyo. Avo vane hanya chaizvoizvo vanofanira kurumbidzwa nokuti havaregi. (VaGaratia 6:9, 10) Somuenzaniso, mumwe murume akanyora tsamba kuJewish Telegraph yekuBritain akarumbidza Zvapupu zvaJehovha, izvo munguva yekutonga kweNazi muGermany “zvakabatsira zviuru zvevaJudha kupukunyuka nhamo tsvuku yemuAuschwitz.” “Apo zvokudya zvaive zvishoma,” munyori wacho akadaro “vakagovana chingwa chavo nehama nehanzvadzi dzedu [dzechiJudha]!” Zvapupu zvakaramba zvichiita zvazvaigona nezvinhu zvazvaiva nazvo.
Asi, chokwadi ndechekuti hapana mwero wekugovana chingwa uchagumisa zvachose kutambura kwevanhu. Izvi hazvisi kutaurwa kuti zvideredze kukosha kwezvakaitwa nevanhu vane tsitsi. Chiito chipi nechipi chinonyatsoderedza kutambura chinokosha. Zvapupu izvozvo zvakatideredzei kurwadziwa kwevamwe vasungwa, uye chiNazi pakupedzisira chakaparadzwa. Zvisinei, gadziriro yenyika inokonzera kudzvinyirira kwakadaro ichiripo, uye vanhu vasina hanya vachakawanda. Zvechokwadi, “rudzi rwuriko, meno arwo akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, kuti rupedze varombo panyika, navanoshayiwa pakati pavanhu.” (Zvirevo 30:14) Zvichida, unoshamisika kuti nei zvakadaro.
Nei Pane Urombo uye Kumanikidza?
Jesu Kristu akamboti: “Varombo munavo nguva dzose, nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka.” (Marko 14:7) Jesu aireva here kuti urombo uye kumanikidza zvaisazofa zvakapera? Sezvinofungwa nevamwe vanhu, aiti kutambura kwakadaro chimwe chirongwa chaMwari chekupa vane tsitsi mukana wekuratidza kuti vane hanya zvikuru sei here? Aiwa! Jesu aisafunga izvozvo. Aingotaurawo hake pfungwa yekuti urombo huchava chinhu chokurarama nacho chero bedzi gadziriro ino yezvinhu iripo. Asi Jesu aizivawo izvi: Chakanga chisiri chinangwa chepakuvamba chaBaba vake vokudenga kuti pasi pave nemigariro yakadaro.
Jehovha Mwari akasika pasi kuti rive paradhiso, kwete nzvimbo inotambudzwa neurombo, kusaruramisira, uye kumanikidza. Akaratidza kuti aiva nehanya nemhuri yevanhu zvikuru sei nekuita gadziriro dzakaisvonaka dzaizowedzera kufadza kweupenyu. Somuenzaniso, funga nezvezita chairo rebindu umo vabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha, vakazviwana vari mariri! Rainzi Edheni, kureva kuti “Mufaro.” (Genesi 2:8, 9) Jehovha haana kuganhurira vanhu kuti vave nezvinongodiwa kuti vararame munzvimbo isingafadzi, ine kumanikidza. Pamugumo webasa rake rekusika, Jehovha akaongorora zvaakanga agadzira uye akataura kuti zvakanga “zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31.
Naizvozvo, ipapoka, neiko urombo, kumanikidza, uye zvimwe zvinokonzera kutambura zvakazara pasi rese nhasi? Gadziriro yezvinhu yakaipa iripo izvozvi iripo nemhaka yekuti vabereki vedu vekutanga vakasarudza kupandukira Mwari. (Genesi 3:1-5) Izvi zvakamutsa mubvunzo wekuti zvakanga zvakarurama here kuti Mwari arayire kuteererwa nezvisikwa zvake. Saka Jehovha akabvumira vazukuru vaAdhama nguva pfupi yokuzvimirira. Mwari akanga achine hanya nezvaiitika kumhuri yemunhu. Akaita gadziriro yekubvisa kukuvadza kwese kwaizounzwa nekumupandukira. Uye nokukurumidza, Jehovha achagumisa urombo uye kumanikidza—tongoti hedu, kutambura kwese hakwo.—VaEfeso 1:8-10.
Dambudziko Risingagoni Kugadziriswa Nemunhu
Mumazana emakore kubvira pakasikwa munhu, vanhu vakaramba vachienda kure nezvinodiwa naJehovha. (Dheuteronomio 32:4, 5) Vachipfuurira kuramba mitemo yaMwari nenheyo, vanhu vakarwisana, uye “munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Zvose zvakaitwa mukuedza kuunza nzanga inoruramisira zvechokwadi, isina zvinhu zvose zvinotambudza voruzhinji vanotambura, zvakavhiringidzwa neudyire hweavo vanoda kuita zvinhu nenzira yavo pachavo pane kubvuma uchangamire hwaMwari.
Pane rimwe dambudziko—iro vakawanda vangakurumidza kuramba sechinhu chisina musoro chokudavira mashura. Munhu akatanga kupandukira Mwari achiri kupesvedzera vanhu kuti vaite zvakaipa uye vave neudyire. Iye ndiSatani Dhiyabhorosi, uye Jesu Kristu akamuti “muchinda wenyika ino.” (Johane 12:31; 14:30; 2 VaKorinte 4:4; 1 Johane 5:19) Pane zvakaratidzwa muapostora Johane, Satani anonzi ndiye anonyanya kukonzera nhamo—uyo ane mhosva huru yeku‘nyengera nyika yose.’—Zvakazarurwa 12:9-12.
Pasinei nekuti vamwe vanhu vane hanya zvakadini nevamwe vavo, havambofi vakakwanisa kubvisa Satani Dhiyabhorosi kana kuti kuchinja gadziriro iyi inoita kuti pave nenhamba huru yevanoitirwa utsinye. Saka chii chinodiwa kuti matambudziko erudzi rwemunhu agadziriswe? Mushonga wacho haasi mumwe munhu ane hanya chete. Panodiwa mumwe munhu ane chido nesimba rekubvisa Satani negadziriro yake yose yezvinhu isina kururamisira.
“Kuda Kwenyu Ngakuitwe Panyika”
Mwari anopikira kuparadza gadziriro yezvinhu yakaipa iripo. Ane zvose chido uye simba rekuita izvozvo. (Pisarema 147:5, 6; Isaya 40:25-31) Mubhuku reBhaibheri reuprofita raDhanieri, zvakafanotaurwa, kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi”—hungu, nokusingagumi. (Dhanieri 2:44) Jesu Kristu aifunga nezveiyi hurumende yekudenga isingaperi uye yakanaka paakadzidzisa vateveri vake kukumbira Mwari mumunyengetero, kuti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Jehovha achapindura minyengetero yakadaro nokuti ane hanya chaizvo nemhuri yevanhu. Maererano nemashoko euprofita ePisarema 72, Mwari achabvumidza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuunza rusununguko rusingaperi kuvarombo, vanodzvinyirirwa, uye vanomanikidzwa vanotsigira kutonga kwaJesu. Nokudaro, munyori wepisarema akafuridzirwa kuimba kuti: “[Mambo, Mesiya waMwari] uchatongera varombo vavanhu, uchaponesa vana vavashayiwi, nokupwanya mumanikidzi. . . . Nokuti ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo asina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.”—Pisarema 72:4, 12-14.
Pane zvaakaratidzwa zvezuva redu, muapostora Johane akaona “denga idzva nenyika itsva,” gadziriro yezvinhu itsva zvachose inoitwa naMwari. Chikomborero chakadini kuvanhu vari kutambura! Achifanotaura zvichaitwa naJehovha, Johane akanyora kuti: “Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura. Wakanga agere pachigaro choushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.”—Zvakazarurwa 21:1-5.
Hungu, tinogona kudavira mashoko aya, nokuti akatendeka uye ndeechokwadi. Jehovha achakurumidza kubvisa urombo mupasi, nzara, kumanikidza, chirwere uye kusaruramisira kwose. Sezvagara zvichitaurwa nemagazini ino kubva muMagwaro, uchapupu hwakawanda hunoratidza kuti tiri kurarama munguva apo zvipikirwa izvi zvakavimbiswa zvichazadzika. Nyika itsva yaMwari yakapikirwa yava pedyo! (2 Petro 3:13) Nenguva isipi, Jehovha acha“paradza rufu nokusingaperi” uye acha“pisika misodzi pazviso zvose.”—Isaya 25:8.
Kusvikira izvozvo zvaitika, tinogona kufara kuti kunyange iye zvino kune vanhu vane hanya zvechokwadi. Chinoita kuti tifare zvikuru ndechekuti Jehovha Mwari pachake ane hanya chaizvoizvo. Achakurumidza kubvisa kumanikidza kwose nokutambura.
Unogona kuvimba zvakakwana nezvakapikirwa naJehovha. Mushumiri wake Joshua akadaro chaizvo. Ane chivimbo chakakwana, akaudza vanhu vaMwari munguva yakapfuura, kuti: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona [“zvose zvakakuitikirai. Hapana kana shoko rimwe rakakona,” NW].” (Joshua 23:14) Saka, gadziriro yezvinhu iripo zvino isati yapfuura, usazvibvuma kukundwa nemiedzo yaungafanira kunangana nayo. Kanda kufunganya kwako kwose pana Jehovha, nokuti ane hanya chaizvoizvo.—1 Petro 5:7.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Munyika itsva yaMwari yakapikirwa, pasi richava risina urombo, kumanikidza, chirwere, uye kusaruramisira