Unogona Kutsungirira Kusvikira Kumugumo
“Ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—VAHEBHERU 12:1.
1, 2. Kutsungirira zvinorevei?
“MUNOFANIRA kuva nokutsungirira,” akanyora kudaro muapostora Pauro kuvaKristu vechiHebheru vomuzana remakore rokutanga. (VaHebheru 10:36) Achisimbisa kukosha kweizvozvi, muapostora Petro akakurudzirawo vaKristu kuti: “Wedzerai . . . pakutenda kwenyu . . . kutsungirira.” (2 Petro 1:5, 6) Asi kutsungirira chii chaizvo?
2 Rimwe duramashoko rinoshandurira mashoko echiGiriki muchiNgezi rinorondedzera shoko rechiGiriki rechiito rokuti “kutsungirira” kuti “ramba uripo pane kutiza . . . kushinga, kuomerera.” Richitaura nezvezita rechiGiriki ro“kutsungirira,” rimwe bhuku rinopa mashoko rinoti: “Isimba rinogona kutsungirira zvinhu, kwete nokungorega, asi netariro yakasimba . . . Izvozvi ndizvo zvinoita kuti munhu arambe akamira akatarisana nemhepo. Chinhu chakanaka chinogona kuchinja muedzo wakaomesesa kuva mbiri nokuti chinoona vavariro mberi kwemarwadzo acho.” Saka, kutsungirira kunoita kuti munhu ashinge pakutarisana nezvimhingamupinyi nenhamo ndokuramba ane tariro. Ndivanaani kunyanya vanofanira kuva nekutsungirira uku?
3, 4. (a) Ndivanaani vanofanira kutsungirira? (b) Nei tichifanira kutsungirira kusvikira kumugumo?
3 VaKristu vose vari munhangemutange inoda kutsungirira nenzira yokufananidzira. Munenge mugore ra65 C.E., muapostora Pauro akanyorera waaishanda naye uye waaifamba naye akanga akatendeka Timotio mashoko aya anopa chivimbo: “Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda.” (2 Timotio 4:7) Nemashoko okuti “ndapedza rwendo rwangu,” Pauro akanga achienzanisa upenyu hwake somuKristu nenhangemutange, ine daro rokumhanya uye pokupedzera. Panguva iyoyo, Pauro akanga ava kusvika mugumo wenhangemutange yacho achikunda, uye akanga achitarira mberi nechivimbo kuwana mubayiro. “Kubva zvino,” akapfuurira kudaro, “ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva iroro.” (2 Timotio 4:8) Pauro akanga ane chokwadi chokuti aizowana mubayiro wacho nokuti akanga atsungirira kusvikira kumugumo. Zvakadiniko nesu tose?
4 Kuti akurudzire avo vakanga vapinda munhangemutange yacho, Pauro akanyora kuti: “Ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) SevaKristu, tinopinda munhangemutange yokutsungirira iyi patinozvitsaurira kuna Jehovha Mwari nokuna Jesu Kristu. Kutanga zvakanaka murwendo rwokuva mudzidzi zvinokosha, asi chinonyanyokosha ndechokuti tipedze rwendo rwacho. Jesu akati: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Mubayiro wakamirira avo vanobudirira kupedza nhangemutange yacho upenyu husingaperi! Saka, zvatine vavariro mupfungwa, tinofanira kutsungirira kusvikira kumugumo. Chii chichatibatsira kuwana vavariro iyoyo?
Kudya Zvinovaka Muviri—Kunotodiwa
5, 6. (a) Kuti titsungirire munhangemutange youpenyu, tinofanira kudyei? (b) Igadziriro dzipi dzokumudzimu dzatinofanira kushandisa, uye nei?
5 Pedyo neguta reKorinte, muGirisi, ndipo paiva nenzvimbo yaiitirwa Mitambo yemuIsthmus munguva dzekare. Pasina mubvunzo Pauro aiziva kuti hama dzeKorinte dzakanga dzichiziva nezvemakwikwi okumhanya nemamwe makwikwi aiitwa imomo. Achivakira paruzivo rwavo, akavayeuchidza nezvenhangemutange youpenyu yavakanga vachiita, achiti: “Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwe chete unopiwa mubayiro? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.” Pauro akasimbisa kukosha kwokurambira munhangemutange nokupfuurira kusvikira vapedza. Asi chii chaizovabatsira kudaro? “Mumwe nomumwe, unoshingaira pakutamba, unozvidzora pazvose,” akawedzera kudaro. Hungu, vakwikwidzani vomumitambo yekare vaizvirovedza nesimba, vainyatsongwarira zvavaidya nokunwa, uye vaidzora zvose zvavaiita kuti vakunde.—1 VaKorinte 9:24, 25.
6 Zvakadini nenhangemutange iyo vaKristu vakapinda mairi? “Unofanira kudya zvinovaka mumudzimu kana uchizotsungirira munhangemutange youpenyu,” anodaro mumwe murume mukuru ari mune imwe ungano yeZvapupu zvaJehovha. Funga nezvezvokudya zvomudzimu izvo Jehovha, “Mwari wokutsungirira,” akatipa. (VaRoma 15:5) Tsime redu guru rokudyiswa rine zvokudya zvomudzimu iShoko rake, Bhaibheri. Hatifaniri kuramba tine purogiramu yakanaka yokurava Bhaibheri here? Achishandisa “muranda wakatendeka, wakangwara,” Jehovha akagoverawo magazini anouya panguva yakakodzera eNharireyomurindi neMukai! nemamwe mabhuku eBhaibheri. (Mateo 24:45) Kudzidza izvi nokushingaira kuchatisimbisa mumudzimu. Hungu, tinofanira kutora nguva yakawanda—‘kutenga nguva yakafanira’—yokufunda somunhu oga.—VaEfeso 5:16.
7. (a) Nei tisingafaniri kugutsikana nokungoziva dzidziso dzehwaro dzechiKristu? (b) Tinga“pfuurir[a] kuti tive vakuru” sei?
7 Kuti tirambire panzira yokuva mudzidzi wechiKristu, tinofanira kuita zvinopfuura kuwana “dzidziso yokutanga” ndoku“pfuurir[a] kuti tive vakuru.” (VaHebheru 6:1, NW) Saka tinofanira kukudziridza kuda kuziva “kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika” kwechokwadi ndokudya ‘zvokudya zvikukutu zvavakuru.’ (VaEfeso 3:18; VaHebheru 5:12-14) Somuenzaniso, funga nezvenhoroondo ina dzakavimbika dzoupenyu hwaJesu pasi pano—Evhangeri dzaMateo, Marko, Ruka, naJohane. Nokunyatsodzidza zvakanyorwa muEvhangeri idzi, tinogona kuziva kwete chete zvakaitwa naJesu uye kuti akanga ari munhu worudzii asiwo kunzwisisa mafungire akakonzera zviito zvake. Ipapo tinogona kusvika pakuva ne“pfungwa dzaKristu.”—1 VaKorinte 2:16, NW.
8. Misangano yechiKristu inotibatsira sei kutsungirira munhangemutange youpenyu?
8 Pauro akarayira vaaitenda navo kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu, sezvinoita vamwe, asi tirayirane; zvikuru zvamunoona kuti zuva roswedera.” (VaHebheru 10:24, 25) Misangano yechiKristu inokurudzira zvakadini! Uye zvinozorodza sei kuva nehama nehanzvadzi dzine rudo dzinotifarira uye dzinoda kutibatsira kutsungirira kusvikira kumugumo! Hatigoni kurerutsa gadziriro iyi yorudo inobva kuna Jehovha. Nokudzidza kwedu kwokushingaira tiri toga nokugara tichipinda misangano, ngative “vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.”—1 VaKorinte 14:20, NW.
Vanoona Vachakukurudzira
9, 10. (a) Vanhu vanenge vachiona vanogona sei kukurudzira munhangemutange yokutsungirira? (b) ‘Gore guru rezvapupu rakatikomberedza’ rinodudzwa pana VaHebheru 12:1 chii?
9 Zvisinei, pasinei zvapo nokuti mumhanyi akanyatsogadzirira zvakadini, zvinhu zvingaitika munzira zvinogona kumupingirisha. “Makanga muchimhanya zvakanaka; ndianiko wakakudzivisai kuti murege kuteerera zvokwadi?” akabvunza kudaro Pauro. (VaGaratia 5:7) Maererano nouchapupu huripo, vamwe vaKristu veGaratia vakava neshamwari dzakaipa uye, somugumisiro, vakatsauswa munhangemutange yavo youpenyu. Ukuwo, kutsigira nokukurudzira kunoitwa nevamwe kunogona kuita kuti nhangemutange yacho ive nyore kutsungirira. Izvi zvakangofanana nokukurudzira uko vanhu vanoona mutambo vanoita kune vanenge vari mumutambo wacho. Mapoka anenge achikuza anowedzera kufara kunoita kuti vanenge vari mumutambo vakurudzirwe kubva pamavambo kusvikira kumugumo. Kudanidzira kunoitwa nevanhu vanenge vachiona, kazhinji kacho kuchisanganisira mimhanzi inorira zvikuru nokurova maoko, zvinogona kupa vari mumutambo simba rokuwedzera ravanoda pavanenge vava kuda kupedza. Chokwadi, vanhu vanenge vachiona vanotsigira vanogona kubatsira vaya vari munhangemutange.
10 Munhangemutange youpenyu yakapindwa nevaKristu, vanhu vanenge vachiona ndivanaani? Adudza zvapupu zvaJehovha zvakatangira chiKristu, sezvakanyorwa muchitsauko chechi11 chavaHebheru, Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, . . . ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.” (VaHebheru 12:1) Pakushandisa dimikira regore, Pauro haana kushandisa shoko rechiGiriki rinotsanangura gore rakanyatsoratidzwa makurire nerudzi rwaro. Asi akashandisa rimwe iro maererano nomunyori weduramashoko W. E. Vine “rinoratidza gore guru risina kurongeka rakafukidza denga.” Zviri pachena kuti Pauro aifunga nezvezvapupu zvizhinji-zhinji—zvakawanda zvikuru zvokuti zvakanga zvakaita segore guru.
11, 12. (a) Zvapupu zvakanga zvakatendeka zvakatangira chiKristu zvinogona sei kuita sezviri kutikurudzira, kuti timhanye nhangemutange tichitsungirira? (b) Tingabatsirwa sei zvakakwana ne‘gore guru rezvapupu’?
11 Zvapupu zvakanga zvakatendeka zvakatangira chiKristu zvinogona kuva vanhu chaivoivo vanenge vachiona vomuzuva rino here? Nyangwe. Zvose zvakarara murufu, zvichimirira kumuka. Zvisinei, izvo pachazvo zvaiva vamhanyi vaibudirira pazvaiva zvipenyu, uye mienzaniso yazvo irimo mumapeji eBhaibheri. Sezvatinodzidza Magwaro, ava vakatendeka vanogona kuva chaivoivo mupfungwa dzedu uye vanogona kuita sevari kutikurudzira, kuti timhanye nhangemutange kusvikira yapera.—VaRoma 15:4.a
12 Somuenzaniso, apo mikana yenyika inotiedza, kufunga nezvokuti Mosesi akaramba sei mbiri dzeEgipita hakungatikurudziri here kurambira munzira yacho? Kana muedzo unonangana nesu uchiratidzika sowakanyanyisa, kuyeuka muedzo wakanga wakaoma uyo Abrahama akatarisana nawo paakaudzwa kuti ape mwanakomana wake Isaka chokwadi kuchatikurudzira kuti tirege kuneta mumakwikwi okutenda. Makurire akaita kukurudzirwa kwatinoitwa ne‘gore guru’ rezvapupu izvi munzira iyi anotsamira pakuti tinozviona zvakajeka sei nemaziso edu okunzwisisa.
13. Zvapupu zvaJehovha zvomuzuva rino zvinotikurudzira munzirai munhangemutange youpenyu?
13 Takakomberedzwawo neZvapupu zvaJehovha zvakawanda zvikuru mumazuva ano. Mienzaniso mikuru yakadini yakaratidzwa nevaKristu vakazodzwa pamwe nevarume nevakadzi ve“boka guru”! (Zvakazarurwa 7:9, NW) Tinogona kurava nyaya dzavo dzoupenyu nguva nenguva mumagazini ino nemamwe mabhuku eWatch Tower.b Sezvatinofungisisa nezvekutenda kwavo, tinokurudzirwa kutsungirira kusvikira kumugumo. Zvinofadza sei kutsigirwa neshamwari dzepedyo nehama dzedu chaidzo dziri kushumirawo Jehovha nokutendeka! Hungu, tine vakawanda vokutikurudzira munhangemutange youpenyu.
Mhanya Nokuchenjera
14, 15. (a) Nei zvichikosha kuti mamhanyire edu ave okuchenjera? (b) Nei tichifanira kunzwisisa pakuronga vavariro?
14 Paanenge achimhanya nhangemutange yedaro refu, yakadai semakiromita anoverengeka, mumhanyi anofanira kumhanya nokuchenjera. “Ukatanga uchimhanyisa zvingaita kuti ukundikane,” inodaro magazini inonzi New York Runner. “Zvingangoguma zvaitika ndezvokuti zvimwe ungazotamburira mumakiromita anoverengeka okupedzisira kana kuti kurega.” Mumwe aimhanya makiromita anoverengeka anoyeuka kuti: “Akataura pahurukuro yandakateerera pakugadzirira nhangemutange akanyevera zvakajeka kuti: ‘Usamhanyidzane nevanomhanyisa. Mhanya nemamhanyire ako. Nokuti ungazoneta uye zvimwe wofanira kurega.’ Kuteerera zano iri kwakandibatsira kuti ndipedze nhangemutange yacho.”
15 Munhangemutange youpenyu, vashumiri vaMwari vanofanira kuzvishandisa nesimba. (Ruka 13:24) Zvisinei, mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kuchenjera, kunobva kumusoro . . . ku[“nonzwisisa,” NW].” (Jakobho 3:17) Nepo muenzaniso wakanaka wevamwe ungatikurudzira kuita zvakawanda, kunzwisisa kuchatibatsira kuisa vavariro chaidzo maererano nezvatinokwanisa nemamiriro edu ezvinhu. Magwaro anotiyeuchidza kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe. Nokuti munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.”—VaGaratia 6:4, 5.
16. Kuzvininipisa kunotibatsira sei pakuronga mamhanyire atingaita?
16 Pana Mika 6:8, tinobvunzwa mubvunzo uyu unoita kuti tifunge: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti . . . ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” Kuzvininipisa kunosanganisira kuziva zvatisingakwanisi kuita. Utano husisisina kunaka kana kuti kukwegura zvava kuganhurira zvatinogona kuita mubasa raMwari here? Ngatiregei kuora mwoyo. Jehovha anogamuchira zvatinoedza kuita nokurega zvimwe zvinhu ‘maererano nezvatinazvo, kwete zvatisina.’—2 VaKorinte 8:12; enzanisa naRuka 21:1-4.
Ramba Wakatarira Mubayiro
17, 18. Jesu akabatsirwa kutsungirira muchinjikwa nokuramba achitarira chii?
17 Achiratidza vaKristu vokuKorinte kudiwa kwokutsungirira munhangemutange youpenyu, Pauro akadudza chimwe chinhu chaiitwa muMitambo yemuIsthmus chavaifanira kufunga nezvacho. Nezvevaikwikwidzana mumitambo iyoyo, Pauro akanyora kuti: “Zvino ivo vano[mhanya] kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori. Zvino ini handimhanyi somunhu usingazivi; handirwi somunhu unorova mhepo.” (1 VaKorinte 9:25, 26) Mubayiro womunhu aikunda mumitambo iyoyo yekare yaiva korona, kana kuti hata, yakagadzirwa nomupaini kana mimwe miti, nyange rudzi rwemuriwo womusango wakaomeswa—chokwadi “korona inoora.” Zvisinei, chii chakamirira vaKristu vanotsungirira kusvikira kumugumo?
18 Achitaura nezveMuenzaniso wedu, Jesu Kristu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Iye wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” (VaHebheru 12:2) Jesu akatsungirira kusvikira kumugumo woupenyu hwake somunhu nokutarira mberi kupfuura muchinjikwa kumubayiro wake, unosanganisira mufaro waanawo pakubatsirawo kutsvenesa zita raJehovha, pakudzikinura mhuri yevanhu murufu, uye pakutonga saMambo noMupristi Mukuru zvaanodzorera vanhu vanoteerera kuupenyu husina mugumo mupasi riri paradhiso.—Mateo 6:9, 10; 20:28; VaHebheru 7:23-26.
19. Tinofanira kuramba tichifunga nezvechii sezvatinotevera nzira yokuva mudzidzi wechiKristu?
19 Funga nezvemufaro uri pamberi pedu sezvatinotevera nzira yokuva mudzidzi wechiKristu. Jehovha akatipa basa rinogutsa zvikuru rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nokupa zivo inoponesa upenyu yeBhaibheri kuvamwe. (Mateo 28:19, 20) Zvinofadza sei kuwana mumwe munhu anofarira Mwari wechokwadi uye kumubatsira kuti apinde munhangemutange youpenyu! Uye pasinei zvapo nokudavidza kunoita vanhu vatinoparidzira, iropafadzo kuitawo basa rakabatana nokutsveneswa kwezita raJehovha. Patinotsungirira muushumiri pasinei zvapo nokusakendenga kana kuti kushora kunoita vari mundima yatinopupurira, tinofara kuita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Uye mubayiro mukuru waanotivimbisa upenyu husingaperi. Uchava mufaro wakadini! Tinofanira kuramba tichifunga nezvezvikomborero izvozvo ndokupfuurira munhangemutange.
Mugumo Zvaunoswedera Pedyo
20. Nhangemutange youpenyu ingaoma sei zvikuru sezvo mugumo wayo unoswedera pedyo?
20 Munhangemutange youpenyu, tinofanira kurwisana nomuvengi wedu mukuru, Satani Dhiyabhorosi. Sezvo tava pedyo nomugumo, ari kuedza aedzazve kutipingirisha kana kuti kutinetesa. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Uye hazvisi nyore kuti tipfuurire sevazivisi voUmambo vakatendeka, vakazvitsaurira tichifunga nezvehondo, nzara, zvirwere, uye dzimwe nhamo dzose dzinoratidza “nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4; Mateo 24:3-14; Ruka 21:11; 2 Timotio 3:1-5) Uyezve, mugumo dzimwe nguva ungaita souri kure zvikuru kupfuura zvataitarisira, kunyanya kana takapinda munhangemutange yacho makumi emakore akapfuura. Asi, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti mugumo uchauya. Jehovha anoti hauzononoki. Mugumo wava kutooneka.—Habhakuki 2:3; 2 Petro 3:9, 10.
21. (a) Chii chichatisimbisa kuti tirambe tiri munhangemutange youpenyu? (b) Tinofanira kutsunga kuitei sezvo mugumo unoswedera pedyo?
21 Saka, kuti tibudirire munhangemutange youpenyu, tinofanira kuwana simba pane zvatakagoverwa naJehovha norudo kuti tidyiswe mumudzimu. Tinodawo kukurudzira kwose kwatinogona kuwana pakugara tichiwadzana nevatinotenda navo, vari kumhanyawo munhangemutange yacho. Nyange kana kutambudzwa zvakanyanya uye zvinhu zvisingafanoonwa munzira zvikafanira kuita kuti nhangemutange yedu iome zvikuru, tinogona kutsungirira kusvikira kumugumo nokuti Jehovha anopa “simba rinopfuura romuzvarirwo.” (2 VaKorinte 4:7, NW) Zvinopa chivimbo sei kuziva kuti Jehovha anoda kuti tipedze nhangemutange yacho nokubudirira! Nokutsunga kwakasimba, “ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa,” tichivimba zvakazara kuti “tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”—VaHebheru 12:1; VaGaratia 6:9.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwokukurukurwa kwaVaHebheru 11:1–12:3, ona Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1987, mapeji 21-31.
b Mimwe mienzaniso yazvino uno yezvakaitika zvinokurudzira zvakadaro inogona kuwanikwa muNharireyomurindi yaJune 1, 1998, mapeji 28-31; September 1, 1998, mapeji 24-8; February 1, 1999, mapeji 25-29.
Unoyeuka Here?
◻ Nei tichifanira kutsungirira kusvikira kumugumo?
◻ Igadziriroi dzaJehovha dzatisingafaniri kuregeredza?
◻ Nei zvichikosha kuti mamhanyire edu ave okuchenjera?
◻ Mufaroi wakaiswa pamberi pedu sezvatinoramba tiri munhangemutange?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kurudzirwa nemisangano yechiKristu