RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/1 pp. 9-14
  • “Mashoko Anofadza” Ari muApocalypse

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mashoko Anofadza” Ari muApocalypse
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vazivisi veMashoko Anofadza
  • Zvine Bhuku raZvakazarurwa Nokuda Kwedu
  • Gwayana Rakafanirwa Nokukudzwa
  • “Kutonga Kwake Ndekwechokwadi uye Kwakarurama”
  • Kutonga Kwemakore Ane Chiuru Kune Mbiri
  • Ivai Varavi Vanofara Vebhuku Razvakazarurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Unofadza!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 66—Zvakazarurwa
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/1 pp. 9-14

“Mashoko Anofadza” Ari muApocalypse

“Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga ine mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi.”—ZVAKAZARURWA 14:6.

1. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichidavira kufuridzirwa kwebhuku rinonzi Apocalypse, nei zvisiri “chitendero cheapocalypse”?

KUSIYANA nokupomerwa kwazvinoitwa, Zvapupu zvaJehovha hazvisi “chitendero cheapocalypse” kana kuti “chitendero chezuva rokutonga.” Zvisinei, zvinobvuma Apocalypse, kana kuti bhuku raZvakazarurwa, sechikamu cheShoko raMwari rakafuridzirwa. Chokwadi, muna Zvakazarurwa mune mashoko okutonga vakaipa. Asi mukupupura kwavo kwepachena, vashumiri vaMwari vanonyanya kuomerera patariro inoshamisa iri muBhaibheri, kusanganisira iya iri muApocalypse, kana kuti Zvakazarurwa. Saka, havawedzeri kana kuti kubvisa chimwe chinhu mumashoko ouprofita anowanikwa imomo.—Zvakazarurwa 22:18, 19.

Vazivisi veMashoko Anofadza

2. Mamwe magwaro anowanzoshandiswa neZvapupu zvaJehovha mubasa razvo rokuparidza ndeapi?

2 Rugwaro runowanzoshandiswa sechikonzero cheushumiri hwapachena hweZvapupu zvaJehovha ndiko kutaura kwaJesu kwekuti: “Aya mashoko akanaka oumambo acha[ziviswa] mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14, mashoko emuzasi) Uye “aya mashoko akanaka oumambo” chii? Zvapupu zvakawanda zvaizopindura nokutora mashoko endima dziri muna Zvakazarurwa zvitsauko 20 ne21 zvinotaura nezveKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu uye hurumende yoUmambo hwake uye nzanga yevanhu, umo munonzi rufu, kuchema, uye kurwadziwa hazvi“zovipo.”—Zvakazarurwa 20:6; 21:1, 4.

3. Ushumiri hwepachena hweZvapupu zvaJehovha hwakafanana nebasa raani?

3 Sevazivisi vemashoko anofadza aya, Zvapupu zvaJehovha miromo chaiyo yemutumwa wokudenga wokufananidzira ane basa rinorondedzerwawo muna Zvakazarurwa. “Ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga, uye yakanga ine mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza kune avo vanogara pasi, uye kumarudzi ose nedzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6) “Mashoko akanaka asingaperi” anosanganisira kuzivisa kuti “Umambo [kana kuti, utongi] hwenyika” “hwava umambo hwaShe wedu nehwaKristu wake” uye kuti “nguva yakatemwa” yaJehovha yasvika “kuti [a]paradze vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:15, 17, 18) Zvechokwadi iwayo haasi mashoko akanaka here?

Zvine Bhuku raZvakazarurwa Nokuda Kwedu

4. (a) Ichokwadi chipi chinokosha chiri muchitsauko 1 chaZvakazarurwa? (b) Chii chinodiwa kune vaya vanoda kubatsirwa nemashoko anofadza?

4 Chitsauko chokutanga chebhuku raZvakazarurwa chinodudza Jehovha sa“Arufa naOmega, . . . Iye aripo neakanga aripo uye ari kuuya, Wemasimba Ose.” Uye chinodudza Mwanakomana wake, Jesu Kristu, se“Chapupu Chakatendeka,” “dangwe kubva kuvakafa,” no“Mutongi wemadzimambo apasi.” Chinotaurawo nezvaJesu sa“iye anotida nowakatisunungura pazvivi zvedu neropa rake.” (Zvakazarurwa 1:5, 8) Saka, kubva pakutanga, bhuku raZvakazarurwa rinotaura chokwadi chinokosha chinoponesa upenyu. “Avo vanogara pasi” havazobatsirwi nemashoko anofadza anounzwa kwavari kutoti vakaziva uchangamire hwaJehovha, vakatenda muropa rakadeurwa raJesu, vodavira kuti Jehovha akamumutsa uye kuti Kristu zvino Mutongi wepasi akagadzwa naMwari.—Pisarema 2:6-8.

5. Kristu anorondedzerwa mumabasa api Zva muzvitsauko 2 ne3 zvaZvakazarurwa?

5 Zvitsauko zviviri zvinotevera zvinorondedzera Kristu Jesu seMutariri ane rudo wekudenga weungano dzevadzidzi vake vari pasi. Mupumburu wakatumirwa kuungano nomwe dzakasarudzwa dzechiKristu dzaivapo muAsia Minor muzana rokutanga remakore C.E. waiva nezano rinokurudzira nerakasimba richiri kushanda nanhasi. Tsamba dzaitumirwa kuungano dzinowanzotanga nemashoko akadai seokuti “Ndinoziva zviito zvako” kana kuti ‘Ndinoziva kutambudzika kwako.’ (Zvakazarurwa 2:2, 9) Hungu, Kristu aiziva zvaiitika chaizvoizvo muungano dzevadzidzi vake. Akarumbidza vamwe nokuda kwerudo rwavo, kutenda, basa muushumiri, kutsungirira, uye kutendeka kuzita neshoko rake. Vamwe akavatsiura nokuti vakanga varega kuda kwavo Jehovha neMwanakomana wake kuchitonhora, kana kubatanidzwa muunzenza, vachinamata zvidhori, kana kuti kuumba zvitendero zvevakaramba kutenda.

6. Zvakaratidzwa zvakanyorwa Zva muchitsauko 4 zvinobatsira vanhu kunzwisisei?

6Zva Chitsauko 4 chine zvakaratidzwa zvinotyisa zvechigaro chokudenga chaJehovha Mwari. Chinoratidza zvishoma nezvembiri yokuvapo kwaJehovha uye zvakaita hurumende inotonga yokudenga yaachashandisa. Vatongi vakagadzwa, vane zvigaro zvakapoteredza chigaro chiri pakati chezvose zvakasikwa, vanokotamira Jehovha ndokuzivisa kuti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”—Zvakazarurwa 4:11.

7. (a) Ngirozi inozivisa vagari vapasi kuitei? (b) Chinhu chipi chinokosha pabasa redu rokudzidzisa?

7 Izvi zvine zvazvinoreva kuvanhu here nhasi? Zvechokwadi zvinodaro. Kana vachida upenyu pasi peUmambo hweMakore Ane Chiuru, vanofanira kuteerera zvinoziviswa ne“ngirozi i[no]bhururuka nepakati pedenga” kuti: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Chimwe chezvinangwa zvikuru zvebasa rokudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha ndechekubatsira “avo vanogara pasi” kuti vazive uye vanamate Jehovha, vazive kuti ndiye Musiki, ndokubvuma nokuzvidira uchangamire hwake hwakarurama.

Gwayana Rakafanirwa Nokukudzwa

8. (a) Kristu anorondedzerwa sei Zva muchitsauko 5 ne6? (b) Vose vanoteerera mashoko anofadza vanogona kudzidzei mune zvakaratidzwa izvi?

8 Zvitsauko zviviri zvinotevera, Zva 5 ne6, zvinodudza Jesu Kristu seGwayana rakafanirwa nokuzarura mupumburu une zvisimbiso zvinomwe, saka zvichizivisa mumutauro wekufananidzira zviitiko zviri kuitika muzuva redu. (Enzanisa naJohani 1:29.) Kune iri Gwayana rokufananidzira, manzwi okudenga anoti: “Makafanirwa kutora mupumburu ndokuzarura zvisimbiso zvawo, nokuti makaurawa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mudzinza rose nendimi nevanhu norudzi, uye makavaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga samadzimambo pamusoro pepasi.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Zvakaratidzwa izvi zvinodzidzisa kuti nemhaka yeropa rakadeurwa raKristu, vamwe vanhu vamarudzi ose vanodanwa kuti vave naye mudenga ndoku“tonga samadzimambo pamusoro pepasi.” (Enzanisa naZvakazarurwa 1:5, 6.) Nhamba yavo ine painogumira inoziviswa gare gare muna Zvakazarurwa.

9. Kristu anorondedzerwa sei Zva muchitsauko 6?

9 Mune zvimwe zvakaratidzwa, Kristu anorondedzerwa semutasvi webhiza jena akapfeka korona, anobuda “achikunda nokupedzisa kukunda kwake.” Zvinofadza kuti, achakunda migumisiro yakaipa inofananidzirwa nevamwe vatasvi vamabhiza vatatu veApocalypse, vane kutasva kukuru kwakaunza hondo, nzara, nerufu kuvanhu kubvira mugore rinokosha ra1914. (Zvakazarurwa 6:1-8) Basa rinoshamisa raKristu, Gwayana raMwari, mukuponeswa kwevanhu uye mukuitwa kwezvinangwa zvinoshamisa zvaJehovha ndechimwe chezvinhu zvinokosha chebasa rokudzidzisa Bhaibheri kweZvapupu zvaJehovha.

10. (a) Mashokoi anokosha anopiwa Zva muchitsauko 7? (b) Kristu akataura sei nezvevaya vanogamuchira Umambo?

10Zva Chitsauko 7 chine mashoko akanaka zvechokwadi. Mubhuku raZvakazarurwa bedzi ndimo matinowana nhamba yaavo vanodanwa naJesu kuti “boka duku” vanopiwa Umambo naBaba veGwayana. (Ruka 12:32; 22:28-30) Ava vanoiswa chisimbiso naJehovha Mwari achishandisa mudzimu wake. (2 VaKorinde 1:21, 22) Muapostora Johani, akagamuchira Zvakazarurwa, anoti: “Ndakanzwa uwandu hweavo vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina.” (Zvakazarurwa 7:4) Iyi nhamba yakarurama inosimbiswa mune chimwe chitsauko chinotevera savose “vakatengwa pakati pevanhu” kuti vatonge neGwayana paGomo reZioni rokudenga. (Zvakazarurwa 14:1-4) Kunyange zvazvo machechi echiKristudhomu achitsanangura zvisina kujeka nezvisingatendisi nezvenhamba iyi, zvinofadza kuti, nyanzvi yeBhaibheri E. W. Bullinger inoti nezvayo: “Anongova mashoko asina kuoma echokwadi: nhamba chaiyo mukusiyana nenhamba isingazivikanwi iri muchitsauko chino chaicho.”

11. (a) Mashokoi anofadza ari Zva muchitsauko 7? (b) Itarisiro dzipi dziri kuzarukira nhengo dze“boka guru”?

11 Bullinger aireva nhamba ipi isingazivikanwi? Zva 7 Mundima 9, muapostora Johani akanyora kuti: “Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasina munhu aikwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Ndivanaani vanoumba boka guru iri, Mwari anovaona sei iye zvino, uye nguva yavo yemberi inei? Mhinduro yeapocalypse mashoko akanaka kune vanogara pasi. Tinorava kuti: “Ava ndivo vanobva mukutambudzika kukuru, uye vakageza nguo dzavo refu vakadziita chena muropa reGwayana.” Nokutenda muropa raKristu rakadeurwa, vachadzivirirwa pa“kutambudzika kukuru.” Kristu a“chavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu. Uye Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” (Zvakazarurwa 7:14-17) Hungu, mamiriyoni evanhu vari kurarama nhasi anogona kuva vamwe veboka risingaverengeki iro richapukunyuka mugumo wegadziriro ino yezvinhu yakaipa. Sevanhu vanotongwa naMambo Jesu Kristu muKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwake, vachatungamirirwa naye kuupenyu husingaperi pasi pano. Iwayo haasi mashoko akanaka here?

“Kutonga Kwake Ndekwechokwadi uye Kwakarurama”

12, 13. (a) Zvitsauko Zva 8 kusvika ku 19 zvinei? (b) Nei vanhu vane mwoyo yakatendeseka vasingafaniri kuvhiringidzwa neuprofita hwakadaro?

12Zva Zvitsauko 8 kusvika ku 19 ndizvo zvinosakisa mukurumbira webhuku rinonzi Apocalypse, kana kuti Zvakazarurwa, wokuti ibhuku rinofanotaura nhamo dzinotyisa. Zvine mashoko akananga ekutonga (anofananidzirwa nekurira kwehwamanda, matambudziko, uye ndiro dzokutsamwa kwaMwari) anoitwa pazvinhu zvakasiyana-siyana zvegadziriro yezvinhu yaSatani. Kutonga uku kuchaitwa, kutanga pachitendero chenhema (“Bhabhironi Guru”), kwozoitwa pagadziriro yezvematongerwo enyika isingadi Mwari, inofananidzirwa nechikara.—Zvakazarurwa 13:1, 2; 17:5-7, 15, 16.a

13 Zvitsauko izvi zvinoratidzira kucheneswa kwematenga, Satani nemadhimoni ake vachikandirwa munharaunda yepasi. Izvi zvinotsanangura zvine musoro bedzi kurwadziwa kwenyika kusina kumboitika kubvira muna 1914. (Zvakazarurwa 12:7-12) Zvinorondedzerawo, mumutauro wekufananidzira, kuparadzwa kwegadziriro yezvinhu yakaipa yaSatani pasi pano. (Zvakazarurwa 19:19-21) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanofanira kutyiswa nezviitiko zvakadaro zvinoshamisa here? Kwete, nokuti Mwari paanoita uku kutonga, boka rokudenga rinodanidzira richiti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Ruponeso nembiri nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti kutonga kwake ndekwechokwadi uye kwakarurama.”—Zvakazarurwa 19:1, 2.

14, 15. (a) Mugumo wegadziriro ino yakaipa uchaitwa sei zvakarurama? (b) Nei chikamu chino cheApocalypse chichifanira kuva chikonzero chokufara kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka?

14 Jehovha haaunzi gadziriro yezvinhu yakarurama pasi pano asina kubvisa vanoriparadza. (Zvakazarurwa 11:17, 18; 19:11-16; 20:1, 2) Zvisinei, hapana vanhu kana kuti hurumende yezvamatongerwo enyika ine chiremera kana kuti simba rokuita izvi. Jehovha bedzi naMambo uye Mutongi wake waakagadza, Kristu Jesu, ndivo vanogona kuita izvi mukururama.—2 VaTesaronika 1:6-9.

15 Sezvinonyatsoratidzwa neApocalypse, Jehovha ane chinangwa chokuunza mugumo pagadziriro ino yakaipa yezvinhu. Chokwadi ichi chinofanira kuva chikonzero chokufara kuvarume nevakadzi vari ku“gomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa.” (Ezekieri 9:4) Izvi zvinofanira kuvaita kuti vaone kudiwa kwekukurumidza kuteerera kudanidzira kwakaitwa nengirozi yaiva nemashoko anofadza, yakazivisa kuti: “Ityai Mwari . . . nokuti awa yokutonga kwake yasvika, nokudaro namatai Iye akasika denga nepasi.” (Zvakazarurwa 14:7) Vanhu vakadaro ngavanamate nokushandira Jehovha pamwe chete neZvapupu zvake, zvi“nochengeta mirayiro yaMwari uye [zvi]ne basa rokupupurira Jesu.”—Zvakazarurwa 12:17.

Kutonga Kwemakore Ane Chiuru Kune Mbiri

16. (a) Nei machechi echiKristudhomu akaramba tariro yeMakore Ane Chiuru? (b) Nei Zvapupu zvaJehovha zvichidavira kuti munyengetero womuenzanisiro uchapindurwa?

16Zva Zvitsauko 20 kusvika ku 22 zvebhuku raZvakazarurwa zvine zvikonzero zviri muMagwaro zvetariro muMakore Ane Chiuru. Ichi ndicho chikamu bedzi cheBhaibheri chinotaura chaizvoizvo nezvenguva yemakore ane chiuru ichava kutanga kwemufaro usingagumi mudenga nepasi. Machechi echiKristudhomu akaramba tariro yeMakore Ane Chiuru. Sezvo dzidziso yechechi ichiti vakarurama vanoenda kudenga uye vakaipa kuhero, haina nzvimbo yeparadhiso yapasi. Munyengetero womuenzanisiro, uya unokumbira kuti “kuda kwenyu [Mwari] ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga,” haurevi chinhu kune vakawanda venhengo dzechechi yechiKristudhomu. (Mateo 6:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi izvi hazvisi zvechokwadi nezveZvapupu zvaJehovha. Zvinodavira zvakasimba kuti Jehovha Mwari haana kuita pasi “kuti rive dongo,” asi “kuti [r]igarwe.” (Isaya 45:12, 18) Saka, uprofita hwekare, munyengetero womuenzaniso, uye tariro yeapocalypse yeMakore Ane Chiuru zvose zvinobvumirana. Mukutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru, Kristu achaona kuti kuda kwaJehovha kwaitwa pasi pano, sezvakunoitwa kudenga.

17. Chii chinoratidza kuti “makore ane chiuru” anofanira kunzwisiswa sechaiwoiwo?

17 Mashoko okuti “makore ane chiuru” anowanika katanhatu mundima nomwe dzokutanga dzaZvakazarurwa chitsauko 20. Zvinokosha ndezvokuti anoshandiswa kana nechirevamwene chemashoko chokuti “acho,” zvichiratidza kuti anoreva makore ane chiuru chaiwoiwo, kwete nguvawo isina urefu hunonyatsozivikanwa, sezvingada vatsinhiri vechiKristudhomu vakawanda kuti tidavire. Chii chichaitika muMakore Ane Chiuru? Kutanga, Satani achaitwa kuti asaita basa kwenguva yacho yose. (Zvakazarurwa 20:1-3; enzanisa naVaHebheru 2:14.) Mashoko akanaka zvakadini aya!

18. (a) Nei Makore Ane Chiuru achigona kunzi “zuva” rekutonga? (b) Chii chichaitika pakupera kwemakore ane chiuru?

18 Sezvo “simba rokutonga” richipiwa kune vaya ‘vanotonga samadzimambo na[Kristu] kwemakore ane chiuru,’ nguva iyi, zvechokwadi, i“zuva” rokutonga remakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:4, 6; enzanisa naMabasa 17:31; 2 Petro 3:8.) Vakafa vachamutswa uye, pamwe chete nevapukunyuki vepa“kutambudzika kukuru,” vachatongwa zvakafanira maererano nezviito, kana kuti mabasa avo, zvavanoita munguva iyoyo. (Zvakazarurwa 20:12, 13) Pakupera kwemakore ane chiuru, Satani achasunungurwa kwenguva pfupi kuti aedze vanhu kekupedzisira, zvadaro iye, madhimoni ake, nevapanduki vapi nevapi vanenge vari pasi pano vanomutevera vachaparadzwa nokusingaperi. (Zvakazarurwa 20:7-10) Mazita evanhu vanokunda muedzo wacho achanyorwa zvisingadzimiki mu“bhuku roupenyu” uye vachapinzwa muupenyu hunofadza husingagumi, vachishandira nokunamata Jehovha muparadhiso pasi pano.—Zvakazarurwa 20:14, 15; Pisarema 37:9, 29; Isaya 66:22, 23.

19. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti vimbiso dzinoshamisa dzinoziviswa mubhuku raZvakazarurwa dzichazadzika pasina kukundikana? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

19 Akadaro ndiwo mashoko anofadza anoziviswa muApocalypse. Haasi vimbiso dzinoitwa nevanhu dzisina chokwadi. Muapostora Johani akanyora kuti: “Uyo akanga agere pachigaro choumambo akati: ‘Tarira! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ Uyewo, anoti: ‘Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.’” (Zvakazarurwa 21:5) Tinofanira kuitei kuti tigoverane mukuzadzika kwemashoko anofadza aya? Bhuku raZvakazarurwa rine zano rakanaka nokuda kwevaya vanoda kufadza Mwari. Kutevera zano iroro kuchatiunzira mufaro usingaperi, zvino nokusingaperi, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwokutsanangurwa kwakakwana kwebhuku raZvakazarurwa, ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Pfungwa Dzokudzokorora

◻ Ichokwadi chipi chinokosha chinowanika muna Zvakazarurwa zvitsauko 4 kusvika ku 6 chinoumba chimwe chinhu chinokosha chemashoko anofadza?

◻ Mashokoi anofadza anowanika muna Zvakazarurwa chitsauko 7?

◻ Nei vanhu vane mwoyo yakatendeseka vasingafaniri kuvhiringidzwa nemashoko ekutonga ari muna Zvakazarurwa?

◻ Munzira dzipi idzo Makore Ane Chiuru anova “zuva” rokutonga?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mambo Jesu Kristu achabvisa zvachose hondo, nzara, uye rufu pasi pano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe