Chikristu Chechokwadi Chinokunda!
“Shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richipararira.”—MABASA 19:20.
1. Rondedzera kukura kwakaita chiKristu muzana remakore rokutanga.
VASIMBISWA nesimba romudzimu mutsvene, vaKristu vokutanga vakazivisa shoko raMwari nokushingaira kwaisagona kuneteswa. Mumwe munyori wenhau dzakaitika akanyora kuti: “ChiKristu chakanga chapararira nokukurumidza kunoshamisa munzvimbo dzaidzorwa neRoma. Pakasvika gore ra100 zvimwe purovhinzi dzose dzaiva mumuganhu weMediterranean dzakanga dzava nevaKristu.”
2. Satani akaedza sei kushayisa basa mashoko akanaka, uye izvi zvakanga zvafanotaurwa sei?
2 Satani Dhiyabhorosi akanga asingagoni kuita kuti vaKristu vokutanga vanyarare. Pane kudaro, akaita kuti simba remashoko akanaka rishaye basa achishandisa imwe nzira—kuramba kutenda. Jesu akanga afanotaura nezvazvo mumufananidzo wake wegorosi nemasora. (Mateu 13:24-30, 36-43) Muapostora Petro akanga ayambirawo kuti vadzidzisi venhema vaizomuka muungano, vachipinza mapoka anoparadza. (2 Petro 2:1-3) Saizvozvowo, muapostora Pauro akanga ayambira zvakananga kuti kuramba kutenda kwaizotangira zuva raJehovha.—2 VaTesaronika 2:1-3.
3. Chii chakaitika pashure pokufa kwevaapostora?
3 Pashure pokufa kwevaapostora, mashoko akanaka akasvika pakukurirwa nedzidziso nouzivi zvechihedheni. Sezvakagara zvataurwa, vadzidzisi venhema vakamonyanisa uye vakasvibisa shoko rakachena rechokwadi. Zvishoma nezvishoma, chiKristu chechokwadi chakakurirwa nechokunyepera chinonzi chiKristudhomu. Pakamuka boka revafundisi rakaedza kuita kuti Bhaibheri risawanika nevanhuwo zvavo. Kunyange zvazvo uwandu hwevaizviti vaKristu hwakawedzera, kunamata kwavo kwakanga kusina kuchena. ChiKristudhomu chakapararira munharaunda yakakura uye chakava sangano rine simba uye simba rinodzora mararamiro okuMadokero, asi chakanga chisina chikomborero kana mudzimu waMwari.
4. Nei zano raSatani rokumisa chinangwa chaMwari risina kubudirira?
4 Zvisinei, zano raSatani rokumisa chinangwa chaMwari rakanga risingazobudiriri. Kunyange mumazuva aisava netariro kwazvo okuramba kutenda, chiKristu chechokwadi chakanga chichiripo mune vamwe. Varume vaikopa Bhaibheri vainyatsongwarira kuti vaite kudaro zvakarurama. Nokudaro, Bhaibheri pacharo rakaramba rakangodaro, kunyange shoko raro rakamonyaniswa nevakawanda vaiti vane simba rokuridzidzisa. Mumazana emakore ose aya nyanzvi dzakadai saJerome naTyndale, dzakashinga kushandura nokuparadzira Shoko raMwari. Mamiriyoni evanhu akaziva Bhaibheri uye rudzi rwakati rwechiKristu, kunyange zvazvo chakanga chiri chokunyepera.
5. Muprofita Dhanieri akafanotaurei nezve‘zivo yechokwadi.’?
5 Pakupedzisira, sezvakanga zvafanotaurwa mubhuku raDhanieri, ‘zivo yechokwadi yakawanda.’ Izvi zvakaitika mu“nguva yokupedzisira”—nguva yatava kurarama mairi. (Dhanieri 12:4) Mudzimu mutsvene wakatungamirira vanoda chokwadi munyika yose kuzivo yakarurama yaMwari wechokwadi nechinangwa chake. Kunyange pashure pemazana emakore okudzidzisa kwevakaramba kutenda, shoko raMwari riri kukunda! Nhasi, mashoko akanaka ari kuparidzirwa kwose kwose, achiratidza vanhu tariro yenyika itsva inofadza. (Pisarema 37:11) Zvino ngationgororei kukura uku kwemazuva ano kweshoko raMwari.
Kukura Kweshoko Nhasi
6. Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa chokwadi chipi pakasvika 1914?
6 Mukupera kwezana remakore rechi19, chokwadi cheBhaibheri chakamutsa rimwe boka duku reVadzidzi veBhaibheri, vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Pakasvika 1914 Bhaibheri rakanga rava benyu kwavari. Vakanzwisisa chokwadi chinoshamisa chezvinangwa zvaMwari. Vakaororwa kwazvo norudo rwaJehovha mukutumira kwaakaita Mwanakomana wake pasi pano, nokudaro achizarura nzira inoenda kuupenyu husingaperi. Vakanga vasvikawo pakuziva zita raMwari nounhu hwake. Uyezve, vakaziva kuti “nguva dzavahedheni” dzakanga dzatoguma, zvichiratidza kuti nguva yakanga yava pedyo kuti hurumende yaMwari yoUmambo iunzire vanhu zvikomborero. (Ruka 21:24, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Mashoko akanaka ane mbiri zvikuru! Chokwadi chine simba ichi chaifanira kuudzwa munhu wose, kwose kwose. Upenyu hwaiva mungozi!
7. Chokwadi cheBhaibheri chakunda sei mumazuva ano?
7 Jehovha akakomborera vaKristu vakazodzwa vashomanana ivavo. Nhasi, nhamba yevakabvuma chiKristu chechokwadi yapfuura mamiriyoni matanhatu. Shoko raMwari rapararirawo munharaunda yakakura, nokuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuwanika munyika 235. Uyezve, chokwadi cheBhaibheri chakashandisa simba, chichikunda zvipingamupinyi zvose, zvechitendero nezvimwewo. Basa iri rokuparidza munyika yose rinowedzera uchapupu huri pachena hwokuti Jesu aripo musimba roUmambo.—Mateu 24:3, 14.
8. Vamwe vakati kudii nezvokuwedzera kuri kuita Zvapupu zvaJehovha?
8 Kungofanana nevanyori venhau dzakaitika vakataura nezvokukura kunoshamisa kwechiKristu muzana remakore rokutanga, nyanzvi dzedzidzo dzakawanda dzakataura nezvokuwedzera kwevanhu vaJehovha mazuva ano. MuUnited States, nyanzvi mbiri dzakanyora pamwe chete kuti: “Mumakore 75 apfuura Zvapupu zvaJehovha zvave zviri kuwedzera zvinoshamisa . . . uye zvaita kudaro munyika yose.” Imwe magazini yokuEast Africa inotaura nezveZvapupu zvaJehovha se“chimwe chezvitendero zvenyika zviri kukurumidza kuwedzera uye zvinoremekedzwa zvikuru zvinozivikanwa munyika dzakawanda nemhaka yokuomerera kwazvo zvakakwana padzidziso dzeBhaibheri.” Uye imwe magazini yeKaturike, inobudiswa muEurope, inotaura nezvo“kuwedzera kunoshamisa kweZvapupu zvaJehovha.” Chii chaita kuti pave nokuwedzera kwakadai?
Mudzimu Mutsvene Uri Kuita Basa Nhasi
9. (a) Ndechipi chikonzero chikuru chiri kuita kuti shoko raMwari rikunde nhasi? (b) Jehovha anokwevera sei vanhu kwaari?
9 Chikonzero chikuru chinoita kuti shoko raMwari rikunde nhasi ndechokuti mudzimu waJehovha uri kuita basa nesimba, sezvawaiita muzana remakore rokutanga. Jesu akati: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Mashoko aya anoratidza kuti Mwari anokweva zvinyoro-nyoro vaya vakakodzera, achinyengetedza mwoyo. Achishandisa basa rokuparidza reZvapupu zvake, Jehovha ari kukwevera kubasa rake “zvinodikanwa nendudzi dzose”—vanhu vanyoro, vakafanana nemakwai vari munyika.—Hagai 2:6, 7.
10. Vanhu vorudzii vakabvuma shoko raMwari?
10 Mudzimu mutsvene wakasimbisa vanhu vaMwari kuti vaendese shoko raMwari kunzvimbo dziri kure zvikuru dzenyika. Wakaitawo kuti vanhu vemarudzi ose vabvume mashoko akanaka. Chokwadi, vaya vakabvuma shoko raMwari vakabva mu“dzinza rose nendimi nevanhu norudzi.” (Zvakazarurwa 5:9; 7:9, 10) Vanowanika pakati pevakapfuma, varombo, vakadzidza zvikuru nevasingagoni kuverenga. Vamwe vakabvuma shoko apo kwaiva nehondo nokutambudzwa kwoutsinye, nepo vamwe vakaita kudaro munguva dzorugare nokubudirira. Muhurumende dzose, mutsika dzose, kubva kumisasa yevasungwa kusvikira kudzimba dzoumambo, varume nevakadzi vakabvuma mashoko akanaka.
11. Mudzimu mutsvene unoshanda sei muupenyu hwevanhu vaMwari uye kusiyana kupi kuri pachena?
11 Zvisinei nokuti vakasiyana zvinoshamisa, vanhu vaMwari vanogarisana vakabatana. (Pisarema 133:1-3) Izvi zvinowedzera uchapupu hwokuti mudzimu mutsvene uri kuita basa muupenyu hwevaya vanoshumira Mwari. Mudzimu wake isimba guru rezvakanaka rinoita kuti vashumiri vake varatidze rudo, mufaro, rugare, mutsa, nohumwe unhu hunofadza. (VaGaratiya 5:22, 23) Nhasi tinonzwisisa zvakajeka zvinhu zvakafanotaurwa nomuprofita Maraki kare kare. Akati: “Muchaona . . . kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—Maraki 3:18.
Shoko raMwari Rinokura Muvashandi Vanoshingaira
12. Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa sei pamusoro pebasa rokuparidza evhangeri, uye zvinotarisira kuti vanhu vaite sei kubasa razvo rokuparidza?
12 Zvapupu zvaJehovha hazvisi vanhu vanoenda kuchechi zvokungoendawo. Zvinoshingaira mubasa rokuparidza evhangeri. Kufanana nevaKristu vokutanga, zvinozvipa nokuzvidira kuti zviite kuda kwaMwari, zvichitsvaka kubatsira vamwe kudzidza nezvezvipikirwa zvoUmambo hwaJehovha. Vanhu vanoshanda pamwe naMwari, avo maererano nomudzimu wake mutsvene vanounganidza vamwe kubasa raJehovha. Pazvinoita kudaro, zvinoratidza ngoni norudo zvaJehovha kuvanhu vanenge vasingatendi. Uye zvinoita kudaro pasinei nokuti zvinosangana nokusakendenga, kushorwa, uye kutambudzwa. Jesu akaita kuti vateveri vake vagare vakagadzirira kuti vamwe vachagamuchira mashoko akanaka nepo vamwe vachiaramba. Akati “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu.”—Johani 15:20.
13. Zvii zviri kushayikwa muchiKristudhomu zvisiri zvenhamo kuZvapupu zvaJehovha?
13 Hatingatadzi kuororwa nokufanana kwakaita Zvapupu zvaJehovha nhasi nevaya vakagamuchira chiKristu chechokwadi muzana remakore rokutanga. Kusiyana kuripo pakati peZvapupu zvaJehovha nechiKristudhomu nhasi kuri nyorewo kuona. Yanyora nezvokushingairira kuparidza evhangeri kwevaKristu vokutanga, imwe nyanzvi inochema-chema kuti “Hatina kwatinosvika kunze kwekunge tachinja mitemo yechechi iriko kuitira kuti basa rokuparidza evhangeri ritorwe somutoro womuKristu wose akabhabhatidzwa, uye rotsigirwa nemararamiro anooneka achipenya kupfuura evasingatendi.” Zviri kushayikwa muchiKristudhomu hazvisi zvenhamo kuZvapupu zvaJehovha! Zvine kutenda kupenyu, kutenda kwechokwadi, uye kutenda kunobva muchokwadi cheBhaibheri zvokuti zvinonzwa zvichida kutaurirawo vose vachateerera.—1 Timoti 2:3, 4.
14. Jesu aiona sei ushumiri hwake, uye vadzidzi vake vane maoneroi nhasi?
14 Jesu aikoshesa kwazvo ushumiri hwake, achihuisa pakutanga. Akati kuna Pirato: “Izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Vanhu vaMwari vanonzwa semanzwiro aiita Jesu. Vaine chokwadi cheBhaibheri mumwoyo mavo, vanoedza kutsvaka nzira dzokuchiudzawo vakawanda sevanobvira. Dzimwe dzenzira idzi dzinoratidza ungwaru hunoshamisa.
15. Vamwe vakaratidza sei ungwaru mukuparidza mashoko akanaka?
15 Mune imwe nyika yokuSouth America, Zvapupu zvaifamba zvichidzika norumwe rukova runodira muRwizi rweAmazon kuti zvitaurire vanhu chokwadi. Zvisinei, apo kurwisana kwevagari vemo kwakatanga muna 1995, magwa evanhu anofamba murwizi rwacho akarambidzwa. Zvakatsunga kupa vanofarira mabhuku eBhaibheri, Zvapupu zvacho zvakafunga zvokuyeredza shoko racho nomurwizi. Zvainyora tsamba zvodziisa mumabhodhoro epurasitiki asina chinhu pamwe chete nemagazini eNharireyomurindi neMukai! Ipapo zvaikanda mabhodhoro acho murwizi. Izvi zvakaenderera mberi kwemakore mana nehafu kusvikira rwizi rwacho rwava kubvumirwazve vanhu. Kutevedza rwizi rwacho rwose, vanhu vaitenda Zvapupu nokuda kwemabhuku acho. Mumwe mudzimai aimbova mudzidzi weBhaibheri akazvigamuchira nemisodzi mumaziso ake ndokuti: “Ndaifunga kuti ndaisazombokuonai zvakare. Zvisinei, pandakatanga kugamuchira magazini acho ari mumabhodhoro, ndakaziva kuti makanga musina kundikanganwa!” Vamwe vaigara pedyo norwizi rwacho vakati vakanga vaverenga magazini acho kakawanda. Misha yakawanda yaiva ne“posvo”—nzvimbo iri murwizi rwacho apo zvinhu zvaisvika zvichimboungana. Vaifarira vairamba vachitarisa “tsamba” dzavo dzaibva kumusoro kworwizi ipapo.
16. Dzimwe nguva kuva anoda kubatsira kunozarura sei nzira yokuita vadzidzi?
16 Kuparidza mashoko akanaka kunotungamirirwa uye kunotsigirwa naJehovha Mwari nengirozi dzake dzine simba. (Zvakazarurwa 14:6) Kana tikava vanoda kubatsira, dzimwe nguva panomuka mikana isingatarisirwi yokuita vadzidzi. MuNairobi, Kenya, hanzvadzi mbiri dzechiKristu dzaiva mubasa romumunda dzakanga dzapedza kushanda dzimba dzadzakanga dzagoverwa. Mumwe mukadzi wechiduku akangoerekana asvika padziri ndokuti nomufaro: “Ndave ndichinyengetera kuti ndisangane nomumwe munhu akaita semi.” Akateterera Zvapupu zvacho kuti zviende kumba kwake pakarepo kuti vambokurukura, uye akatanga kudzidziswa Bhaibheri zuva iroro chairo. Nei mukadzi wacho akasvika achitaura nevaKristu vaviri ivavo zvokukurumidzira kudaro? Dzinenge vhiki mbiri dzakanga dzadarika, akanga afirwa nomwana wake. Saka paakaona mumwe wechiduku akatakura turakiti rinonzi “Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?” akarida zvikuru ndokukumbira mukomana wacho kuti amupe. Akaramba, asi akamuratidza zvapupu zvakanga zvamupa turakiti racho. Pasina nguva yakareba mukadzi wacho akanga ava kufambira mberi mumudzimu uye akanga ava kukwanisa zviri nani kurarama nemarwadzo okurasikirwa nomwana wake.
Rudo rwaMwari Runofanira Kukunda
17-19. Jehovha akaratidza vanhu rudo rwakadini norudzikinuro?
17 Kukura kweshoko raMwari munyika yose kune chokuita zvikuru nechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Kufanana norudzikinuro, basa rokuparidza kuratidzwa kworudo rwaJehovha kuvanhu vari kwose kwose. Muapostora Johani akafuridzirwa kunyora kuti: “Mwari akada [vanhu] zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
18 Funga nezvorudo rwakaratidzwa naJehovha nokupa rudzikinuro. Kwenguva yakareba kwazvo, Mwari ave ane ukama hwepedyo noMwanakomana wake anodiwa, akaberekwa ari mumwe bedzi, “wokutanga wezvakasikwa naMwari.” (Zvakazarurwa 3:14) Jesu anoda Baba vake zvikuru, uye Jehovha akada Mwanakomama wake “nyika isati yavambwa.” (Johani 14:31; 17:24) Jehovha akatendera Mwanakomana uyu anodiwa kuti afe vanhu vagone kuwana upenyu husingaperi. Uku kuratidza kuda vanhu kunoshamisa zvikuru!
19 Johani 3:17 inoti: “Mwari akatumira Mwanakomana wake munyika, kwete kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.” Saka, Jehovha akatuma Mwanakomana wake kubasa rorudo rokuponesa, kwete rokutonga kana kuti kuwanira mhosva. Izvi zvinopindirana nemashoko aPetro anoti: “[Jehovha] hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.”—2 Petro 3:9.
20. Kuponeswa kune chokuita nokuparidzwa kwemashoko akanaka munzira ipi?
20 Zvaakapa hwaro hwepamutemo hwokuponeswa iye achirasikirwa nezvakawanda, Jehovha anoda kuti vakawanda sevanobvira vabatsirwe narwo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “‘Munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.’ Zvisinei, vachadana sei pana iye wavasina kutenda? Uyewo, vachatenda sei maari wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?”—VaRoma 10:13, 14.
21. Tinofanira kunzwa sei nezvomukana wokuitawo basa rokuparidza?
21 Iropafadzo inofadza sei kuitawo basa iri romunyika yose rokuparidza nokudzidzisa! Harisi basa riri nyore, asi Jehovha anofara zvikuru paanoona vanhu vake vachirarama muchokwadi vakatendeseka uye vachiudzawo vamwe mashoko akanaka! Saka chero zvakaita mamiriro ako ezvinhu, ita kuti mudzimu waMwari norudo ruri mumwoyo mako zvikukurudzire kuitawo basa iri. Uye yeuka kuti zvatinoona zvichiitwa munyika yose zvinopa uchapupu hunogutsa hwokuti Jehovha Mwari achakurumidza kuzadzika chipikirwa chake chokuunza “matenga matsva nepasi idzva” zvine mbiri ‘muchagara kururama.’—2 Petro 3:13.
Unoyeuka Here?
• Nei kuramba kutenda kwakanga kusingagoni kunyaradza vaparidzi vemashoko akanaka?
• Shoko raMwari rakakura sei muzuva redu?
• Mudzimu waMwari uri kuita basa munzira dzipi?
• Rudzikinuro rune chokuita nokuparidza mashoko akanaka sei?
[Girafu/Mufananidzo uri papeji 16]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Kuwedzera kwenhamba yevazivisi voUmambo muzana remakore rechi20
Avhareji Yevaparidzi (mumamiriyoni)
6.0
5.5
5.0
4.5
4.0
3.5
3.0
2.5
2.0
1.5
1.0
0.5
1900 1910 1920 1930 1940 1950 1960 1970 1980 1990 2000
[Mifananidzo iri papeji 15]
JEROME
TYNDALE
GUTENBERG
HUS
[Kwazvakatorwa]
Gutenberg naHus: Kubva mubhuku rinonzi The Story of Liberty, 1878
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vadzidzi veBhaibheri vachizivisa mashoko akanaka muma1920
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Munyika yose vanhu vari kuteerera mashoko akanaka
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kufanana nechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu, basa rokuparidza rinoratidza rudo rwaMwari