RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 8/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Vakaedzwa—Asi Vakanga Vakavimbika Kuna Jehovha!
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 8/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Dhanieri akanga ari kupi apo vaHebheru vatatu vakaedzwa pamberi pechifananidzo chikuru chakanga chamiswa naNebhukadhinezari pabani reDhura?

Bhaibheri haritauri, saka nhasi hapana munhu anogona kutaura kuti Dhanieri akanga ari kupi pakuedzwa ikoko.

Vamwe vakati chinzvimbo chaDhanieri muhurumende kana kuti ropafadzo dzaaiwana kubva kuna Nebhukadhinezari dzakanga dzakakwirira kupfuura dzaShadraki, Meshaki, naAbhedhinego uye kuti Dhanieri akanga asingasungirwi kuenda kubani reDhura. Dhanieri 2:49 inoratidza kuti pane imwe nguva akanga ane nzvimbo yakakwirira kupfuura yeshamwari dzake nhatu. Asi hatingavi nechokwadi chokuti izvi zvakamuita kuti arege kuungana nevamwe pamberi pechifananidzo.

Vachiedza kutsanangura kusavapo kwaDhanieri, vamwe vakati zvimwe akanga asipo nebasa rehurumende kana kuti zvichida airwara saka akanga asingakwanisi kuvapo. Zvisinei, Bhaibheri haritauri izvozvo. Kunyange zvazviri, zvakaitwa naDhanieri zvinofanira kunge zvakanga zvisingashorwi, nokuti dai zvaidaro, vakuru vakuru vehurumende veBhabhironi vakanga vane shanje vangadai vakashandisa izvozvo kumupomera. (Dhanieri 3:8) Chiitiko chacho chisati chaitika uye chapera, Dhanieri akazviratidza kuva akatendeka, akavimbika kuna Mwari pasinei nokuti aitarisana nemiedzo ipi. (Dhanieri 1:8; 5:17; 6:4, 10, 11) Saka kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri kuti nei Dhanieri akanga asipo pamapani eDhura, tinogona kuva nechivimbo chokuti akanga akatendeka kuna Jehovha Mwari asingabvumirani pane zvisina kufanira.—Ezekieri 14:14; VaHebheru 11:33.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe