Nokutenda, Bharaki Akakunda Uto Raiva Nesimba
FUNGIDZIRA wakatarisana neuto revarwi vane utsinye. Vane zvombo zvehondo zvemazuva ano, uye vakagadzirira kuzvishandisa. Iwe nevaunavo hamungambogoni kuzvidzivirira pavari.
Izvi ndizvo zvakaitika kuna Bharaki, Dhebhora, nevamwe vavo vechiIsraeri vane 10 000 munguva yevatongi veIsraeri. Mauto omuvengi akanga ari vaKenani vaitungamirirwa nomukuru wehondo Sisera. Zvombo zvavo zvehondo zvaisanganisira ngoro dzehondo, dzaiva nemavhiri ane majeko esimbi aikuvadza kwazvo. Nzvimbo yacho yaiva Gomo reTabhori uye mupata une rukova weKishoni. Zvakaitika ipapo zvinoratidza kuti Bharaki aiva murume wokutenda kune muenzaniso wakanaka. Funga nezvezviitiko zvakatungamirira kuhondo iyi.
Israeri Anochema Kuna Jehovha
Bhuku raVatongi rinotaura nezvokurega kakawanda kwaIsraeri kunamata kwakachena uye migumisiro yakaipa yezviito zvakadaro. Nguva imwe neimwe, kuchemera ngoni dzaMwari nomwoyo wose kwaiteverwa nokugadza kwaMwari muponesi, kusunungurwa, pedzezvo vopandukazve. Maererano nemaitiro iwayo, “shure kwokufa kwaEhudhi [mutongi akavaponesa paudzvinyiriri hwevaMoabhi] vana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.” Zvinotonzi “vakazvitsaurira vamwari vatsva.” Zvakaguma nei? “Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini, mambo weKenani, wakanga achibata ushe paHazori; mukuru wehondo yake wakanga ari Sisera . . . Zvino vana vaIsraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti [Sisera] wakanga ane ngoro dzamatare dzine mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsraeri kwazvo makore ane makumi maviri.”—Vatongi 4:1-3; 5:8.
Nezvoupenyu muIsraeri, Magwaro anoti: “[Mazuva iwayo] nzira huru dzakanga dzisingafambwi, vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota. Misha yakanga isina vanhu.” (Vatongi 5:6, 7) Vanhu vaitya varwi vanoshandisa ngoro dzehondo vaipamba zvinhu. “Upenyu hworuzhinji rwevanhu muIsraeri hwaidzorwa norutyo,” inodaro imwe nyanzvi, “vanhu vose vanenge vakanga vangoti undundu vasingachagoni kuzvidzivirira.” Saka sezvavaigara vachiita, vaIsraeri vakanga vaora mwoyo vakachemera kubatsirwa naJehovha.
Jehovha Anogadza Mutungamiriri
Kudzvinyirira kwomuKenani uyu kwakava nguva yenhamo kurudzi rwose rwaIsraeri. Mwari akashandisa muprofitakadzi Dhebhora kutaura kutonga kwake nemirayiridzo yake. Nokudaro Jehovha akamupa ropafadzo yokushanda saamai vokufananidzira muIsraeri.—Vatongi 4:4; 5:7.
Dhebhora akadaidza Bharaki ndokuti kwaari: “Jehovha Mwari wavaIsraeri haana kukurayira here, achiti: Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNaftari navana vaZebhuruni? Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.” (Vatongi 4:6, 7) Nokutaura kuti ‘Jehovha haana kurayira here?’ Dhebhora akaratidza pachena kuti akanga asina simba pana Bharaki. Akangoshanda senzira yokusvitsa nayo murayiro waMwari. Bharaki akaita sei?
“Kana imi mukaenda neni,” akadaro Bharaki, “ini ndichaenda, asi kana imi musingaendi neni, ini handingaendi.” (Vatongi 4:8) Nei Bharaki akanga achizeza kugamuchira mutoro waakapiwa naMwari? Akanga achiita nenzira youmbwende here? Akanga asingavimbi nezvipikirwa zvaMwari here? Aiwa. Bharaki haana kuramba basa racho, uye haana kuramba kuteerera Jehovha. Asi, mhinduro yake yakaratidza kunzwa kwokusanyatsokwanisa zvakarayirwa naMwari pachake. Kuvapo kwomumiririri waMwari kwaizovimbisa kutungamirira kwaMwari kuchizoita kuti iye nevarume vake vave nechivimbo. Naizvozvo, pane kuva chiratidzo chokusava nesimba, zvakataurwa naBharaki zvairatidza kutenda kwakasimba.
Zvakaitwa naBharaki zvinogona kuenzaniswa nezvakaitwa naMosesi, Gidhiyoni, naJeremia. Varume ava vaisavawo nechivimbo chokuti vaikwanisa kuita mabasa avakanga vapiwa naMwari. Asi nokuita kudaro havana kunzi vaiva nokutenda kuduku. (Eksodho 3:11–4:17; 33:12-17; Vatongi 6:11-22, 36-40; Jeremia 1:4-10) Uye chii chingataurwa nezvokuita kwaDhebhora? Haana kuedza kutora basa racho. Asi, akaramba ari mushumiri waJehovha anozvininipisa. “Zvirokwazvo ndichaenda newe,” akaudza Bharaki kudaro. (Vatongi 4:9) Akanga achida kusiya musha—nzvimbo yakachengeteka zvikuru—kuti aende naBharaki kuhondo yakanga ichida kurwiwa. Dhebhora anopawo muenzaniso wokutenda noushingi.
Nokutenda Vanotevera Bharaki
Mauto eIsraeri akasangana pagomo rakakwirira rainzi Tabhori. Iyi yakanga iri nzvimbo yakanaka zvikuru. Yaimiririra nzvimbo yokuunganira yemadzinza aNaftari naZebhuruni, aigara pedyo naipapo. Saka sezvakanga zvarayirwa naMwari, vanhu zviuru gumi vakanga vazvipira—naDhebhora—vakatevera Bharaki vachikwira mugomo iri.
Kutenda kwaidiwa kune vaya vakaenda naBharaki. Jehovha akanga avimbisa Bharaki rukundo pavaKenani, asi vaIsraeri ava vaiva nezvombo zvakadini? Vatongi 5:8 inoti: ‘Pakanga pasingaoneki nhoo kana pfumo pakati pavaIsraeri vane zviuru zvine makumi mana.’ Saka vaIsraeri vaingova nezvombo zvishoma chete. Kunyange zvakadaro, mapfumo nenhoo zvaisazombofa zvakaenzana nengoro dzehondo dzine majeko esimbi. Paakanzwa kuti Bharaki akanga akwira muGomo reTabhori, Sisera akabva angounganidza ngoro dzake dzose dzehondo nemauto kuti aende kumupata une rukova weKishoni. (Vatongi 4:12, 13) Chakatadza kuzivikanwa naSisera ndechokuti aizova achirwisana naMwari Wemasimba Ose.
Bharaki Anoparadza Uto raSisera
Nguva yokurwisana payakasvika, Dhebhora akati kuna Bharaki: “Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?” Bharaki nevarume vake vaifanira kudzika kubva pamusoro pegomo reTabhori vachienda pabani romupata, asi ipapo ngoro dzehondo dzaSisera dzaikwanisa kumuparadza zviri nyore. Ungadai wakanzwa sei kudai waiva muuto raBharaki? Ungadai wakateerera pakarepo here, uchiyeuka kuti murayiro wacho waibva kuna Jehovha? Bharaki nevarume vake vane zviuru gumi vakateerera. “Zvino Jehovha akavhundutsa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki.”—Vatongi 4:14, 15.
Nokutsigira kwaJehovha, Bharaki akaparadza uto raSisera. Nhoroondo yehondo yacho haitsananguri zvose zvakaitika. Zvisinei, rwiyo rworukundo rwaBharaki naDhebhora runotaura kuti ‘denga nemakore zvakadonha mvura.’ Panofanira kunge pakaitika dutu remvura rakaita kuti ngoro dzehondo dzaSisera dzinyure mumadhaka, zvichibatsira Bharaki zvikuru. Saka chombo chikuru chokurwisa nacho chevaKenani chakanga changova chezita chete. Kana zviri zvitunha zvevarume vaSisera, rwiyo rwacho runoti: “Rwizi rweKishoni rwakavakukura.”—Vatongi 5:4, 21.
Zvinhu zvakadai zvingadavirika here? Mupata une rukova weKishoni igova, karwizi kanowanzoyerera mvura shomanana. Pashure pemadutu kana kuti mvura inonaya kwenguva refu, tunzizi twakadaro tunogona kuzara kamwe kamwe dzova nzizi dzine ngozi. MuHondo Yenyika I, mvura yakanaya kwemaminitsi 15 chete paivhu rine dhaka rokuumbisa munharaunda iyoyo inonzi yakakarotadzisa mauto aishandisa mabhiza kufamba. Nhoroondo dzehondo yepaGomo reTabhori pakati paNapoleon nevarwi vokuTurkey musi waApril 16, 1799 dzinoshuma kuti “vakawanda vevarwi vokuTurkey vakanyura pavaiedza kutiza vachiyambuka chimwe chikamu chebani racho chakanga chakafashamirwa naKishoni.”
Munyori wenhau dzakaitika kare wechiJudha Flavius Josephus anoti mauto aSisera naBharaki zvaakanga ava kuda kusangana, “dutu guru rakadzika richibva kudenga, riine mvura yakawanda nechimvuramabwe, uye mhepo yakavhuvhutira mvura kumeso kwevaKenani, ndokukonzera rima mumaziso avo, zvokuti miseve yavo nezvipfuramabwe zvavo hazvina kuvabatsira.”
“Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga,” inodaro Vatongi 5:20, “dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.” Nyeredzi dzakarwisa Sisera sei? Vamwe vanoona kutaura uku sokunoratidza kubatsira kwaMwari. Vamwe vanotaura nezvokubatsira kwengirozi, kunaya kwematombo anobva muchadenga, kana kuti kuvimba kwaSisera nokufembera kwevaongorori venyeredzi kwakaratidza kuva kwenhema. Sezvo Bhaibheri risingatsananguri kuti nyeredzi dzakamborwa sei muhondo iyi, zvinenge zvakakwana kutora mashoko acho seanoratidza kupindira kwakati kwaMwari achirwira uto revaIsraeri. Chero zvakaitika, vaIsraeri vakashandisa zvizere mamiriro acho ezvinhu. “Bharaki wakatevera ngoro dzehondo . . . hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange mumwe chete.” (Vatongi 4:16) Chii chakaitika kumukuru wehondo Sisera?
Mudzvinyiriri Anowira “Mumaoko Omukadzi”
“Asi Sisera,” rinodaro Bhaibheri, akasiya hondo ndoku“tiza namakumbo kutende raJaeri, mukadzi waHebheri, muKeni, nokuti kwakanga kune rugare pakati paJabhini, mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni.” Jaeri akapinza Sisera akanga aneta mutende rake, akamupa mukaka wokunwa, ndokumufukidza, zvokuti akabatwa nehope. Jaeri akabva “atora mbambo yetende, akatorawo nyundo paruoko rwake,” zvinhu zvingashandiswa nomugari womutende nguva nenguva. “Akanatsoswedera kwaari, akarovera mbambo napachavovo chake, ikabuda neseri, ikabayira pasi, nokuti wakanga abatwa kwazvo nehope, aneta; akafa.”—Vatongi 4:17-21.
Ipapo Jaeri akabuda kundosangana naBharaki ndokuti kwaari: “Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka.” Nhoroondo yacho inowedzera kuti: “Iye akapinda kwaari, akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.” Ichocho chinofanira kuva chiitiko chakasimbisa kutenda kwaBharaki! Muprofitakadzi Dhebhora akanga ambomuudza kuti: “Haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi.”—Vatongi 4:9, 22.
Zvakaitwa naJaeri zvinganzi unyengeri here? Jehovha haana kuzviona nenzira iyoyo. “Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende,” rwakadaro rwiyo rworukundo rwaBharaki naDhebhora. Rwiyo irworwo runoita kuti tione rufu rwaSisera nenzira yakakodzera. Amai vake vanoratidzwa sevakamirira zvikuru kudzoka kwake kubva kuhondo. “Ngoro yake inononokereiko kusvika?” vanobvunza kudaro. “Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera” vanoedza kunyaradza kutya kwavo nokutaura kuti anofanira kuve ari kugova zvakapambwa zvehondo—micheka yakarukwa zvakanaka uye vasikana vevarume. Vakadzi vacho vanobvunza kuti: “Havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; zvimwe Sisera uchapiwa nguo dzakapambwa dzamavara-mavara . . . Micheka yakarukwa yamavara-mavara, nguo dzamavara-mavara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapambwa.”—Vatongi 5:24, 28-30.
Zvatinodzidza
Nyaya yaBharaki inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Zvechokwadi zvinetso nematambudziko zvichatambudza ani naani asina basa naJehovha muupenyu hwake. Rusununguko pakudzvinyirirwa kworudzi rwakasiyana-siyana runobvira kune vaya vanodzoka kuna Mwari vapfidza voratidza kutenda maari. Uye hatifaniriwo kuva nepfungwa yokuteerera here? Kunyange apo zvinodiwa naMwari zvinoita sezvinopesana nezvinonzwisisika mukuona kwevanhu, tinogona kuva nechokwadi chokuti zvaanotirayira zvakatinakira nguva dzose. (Isaya 48:17, 18) Bharaki “akakunda mauto evanhu vokune dzimwe nyika” nokutenda muna Jehovha nokuteerera mirayiridzo yake bedzi.—VaHebheru 11:32-34.
Mhedziso inobaya mwoyo yorwiyo rwaDhebhora naBharaki ndeyokuti: “Vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro.” (Vatongi 5:31) Izvi zvicharatidza kuva zvechokwadi kwazvo Jehovha paachagumisa nyika yakaipa yaSatani!
[Mufananidzo uri papeji 29]
Jehovha akashandisa Dhebhora kudaidza Bharaki
[Mufananidzo uri papeji 31]
Rukova rweKishoni rwakazarisa
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est
[Mufananidzo uri papeji 31]
Gomo reTabhori