RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w06 1/15 p. 3
  • Ngirozi—Ndivanaani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi—Ndivanaani
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Ngirozi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
w06 1/15 p. 3

Ngirozi—Ndivanaani

MAMBO woumambo hune simba haagoni kudavira zvaari kuona. Varume vatatu vatongerwa kuti vaparadzwe nomoto vanonunurwa parufu! Ndiani avaponesa? Mambo pachake anoti kuvarume vatatu ava vanunurwa: “Mwari [wenyu] ngaarumbidzwe, uyo atuma ngirozi yake ikanunura vashumiri vake vavimba naye.” (Dhanieri 3:28) Uyu mutongi weBhabhironi akatonga zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura akaona ngirozi dzichinunura vanhu. Mamiriyoni evanhu munguva yakapfuura aidavira kuti kune ngirozi. Nhasi vakawanda havangodaviri kuti ngirozi dziriko asiwo vanofunga kuti muupenyu hwavo ngirozi dzinovabatsira neimwe nzira. Ngirozi ndivanaani, uye dzakavapo sei?

Maererano neBhaibheri, ngirozi midzimu, sezvo Mwari pachake ari Mudzimu. (Pisarema 104:4; Johani 4:24) Mhuri yengirozi yakakura, dzinosvika mamiriyoni. (Zvakazarurwa 5:11) Uye dzose zvadzo “dzine simba guru.” (Pisarema 103:20) Kunyange zvazvo ngirozi dzakafanana nevanhu pakuti dzine unhu uye kuti dzinokwanisa kusarudza zvadzinoda, hadzina kutanga upenyu hwadzo dziri vanhu. Kutaura zvazviri, Mwari akasika ngirozi kare kare asati asika vanhu—asati atombosika Nyika ino. Bhaibheri rinoti, Mwari ‘paakavaka nheyo yenyika, nyeredzi dzemangwanani—ngirozi—dzakashevedzera nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari vakatanga kushevedzera vachirumbidza.’ (Jobho 38:4, 7) Sezvo ngirozi dzakasikwa naMwari, dzinonzi vanakomana vaMwari.

Mwari akasikirei ngirozi? Muupenyu hwevanhu, ngirozi dzine basa radzaiita here? Dzinotibatsira here muupenyu hwedu nhasi? Sezvo dzichikwanisa kusarudza zvadzinoda, pane dzimwe ngirozi dzakatevera nzira yaSatani Dhiyabhorosi dzikazviita vavengi vaMwari here? Bhaibheri rinopa mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo iyi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe