RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 2/15 p. 3
  • Nakidzwa Nenyika Yedu Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nakidzwa Nenyika Yedu Yakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Zuva Nenyika Dzaro—Kwazvakabva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Simba Rekusika—“Musiki Wedenga Nenyika”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Zvinhu Zviri Muchadenga Zvinotidzidzisei?
    Mukai!—2021
  • Zviri Muchadenga Chedu Chinotyisa—Zvakavapo Netsaona Here?
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 2/15 p. 3

Nakidzwa Nenyika Yedu Yakanaka

NYANZVI dzenyeredzi dzakaona kuti musha wevanhu chinhu chiduku zvikuru pane zvimwe zvinhu zvikuru zvakasikwa. Kune dzimwe nyika dzose dzakasikwa hakuna kunowanika upenyu. Panyika bedzi ndipo panoraramika.

Uyezve, tinogona kunakidzwa noupenyu tiri panyika ino yakanaka. Zvinofadza chaizvo kudziyirwa nomushana musi wakunenge kuchitonhora! Ndiani wedu asingafadzwi nokubuda kwezuva kwakanaka zvikuru kana kuti nokunyura kwaro? Chokwadika, zuva redu rinoita zvinopfuura kungotifadza. Rinokosha kuti tirambe tichirarama.

Kwemamiriyoni emakore asingaverengeki, simba rinokweva rezuva rave richiita kuti nyika yedu nedzimwe dzomudenga dzirambe dziri mumakwara adzo. Uye sezvinodzidziswa vana kuchikoro, nyika dzose dzinotenderera zuva dzinotenderera Gwara redu Renzou. Asi muboka redu renyeredzi zuva rinongova imwe yenyeredzi dzinopfuura mabhiriyoni zana enyeredzi idzi dzinofamba pamwe chete.

Gwara Renzou nemamwe makwara anenge 35 ose anodzorwa nesimba rimwe chete. Mapoka makuru ane zviuru zvemakwara enyeredzi. Zvimwe nyika dzose dzinotenderera zuva dzaizova dzisina kugadzikana kudai dzaiva munzvimbo ine mapoka akawanda enyeredzi. Asi sezvazviri, nzvimbo shomanana dziri mudenga “ndidzo dzingagona kuva noupenyu hwakaita sohwepanyika,” vakadaro Guillermo Gonzalez naJay W. Richards mubhuku ravo rinonzi The Privileged Planet.

Munyika ino, upenyu hwakangoerekana hwavapo here, setsaonawo zvayo ye“chinhu chakangoputika”? Kana kuti upenyu hune zvimwe zvahunonyanya kureva muNyika ino yakanaka here?

Vanhu vakawanda vakasvika pakugumisa kuti musha wedu wepasi wakanyatsogadzirirwa kuti utsigire upenyu.a Mazana emakore akapfuura, mumwe mudetembi wechiHebheru akafunga nezvepasi uye matenga. Akanyora kuti: “Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira, munhuwo zvake chiiko?” (Pisarema 8:3, 4) Mudetembi uyu aidavira kuti kunofanira kuva noMusiki. Izvozvo zvine musoro here munguva yedu yafambira mberi mune zvesayenzi?

[Mashoko Omuzasi]

a Ona bhuku reMapisarema, zvikurukuru Pisarema 8.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 3]

The Illustrated Science Encyclopedia—Amazing Planet Earth inoti: “Nechokure, Nyika inotaima sechinhu chakanaka zvikuru murima romuchadenga.”

[Kwazvakatorwa]

Globe: U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./NASA

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe