Zvevechiduku
Kuramba Jesu Kwakaita Petro
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro aiita vanhu vanonyanya kutaurwa.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MATEU 26:31-35, 69-75.
Waona pane vanhu vangani?
․․․․․
Unofunga kuti vanhu vakataura naPetro vaiva noushamwari here? vaida kuziva here? vaiva vakatsamwa here? vaiva nemamwe manzwiro here?
․․․․․
Unofunga kuti Petro ainzwa sei paainzi ane mhosva?
․․․․․
Nei Petro akaramba Jesu? Akanga asingamudi here kana kuti paiva neimwewo nyaya?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.—VERENGA RUKA 22:31-34; MATEU 26:55-58; JOHANI 21:9-17.
Kunyanya kuzvivimba kungava kwakaita sei kuti Petro akanganise? ․․․․․
Jesu akaratidza sei kuti aivimba naPetro, kunyange zvazvo aiziva kuti Petro aizombokanganisa?
․․․․․
Kunyange zvazvo akaramba Jesu, Petro akaratidza sei chivindi chaitopfuura chevamwe vadzidzi?
․․․․․
Jesu akaratidza sei kuti akakanganwira Petro?
․․․․․
Unofunga kuti Jesu akabvunzirei Petro katatu kuti, “Unondida here?”
․․․․․
Unofunga kuti Petro akanzwa sei apedza kukurukurirana naJesu, uye nei?
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kutya munhu.
․․․․․
Tsitsi dzaJesu kuvadzidzi vake, kunyange pavaikanganisa. ․․․․․
Chii chinonyanya kukosha kwauri panyaya iyi, uye nei?
․․․․․
․․․․․