RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 pp. 28-31
  • Kufarira Kuita Zvinodiwa naMwari Kwoupenyu Hwangu Hwose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Kuita Zvinodiwa naMwari Kwoupenyu Hwangu Hwose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaitika Kuti Tibvumirwe Kugara
  • Kubudirira Muushumiri muSingapore
  • Kushanda Semhuri muSingapore
  • Basa Redu Rinorambidzwa!
  • Nzvimbo Itsva Yokunoshandira
  • Singapore—Ibwe Rinokosha reAsia Rakashatiswa
    Mukai!—1997
  • “Ndiri Pano! Nditumei”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nguva Dzose Jehovha Anopa Mubayiro Vakavimbika Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • “Hamuzivi Zvichava Zvakaita Upenyu Hwenyu Mangwana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 pp. 28-31

Kufarira Kuita Zvinodiwa naMwari Kwoupenyu Hwangu Hwose

YAKATAURWA NABILL YAREMCHUK

Muna March 1947, ndangova nemavhiki mashomanana ndapedza kudzidzira kuva mumishinari mukirasi yechisere yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, panguva iyoyo chaiitirwa kuSouth Lansing, kuNew York, muU.S.A., ndakanga ndava kuenda kune imwe nyika kwandaizonoshandira, nyika yeSingapore yaiva kure chaizvo.

DAVE FARMER, aibva kumusha kwangu kuCanada, akanga apedza kudzidza mukirasi yeGiriyedhi yechinomwe, ndiye wandaizonoshanda naye. Takakwira ngarava yainzi Marine Adder, yaimboshandiswa nemauto, kubva kuSan Francisco, muCalifornia.

Ngarava yakatanga kumira kuHong Kong, kuNyika dzokuMabvazuva. Zvatakaona ikoko zvakatityisa zvokutityisa zviya. Zvaiva pachena kuti Hondo Yenyika II yakanga ichangopera, vanhu vaiva vakangorara mudivi menzira, vachiziya nenzara uye vachiita sevava kutofa. Takabva tadzokera mungarava ndokunanga kuManila, guta guru rePhilippines.

Ikokowo takaona zvinhu zvaityisa zvakanga zvakonzerwa nehondo. Pachiteshi chengarava pakanga pakazara ngarava dzakanga dzanyura dzabhombwa nendege dzehondo dzevavengi, uye vanhu vacho vaiva varombo zvikuru. Takasangana neZvapupu zvaJehovha zvishoma, vachibva vatiendesa kuImba yavo yoUmambo. Vaifara zvikuru pasinei nematambudziko avaitarisana nawo.

Chiteshi chakatevera chatakazomira chaiva kuBatavia (yava kunzi Jakarta) kuIndonesia. Hatina kubvumirwa kuburuka muchikepe nokuti vanhu vomunyika iyoyo vairwisana, uye pedyo nepataiva pane vaitorwa. Ngarava zvayakasimuka yonanga kuSingapore, ndakatanga kufunga kuti zvino taizonoonei ikoko. Izvi ndizvo here zvakanga zvaita Nyika dzokuMabvazuva dzatakanga taverenga nezvadzo mumabhuku anotaura nezvenyika dzacho anobatsira vanoda kufamba?

Mumazuva mashomanana, ndakanga ndisisiri kunyanya kunetseka nazvo. Pakanga pava kuzoitika chimwe chinhu chaizonyatsondiratidza kuti ini naDave takanga tatumwa naMwari kuita basa iri.

Zvakaitika Kuti Tibvumirwe Kugara

Kwapera unenge mwedzi tasimuka kuSan Francisco, ngarava yedu yakaguma yamira paSt. John’s Island, kachitsuwa kaimira ngarava dzokuSingapore kusvikira dzapiwa mvumo yokupinda. Vakuru vakuru vezvokupinda nokubuda kwevanhu munyika vakauya kuzotarisa mapasipoti evafambi, uye edu akadhindwa kuti “Vabvumidzwa Kupinda Munyika.” Mangwanani akatevera, ngarava yacho yakamira pedyo nechiteshi. Pashure pokunge magwaro edu atariswa nomumwe mukuru mukuru wengarava yacho, takaburuka.

Mangwana acho, takadzokera kuchiteshi kunowonekana nemamwe mamishinari ataifamba nawo. Vakanga vachiri kupfuurira kuenda kuIndia nokuCeylon (yava kunzi Sri Lanka). Mukuru wengarava paakationa, akauya kwataiva ndokutanga kutaura nesu. Akagumbuka uye akapopota achiti taisafanira kuburuka. Izvi zvisati zvaitika, tichiri mugungwa, mumwe mukuru wokubuda nokupinda munyika ainzi VaHaxworth akanga amuudza kuti asatirega tichiburuka mungarava payaizosvika muSingapore. Isu nomukuru mukuru akatibvumira kuti tiburuke mungarava yacho hatina kunge tazviziva.

VaHaxworth vakanga vakatitsamwira chaizvo patakaendeswa kwavari. Vakatipopotera, vachiti takanga tarambidzwa kupinda muSingapore. Sezvo tisina kuziva kuti takanga tarambidzwa kupinda, takavaratidza mapasipoti edu akanga akadhindwa kuti “Vabvumidzwa Kupinda Munyika.” Vakabvuta mapasipoti edu vakashatirwa ndokudzima mashoko iwayo. Zvisinei, ngarava yakanga yatosimuka! VaHaxworth vakatinyima mapasipoti edu kwegore rose, vakazotidzosera adhindwazve kuti “Vabvumidzwa Kupinda Munyika.”

Kubudirira Muushumiri muSingapore

Patakasvika muna April 1947, murume ainzi Joshua ndiye oga aiva Chapupu muSingapore. Aiva mushumiri wenguva yakazara, kana kuti piyona, kusvikira afa mukutanga kwema1970. Nenguva isipi, vamwe vakanga vadzidza chokwadi cheBhaibheri vakatanga kuudzawo vamwe. Minyengetero yedu yokuti tiwane vamwe vashandi pakukohwa mune zvokunamata yakatanga kupindurwa.—Mateu 9:37, 38.

Muna 1949, VaHaxworth pavakanga vamboshanya kuEngland kwenguva refu, mamishinari matanhatu akanga apedza kudzidza mukirasi yechi11 yeGiriyedhi akasvika muSingapore. Panguva iyi, Dave wandainge ndashanda naye mubasa roumishinari kwemakore akawanda, aifanira kubva muSingapore nemhaka youtano husina kunaka. Akatamira kuAustralia, kwaakashanda akatendeka kusvikira paakazofa muna 1973. Pane vatsva vakauya paiva naAileen Franks, wandakazoroora muna 1956.

Nokufamba kwenguva, takadzidza Bhaibheri nevakawanda vakazova Zvapupu pamwe chete nevana vavo. Nanhasi, vamwe vavo vachiri kuita ushumiri hwenguva yakazara kune dzimwe nyika. Chimwe chakaitika chinofadza ndechaLester naJoanie Haynes, vaibva kuAmerica asi vachigara kuSingapore. Takatanga kudzidza navo Bhaibheri kuma1950. Vakakurumidza kufambira mberi mune zvokunamata uye vakabhabhatidzwa pavakadzokera kuUnited States. Pave paya, Lester naJoanie vainakidzwa nokuita ushumiri hunobudirira. Vakabatsira vakawanda kuti vave Zvapupu, kusanganisira vana vavo vatatu.

Joanie akanyora kuti: “Pandinofunga nezvegore riya tiri kuSingapore, zvamakatidzidzisa zvakachinja chaizvo mararamiro edu. Kudai takanga tisina ‘kutarisirwa’ nemi, pamwe tingadai tichiri kungopembera nenyika. Ndinofara kuti ndimi makadzidzisa Les chokwadi, nokuti kubvira pakutanga, makanyatsomudzidzisa kuda Jehovha nehama dzedu dzechiKristu. Haasati achinja.”

Kushanda Semhuri muSingapore

Muna 1962 pane chakaitika tisingatarisiri chaizochinja upenyu hwedu chaizvo. Chiremba wemhuri yedu akaudza Aileen kuti akanga ava nepamuviri. Taida kuramba tiri mamishinari, asi taizozviita sei isu tiine mwana? Nathan H. Knorr, aitarisira basa reZvapupu zvaJehovha munyika yose panguva iyoyo, akatinyorera tsamba achindikurudzira kuti nditsvake basa kuitira kuti tirambe tiri kuSingapore. Izvi zvakanga zvakaoma chaizvo.

Vakawanda vakanga vasiri vomunyika iyi vaiva nemabasa epamusoro chaizvo mumakambani aisava omunyika iyoyo. Ndakanga ndisati ndamboshanda, sezvo ndakatanga ushumiri hwenguva yakazara pandakapedza chikoro makore 23 akanga apfuura. Saka ndakabhadhara imwe kambani inotsvakira vanhu mabasa yokuLondon kuti indigadzirire gwaro remabasa andinokwanisa somushumiri wechitendero ari mune imwe nyika, uye vakaritumira kumakambani akawanda anowanikwa munyika zhinji aiva muSingapore.

Ndaingoramba ndichiwana mhinduro yokuti, “Tine urombo hatina basa ratingakupa rinoenderana nezvawakaita.” Vaifunga kuti ndakanga ndakanyanyisa kudzidza! Kwapera mwedzi yakati, mwana wedu Judy akaberekwa. Panguva iyoyo hama Knorr vakashanyira Singapore, uye vakaenda kunoona Judy naamai vake kuchipatara. Vakatiudza kuti, “Munogona kuramba muchigara pamusha wemamishinari kusvikira Bill awana basa.”

Kwapera mwedzi mishomanana, ndakawana basa rokutengesa pane imwe kambani yendege. Mari yandaitambira yaingokwana kuti tiwane chouviri. Pashure pemakore maviri, ndakapinda basa pane imwezve kambani yokuAmerica yendege uye yaindibhadhara mari yakapetwa kaviri. Ndakapedzisira ndava kuzivikanwa nemhaka yebasa iri, uye ndakanga ndava nenguva yakawanda yokuva nemhuri yangu uye yokuita ushumiri hwechiKristu.

Tairarama maererano nezvinodiwa naJehovha, tichikoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata. Izvi zvakaita kuti ndikwanise kuva neropafadzo dzakawanda musangano. Aileen akatangazve kuita ushumiri hwenguva yakazara. Panguva iyi, basa rokuparidza Umambo raibudirira chaizvo muSingapore. Kuma1965, takatenga imba yakanaka yakava Imba yedu yoUmambo, yaiva nenhurikidzwa mbiri uye iri mutaundi. Yaishandiswa neungano ina.

Basa Redu Rinorambidzwa!

Nokufamba kwenguva, pane zvaiitika zvairatidza kuti takanga tava kuzotambudzwa. Musi waJanuary 14, 1972, takaenda kuImba yoUmambo kunopinda misangano yedu sezvataisingoita. Asi pagedhi paiva paiswa cheni nekiyi. Paiva nechikwangwani chakanga chakanzi Ungano yeZvapupu zvaJehovha yokuSingapore haisisiri pamutemo. Takanga tisingachabvumidzwi kuita basa redu!a

Kuvharwa kweImba yoUmambo hakuna kutimisa kunamata Jehovha, asi ndakazvibvunza kuti, ‘Mwari anoda kuti ndiite sei nemhuri yangu?’ Ndakafunga kuti kudai taizomanikidzwa kubuda munyika, taisazombokwanisa kudzoka kuzoshanyira shamwari dzedu dzaiva muSingapore. Saka ndakakumbira maneja wekambani yandaishandira kuti ndinoshandira kuKuala Lumpur, Malaysia. Zvikadaro mhuri yedu yaizokwanisa kudzoka kuzoshanya pasina dambudziko. Ndakashamisika maneja uyu paakati ndaigona kunoshandira kuhofisi yokuKuala Lumpur ndiri maneja, izvo zvaizoita kuti ndipiwe mari yakapetwa kaviri ndichiwanawo zvimwe zvinopiwa munhu anoita basa iri.

Zvadaro ndakazvibvunza kuti, ‘Mwari anoda here kuti titame kubva kuSingapore tichisiya hama dzedu?’ Takanyengetera nezvenyaya yacho kuna Jehovha semhuri. Takagumisa kuti Jehovha ndiye akanga atiunza kuno. Saka ndakati, hakuna kwatinoenda. Maneja wangu akashamisika kuti ndakaramba basa raaiva andipa raibhadhara zvikuru.

Kuita basa rataisabvumirwa kwaishungurudza zvikuru, nokuti taigara tichingotya kusungwa uye kuiswa mujeri. Pane zvimwe zvaiitika zvaiita kuti ndikoshese mashoko ePisarema 34:7 okuti: “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.”

Nzvimbo Itsva Yokunoshandira

Pakupedzisira muna 1993, tashanda makore anopfuura 46 muSingapore, takakumbirwa kuti titamire kuNew Zealand, kwataizonoshanda tisinganyanyi kunetseka uye tisingazvidyi mwoyo. Hapana mubvunzo kuti takarwadziwa kusiya shamwari dzedu dzataida chaizvo kuSingapore. Asi takakurudzirwa nokuziva kuti vakanga vavaka kutenda kwavo nezvinhu zvisingatsvi, pafandesheni yakasimba. Izvi zvakaita kuti vakwanise kuramba vakatsunga pasinei nemiedzo yavanoramba vachitarisana nayo.—1 VaKorinde 3:12-14.

Iye zvino ini naAileen tava nemakore anopfuura 14 muNew Zealand, uye kunyange zvazvo takwegura, tichiri kunakidzwa noushumiri tiri mapiyona chaiwo. Vakoma vangu vaviri, Mike ane makore 94, naPeter ane 90, vachiri vapenyu, uye vachiri kushumira Jehovha vakatendeka kuCanada.

Muna 1998 mwanasikana wedu Judy akatamira kuNyika dzokuMabvazuva uye akashumira ari ikoko kwemakore akawanda. Mune imwe tsamba yaakatinyorera, akati: “Zuva nezuva ndinoonga Jehovha zvikuru kuti akandipa ropafadzo yokushumira kuno! Ndinokuongaiwo mose kuti makandidzidzisa norudo uye makarega zvakawanda kuti izvi zvose zvibudirire.” Muna 2003 akadzoka kuNew Zealand kuzobatsira ini naAileen.b

Tinotenda Jehovha kuti mamiriro edu ezvinhu akaita kuti tikwanise kubvuma Tenzi paakati kunodiwa vashandi vakawanda mukukohwa. Kuita izvozvo kwakatiunzira mufaro usingatsananguriki. Uye ‘nyika paichapfuura,’ sezvinotaurwa neBhaibheri kuti ichapfuura, tichafara kuona chipikirwa chaMwari chinoshamisa chichizadzika, chokuti: “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaJune 1, 1972, mapeji 341-9.

b Aileen anodiwa akashaya musi waJanuary 24, 2008, nyaya ino payaipedziswa.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Joshua ndiye chete aiva Chapupu patakasvika kuSingapore muna 1947

[Mifananidzo iri papeji 29]

Ndiina Dave Farmer muHong Kong, tichienda kuSingapore, muna 1947

[Mifananidzo iri papeji 29]

Ndiina Aileen, muna 1958

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tiine mwanasikana wedu Judy

[Kwazvakatorwa]

Kimroy Photography

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]

Kimroy Photography

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe