RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 10/1 pp. 3-4
  • Ndiani Angaziva Remangwana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Angaziva Remangwana?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Muprofita waMwari Anounzira Vanhu Chiedza
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Pane Anoziva Nezveramangwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kufanotaura nezvaMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 10/1 pp. 3-4

Ndiani Angaziva Remangwana?

“Ndini Mwari . . . , Iye ari kuzivisa zvokuguma kubvira pakutanga, uye zvinhu zvisati zvaitwa kubvira kare kare.”—Isaya 46:9, 10.

MUNGUVA ino isina kugadzikana, vanoongorora zvinoitika mune zvematongerwe enyika, zvemari uye zvokugarisana kwevanhu vari kudzidza zvakaitika kare uye zviri kuitika vaine chinangwa chokufungidzira remangwana. Vamwe vaine shungu dzokuda kuziva remangwana ravo, vanotsvaka mhinduro kune vanofembera vachishandisa nyeredzi kana kuti kune vanoita zvemidzimu. Vanhu ivavo vanowanzoodzwa mwoyo pavanoona kuti zvavanenge vaudzwa hazvivabatsiri. Hazvitomboiti kuti tizive zvichaitika kunyika ino, kumhuri dzedu, uye kwatiri somunhu mumwe nomumwe here? Saka pane munhu here anganyatsoziva zvingaitika mune remangwana?

Mumashoko aakaudza muprofita Isaya akanyorwa pamusoro apa, Mwari Wemasimbaose, Jehovha, anotsanangura kuti anokwanisa kufanoziva remangwana. Achishandisa Isaya, Mwari akanga afanotaura kuti vaIsraeri vekare vaizosunungurwa muutapwa muBhabhironi uye kuti vaizodzokera kunyika yavo kuti vavakezve Jerusarema netemberi yaro. Uprofita uhwu hwakanga hwakarurama zvakadini? Anenge makore 200 zvisati zvaitika, Isaya akataura zvakarurama zita romunhu aizokunda Bhabhironi kuti ainzi Koreshi. Uyezve, Isaya akarondedzera zvakarurama zvaizoitwa naKoreshi pakukunda kwacho—kuti aizotsausa mvura yeRwizi rwaYufratesi, rwaidzivirira guta racho. Akanga atofanoona kuti Koreshi aizowana masuo maviri makuru orusvingo rweguta racho akangosiyiwa asina kuvharwa, zvichiita kuti Koreshi akunde guta racho nyore nyore.—Isaya 44:24–45:7.

Paanoenzaniswa naMwari, munhu haana simba rokuziva remangwana. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti, “Usazvirumbidza pamusoro pezuva rinotevera, nokuti hauzivi zvichaunzwa nezuva racho.” (Zvirevo 27:1) Zvaakataura izvozvo zvichiri zvechokwadi. Hapana munhu angafanoziva kunyange remangwana rake. Takasiyana papi naMwari? Anonyatsonzwisisa zvinhu zvose zvaakasika, kusanganisira unhu hwemunhu nemafungiro ake. Kana achida hake, Mwari anogona kufanoona zvingaitwa chaizvo nevanhu kana nemarudzi ose evanhu. Uyezve, anogona chaizvo kuita kuti zvinhu zviitike sezvaanoda kana kuti zvisaitike. Paanofanotaura achishandisa vaprofita vake kuti chimwe chinhu chichaitika, ‘Iye anoita kuti shoko romushumiri wake riitike, uye Iye anoita chose zvakarongwa nenhume dzake.’ (Isaya 44:26) Zvechokwadi Jehovha Mwari bedzi ndiye anogona kutaura izvozvo.

Isaya akararama makore anopfuura 700 Jesu, Mesiya asati avapo. Asi Isaya akaprofita nezvokuuya kwaMesiya. Zvisinei, kunyanya kubvira muzana remakore rechi18, vanoshora Bhaibheri vanoramba kuti bhuku raIsaya nderechokwadi. Vanoti uprofita hwaIsaya hahuna kunyatsoitika chaizvo asi kuti hwakanyorwa zvinhu zvacho zvatoitika, mumwe munyori zvake akazongonyora zvakanga zvatoitika kare. Ichokwadi here ichocho? Muna 1947 bhuku raIsaya rakawanikwa pamwe chete nemimwe mipumburu yakare mubako raiva pedyo neGungwa Rakafa. Nyanzvi dzinoti bhuku racho rakanyorwa makore anopfuura zana Mesiya, kana kuti Kristu akafanotaurwa asati aberekwa. Chokwadi, Bhaibheri rakafanozivisa zvaizoitika!

Isaya nevamwe vanyori veBhaibheri havangavi vakafanotaura zvaizoitika vachingoshandisa uchenjeri hwavo bedzi. Asi “vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:21) Munyaya dzinotevera tichakurukura zvakawanda zvakafanotaurwa nezvoupenyu hwaJesu kuburikidza naIsaya. Tadaro, tichakurukura zvakafanotaurwa naJesu nevadzidzi vake nezvenguva yedu uye remangwana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe