RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 10/1 pp. 16-17
  • Unomboita Godo Here? Vakoma vaJosefa Vaiva Naro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unomboita Godo Here? Vakoma vaJosefa Vaiva Naro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Vakoma vaJosefa Vanomuvenga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Ndapota, Teererai Hope Idzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • ‘Ndiri Pachinzvimbo chaMwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 10/1 pp. 16-17

Dzidzisa Vana Vako

Unomboita Godo Here? Vakoma vaJosefa Vaiva Naro

NGATIMBOKURUKURA zvinoreva shoko rokuti godo. Wakamboona zvichikuomera here kufarira mumwe munhu nokuti vamwe vanoti akanaka, ane chitarisiko chakanaka, kana kuti akangwara?a— Ndizvo zvinogona kuitika kana uchiitira mumwe munhu godo.

Mumhuri munogona kuva negodo kana vabereki vakaratidza kufarira mumwe mwana kupfuura mumwe. Bhaibheri rinotaura nezveimwe mhuri yakava nedambudziko guru pamusana pegodo. Ngatimbokurukura kuti idambudziko ripi rakakonzerwa negodo racho uye zvatinogona kudzidza pane zvakaitika.

Josefa aiva mwanakomana wechi11 pavanakomana vaJakobho, uye vakoma vake nokuna baba vaiva negodo naye. Unoziva kuti nei here?— Nokuti baba vavo, Jakobho vainyanya kufarira Josefa. Somuenzaniso, Jakobho akaita kuti Josefa agadzirirwe nguo yakanaka yaiva nemitsetse. Jakobho ainyanya kuda Josefa nokuti “akanga ari mwanakomana wepaukweguru hwake” uye dangwe romudzimai wake waaida kwazvo, Rakeri.

Bhaibheri rinoti ‘vakoma vake pavakaona kuti baba vavo vaimuda kwazvo, vakatanga kuvenga Josefa.’ Zvadaro, rimwe zuva Josefa akaudza mhuri yake kuti akanga arota vose vachimupfugamira, kusanganisira baba vake. Bhaibheri rinoti “vakoma vake vakamuitira godo,” uye kunyange baba vaJosefa vakamutsiura paakataura zvaakanga arota.—Genesisi 37:1-11.

Kwapera makore akati, Josefa ava nemakore 17, vakoma vake vakanga vaenda kunzvimbo iri kure kunofudza makwai nembudzi zvemhuri yavo. Saka Jakobho akatuma Josefa kuti anoona kuti vakoma vake vakanga vakadini. Unoziva here kuti vamwe vakoma vake vaida kuitei pavakamuona achiuya?— Vaida kumuuraya! Asi vaviri vavo Rubheni naJudha vakanga vasingadi kuti aurayiwe.

Vamwe vatengesi pavakapfuura nepavaiva vachienda kuIjipiti, Judha akati: ‘Ngatimutengesei.’ Vakabva vamutengesa. Vakabva vauraya mbudzi ndokunyika nguo yaJosefa muropa rayo. Gare gare, pavakazoratidza baba vavo nguo iyi, baba vavo vakati: ‘Chikara chinorura chinofanira kuva chadya Josefa!’—Genesisi 37:12-36.

Pava paya, Josefa akafarirwa kwazvo naFarao, mambo weIjipiti. Chikonzero chacho chaiva chokuti achibatsirwa naMwari, akakwanisa kutsanangurira Farao zvaireva zviroto zvake zviviri. Pachiroto chokutanga akarota nezvemhou nomwe dzakanga dzakagwinya uye dzimwe nomwe dzairwara. Chiroto chechipiri chaiva chehura nomwe dzezviyo dzakakora uye dzimwe nomwe dzakanga dzakatetepa. Josefa akati zviroto zviviri izvi zvaireva kuti kwaizova nokukohwa kwakanaka mumakore manomwe aizouya uye aizoteverwa nemamwe manomwe enzara. Farao akabva apa Josefa basa rokutarisira kuchengetwa kwezvokudya mumakore emaguta kuti agadzirire nzara yaizotevera.

Makore enzara paakazosvika, mhuri yaJosefa, yaigara kure chaizvo, yaidawo zvokudya. Jakobho akatuma vakoma gumi vaJosefa kuenda kuIjipiti kunotenga zvokudya. Vakaonana naJosefa, asi ivo havana kumuziva. Josefa haana kuvaudza kuti iye aiva ani achiitira kuti azive kana vakanga vachinja mafungiro avo uye akaziva kuti vakanga vava kuzvidemba zvikuru pane zvakaipa zvavakanga vamuitira. Josefa akazovaudza kuti aiva ani. Vakambundirana vachifara chaizvo!—Genesisi, chitsauko 40 kusvikira ku45.

Tingadzidzei nezvegodo munyaya iyi yomuBhaibheri?— Godo rinogona kutipinza mudambudziko rakakura, kunyange kutoita kuti munhu ade kukuvadza hama yake chaiyo! Ngativerengei pana Mabasa 5:17, 18; uye Mabasa 7:54-59 tione kuti godo rakaita kuti vanhu vade kuita sei kuvadzidzi vaJesu.— Waverenga ipapo, unogona kuona here kuti nei tichifanira kungwaririra kuti tisave negodo?—

Josefa akakura akava nemakore 110. Akazova nevana, vakazomuberekera vazukuru uye akazova nezvizukuruchibvi. Tinogona kuva nechokwadi chokuti Josefa aigara achivadzidzisa kudanana uye kuti vasakurirwe negodo.—Genesisi 50:22, 23, 26.

a Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.

Mibvunzo:

  • Kuva negodo zvinorevei?

  • Godo rakaita kuti vakoma vaJosefa vaitei?

  • Nei Josefa akakanganwira vakoma vake?

  • Tingadzidzei munyaya iyi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe