Vakawirwa Nedutu kuMyanmar Vanobatsirwa
MUSI waMay 2, 2008, dutu rinonzi Cyclone Nargis rakaitika kuMyanmar rikaparadza zvokuparadza zviya uye hazvina kutora nguva kuti nyaya yacho ibudiswe munhau dzepasi rose.a Vanhu vangasvika 140 000 vanonzi vakafa kana kuti vakashayikwa pashure pokunge mvura yomugungwa yaendeswa panyika nedutu muruwa rwunonzi Irrawaddy Delta.
Zvinoshamisa kuti pavanhu vakawanda vari Zvapupu zvaJehovha munzvimbo iyoyo, hapana akakuvadzwa. Chimwe chakaita kuti vakawanda vacho vapone ndechokuti vakanovanda muDzimba dzoUmambo dzakavakwa zvakanaka. Mune imwe nzvimbo, Zvapupu 20 uye vamwe vagari vemo 80 vakagara padenga reImba yoUmambo kwemaawa mapfumbamwe sezvo mvura yakanga yakwira anenge mamita mashanu kubva pasi. Vose vakapukunyuka. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanhu 300 vaigara munzvimbo yacho vakaparara. Munzvimbo dzakawanda Dzimba dzoUmambo ndidzo chete dzakasara dzakamira.
Mazuva maviri dutu racho raitika, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha riri muYangon yakatumira boka rokuyamura kuungano dzaiva muBothingone, iri pedyo negungwa. Boka racho rakafamba nomunzvimbo dzakanga dzakanganiswa nedutu uye richinzvenga matsotsi aigona kuba zvarainge rakatakura, rakapfuura paiva nezvitunha zvakanga zvava kuora, rakabva rasvika kuBothingone nezvarakanga ratakura mupunga, sipageti, mvura uye makenduru. Ndiro raiva boka rokuyamura rakatanga kusvika panzvimbo yacho. Vapa Zvapupu zvinhu zvavakanga vauya nazvo, boka racho rakapa hurukuro dzomuBhaibheri richivakurudzira ndokuvasiyira maBhaibheri uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri, nokuti dutu rakavasiya vasisina chinhu.
Zvapupu zvakanga zvawirwa nedutu iri zvaiva nemafungiro akanaka zvechokwadi. Mumwe murume aiva muungano yemuIrrawaddy, umo makanga maitika dutu, akati: “Zvinhu zvedu zvose zvakaparara. Dzimba dzedu dzakaparara. Hatisisina zvirimwa. Mvura yokunwa yakasvibiswa nedutu. Zvisinei hama nehanzvadzi hadzina kusuruvara sezvakaita vamwe vose. Dzinovimba naJehovha uye nesangano rake. Tichatevedzera zvose zvatinoudzwa kuti tiite, kungava kuramba tiri munzvimbo ino kana kuti kuenda kumwe.”
Rimwe boka reZvapupu 30 zvakanga zvarasikirwa nezvinhu zvose, raiimba nziyo dzoUmambo parwendo rwemaawa gumi paraienda kwaiva neboka rokuyamura riine zvokudya, zvokupfeka uye pokugara. Vaiva muboka iri vasati vasvika kwavaienda, vakanzwa kuti mutaundi raiva pedyo Zvapupu zvaJehovha zvaiva negungano redunhu. Vakasarudza kutanga vapinda gungano kuitira kuti vawane zvokudya mune zvokunamata uye vawadzane nevamwe vaKristu.
Munzvimbo dzose dzakaitika dutu iri, dzimba 35 dzeZvapupu dzakaparadzwa zvachose, dzimba 125 dzine zvimwe zvikamu zvakaparadzwa, uye Dzimba dzoUmambo sere hadzina zvadzo kunyanya kukanganiswa. Zvinofadza kuziva kuti hapanawo zvakanyanya kukanganiswa pamahofisi ebazi.
Pakutanga, dutu racho rakaita kuti pamahofisi ebazi pasambosvikika nokuti miti yakakura yakanga yadonha ndokuvhara migwagwa yaiva pedyo. Maawa mashomanana dutu racho rapera, nhengo dzinopfuura 30 dzepabazi dzakaita chipatapata chokubvisa miti iya nemaoko. Padzaishanda, vanhu vaimira vachiona vaomeswa mate mukanwa. Pasina nguva, boka revakadzi vari Zvapupu rakasvika riine madhiringi aitonhorera uye michero zvokuzopa vaiva mubishi nebasa uye vavakidzani vaishamiswa nezvaiitika. Mumwe mutori wenhau paakaona zvaiitika, akabvunza kuti, “Ndivanaani vari kushanda zvakaoma kudai?” Audzwa, akati, “Ndinoshuva kuti dai vanhu vakawanda vaine mafungiro akadai seeZvapupu zvaJehovha!”
Zvapupu zvakakurumidza kuronga matare maviri okuyamura vakanga vawirwa nenjodzi munzvimbo dzakasiyana dzomunyika yacho kuti aone kuti hama dzose dzayamurwa. Pane mazana akazvipira kushanda mumapoka okuyamura. Papera mazuva mashomanana, Zvapupu zvakanga zvaparadzirwa dzimba dzazvo zvakavakirwa dzimwe. Rimwe boka parakauya kuti rizovakira chimwe Chapupu imba, vavakidzani vacho vakangotarisa vachishamisika. Mumwe wacho akati: “Mukadzi uyu ari kuvakirwa imba nechechi yake. Hapana shamwari dzangu dzechiBhudha dzakauya kuzondibatsira. Ndingadai ndakavawo Chapupu paakandiparidzira!”
Vashandi ava pamwe chete nedare rokuyamura pavakaongorora imwe imba yaiva muThanlyn yaiita seyakanga yaparadzwa zvachose, vakabayiwa mwoyo mhuri yacho yeZvapupu payakati: “Imba yedu iri nani kupfuura dzimwe. Tinogona kufanogara mairi! Kune Zvapupu zvisisina kana pokugara. Tangai manobatsira ivavo!”
Mune imwe nzvimbo yokuYangon, vamwe vanhu vakaedza kunovanda mune imwe chechi. Zvisinei, masuo acho akanga akakiyiwa uye hapana akagona kupinda. Vanhu vakatsamwa chaizvo uye vaida kupaza dhoo rechechi yacho. Asi, Zvapupu zvaJehovha zvakabatsira vakawanda kuti vavande muDzimba dzoUmambo paiitika dutu. Somuenzaniso, paImba yoUmambo iri kuDala, mhuri yeZvapupu yakabatsira vamwe vanhu 20 vakanga vashaya zvokuita kuti vawane pokuvanda. Mangwanani acho, mhuri dzacho dzakanga dzisisina kwokuenda, uye dzakanga dziine nzara. Murume wacho akawana mumwe munhu aitengesa mupunga ndokutenga waikwana kuti vanhu vose vadye.
Vamwe vanhu veimwe mhuri iri muYangon Zvapupu zvaJehovha, uye vamwe vavo vanopinda mamwe machechi. Dutu rapera, mhuri yose yakauya kumisangano paImba yoUmambo. Nei? Mumwe mukadzi akatsanangura kuti: “Vanhu vechechi yedu vakati vaizotishanyira kana dutu rapfuura, asi havana kana kutombotsika kuno. Zvapupu chete ndizvo zvakauya. Makatipa mupunga nemvura. Makasiyana nemamwe machechi!” Nhengo dzemhuri dzakanga dzisiri Zvapupu dzakanakidzwa nechidzidzo cheNharireyomurindi chaiti, “Jehovha Anonzwa Patinochemera Kubatsirwa” uye vakatopindurawo.
Mumwe mukadzi aidzidza Bhaibheri neZvapupu akauya kumisangano yeungano papera vhiki dutu rapfuura. Pamisangano, pakaverengwa tsamba yaibva kuhofisi yebazi, yaitsanangura zvakanga zvaitwa kubatsira uye yaitaurawo zvakanga zvaitika kune vaya vakanga vapona padutu. Paiverengwa tsamba yacho mukadzi uyu akatanga kuchema. Akabayiwa mwoyo uye akafara kunzwa kuti Zvapupu zvose zvakanga zvawanikwa uye zvakanga zvakachengeteka. Akazoyamurwa nezvinhu zvokuti ashandise uye akaisirwa tende padivi peimba yake. Akati akatarisirwa zvakanaka neZvapupu.
Jesu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Uye mudzidzi Jakobho akasimbisa kuti kutenda kwechokwadi kunofambirana nemabasa akanaka. (Jakobho 2:14-17) Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa mashoko iwayo uye zvinoedza kuratidza rudo rwakadaro zvichibatsira uye kutsigira vanenge vachida rubatsiro.
[Mashoko Omuzasi]
a The Encyclopædia Britannica inotsanangura kuti: “Munzvimbo dziri kuAtlantic uye kuCaribbean, madutu anoitika ikoko anowanzonzi mahurricane, asi nechokumadokero kwePacific uye China Sea madutu aya anonzi matyphoon.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Bhaibheri rinoti kutenda kwechokwadi kunofambirana nemabasa akanaka