RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 4/15 pp. 7-11
  • Kuperera Kwako Kuna Jehovha Kunofadza Mwoyo Wake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuperera Kwako Kuna Jehovha Kunofadza Mwoyo Wake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Gara Uchiziva Kuti Muvengi Chaiye Ndiani
  • Iva Noukama Hwepedyo naJehovha
  • Jehovha Anotsigira Vashumiri Vake Vakatendeka
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Tarisira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • “Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Ramba Wakaperera Kuna Mwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 4/15 pp. 7-11

Kuperera Kwako Kuna Jehovha Kunofadza Mwoyo Wake

“Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.”—ZVIR. 27:11.

1, 2. (a) Kupomera kupi kwakaitwa naSatani kunotaurwa nezvako mubhuku raJobho? (b) Chii chinoratidza kuti Satani akaramba achishora Jehovha pashure pemazuva aJobho?

JEHOVHA akabvumira Satani kuedza kuperera kwemushumiri wake akavimbika Jobho. Izvi zvakaita kuti Jobho arasikirwe nezvipfuwo zvake nevana vake, uye utano hwake hwakaguma husisina kunaka. Asi Satani paakapokana nokuperera kwaJobho, akanga asingafungi nezvaJobho chete. “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake,” akadaro Satani. Aya mashoko akamutsa nyaya yaisagumira pana Jobho chete uye yakaramba ichipfuurira nguva refu iye afa.—Job. 2:4.

2 Anenge makore 600 pashure pokuedzwa kwaJobho, Soromoni akafuridzirwa kunyora kuti: “Mwanakomana wangu, iva akachenjera ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura iye anondishora.” (Zvir. 27:11) Izvi zvinoratidza kuti kusvika panguva iyoyo Satani akanga achiri kupikisana naJehovha. Uyezve muchiratidzo chakaonekwa nomuapostora Johani, Satani akaonekwa achiri kupomera vashumiri vaMwari pashure pokunge adzingwa kudenga, pakagadzwa Umambo hwaMwari muna 1914. Kunyange ikozvino, mazuva okupedzisira paava kuda kuguma, Satani achiri kupokana nekuperera kwevanamati vaMwari.—Zvak. 12:10.

3. Zvidzidzo zvipi zvinokosha zvatingadzidza mubhuku raJobho?

3 Saka ngatikurukurei nezvezvidzidzo zvitatu zvinokosha zvatinowana mubhuku raJobho. Chokutanga, kuedzwa kwakaita Jobho kunoita kuti tizive kuti muvengi chaiye wevanhu ndiani, uye kuti ndiani anoita kuti vanhu vaMwari vapikiswe. Muvengi iyeye ndiSatani Dhiyabhorosi. Chechipiri, pasinei nemiedzo yatingasangana nayo, kuva noukama hwepedyo naMwari kuchaita kuti tirambe takaperera kwaari. Chechitatu, panouya miedzo, Mwari anotitsigira sezvaakangoita Jobho. Nhasi Jehovha anotitsigira achishandisa Shoko rake, sangano rake, uye mudzimu wake mutsvene.

Gara Uchiziva Kuti Muvengi Chaiye Ndiani

4. Ndiani ari kuita kuti zvinhu zvive sezvazviri munyika nhasi?

4 Vakawanda havatendi kuti kuna Satani. Saka kunyange zvazvo vangashamiswa nemamiriro akaita zvinhu munyika, havanzwisisi kuti anozvikonzera ndiSatani Dhiyabhorosi. Ichokwadi kuti vanhu ndivo vanokonzera nhamo dzakawanda dzavainadzo. Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakasarudza kuita zvomumusoro mavo vachisiya Musiki. Uye kubvira ipapo, zvizvarwa zvaitevera zvaiita zvisina kuchenjera. Kunyange zvakadaro, Dhiyabhorosi ndiye akanyengera Evha kuti apandukire Mwari. Ndiye akaita kuti pave nenyika yaari kutonga ine vanhu vasina kukwana, vanofa. Vanhu vanowanzoratidza unhu hwakadai sokudada, nharo, godo, makaro, unyengeri uye kupanduka, nemhaka yokuti Satani ndiye “mwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” (2 VaK. 4:4; 1 Tim. 2:14; 3:6; verenga Jakobho 3:14, 15) Unhu ihwohwo ndihwo hunokonzera kuvengana, uori, kusarongeka uye hunoita kuti vanhu vezvematongerwo enyika varwisane, nevezvitendero vachirwisanawo, izvo zviri kuwedzera matambudziko evanhu.

5. Tinoda kuita sei nezivo inokosha yatiinayo?

5 Zvechokwadi vashumiri vaJehovha tine zivo inokosha! Tinonzwisisa kuti ndiani ari kuita kuti zvinhu zvirambe zvichiipa munyika. Hatinzwi tichida kubuda muushumiri kuti tiudze vanhu nezvenhunzvatunzva iyi here? Uye hazvitifadzi here kutsigira Mwari wechokwadi, Jehovha, uye kutsanangurira vamwe kuti achaparadza sei Satani ogumisa nhamo dzevanhu?

6, 7. (a) Ndiani ari kuita kuti vanamati vechokwadi vatambudzwe? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waErihu?

6 Satani haasi kungokonzera nhamo dzakawanda dzenyika ino chete asiwo ndiye ari kuita kuti vanhu vaMwari vapikiswe. Akatsunga kutiedza. Jesu Kristu akaudza muapostora Petro kuti: “Simoni, Simoni, tarira! Satani akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi.” (Ruka 22:31) Saizvozvowo mumwe nomumwe wedu ari kutevera tsoka dzaJesu achasangana nemiedzo yakasiyana-siyana. Petro akaenzanisa Dhiyabhorosi ‘neshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.’ Uye Pauro akati: “Vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.”—1 Pet. 5:8; 2 Tim. 3:12.

7 Kana mumwe watinonamata naye akawirwa nedambudziko, tingaratidza sei kuti tinoziva muvengi chaiye? Panzvimbo pokunyenyeredza hama inenge iri mudambudziko, tinofanira kuita saErihu, uyo akataura naJobho seshamwari yechokwadi. Tinobatana nehama yedu pakurwisana nomuvengi wedu tose, Satani. (Zvir. 3:27; 1 VaT. 5:25) Chinangwa chedu ndechokubatsira mumwe wedu kuti arambe akaperera kuna Mwari nyange zvotsvuka sei, zvoita kuti mwoyo waJehovha ufare.

8. Nei Satani akakundikana kuita kuti Jobho arege kukudza Jehovha?

8 Satani akaita kuti Jobho atange kurasikirwa nezvipfuwo zvake. Izvi zvinhu zvaikosha, zvichida zvakanga zvakatobata upenyu hwake. Asi Jobho aizvishandisawo pakunamata. Pashure pokunge Jobho atsvenesa vana vake, “aifumomuka, opa zvibayiro zvinopiswa maererano nokuwanda kwavo vose; nokuti Jobho aiti, ‘zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakatuka Mwari mumwoyo mavo.’ Ndizvo zvaiitwa naJobho nguva dzose.” (Job. 1:4, 5) Kureva kuti Jobho aigara achipa zvibayiro zvemhuka. Pakangotanga miedzo yacho, izvozvo akanga asisakwanisi kuzviita. Jobho akanga asisina ‘zvinhu zvinokosha’ zvokukudza nazvo Jehovha. (Zvir. 3:9) Asi aikwanisa kukudza Jehovha nemiromo yake, zvinova ndizvo zvaakaita!

Iva Noukama Hwepedyo naJehovha

9. Chii chinokosha zvikuru pazvinhu zvose zvatiinazvo?

9 Tingave tiri vapfumi kana kuti varombo, tiri vaduku kana kuti vakura, tiine utano kana kuti tichirwara, tinogona kuva noukama hwepedyo naJehovha. Pasinei nemiedzo yatingatarisana nayo, kuva noukama hwepedyo naMwari kuchaita kuti tikwanise kuramba takaperera kwaari toita kuti mwoyo waJehovha ufare. Kunyange vanhu vakange vasinganyatsozivi chokwadi vakashinga vakaramba vakaperera kuna Mwari.

10, 11. (a) Imwe hanzvadzi yedu yakaita sei payaiedzwa nezvekuperera kwayo kuna Mwari? (b) Hanzvadzi iyi yakapa mhinduro ipi ine simba kuna Satani?

10 Funga nezvomuenzaniso wahanzvadzi Valentina Garnovskaya, mumwe weZvapupu zvakawanda zvomuRussia zvakaramba zvakaperera kuna Mwari pasinei nemiedzo yakaoma yavakasangana nayo, sezvakaitwa naJobho. Muna 1945, paaiva nemakore anenge 20, akaparidzirwa neimwe hama. Hama iyi yakadzoka kaviri kuzotaura nezveBhaibheri, asi haana kuzoionazve. Kunyange zvakadaro Valentina akatanga kuparidzira vavakidzani vake. Izvozvo zvakaita kuti asungwe akatongerwa makore masere ari mune mumwe musasa. Muna 1953 akasunungurwa achibva angotangazve basa rake rokuparidza. Akasungwa zvekare akaiswa mujeri, panguva ino kwemakore gumi. Apedza makore akati kuti ari mune mumwe musasa akachinjirwa kune mumwe. Mumusasa iwoyo maive nehanzvadzi dzaive neBhaibheri. Mumwe musi imwe hanzvadzi yakaratidza Valentina Bhaibheri. Akafara zvokufara zviya! Chimbofunga kuti Valentina akanga angoona Bhaibheri kamwe chete muupenyu hwake, paya paakaparidzirwa nehama iya muna 1945!

11 Muna 1967, Valentina akabudiswa mujeri ndokuzokwanisa kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Akashandisa rusununguko rwaakanga ava narwo kuparidza kusvikira muna 1969. Zvisinei, gore iroro akasungwa zvakare, uye panguva ino akatongerwa makore matatu mujeri. Kunyange zvakadaro Valentina akaramba achiparidza. Asati afa muna 2001, akanga abatsira vanhu 44 kudzidza chokwadi. Akanga apedza makore 21 ari mumajeri nemisasa. Akanga akagadzirira kurasikirwa nezvinhu zvose, kusanganisira rusununguko, kuti arambe akaperera kuna Mwari. Ava pedyo nokufa Valentina akati: “Handina kumbovawo nepangu pandaigara. Zvose zvandaiva nazvo zvaikwana musutukezi imwe chete, asi ndaifara uye ndaigutsikana nokushumira Jehovha.” Apa Valentina zvechokwadi akapa mhinduro ine simba kuna Satani, uyo akati vanhu havazorambi vakavimbika kuna Mwari kana vatarisana nemiedzo! (Job. 1:9-11) Tinogona kuva nechokwadi kuti akaita kuti mwoyo waJehovha ufare uye kuti iye Jehovha ari kutarisira nemwoyo wose kuti nguva isvike paachamutsa Valentina nevamwe vose vakafa vakatendeka.—Job. 14:15.

12. Rudo rwunopinda papi paukama hwedu naJehovha?

12 Ushamwari hwedu naJehovha hunobva pakumuda kwatinoita. Tinoyemura zvaari uye tinoita zvose zvatinogona kuti tirarame maererano nezvinangwa zvake. Kusiyana nezvinotaurwa naDhiyabhorosi, hatiiti zvokumanikidzwa kuda Jehovha uye hatimudiri kuti pane chatinowana. Rudo irworwo rwunobva pamwoyo runoita kuti tirambe takaperera kwaari patinoedzwa. Iyewo Jehovha “acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika.”—Zvir. 2:8; Pis. 97:10.

13. Jehovha anoona sei zvatinomuitira?

13 Rudo rwunoita kuti tikudze zita raJehovha, kunyange tichinzwa setisingakwanisi kuita zvakawanda. Anoona zvakanaka zvatinoda kuita uye haatitongeri kuti takundikana kuita zvatanga tichida. Zvatinoita zvine basa asi chinonyanyokosha ndechokuti tazviitirei. Kunyange zvazvo Jobho akanga arwadziwa nekufirwa uye atsungirira zvakawanda, akataura nevaimupomera nezvekuda kwaaiita nzira dzaJehovha. (Verenga Jobho 10:12; 28:28.) Muchitsauko chokupedzisira chebhuku raJobho, Mwari akatsamwira Erifazi, Bhiridhadhi, naZofari nokuti vakanga vasina kutaura chokwadi. Asi Jehovha akaratidza kufarira Jobho paakataura nezvake kana achimuti “mushumiri wangu” uye paakamuti anyengeterere vakanga vamukanganisira vacho. (Job. 42:7-9) Isuwo ngatiitei zvinhu zvinoita kuti Jehovha atifarire.

Jehovha Anotsigira Vashumiri Vake Vakatendeka

14. Jehovha akabatsira sei Jobho kugadzirisa mafungiro ake?

14 Jobho akaramba akaperera kuna Mwari kunyange zvazvo aive asina kukwana. Dzimwe nguva pazvainyanya kumuomera, aimbova nemaonero asina kunaka. Somuenzaniso akati kuna Jehovha: “Ndinokuchemerai kuti ndibatsirwe, asi imi hamundipinduri . . . Munoramba muchindiitira utsinye nesimba rizere roruoko rwenyu.” Uyezve Jobho akanyanya kuzviita mutsvene achizvipembedza paakati: “Handina kukanganisa” uye ‘muzvanza zvangu hamuna zvechisimba, uye munyengetero wangu wakachena.’ (Job. 10:7; 16:17; 30:20, 21) Kunyange zvakadaro Jehovha akabatsira Jobho nenzira yomutsa paakamubvunza mibvunzo yakatevedzana yakaita kuti Jobho asanyanya kuzvifunga. Yakaitawo kuti Jobho akwanise kunyatsoona ukuru huna Mwari uye kuti munhu muduku zvikuru kana tikamuenzanisa naye. Jobho akabvuma kugadziriswa akachinja maonero ake.—Verenga Jobho 40:8; 42:2, 6.

15, 16. Jehovha anobatsira sei vashumiri vake mazuva ano?

15 Jehovha anotungamirirawo vashumiri vake nhasi uno nomutsa. Uyezve, tinobatsirwa chaizvo. Somuenzaniso, Jesu Kristu akapa chibayiro chorudzikinuro akaita kuti tikwanise kukanganwirwa zvivi zvedu. Chibayiro ichocho ndicho chinoita kuti tive noukama hwepedyo naMwari pasinei nokuti hatina kukwana. (Jak. 4:8; 1 Joh. 2:1) Patinoedzwa tinonyengetererawo kuti titsigirwe uye tisimbiswe nomudzimu mutsvene waMwari. Uyezve tine Bhaibheri rakakwana, zvokuti kana tikariverenga tichifungisisa, tinogadzirira kuti tikurire miedzo yokutenda kwedu. Kudzidza kunoita kuti tinzwisise nyaya yokuti changamire wezvinhu zvose ndiani uye yokuperera kwedu kuna Mwari.

16 Kuva nehama dzomunyika yose kunotibatsirawo sezvo Jehovha achitipa zvokudya zvokunamata achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Paungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinenge 100 000, imwe neimwe inoita misangano inotidzidzisa uye inotisimbisa kuti titarisane nemiedzo yokutenda. Izvi zvinoonekwa pane zvakaitika kuna Sheila, mumwe weZvapupu zvaJehovha wechiduku anogara kuGermany.

17. Taura muenzaniso unoratidza kubatsira kwazvinoita kunyatsoteerera mirayiridzo inopiwa nesangano raJehovha mazuva ano.

17 Mumwe musi kuchikoro mukirasi maSheila makasiyiwa musina munhu anotarisira vana. Vamwe vaaidzidza navo vakatanga kutamba nechimwe chinhu chinoshandiswa kufembera remangwana. Sheila akabva angobuda mukirasi macho, uye zvaakazonzwa kuti zvakazoitika zvakamuita kuti afare kuti akanga abuda. Pavaishandisa chinhu ichocho chokufembera, vamwe vana vakanzwa kuti pakanga pava nemadhimoni ndokutanga kutiza vachitya. Zvisinei chii chakanga chabatsira Sheila kuti abve angobuda mukirasi macho? “Mazuva mashomanana akanga apfuura takanga takurukura nezvengozi yokushandisa chinhu ichocho pamusangano kuImba yoUmambo. Saka ndaiziva zvokuita,” akatsanangura kudaro Sheila. “Ndaida kufadza Jehovha, sezvinotaurwa neBhaibheri pana Zvirevo 27:11.” Ndizvo zvakanakira kupinda misangano uye kunyatsoteerera sezvakaita Sheila!

18. Iwe pachako watsunga kuitei?

18 Dai mumwe nomumwe wedu akatsunga kuramba achiteerera mirayiridzo yatinowana kusangano raMwari. Kana tichipinda misangano nguva dzose, tichiverenga Bhaibheri, tichidzidza mabhuku anotsanangura Bhaibheri, tichinyengetera, uye tichiwadzana nevamwe vaKristu, tinotungamirirwa uye tinotsigirwa pazvinenge zvaoma. Jehovha anoda kuti tikunde, uye ane chivimbo chokuti ticharamba takavimbika. Tine ropafadzo yokukudza zita raJehovha, tichiramba takaperera kwaari, uye tinoita kuti mwoyo wake ufare!

Unoyeuka Here?

• Mamiriro api ezvinhu uye miedzo ipi zviri kukonzerwa naSatani?

• Chii chinonyanya kukosha pane zvose zvatiinazvo?

• Ushamwari hwedu naJehovha hunobva pai?

• Ndedzipi dzimwe nzira dzatinotsigirwa nadzo naJehovha mazuva ano?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Unonzwa uchifanira kuudza vamwe zivo inokosha yauinayo here?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Tinogona kubatsira vatinonamata navo kuti varambe vakaperera kuna Mwari

[Mufananidzo uri papeji 10]

Valentina akasarudza hake kurasikirwa nezvinhu zvose kuti arambe akaperera kuna Mwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe