Vaverengi Vanobvunza Kuti
Ichokwadi Here Kuti Vachenjeri Vatatu Vakashanyira Jesu Paaiva Mucheche?
Kubva kuSouth America, kusvika kuEastern Europe uye kuAsia tsika dzemunguva yeKrisimasi dzinoratidza pakaberekwa Jesu paine madzimambo matatu, kana kuti vachenjeri vatatu, vaine zvipo zvinokosha zvokupa Jesu achiri mucheche. Nyaya iyi ndeyechokwadi here? Inoenderana nechokwadi chiripo here? Regai tione.
Evhangeri yaMateu neyaRuka, dzose dziri mbiri dzinotaura nezvokuberekwa kwaJesu. Nhoroondo idzi dzinoratidza kuti vafudzi vaiva varombo chete vaibva mumafuro aiva pedyo ndivo chete vakashanyira Jesu paakazvarwa. Kutaura zvazviri, vanonzi madzimambo, kana kuti vachenjeri, vaiva vazivi venyeredzi kwete madzimambo, uye havataurwi kuti vaiva vangani. Vazivi venyeredzi havana kuwana mucheche ari muchidyiro chezvipfuwo asi vakasvika achiri muduku uye ava kugara mumba. Kuvapo kwavo kwakaita kuti upenyu hwaJesu huve panyanga dzamushore!
Nyatsoongorora nhoroondo yokuberekwa kwaJesu yakanyorwa nomunyori weBhaibheri Ruka, uye uchaona kuti inoti: “Makanga muine vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku. Zvino ngirozi yaJehovha yakangoerekana yamira pedyo navo, . . . yakati kwavari: . . . ‘Muchawana mucheche akaputirwa nemachira, akarara muchidyiro chezvipfuwo.’ . . . Vakachimbidza kuenda, vakawana Mariya naJosefa, uye mucheche wacho akarara muchidyiro chezvipfuwo.”—Ruka 2:8-16.
Josefa, Mariya nevafudzi chete ndivo vaiva naJesu ari mucheche. Hapana mumwezve anotaurwa muEvhangeri yaRuka.
Iye zvino chiongorora nhoroondo yaMateu 2:1-11 muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona: “Jesu wakati aberekwa paBhetrehema reJudhiya pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva, . . . vakapinda mumba vakawana mwana naMariya amai vake.”
Ona kuti nhoroondo yacho inongotaura nezve“vachenjeri” chete, kwete “vachenjeri vatatu” uye kuti vakatanga vabva kumabvazuva vachienda Jerusarema kwete kuguta rakaberekerwa Jesu, reBhetrehema. Panguva yavakazosvika kuBhetrehema, Jesu akanga atova mwana muduku asi kwete karusvava uye akanga asisiri mudanga rezvipfuwo asi ava mumba.
Uyewo, kunyange zvazvo Bhaibheri reNdimi yeUnion Shona richishandisa shoko rokuti “vachenjeri” kutsanangura vashanyi ava, dzimwe shanduro dzinoshandisa rokuti “Magi” kana kuti “vazivi venyeredzi.” Maererano nebhuku rinonzi A Handbook on the Gospel of Matthew shoko rokuti “vachenjeri” rinoshandurwa kubva “pazita rechiGiriki raireva vapristi vePezhiya vaiva nyanzvi pakududzira nyeredzi.” Uye The Expanded Vine’s Expository Dictionary of New Testament Words rinodudzira shoko racho richiti “muroyi, munhu anoedzesera kuita zvemashiripiti, nyanzvi yokuroya.”
Kunyange zvazvo kududzira nyeredzi uye zvouroyi zvichakakurumbira mazuva ano, Bhaibheri rinotinyevera kuti tisazvishandisa. (Isaya 47:13-15) Zvinobatanidzwa pakuita zvemidzimu zvinovengwa naJehovha. (Dheuteronomio 18:10-12) Ndicho chikonzero nei pasina ngirozi yakazivisa vazivi venyeredzi nezvokuberekwa kwaJesu. Zvisinei, Mwari akashandisa hope kuti avanyevere kuti vasanotaura kuna mambo Herodhi aiva akaipa sezvo aida kuuraya Jesu. Saka “vakadzokera kunyika yavo neimwe nzira.”—Mateu 2:11-16.
VaKristu vechokwadi vangada here kupfuudzira ngano yokuberekwa kwaJesu inokanganisa chokwadi chine chokuita nokuberekwa kwake? Chokwadi mhinduro ndeyokuti kwete.