Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Imba yoUmambo Chii?
▪ Imba yoUmambo imba inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pakunamata uye pakuita zvimwe zvine chokuita nekunamata. Kune makumi ezviuru eDzimba dzoUmambo dziri kushandiswa munyika yose. Vhiki imwe neimwe, ungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 105 000 dzinopindira misangano mudzimba idzi.
Imba yoUmambo yoga yoga ine nzvimbo inogara vanhu munoitirwa zvidzidzo zveBhaibheri uye hurukuro. Mukati meDzimba dzoUmambo dzakawanda mune nzvimbo iri kumberi inoshandiswa neanenge achitungamirira misangano. Kazhinji munenge muine zvigaro zvinokwana vanhu vari pakati pe100 ne300. Imba yoUmambo inogona kunge ine imwe kirasi yokuwedzera kana kuti dzakawanda, hofisi, uye raibhurari duku ine mabhuku anotsanangura Bhaibheri uye mabhuku okushandisa pakutsvakurudza anogona kushandiswa nemunhu wose ari muungano.
Zvisinei, haumbowani zvidhori muImba yoUmambo nezvimwe zvinhu zvinoshandiswa mumachechi echiKristudhomu. Hamuna maatari, zvifananidzo, kana michinjikwa. Nei musina? Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti kushandisa zvinhu zvakadaro kunopesana nemurayiro weBhaibheri wokuti “tizai kunamata zvidhori.” (1 VaKorinde 10:14; Johani 4:24) Machechi akawanda uye temberi zvakashongedzwa nezvinhu zvoumbozha, zvokuda kushamisira. Kusiyana naizvozvo, Dzimba dzoUmambo dzakavakwa kuti dzishandisirwe chinangwa chadzo uye dzakavakwa zvine mwero. Mirayiro inobva muBhaibheri inokurukurwa muchivako ichocho ndiyo inonyanya kukosheswa kupfuura mavakirwo akaitwa chivako chacho.
Nei chivako ichi chakanzi Imba yoUmambo? Misangano inoitirwa paImba yoUmambo yakanangana nokudzidzisa zvinobva muBhaibheri uye mashoko anonyanyokurukurwa imomo ane chokuita ‘noumambo hwaMwari,’ unova musimboti wezvaiparidzwa naJesu. (Ruka 4:43) Saka zita rokuti Imba yoUmambo, rakatangwa kuma1930 rinotsanangura zvakanaka chinangwa chezvivako izvi—chokutsigira kunamata kwechokwadi uye kuti ive muzinda wokuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mateu 24:14) Saka Dzimba dzoUmambo hadzishandiswi pakuita mimwe misangano isinei nokunamata kana zvokutengeserana. Mari yokuvaka, yokutarisira uye yokutsigira Imba yoUmambo inobviswa nevanhu vasingamanikidzwi. Hapana ndiro yezvipo inotenderedzwa. Asi pane bhokisi rinenge riri panzvimbo imwe chete rinoshandiswa nevanenge vachida kupa zvipo.
Munyika yose Dzimba dzoUmambo dzinoshandisirwa chinangwa chakafanana, asi dzakakura uye dzakavakwa zvakasiyana-siyana. Mavakirwo adzo anosiyana-siyana zvichienderana nezvokuvakisa zvinowanika munzvimbo yacho, mamiriro okunze uye mari inenge iine Zvapupu zvaJehovha zvemunzvimbo yacho. Zvimwe zvivako zvakavakwa nezvidhinha, mapuranga, uye matombo. Dzimwe dzinogona kunge dzichingova nedenga chete kumativi kusina chinhu, uye dzimwe dzakavakwa nemapango uye dzakapfirirwa neuswa.
Vaenzi vose vanoda kupinda misangano vakasununguka kuenda paImba yoUmambo yavanoda. (VaHebheru 10:25) Vhiki imwe neimwe panoitwa hurukuro yavose, inenge ichitsanangura pfungwa yomuBhaibheri ichabatsira vomuungano uye vaenzi. Wadii kumboshanyira Imba yoUmambo yekwaunogara?
[Mufananidzo uri papeji 31]
Malawi, Africa
[Mifananidzo iri papeji 31]
England, Great Britain