Sei Jesu Asina Kuita Zvematongerwo Enyika?
ITA souri kuona zvaiitika mugore ra32 C.E. Zuva rava kuda kuvira. Jesu, Mesiya akagara ataurwa nezvake, ava kutozivikanwa nokurapa vanorwara kunyange kumutsa vakafa. Nhasi zviuru zvevanhu zvaoma mate mukanwa nezvishamiso zviri kuitwa naJesu uye kudzidzisa kwaari kuita nezvaMwari. Iye zvino anoudza vanhu vava nenzara kuti vagare mumapoka maduku maduku. Anonyengetera kuna Jehovha obva aita chishamiso chokupa mapoka aya ose zvokudya. Zvadaro anounganidza zvinenge zvasara kuti zvisatambiswa. Vanhu vacho vanoita sei?—Johani 6:1-13.
Vanhu pavanoona zvishamiso zvinoitwa naJesu uye kukwanisa kwake kutungamirira mhomho yevanhu nokuvabatsira pane zvavanoda, vanopedzisira vaona kuti Jesu akakodzera kuva mambo kwaye. (Johani 6:14) Zvavanoita izvi hazvishamisi. Yeuka kuti vanga vachitongwa noumambo hwokune imwe nyika hunodzvinyirira; saka vanoda chaizvo kuti vave namambo akanaka, anogona kutonga. Naizvozvo vakaedza kumanikidza Jesu kuti abatane navo kuita zvematongerwo enyika. Uchifunga nezveizvi, tarisa uone zvakaitwa naJesu.
Johani 6:15 inoti: “Jesu, achiziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” Jesu haana kuzeza kuratidza paamire. Akaratidza kuti haatombodi kuita zvematongerwo enyika. Haana kuchinja maonero ake. Akati vadzidzi vake ndizvo zvavaifanira kuitawo. (Johani 17:16) Sei akaita zvaakaita?
Sei Jesu Asina Kutsigira Zvematongerwo Enyika?
Kusatsigira zvematongerwo enyika kwakaitwa naJesu kwaitova kuteerera zvinotaurwa neMagwaro. Ngatikurukurei zvimwe zvacho zviviri.
“Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Muparidzi 8:9) Ndiwo matsanangurirwo anoitwa utongi hwevanhu muBhaibheri. Yeuka kuti Jesu akanga atomborarama sechisikwa chisingaoneki ari kudenga asati auya pasi pano. (Johani 17:5) Saka aiziva kuti munhu kunyange ane vavariro dzakanaka, haakwanisi kunyatsotarisira zvinodiwa nemabhiriyoni evanhu; uyewo iye Mwari haana kusika munhu kuti atonge mumwe munhu. (Jeremiya 10:23) Jesu aiziva kuti matambudziko evanhu aizopera asi aisazopedzwa nehurumende dzevanhu.
“Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Mashoko aya anokushamisa here? Vakawanda vanoshamisika nawo. Vanofunga nezvevanhu vanopinda muhurumende vaine vavariro yakanaka, yokuda kuti zvinhu zvinake munyika uye muve norunyararo. Kunyange vangaedza zvakadini, vatungamiriri ava havagoni kukunda zvinoitwa nomunhu akanzi naJesu “mutongi wenyika.” (Johani 12:31; 14:30) Ndokusaka Jesu akaudza mumwe wezvematongerwo enyika kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.” (Johani 18:36) Jesu ndiye akanga ari Mambo aitarisirwa wehurumende yaMwari yokudenga. Dai Jesu akaita zvematongerwo enyika, zvaizoratidza kuti akanga asina kuvimbika kuhurumende yaBaba vake.
Saka Jesu akadzidzisa kuti vateveri vake havafaniri kuteerera hurumende dziri panyika here? Aiwa, akavadzidzisa zvavanofanira kuita kuti vaite zvinodiwa naMwari uku vachiteerera zvinodiwa nehurumende.
Jesu Airemekedza Hurumende
Jesu paaidzidzisa ari mutemberi, vapikisi vakaedza kumuisa pakona nokumubvunza kana zvakanga zvakanaka kuti vanhu vabhadhare mitero. Kudai Jesu aizoti kwete, zvaizoratidza kuti ari kupandukira hurumende uye zvaitozokuchidzira hasha dzevanhu vakanga vagara vachida kupidigura hurumende yeRoma yaidzvinyirira. Asi dai Jesu akati hongu, vakawanda vaizofunga kuti haanei nokudzvinyirirwa kwavaiitwa. Mhinduro yaJesu yakavashayisa romuromo. Akati: ‘Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.’ (Ruka 20:21-25) Saka vateveri vake vanofanira kuteerera Mwari uye Kesari, kureva kuti hurumende.
Hurumende dzinoita kuti zvimwe zvinhu zvifambe zvakanaka. Dzinoda kuti vanhu vave vakatendeseka, vabhadhare mitero, uye vateerere mitemo. Jesu akatisiyira muenzaniso upi pakupa “zvinhu zvaKesari kuna Kesari”? Jesu akanga arerwa nevabereki vaiteerera mutemo kunyange pazvainge zvakaoma. Somuenzaniso, Josefa nomudzimai wake akanga ane pamuviri, Mariya, vakafamba makiromita anenge 150 kuenda kuBhetrehema apo umambo hweRoma hwakapa mutemo wokuti vanhu vaverengwe. (Ruka 2:1-5) Sezvaiita vabereki vake, Jesu aiteerera mutemo, achitobhadhara mitero yaakanga asingafaniri hake kubhadhara. (Mateu 17:24-27) Nokungwarira haana kushandisa simba rake kuti aputse mitemo yenyika. (Ruka 12:13, 14) Tinogona kuti Jesu airemekedza hurumende kunyange hake akaramba kupinda mune zvematongerwo enyika. Saka Jesu airevei paakati ipai “zvinhu zvaMwari kuna Mwari”?
Zvakaitwa naJesu Kuti Ape “Zvinhu zvaMwari Kuna Mwari”
Rimwe zuva Jesu akabvunzwa kuti pamitemo yakapiwa vanhu naMwari ndeupi mukuru pane yose. Kristu akapindura kuti: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’” (Mateu 22:37-39) Jesu akadzidzisa kuti kana yava nyaya yokupa “zvinhu zvaMwari kuna Mwari,” chinhu chokutanga chatinofanira kufunga nezvacho kumuda, kunosanganisira kuvimbika kwaari zvakakwana.
Rudo irworwo runogona kupatsanurwa here? Zvingaita here kuti tivimbike kuna Jehovha Mwari nehurumende yake yokudenga uku takavimbika zvekare kuhurumende dzepanyika? Jesu pachake akataura mutemo unoti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho.” (Mateu 6:24) Pano Jesu akanga achitaura nezvekuti hazviiti kuda Mwari nepfuma panguva imwe chete, asi zviri pachena kuti akaonawo kuti zano iri rinoshanda panyaya dzokuita zvematongerwo enyika. Ndiwo maonero aivawo nevateveri vake vomuzana remakore rokutanga.
Zvinyorwa zvekare zvichiripo zvinoratidza kuti vateveri vaJesu vekare havana kuita zvematongerwo enyika. Nemhaka yokuti vainamata Mwari uyo Kristu ainamatawo, vakaramba kuita zvaidiwa nehurumende yeRoma namambo wayo, zvokupinda muchiuto uye kupinda muhurumende. Izvi zvakaita kuti vavengwe chaizvo. Dzimwe nguva vavengi vavo vaivapomera kuti vaivenga vanhu. Asi zvavaipomerwa izvi zvaiva zvechokwadi here?
VaKristu Vechokwadi Vanobatsira Vamwe
Yeuka murayiro waMwari mukuru wechipiri wakataurwa naJesu wokuti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” Zviri pachena kuti hapana muteveri wechokwadi waKristu anofanira kuvenga vamwe vanhu. Jesu aida vanhu, akashanda nesimba kuti avabatsire uye ane zvimwe zvaakavaitira zvaivanetsa.—Mako 5:25-34; Johani 2:1-10.
Asi Jesu ainyanya kuzivikanwa nezvei? Haana kuzivikanwa seMurapi, kana Mugoveri wezvokudya kuzviuru zvevanhu, kana kuti Mumutsi wevanhu vakafa, pasinei nokuti akaita mabasa ose anoshamisa akadai. Asi vanhu vaimuti Mudzidzisi, uyewo zvakanga zvakakodzera. (Johani 1:38; 13:13) Jesu akatsanangura kuti chikonzero chikuru chakaita kuti auye pasi pano chaiva chokuzodzidzisa vanhu nezveUmambo hwaMwari.—Ruka 4:43.
Ndokusaka vateveri vechokwadi vaKristu vachizvipira kuita basa raiitwa naTenzi wavo paaiva pasi pano, rokudzidzisa vanhu mashoko akanaka nezveUmambo hwaMwari. Jesu Kristu akarayira vaKristu vechokwadi vose kuti vadzidzise vanhu pasi rose nezveUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Hurumende iyoyo yokudenga isingazoparari ichatonga zvinhu zvose zvakasikwa naMwari ichizviita norudo. Ichaita zvinodiwa naMwari, kutosvika pakubvisa kutambura norufu. (Mateu 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:3, 4) Ndosaka Bhaibheri richiti mashoko aKristu “mashoko akanaka.”—Ruka 8:1.
Saka kana uchitsvaka vateveri vechokwadi vaJesu Kristu nhasi, ungavaziva sei? Vanenge vachiita zvematongerwo enyika here? Kana kuti vanenge vachiita basa rakafanana neraiitwa naJesu, rokuparidza nokudzidzisa nezveUmambo hwaMwari?
Ungada here kudzidza zvakawanda nezveUmambo hwaMwari uye kuti hungakubatsira sei muupenyu iye zvino? Tinokukumbira kuti uonane neZvapupu zvaJehovha zviri kwaunogara kana kuti vhura Indaneti papeji ravanobudisira mashoko rinonzi, www.watchtower.org.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Zvapupu zvaJehovha Zvinobatsira Vamwe Here?
Zvapupu zvaJehovha hazviiti zvematongerwo enyika. Kunyange hazvo zvakadaro, zvinobatsira chaizvo vanhu vemarudzi ose pasinei nokuti vakadini. Chimboona zvimwe zvavanoita:
◼ Zvapupu zvaJehovha zvinosvika mamiriyoni manomwe uye zvinopedza maawa anopfuura bhiriyoni nehafu gore negore zvichidzidzisa vanhu zviri muBhaibheri. Zvinoshandisa Bhaibheri kubatsira vanhu kuti vangasiya sei tsika nemararamiro akashata, vopedzisira vava nemhuri dzinofara uye upenyu hwakanaka.
◼ Zvinodhinda uye zvinoparadzira mabhuku mumitauro inopfuura 500 zvisingabhadharisi, imwe yacho inenge isina kana mabhuku emutauro iwoyo.
◼ Vanoita zvidzidzo zvinobatsira mamiriyoni evanhu kuti vakwanise kutaura paruzhinji rwevanhu nenzira yakajeka uye nounyanzvi.
◼ Zvinoitawo mapurogiramu anobatsira zviuru zvevanhu pasi rose kuti vadzidze kuverenga nokunyora.
◼ Vane Matare Okuvaka Omunharaunda anopfuura 400 pasi rose, anodzidzisa vanhu vanozvipira kuti vave neunyanzvi hwokuvaka kuitira kuti vagovaka nzvimbo dzokunamatira. Mumakore gumi adarika, dzimba dzokunamatira kana kuti Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 20 000 dzakatovakwa.
◼ Pasi rose vanobatsira Zvapupu nevaya vasiri Zvapupu kana pakaitika njodzi. KuUnited States kwakaitika kwaitikazve madutu, uye mumakore maviri akatevera Zvapupu zvakazvipira kubatsira kuvakazve Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 90 uye dzimba 5 500.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vanhu pavakaedza kubata Jesu kuti aite zvematongerwo enyika, akabva “akaenda mugomo ari oga”