Zvatinodzidziswa Najesu
Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
Kuti ufare unofanira kuitei?
▪ Jesu akataura nezvemufaro mumashoko ake okutanga-tanga mumharidzo yake yakakurumbira. Akati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.” (Mateu 5:3) Airevei? Zvinodiwa zvedu zvomudzimu ndezvipi?
Kungofanana nezvinoita mhuka, kana tichida kurarama tinofanira kufema, kunwa uye kudya. Asi kuti tifare, tinofanira kunge tichiziva chimwe chinhu chisingazivikanwi nemhuka. Chinhu ichocho kunzwisisa chinangwa choupenyu. Musiki chete ndiye anogona kuita kuti tichizive. Ndosaka Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4) Vaya vanoziva kukosha kwokunamata vanofara nokuti vanoswedera pedyo naJehovha, “Mwari anofara,” uye anovapa tariro, chinhu chinokosha chinoita kuti vafare.—1 Timoti 1:11.
Jesu akapa sei tariro?
▪ Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5) Jesu akapa vanhu tariro paakarapa vairwara uye paakamutsa vakafa. Akauyawo nemashoko anoita kuti vanhu vave netariro. Akatsanangura kuti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Vanhu vanoteerera Mwari vachararama nokusingaperi pasi pano. Imbozvifunga uchirarama pamwe chete nevanhu vanyoro uye musingachachemberi. Ndosaka Shoko raMwari richiti: “Farai patariro.” (VaRoma 12:12) Jesu akataurawo zvatingaita kuti tifare iye zvino.
Mararamiro api anofadza akadzidziswa naJesu?
▪ Jesu akanyatsopa mazano anoshanda panyaya dzakadai sekushamwaridzana nevamwe, wanano, kuzvininipisa, uye kuva nemaonero akanaka nezvepfuma. (Mateu 5:21-32; 6:1-5, 19-34) Kutevedzera mazano aJesu kuchaita kuti uwane mufaro.
Kuva nerupo kunoita kuti ufare. (Mabasa 20:35) Somuenzaniso, Jesu akati: “Kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu; uye uchafara, nokuti havana chinhu chokukuripa nacho.” (Ruka 14:13, 14) Saka vanofara ndevaya vanotsvaka nzira dzokuti vamwe vafare kwete kuda kuzvifadza ivo.
Chii chingaita kuti unyatsofara zvechokwadi?
▪ Kuitira vamwe zvinhu kunogona kuita kuti ufare, asi kuitira Mwari zvinhu kuchatoita kuti unyanye kufara. Kunyange mufaro une vabereki vanenge vachidada nevana vavo vavanoda haumbofi wakaenzana nawo. Izvi zvinonyatsooneka pane zvakaitika rimwe zuva Jesu paaidzidzisa paruzhinji. “Mumwe mukadzi akanga ari mukati meboka revanhu akashevedzera, akati kwaari: ‘Rinofara dumbu rakakutakurai nemazamu amakayamwa!’ Asi iye akati: ‘Aiwa, panzvimbo paizvozvo, Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!’”—Ruka 11:27, 28.
Jesu pachake akagutsikana uye akafara nokuita kuda kwaBaba vake vokudenga. Chido chaMwari ndechokuti vanhu vanzwe nezvetariro yokurarama nokusingaperi. Rimwe zuva apedza kutsanangura tariro iyi kune mumwe munhu aifarira zvokunamata, Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma.” (Johani 4:13, 14, 34) Iwewo unogona kuwana mufaro pakuita chimwe chinhu chinofadza Mwari kana ukaudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri.
Kana uchida kunzwa zvimwe, ona chitsauko 1 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mufaro wechokwadi unobva pakugutsa chido chedu chokunzwisisa chinangwa choupenyu