“Pose Pamunonyengetera, Itii, ‘Baba’”
Chii chinouya mupfungwa dzako paunonzwa shoko rokuti “Baba?” Unofunga nezvemurume ane rudo, ane hanya chaizvo nokuti mhuri yake igare zvakanaka here? Kana kuti unofunga nezvomurume asingatarisiri mhuri yake, anotoishungurudza here? Mapinduriro ako angabva pakuti baba vako vaiva munhu akaita sei.
JESU aiwanzoshandisa shoko rokuti “Baba” paainyengetera kuna Mwari uye paaitaura nezvake.a Paaidzidzisa vateveri vake kunyengetera, Jesu akati: “Pose pamunonyengetera, itii, Baba.” (Ruka 11:2) Asi Jehovha ndibaba vakaita sei? Mhinduro yomubvunzo uyu inokosha chaizvo. Nei? Kana tikanyatsonzwisisa kuti Jehovha ndibaba vakaita sei, tichawedzera kumuda uye kuva noukama hwepedyo naye.
Hapana munhu anonyatsokwanisa kutiudza nezvababa vedu vokudenga kupfuura Jesu pachake. Sezvo Jesu aiva noukama hwepedyo chaizvo naBaba vake, akati: “Hapana munhu anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uyewo hapana munhu anonyatsoziva Baba kunze kwoMwanakomana uye munhu wose uyo Mwanakomana anoda kumuzivisa.” (Mateu 11:27) Saka Mwanakomana ndiye anonyatsokwanisa kutiudza nezvaBaba.
Tinodzidzei nezvaBaba vedu vokudenga kubva kuna Jesu? Funga nezvemashoko aJesu anoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mashoko aJesu anotiratidza kuti rudo ndihwo unhu hunopfuura humwe hwose paunhu hwaBaba vedu vokudenga. (1 Johani 4:8) Jehovha anoratidza rudo rwake nenzira dzakasiyana-siyana. Anoita izvi paanoratidza kutifarira, kutinzwira tsitsi uye paanotidzivirira nokutiranga, achitipa zvatinoda pakurarama.
Jesu Anotivimbisa Kuti Baba Vedu Vanotifarira
Vana vanoshinga uye vanosimbiswa kana vabereki vavo vakaratidza kuti vanovafarira. Fungidzira kuti Jesu akakurudzirwa sei paakanzwa Baba vake vachiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17) Jesu anotivimbisawo kuti Baba vedu vanotida uye vanotifarira paanoti: “Anondida achadiwa naBaba vangu.” (Johani 14:21) Mashoko aya anonyaradza zvechokwadi! Asi pane mumwe munhu asingadi kuti unyaradzwe seizvi.
Satani anoda kuti tione sokuti Baba vedu vokudenga havatifariri. Anoda kuti tione sokuti hatikodzeri kufarirwa navo. Anonyanya kuita izvi zvinhu pazvinenge zvisina kutimirira zvakanaka. Somuenzaniso anozviita patinenge takwegura, tichirwara uye patinenge tichizvidya mwoyo nemhaka yokukanganisa kwedu pachedu kana kuti kuodzwa mwoyo nevamwe. Funga zvakaitika kune mumwe murume anonzi Lucas uyo aiona sokuti haana kukodzera kuti afarirwe naJehovha. Lucas anoti paakanga achiri mudiki, vabereki vake vakangotanga kurasa unhu, vachisiya tsika dzakanaka dzavakamudzidzisa. Izvi zvinofanira kunge zviri izvo zvakaita kuti aone sokuti hazviiti kuona Jehovha saBaba vake vokudenga. Sezvo aiva munhu aingoita zvinhu asina kufunga, aigara achizvisikira moto muziso uye asingatombowirirani nevamwe. Zvisinei, mudzimai wake uyo aiva nemwoyo murefu uye unhu hunokurudzira, akamubatsira zvishoma nezvishoma kuti adzidze kuzvidzora. Lucas anoti mudzimai wake, “chikomborero uye chipo chinobva kuna Mwari.” Lucas akazodzidzawo kuti “Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vatadzi.” (1 Timoti 1:15) Saka anoti kudzidza uye kufungisisa nezverudo rwaMwari nokufarira kwaanoita vanhu kwakaita kuti agare achifara uye achizvionawo semunhu pane vamwe.
Kana uchimboona sokuti Jehovha haakufariri uye haakudi, unogona kukurudzirwa nokuverenga mashoko ari pana VaRoma 8:31-39. Pandima iyoyo, muapostora Pauro anotikurudzira achiti hapana chinokwanisa “kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.”b
Baba Vane Tsitsi Huru
Baba vedu vanonetsekawo patinotambura. NdiMwari ane “tsitsi huru.” (Ruka 1:78) Sezvaizongoitwa naBaba vake, Jesu akanzwira tsitsi vanhu vanotadza. (Mako 1:40-42; 6:30-34) VaKristu vechokwadi vanoedzawo kutevedzera tsitsi dzaBaba vavo vokudenga. Vanoteerera zano reBhaibheri rokuti, “itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo.”—VaEfeso 4:32.
Chimbofunga zvakaitika kune mumwe murume anonzi Felipe. Rimwe zuva achienda kubasa akangoerekana arohwa nemabayo akasimba nechekumusana, achiita seabayiwa nepfumo. Akabva angomhanyiswa kuchipatara. Vanachiremba vakamuongorora kwemaawa masere, vakazoona kuti imwe tsinga yake hombe inofambisa ropa pamwoyo yakanga yatsemuka. Vakati pakanga pasisina chikonzero chokumuvhiya nokuti akanga angosara nemaminitsi 25 kuti afe.
Vamwe vainamata naFelipe vakanga varipo uye vakamunzwira tsitsi ndokubva vatanga kumhanya-mhanya. Vakaita chipata-pata kumuendesa kune chimwe chipatara, uko kwaakanovhiyiwa zvechimbi-chimbi uye vakaramba varipo kusvikira kuvhiya kwacho kwapera. Zvinofadza kuti Felipe haana kuzofa. Anoonga chaizvo tsitsi dzaakaitirwa nevaanonamata navo. Asi anoti Baba vake vokudenga ndivo vakaita kuti anzwirwe tsitsi zvakadaro. “Zvaiita sokuti Mwari akanga akamira padivi pangu achindisimbisa achiita sababa vane rudo,” anodaro Felipe. Zvechokwadi Jehovha anogara achiratidza vanhu tsitsi achishandisa vashumiri vake vari panyika.
Baba Vedu Vanotidzivirira
Kana mwana mudiki akavhunduka chimwe chinhu, anowanzotizira kuna baba vake. Anobva anyatsodekara kana baba vake vakamusimudza vomutakura. Jesu ainyatsovimba naJehovha saizvozvo. (Mateu 26:53; Johani 17:15) Isuwo tinogona kuvimba kuti Baba vedu vokudenga vachatidzivirira. Iye zvino Jehovha anonyanya kutidzivirira pane zvokunamata. Izvi zvinoreva kuti anotidzivirira kuti tisakanganisa ukama hwedu naye paanotipa zvose zvatinoda kuti tisazvipinza muna taisireva uye kuti tirambe tiri shamwari dzake. Imwe nzira yaanotidzivirira nayo ndeyokutipa zano rinobva muBhaibheri. Patinopiwa zano rakadaro zvinoita sokuti Jehovha ari kufamba ari shure kwedu achiti: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.”—Isaya 30:21.
Funga nezvemuenzaniso waTiago nevakoma vake vaviri Fernando naRafael avo vaiva muchikwata chairidza musambo unonzi rock-and-roll. Vakanga vasingachabatiki pavakanzi vaizonoridza mune imwe imba yakakurumbira yokuridzira mimhanzi muSão Paulo, kuBrazil. Vakaona sokuti mukana wokuti vabudirire wakanga wavhurika. Asi mumwe murume wavainamata naye akavanyevera nezvengozi dzokunyanya kudyidzana nevanhu vasingateereri mitemo yaMwari. (Zvirevo 13:20) Akavaudza zvakamboitika kumukoma wake zvairatidza kuti zano iri reBhaibheri rinoshanda zvechokwadi. Mukoma wake uyu akapedzisira aita chivi nokuti aifambidzana nevanhu vaiita zvakaipa. Tiago nevakoma vake vakabva vangosiya basa rokuridza mimhanzi. Iye zvino vose vari vatatu vava vashumiri venguva yakazara vechiKristu. Vanobvuma kuti kuteerera zano reShoko raMwari kwakaita kuti varambe vaine ukama naMwari.
Baba Vedu Vokudenga Vanotiranga
Baba vane rudo vanoranga vana vavo kuitira kuti vazova vanhu kwavo. (VaEfeso 6:4) Baba vakadaro vanogona kuratidza kuti havasi kuita zvokutamba asi havazovarangi kana kuvatsiura nehasha. Saizvozvowo Baba vedu vokudenga vane dzimwe nguva dzavanoona kuti vanofanira kutiranga. Asi Mwari pose paanotiranga anozviita murudo kwete noutsinye. Sezvo Jesu aitevedzera Baba vake, haana kumboitira vadzidzi vake hasha, kunyange paya pavaiita sevasiri kuteerera pane zvaaivatsiura.—Mateu 20:20-28; Ruka 22:24-30.
Ona kuti mumwe murume anonzi Ricardo akaona sei kuti Jehovha akamuranga murudo. Murume uyu akasiyiwa naBaba vake achine mwedzi minomwe chete yokuberekwa. Paakanga ava kuyaruka, Ricardo ainetseka nokuva nherera isina baba. Akatanga kuva netsika dzakaipa, asiwo hana yake yaimutongesa. Paakazoona kuti mararamiro ake akanga asingaenderani netsika dzechiKristu, akataura nevakuru vemuungano yaaipinda nayo. Vakuru vacho vakamupa zano reBhaibheri rakasimba asi vachizviita murudo. Ricardo akateerera uye akashandisa zano racho asi akaramba achitambura nemhaka yezvaakanga aita. Aishaya hope usiku, aingoerekana misodzi yava kuti mokoto-mokoto uye aigara akaora mwoyo zvikuru. Akazoona kuti kurangwa kwaakaitwa kwairatidza kuti Jehovha akanga achiri kumuda. Akarangarira mashoko ari pana VaHebheru 12:6 anoti: “Jehovha anoranga waanoda.”
Tinofanira kuziva kuti kuranga hakungorevi kuomesera munhu kana kuti kumutsiura kana atadza. Bhaibheri rinoratidza kuti kuranga kunosanganisira kurovedza. Saka Baba vedu vokudenga vane rudo vanogona kutiranga nokumbotirega tichipinda mumatambudziko anokonzerwa nokutadza kwedu. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti pavanotiranga saizvozvo vanenge vachitotidzidzisa uye vachitibatsira kuti tipinde mugwara. (VaHebheru 12:7, 11) Izvi zvinoratidza kuti Baba vedu vanoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka uye kutsiura kwavanotiita kunotibatsira.
Baba Vedu Vanotipa Zvatinoda Pakurarama
Baba vane rudo vanoriritira mhuri yavo. Ndizvo zvinoitawo Jehovha. Jesu akati: “Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” (Mateu 6:25-34) Jehovha anovimbisa kuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaHebheru 13:5.
Mumwe mukadzi anonzi Nice akaona kuti mashoko iwayo ndeechokwadi murume wake paakapererwa nebasa. Mukadzi uyu akanga achangobva kusiya basa raibhadhara kuitira kuti anyatsopedza nguva yakawanda achirera vanasikana vake vaviri uye kuti anyatsoita basa raMwari. Saka vaizorarama sei? Akanyengetera kuna Jehovha. Zuva rakatevera racho, murume wake akaenda kubasa kwake kuti anotora zvinhu zvaakanga asiya. Paakasvika, akashamisika kunzwa maneja wake achitaura kuti pakanga pamuka rimwe basa raaigona kupinda! Saka murume waNice akangorasikirwa nebasa kwezuva rimwe chete ndokuriwana mangwana acho. Nice nomurume wake vakatenda Baba vavo vokudenga nezvavakavaitira izvi. Zvakaitika kuvaviri ava zvinotiyeuchidza kuti Jehovha ndiMwari anoda vashumiri vake vakatendeka, anovariritira uye haambovakanganwi.
Tinoziva Uye Tinoonga Kuti Baba Vedu Vane Rudo
Tinopererwa nemashoko patinonzi tirondedzere kudzama kwakaita rudo rwaBaba vedu vokudenga! Vanotiratidza rudo pavanotifarira, kutinzwira tsitsi, kutidzivirira, kutiranga uye kutipa zvatinoda pakurarama. Izvi zvinotiratidza kuti hapana vamwe Baba vangapfuura Jehovha!
Tingaratidza sei kuti tinotenda rudo rwatinoratidzwa naBaba vedu vokudenga? Tinogona kuita zvose zvatinokwanisa kuti tidzidze zvakawanda nezvavo uye nezvechinangwa chavo. (Johani 17:3) Chimwe chatingaita kuchinja mararamiro edu kuti aenderane nezvavanoda uye nemitemo yavo. (1 Johani 5:3) Tinogona kuvatevedzera pakuratidza rudo pane zvatinoitira vamwe. (1 Johani 4:11) Patinoita zvose izvi, tinogona kuratidza kuti Jehovha ndiye Baba vedu uye kuti tinoiona seropafadzo kunzi tiri vana vake.
[Mashoko Omuzasi]
a Magwaro anoratidza kakawanda kuti Jehovha ndibaba vedu. Somuenzaniso Jesu akashandisa shoko rokuti “Baba” kanenge ka65 muEvhangeri nhatu dzokutanga uye kanopfuura ka100 muEvhangeri yaJohani. Pauro akataurawo nezvaMwari achiti “Baba” kanopfuura ka40 mutsamba dzake. Jehovha ndibaba vedu pakuti ndiye akatipa upenyu hwatiinahwo.
b Ona chitsauko 24 chinoti, “Hapana ‘Chingatiparadzanisa Norudo rwaMwari,’” mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Kana tikanyatsonzwisisa kuti Jehovha ndibaba vakaita sei, tinowedzera kumuda uye kuva noukama hwepedyo naye
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Tinogona kuratidza kuti Jehovha ndiye Baba vedu uye kuti tinoiona seropafadzo kunzi tiri vana vake
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]
JEHOVHA ANORATIDZA RUDO RWAKE SABABA NENZIRA DZAKASIYANA-SIYANA
ANOTIFARIRA
ANOTINZWIRA TSITSI
ANOTIDZIVIRIRA
ANOTIRANGA
ANOTIRIRITIRA