RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 11/1 pp. 6-7
  • Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Vakafa Vari Kupi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Pane Kwatinoenda Here Kana Tafa?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • “Rufu Rwamedzwa Nokusingaperi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadikani Vakafa?
    Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavakafa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 11/1 pp. 6-7

Mubvunzo 2: Chii Chichaitika Kwandiri Kana Ndafa?

ROMAN akanga achiri muduku shamwari yake yepamwoyo payakafa mutsaona yemotokari. “Kufa kweshamwari yangu kwakandirwadza zvisingaiti,” anodaro. “Ndakapedza makore akawanda ndichinetseka kuti chii chinoitika patinofa.”

Sei vanhu vachizobvunza mubvunzo iwoyo?

Rufu harujairiki. Pasinei nezera redu, tagara hatidi kufa. Vakawanda vanotya zvinozoitika kwavari kana vafa.

Vamwe vanopindura sei?

Vakawanda vanoti kana munhu afa, pane mweya unosara uri mupenyu. Vanofunga kuti vanhu vakanaka vachapiwa mubayiro wokuenda kudenga, vakaipa vorangirwa zvivi zvavo nokusingaperi. Vamwe vanofunga kuti kana munhu afa zvinongoperawo zvakadaro, obva akanganwika zvachose.

Mhinduro idzodzo dzinopa pfungwa dzipi?

Mhinduro yokutanga inopa pfungwa yokuti pane chinosara chichirarama kana munhu afa. Yechipiri inopa pfungwa yokuti upenyu hahuna chinangwa. Vaya vanoti upenyu hahuna chinangwa vangava nemaonero okuti chero zvazvaita, zvokuti vanoguma vava kungoti: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.”—1 VaKorinde 15:32.

Bhaibheri rinodzidzisei?

Haridzidzisi kuti kana munhu afa mweya unosara uri mupenyu. Mwari akafuridzira Mambo Soromoni kuti anyore kuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Kana zvichinzi ‘havana chavanoziva’ zvinoreva kuti vanenge vasingachatombozivi kuti kunze kuri kuitikei. Havarwadziwi kana kufara uye havana chavanogona kuita. Saka vakafa havagoni kubatsira vapenyu kana kuti kuvakuvadza.

Kusiyana nezvinofungwa nevakawanda, kufa kwevanhu hachisi chinangwa chaMwari. Akasika munhu wokutanga Adhamu aine tarisiro yokuti achararama nokusingaperi pasi pano. Jehovha akazongotaura nezverufu paakaudza Adhamu chirango chaaizomupa kana akasateerera. Akarambidza Adhamu kudya muchero womumwe muti achibva amuyambira kuti ‘chokwadi aizofa’ kana akaudya. (Genesisi 2:17) Kudai Adhamu naEvha nevana vavo vose vaizoramba vachiteerera Mwari, vaizorarama nokusingaperi pasi pano.

Adhamu akasarudza kusateerera yambiro yaMwari. Akaita chivi paakarega kuteerera Mwari, saka akafa. (VaRoma 6:23) Hapana chimwe chinhu chakabva maari chikasara chichirarama. Asi paakafa akabva angotsakatika. Mwari akati kuna Adhamu: “Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Tose takabva kuna Adhamu, saka takagara nhaka chivi norufu.—VaRoma 5:12.

Pasinei nokuti Adhamu akasarudza kusateerera, Mwari achazadzisa chinangwa chake chokuti nyika izare nevana vaAdhamu. (Genesisi 1:28; Isaya 55:11) Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achamutsa ruzhinji rwevakafa. Muapostora Pauro akataura nezvenguva iyoyo achiti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 24:15.

Roman ambotaurwa akadzidza Bhaibheri akaziva zvarinodzidzisa nezverufu uye nezvaJehovha Mwari. Zvaakazoziva zvakamubaya mwoyo chaizvo. Verenga nyaya youpenyu hwake iri papeji 11 yemagazini ino.

Kuti uzive zvakawanda nezvezvinoitika kana munhu afa, ona chitsauko 6 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Unogona kuriwana pakero inotevera www.pr2711.com

Jesu Akatii Nezvorufu?

Jesu haana kubvumirana nevamwe vatungamiriri vezvitendero vemuzuva rake vaiti vanhu vakafa vaisazomutswa. (Ruka 20:27) Haanawo kudzidzisa kuti kana munhu afa pane mweya unoramba uri mupenyu. Asi akadzidzisa pfungwa dzinotevera:

Kufa kwakafanana nokurara. Shamwari yaJesu Razaro payakafa, Jesu akati: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Vadzidzi vaJesu havana kunzwisisa zvaaireva. Vakapindura vachiti: “Ishe, kana azorora, achapora.” Nhoroondo iri muBhaibheri inoti: “Zvisinei, Jesu akanga ataura pamusoro porufu rwake. Asi vakafunga kuti akanga achitaura pamusoro pokuzorora akarara. Naizvozvo, panguva iyoyo, Jesu akavataurira asingambovanzi kuti: ‘Razaro afa.’”—Johani 11:11-14.

Vakafa vachamutswa. Jesu paakasvika kutaundi rokumusha kwaRazaro, akanyaradza Marita, hanzvadzi yaRazaro achiti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Zvadaro akavimbisa kuti: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu.” Jesu haana kuvimbisa zvaakanga asingakwanisi kuita. Akamutsa Razaro pamberi pezvapupu zvakawanda, kunyange zvazvo akanga ava nemazuva mana afa.—Johani 11:23, 25, 38-45.

Pane zvaakaratidza muapostora Johani, Jesu akavimbisazve kuti vakafa vaizomutswa. Akati mune remangwana pachava nenguva ichasunungurwa vanhu vaakafananidza nevaranda verufu.—Zvakazarurwa 20:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe