RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 10/1 p. 3
  • Nei Vanhu Vachinyengetera?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vanhu Vachinyengetera?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Ungaita Sei Kuti Minyengetero Yako Inzwiwe naMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 10/1 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA | KUNYENGETERA KUNOBATSIRA HERE?

Nei Vanhu Vachinyengetera?

“Upenyu hwangu hwaingova hwekubheja. Ndakambonyengetera kuti ndihwinhewo mazimari. Asi hapana chakaitika.”—Samuel,a Kenya.

“Tiri kuchikoro, taingodzokorora nemusoro minyengetero yatainge takadzidziswa.”—Teresa, Philippines.

“Ndinonyengetera pandinosangana nematambudziko. Ndinonyengetererawo kuti ndiregererwe zvivi uye kuti ndive muKristu ari nani.”—Magdalene, Ghana.

1. Murume ari kunyengetera kuti ahwinhe pakubhejera; 2. Musikana ari kunyengetera kuchikoro; 3. Mukadzi ari kunyengetera

Zvakataurwa naSamuel, Teresa, naMagdalene zvinoratidza kuti vanhu vanonyengeterera zvakasiyana-siyana, zvimwe zvacho zvine musoro kupfuura zvimwe. Vamwe vanonyengetera nomwoyo wese, asi vamwe vanongoti chero ndaita. Vakawanda vanongonzwa vachida kunyengetera. Vanonyengeterera kuti vapase bvunzo dzokuchikoro, kana kuti chikwata chemutambo chavanofarira chikunde, uye kuti vatungamirirwe naMwari mumhuri mavo, nezvimwewo. Kunyange vaya vasina chitendero chavanopinda vanogara vachinyengetera.

Unonyengetera here? Zvii zvaunonyengeterera? Pasinei nekuti unogara uchinyengetera here kana kuti kwete, zvimwe unombonetseka kuti: ‘Kunyengetera kunobatsira here? Pane anoteerera here?’ Mumwe munyori akati munyengetero “inzira yekungoti urerukirwe . . . kungofanana nekutaura nehove dzatinochengeta mumagirazi pamba.” Vamwe vezvokurapa vanoonawo munyengetero “seimwe nzira yekurapa.” Vanhu vanongonyengetera nekuti ndizvo zvavakajaira here? Vanongozviita kuti vanzwe zviri nani here?

Zvisinei, Bhaibheri rinotiudza kuti munyengetero une zvimwe zvaunobatsira zvinopfuura kungoita kuti unzwe zviri nani. Rinotiudza kuti pane anoteerera minyengetero inoitwa nenzira yakarurama uye inoenderana nezvaanoda. Ichokwadi here ichi? Ngationgororei zvinoita kuti titi ichokwadi.

a Mamwe mazita akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe