RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 1 pp. 4-5
  • Kusatendeseka Kunokukanganisa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusatendeseka Kunokukanganisa Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUSATENDESEKA KUNOPARADZA USHAMWARI
  • KUSATENDESEKA KUNOTAPUKIRA
  • Kutendeseka Kwakanakirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Unodisisa Kunangana Nezvokwadi Muupenyu Hwako Here?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Nzira Yokutarisana Nayo Nedenho Yetsika Yokuva Murombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 1 pp. 4-5
Vakadzi vaviri vari kukurukura

NYAYA IRI PAKAVHA | NEI TICHIFANIRA KUVA VANHU VAKATENDESEKA?

Kusatendeseka Kunokukanganisa Sei?

“Zvinhu zvinombooma zvekuti panenge pachidiwa kachitsotsi kuti zvigadzirisike.”—Samantha, South Africa.

Unobvumirana nemashoko ari pamusoro apa here? Kungofanana naSamantha, tose zvedu tine patakamboomerwa nezvinhu. Zvatinosarudza patinosangana nemuedzo wekusatendeseka zvicharatidza kuti ndezvipi zvatinokoshesa. Semuenzaniso, kana tichinyanya kukoshesa kuti vamwe vanhu vanotiona sei, tingangoita zvinhu zvekusatendeseka tichiitira kuti tisanyadziswa. Zvisinei, kusatendeseka kunowanzokonzera matambudziko panozobuda chokwadi. Chimboona zvinotevera.

KUSATENDESEKA KUNOPARADZA USHAMWARI

Kuti vanhu vave neushamwari vanofanira kunge vachivimbana. Kana vaviri vachivimbana vanenge vasina chavanotyira hapana mumwe wavo anenge achityira kuti achazorasiswa. Asi zvinotora nguva kuti vanhu vasvike pakuvimbana. Vanhu vanopedzisira vava kuvimbana kana vakaita nguva vari vose, vachitaurirana chokwadi uye vachiita zvinhu zvakanakira mumwe nemumwe. Asi kuvimbana kunogona kuparara mumwe paanongoita chinhu chimwe chete chinoratidza kusatendeseka. Uye kana izvozvo zvikaitika, zvinogona kuoma chaizvo kuti vanhu vatange kuvimbana zvakare.

Wakamborasiswa here nemumwe munhu wawaifunga kuti ishamwari yako yepedyo? Kana zvakamboitika, wakanzwa sei? Unofanira kunge wakarwadziwa, kunyange kunzwa sekuti wabatiswa dombo. Izvozvo ndizvo zvinowanzoitika. Zviri pachena kuti kusatendeseka kunoparadza ushamwari.

KUSATENDESEKA KUNOTAPUKIRA

Ongororo yakaitwa naRobert Innes, mumwe muzvinafundo wepaUniversity of California, yakaratidza kuti “kusatendeseka kunotapukira.” Saka, kusatendeseka kwakafanana neutachiona, kana ukatamba nemunhu asina kutendeseka, unogona kuguma wavawo munhu asina kutendeseka.

Ungaita sei kuti usasvika pakuva munhu asina kutendeseka? Bhaibheri rinogona kukubatsira. Tapota ona mavhesi mashomanana emuBhaibheri.

Zviito Zvinoratidza Kusatendeseka

Kunyepa

Murume ari kubvisa rin’i yake yemuchato

KUITA SEI? Kuudza mumwe munhu nhema asi iye achifanira kuziva chokwadi. Kunyepa kuwedzeredza kana kusiyirira mamwe mashoko nechinangwa chekunyengedza munhu kana kuita kuti asaziva chokwadi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Nokuti munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.” (Zvirevo 3:32) “Saka zvino, zvamakabvisa nhema, mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.”​—VaEfeso 4:25.

Kuchera

Varume vaviri vari kuzevezerana mumwe murume paari kupinda mavari

KUITA SEI? Kutaura zvinhu zvakaipa chaizvo uye zvenhema kuti mumwe munhu asaonekwe semunhu akanaka.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Munhu anonyengera anoramba achibudisa kukakavara, uye munhu anochera vamwe anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.” (Zvirevo 16:28) “Kana pasina huni, moto unodzima, uye kana pasina munhu anochera vamwe, kukakavara kunopera.”​—Zvirevo 26:20.

Kubiridzira

Murume ari kunongedza wachi dzaakaviga mubhachi rake

KUITA SEI? Kuita kuti munhu akupe mari yake kana kuti zvinhu zvake asingazive kuti uri kumutsotsa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Usabiridzira munhu wemaricho ari kutambudzika uye murombo.” (Dheuteronomio 24:14, 15) “Anobiridzira munhu akaderera anozvidza Muiti wake, asi munhu anonzwira murombo nyasha anomukudza Iye.”​—Zvirevo 14:31.

Kuba

Munhu ari kuba chikwama mubhegi

KUITA SEI? Kutora chinhu chemumwe munhu pasina mvumo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Anoba ngaachirega kubazve, asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake, kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.” (VaEfeso 4:28) “Musatsauswa. . . . Mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka youmambo hwaMwari.”​—1 VaKorinde 6:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe