RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp16 nha. 4 p. 16
  • Bhaibheri Rinotii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvekunamata zvakatangwa nevanhu here?
  • Zvine basa here kuti munhu ave nechechi yaanopinda?
  • Machechi
    Mukai!—2014
  • Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
wp16 nha. 4 p. 16
Mhuri iri kutarisa machechi akasiyana-siyana

Bhaibheri Rinotii?

Zvekunamata zvakatangwa nevanhu here?

VAMWE VANOTI zvekunamata zvakatangwa nevanhu; asi vamwe vanoti Mwari anoshandisa zvitendero kuti abatsire vanhu kuswedera pedyo naye. Unotiwo chii?

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Pane “kunamata kwakachena uye kusina kusvibiswa mukuona kwaMwari wedu uye Baba vedu.” (Jakobho 1:27) Kunamata kwakachena kana kuti kwechokwadi kunobva kuna Mwari.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Chechi inofadza Mwari inotaura zvinoenderana nezvinodzidziswa neBhaibheri.—Johani 4:23, 24.

  • Kana chechi ichidzidzisa pfungwa dzevanhu haibatsiri. —Mako 7:7, 8.

Zvine basa here kuti munhu ave nechechi yaanopinda?

UNGATI KUDII?

  • Ehe

  • Aiwa

  • Zvinosiyana nemunhu

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

“Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Mwari anoda kuti vanhu vanomunamata vaungane vachiita zvinhu zvakarongeka.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINODZIDZA MUBHAIBHERI?

  • Vanhu vanonamata Mwari pamwe chete vanofanira kuva nedzidziso imwe chete.—1 VaKorinde 1:10, 11.

  • Vanhu vanonamata zvinotenderwa naMwari vanobatana sehama nehama pasi rose.—1 Petro 2:17.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 15 chebhuku iri, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Rinowanikawo pawww.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe