RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/94 p. 8
  • Shandisa Magazini Kugoverana Zvokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Magazini Kugoverana Zvokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Govera Magazini Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Magazini Anozivisa Umambo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 5/94 p. 8

Shandisa Magazini Kugoverana Zvokwadi

1 Ukoshi hwamashoko ezvokwadi, akarurama hunosekeswa zvikuru muchaunga chanhasi nemhaka yeziviso yakakatutsirwa, zvipikirwa zvamatongerwe enyika zvinotsausa, uye kutaura kwamarudzi ose kunonyengera. Nharireyomurindi naMukai! akasiyana mukuti iwo oga anozivisa zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari ndokutsanangura izvo vose vanofanira kuita kuti vafarikanye zvikomborero zvisingagumi izvo huchaunza.

2 Mune imwe nyika mukuru mukuru webato ramashoko uyo akaonga ukoshi hwaaya magazini maviri akabetsera nokudisa mukuwana tendero yokuparadzirwa kwawo. Akati: “Ndinorangarira Nharireyomurindi kuva imwe yamagazini akanakisisa; ndinofara zvikuru kubetsera.” Iropafadzo yedu kubetsera vamwe kupfurikidza nokuparadzira aya magazini anogona kupa zivo inopa upenyu. (Johane 17:3) Uchagovera sei aya magazini anokosha mukati maMay? Zvichida zvikarakadzo zvinotevera zvichava zvinobetsera.

3 Kana uri kusimbisa nyaya dzokutanga dziri mu“Nharireyomurindi” yaMay 15, ungati:

◼ “Tiri kutaura kuvanhu pamusoro pebhuku rinotengwa zvikurusa renyika. Munoziva kuti nderipi here? [Bvumira mhinduro.] Tiri kutaura pamusoro peBhaibheri. Panofanira kuva nechikonzero chakanaka zvikuru nei vanhu vazhinji kwazvo vakatenga Bhaibheri. Chikonzero chacho chinowanwa pana 2 Timotio 3:16.” Pashure pokurava rugwaro rwacho, simbisa mapfundo akakodzera ari muimwe yenyaya dzacho.

4 Kana kuti pashure pesumo pfupi, ungagona kutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Zvimwe makacherekedza kuti mumakore achangobva kupfuura aya pave paine itiro hanya inokura munyika yose pamusoro pezvinetso zviri kutarisana navana. Zvinetsoi zvavana zvamunoona munzvimbo muno izvo zviri zveitiro hanya kwamuri?” Bvumira mhinduro. Nongedzera kuzvimwe zvezvinetso zvakakomba vana vari kupfuura nomazviri kupote nyika sezvinokurukurwa munyaya dzokutanga dzaMukai! waMay 8, uye nangidzira ngwariro kumhinduro inogoverwa noUmambo hwaMwari.

5 Muchinyorwa chako cheshanyo dzedzokerero, sezvingabvira une ndaza yaavo vakaratidza fariro duku pakutanga, asi hapana muuyo wakavapo. Sezvo pakanga pachingova nokuita kwakaganhurirwa bedzi, ungasanzwa dikanwo yokuramba uchishanyazve. Asi ungave uchikwanisa kushandisa iyi ndaza kutanga kwakamirirwa magazini. Apo unocherekedza nyaya iyo unonzwa kuti ingava inofadza kumunhu akati, iva nechokwadi chokushanyira munhu iyeyo ndokugovera magazini yacho.

6 Kupupurira Kwamasanga: Iyi inzira yakaisvonaka yokutanga fariro mumagazini. Kuratidzirwa kwokuchenjera kwamabutiro anokwezva kungava kwakaringanira kutanga kurukurirano. Imwe hanzvadzi yakaisa zvinyorwa pachibhariro chayo kuti vashandi biyayo vagogona kuzviona sezvavaipfuura; yakakwanisa kugovera anoverengeka. Iva nechokwadi chokutakura makopi mashomanene, uye tanga kuagovera mwedzi uno apo unenge uchitenga, uchienda kuchikoro, uchikwira bhazi, kana kuti kusangana navamwe kune imwe nzvimbo.

7 Nebetsero yeNharireyomurindi naMukai!, takawana mhinduro kumibvunzo inokosha pamusoro paJehovha nokunamatwa kwake. Tinoda kushandisa aya magazini munzira iri yose inobvira kubetsera vamwe kusvika kukuziva “Jehovha Mwari wezvokwadi.”—Pis. 31:5, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe