Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvinhu zvinofanira kutarisirwa sei apo saimba anoraira kuti Zvapupu zvaJehovha zvirege kuita dzimwe shanyo pamusha pake?
Kana tikaona chiratidzo pasuo icho chinorambidza chose chose shanyo dzorudzidziso kana kuti chinodudza zvakananga Zvapupu zvaJehovha, kwaizova kwakanakisisa kuremekedza zvido zvasaimba ndokudzivisa kugogodza.
Pane dzimwe nguva tinoona chiratidzo chinorambidza vatengesi. Sezvo tiri kuita basa rorudzidziso romutsa, ichocho hachisati chichishanda kwatiri. Kwaizova kwakafanira kupfuurira ndokugogodza pasuo iroro. Kana saimba akaramba, tinogona kutsanangura nenzira yokungwarira pakutaura chikonzero nei tichirangarira kuti zviratidzo zvakadaro hazvishandi kwatiri. Kana saimba ipapo akajekesa kuti chirambidzo chacho chinobatanidza Zvapupu zvaJehovha, ticharemekedza zvido zvake.
Muzvinoitika zvishomanene apo tinoshanyira musha wake, saimba angava anokangaidzwa zvinooneka uye achiraira zvakasimba kuti tirege kushanya zvakare. Tinofanira kuwirirana neichi chikumbiro. Pepa rine musi rinofanira kuiswa muemvuropo yendima kuitira kuti vaparidzi vanoshanda ndima yacho munguva yemberi vagodzivisa kushanyira musha iwoyo.
Tinofanira kurangarira, zvisinei, kuti misha yakadaro haifaniri kudziviswa kusvikira kunguva isingazivikanwi. Vagari vazvino vangatama. Tingaonana nomumwe mutezo wemhuri unogamuchira zvakanaka. Pane kubvira kwokuti saimba watakataura kwaari achava nechinjo yomwoyo ndokuva anobvuma zvikuru kuti tishanye. Naizvozvo, pashure penguva yakati, kubvunza kwokungwarira pakutaura kunofanira kuitwa pamusoro pavagari kuwana mirangariro yavo yazvino.
Mupakwa wendima unofanira kuhwirudzurwa kamwe pagore, muchiita ndaza yemisha uko takarairwa kusashanya. Munhungamiro yomutariri webasa, vaparidzi vanongwarira pakutaura, vane ruzivo rwokuzviwanira vanogona kugoverwa kushanyira iyi misha. Kungagona kutsanangurwa kuti tiri kushanya kuzobvunza kana saimba mumwe cheteyo achiri kugarapo. Muparidzi wacho anofanira kuva akarovedzana namashoko ari mubhuku raKurangarira, mapeji 15-24, ane musoro unoti “Mapindurire Aungaita Vadzivisi Vekurukurirano Vangakarirwa.” Kana pane mhinduro ine mufungo, shanyo dzomunguva yemberi dzingaitwa nenzira yenguva dzose. Kana saimba achipfuurira kuva anoshora, hapana dzimwe shanyo dzinofanira kuitwa kutozosvikira gore rinotevera. Mutumbi womunzvimbomo wavakuru unogona kusarudza kana migariro muchinoitika chakati ichiita kuti kuve kune mufungo kutarisira zvinhu nenzira yakasiana.