Mabhurocha—Maturusi Anokosha nokuda Kwoushumiri
1 Mhizha ine unyanzvi inowanzotakura mhatsa yematurusi, imwe neimwe yakagadzirirwa kuita basa rakati. Savazivisi voUmambo, tine mhatsa huru yamabhurocha okutibetsera kugovera nenzira younyanzvi zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu vatinoparidzira. (Zvir. 22:29) Pane rimwe suo ungasangana nomumwe munhu akaora mwoyo. Pane rimwe saimba anopanga hurumende yakatendeseka, nepo mumwe munhuwo zvake anoshamisika kana mukurarama mune donzo ripi neripi. Tinogona sei kushandisa mabhurocha edu kubetsera vanhu ivava?
2 Pakugovera bhurocha ra“Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?,” ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Vamwe vanhu vanocherekedza kutambura nokusaruramisira zviri munyika vanopa mhosva yose pana Mwari. Ivo vanorangarira kuti sezvo Mwari ari wamasimba ose, aizogumisa kutambura kwedu kudai aitiitira hanya chaizvoizvo. Imi munonzwa sei nezvaikoko? [Bvumira mhinduro.] Pisarema 72:12-14 rinoratidza kuti Mwari anotiitira hanya zvamazvirokwazvo. Kutambura nokusaruramisira hazvisati zviri mhaka yake. Iye akapikira kuti vanoita zvakaipa vachakurumidza kubviswa. Bhurocha rino, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, rinoratidza chaachaita nenzira yatinogona kubetserwa nayo.” Ungakwanisa kupfuudzira kurukurirano yacho netsinhiro dziri papeji 27, ndima 22.
3 Kana uri kushandisa bhurocha ra“Donzo Roupenyu,” ungada kuvamba neiyi nzira:
◼ “Pakupedzisira, anodokuva munhu ari wose anoshamisika pamusoro pedonzo roupenyu. Kungorarama chete makore 70 kana kuti 80 uye ipapo kuenda kuguva here? Kana kuti kune zvakawanda kuupenyu here? Munofungei? [Bvumira mhinduro.] Pano paPisarema 37:29, tinoona donzo rakaisvonaka raMwari nokuda kwomunhu napasi.” Pashure pokurava rugwaro rwacho, tendeukira kumufanikiso uri papeji 31, uye tsinhirazve pamusoro pokuti kuchava kwakadini kugara muParadhiso.
4 Bhurocha ra“Tarirai!” ringagona kusumwa kupfurikidza nokuratidzira mufanikiso webutiro rose nokubvunza, kuti:
◼ “Munofunga kuti chii chingadikanwa kuita kuti pasi riratidzike seizvi? [Bvumira tsinhiro.] Munhu ari wose ari mumufanikiso uyu ane musha nebasa rinofarikanyika. Mune rugare nezvokudya zvizhinji, uye pasi harina kushatswa. Kunyange zvazvo dzikaedza zvakasimba, hurumende dzohunhu dzinokuwana kusingadzibviriri kuparira nyika yakadai. Zvisinei, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari acha‘ita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.’ [Tendeukira kupeji 30, uye rava Zvakazarurwa 21:3, 4.] Iri bhurocha rinogona kukubetserai kuziva zvamunofanira kuita kuti mugare munyika itsva iyoyo.” Kana fariro yakakwana ikaratidzwa, tendeukira kupeji 3, uye enzanisira nzira yatinoitisa nayo fundo yeBhaibheri.
5 Ungashandisa uku kusvika nebhurocha ra“Upenyu Pasi pano”:
◼ “Vanhu vazhinji vanofunga kuti vachatofanira kuenda kudenga kuti vafarikanye upenyu husingaperi, asika maizofungei nezvokugara pasi pano nokusingaperi? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotivimbisa kuti upenyu husingagumi hunobvira, uye rinotiudza nzira yatinogona kusvika nayo nharidzano iyoyo.” Rava Johane 17:3. Ipapo ratidza saimba mufanikiso 49, ndokubvunza, kuti: “Maizoda sei kugara munyika yakadai?” Govera bhurocha racho, uye gadzirira shanyo yedzokerero.
6 Mabhurocha anosimbisa zvidzidzo zvakakodzera nguva, anopindura mibvunzo yavanhu, uye anopa nyaradzo. Tichishandisa maturusi iwaya nounyanzvi, tinogona kubetsera vanhu vapachokwadi “kusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.”—1 Tim. 2:4, NW.