RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/95 p. 2
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Gungano Redunhu Rinotibatsira Kuchengetedza Ukama Hwedu naMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 7/95 p. 2

Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

1 Kuvambira muna November, musoro wemagungano edunhu uchava “Teererai uye Dzidzai Kushandisa Shoko raMwari.” Uyu musoro, wakavakirwa pana Dheuteronomio 31:12, 13, unogovera hwaro hwakakodzera hwepurogiramu yose kusimbisa zvidzidzo zvatinofanira kudzidza ndokushandisa.

2 Kunyange zvazvo vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vachiteerera mashoko akafuridzirwa anotsausa, pane dikanwo yakakosha yokuti mumwe nomumwe wedu ateerere Shoko raMwari uye kudzidza kurishandisa. (Ruka 11:28; 1 Tim. 4:1) Tichirangarira ikoku, purogiramu yegungano redunhu yakarongerwa kugovera kurudziro uye betsero nokuda kwavaparidzi, mhuri, vakuru, uye mapiyona. PaChitanhatu, pachava nehurukuro yokusiyirana yamativi mana ine musoro unoti “Kugonana Nezvinetso Zvedu—Kupfurikidza Nokuteerera Shoko raMwari.” Uye paSvondo mangwanani, pachava nehurukuro yokusiyirana ine musoro unoti “Nzira Iyo Magwaro Anoranga Nayo Mukururama.” Purogiramu yose ichagovera kurudziro yomudzimu iyo imi nemhuri yenyu musingafaniri kupotsa.

3 Paose ari maviri Chitanhatu neSvondo, zvikarakadzo zvinoshanda zvoushumiri hwomumunda zvichagoverwa ndokuenzanisirwa. Zvinoitika zvinokurudzira nezvinodzidzisa uye bvunzurudzo zvichapiwawo. Nokudaro, kupfurikidza nokuvapo uye kuteerera nomurangariro wokushandisa zvaunodzidza, uchakwanisa zviri nani kuita zvizere mirayiro yeShoko raMwari.

4 Rimwe ramapfundo makuru egungano redunhu richava kubhapatidzwa kwehama nehanzvadzi itsva dzichangobva kuzvitsaurira. Vasati vaita iyi ziviso yapachena kutsauriro yavo, vanoda kubhapatidzwa vanofanira kutaura chishuvo chavo chokubhapatidzwa kumutariri anotungamirira kuitira kuti agogona kuronga kuti vakuru vaonane navo.

5 Hurukuro yavose yeiyi nhevedzano yemagungano edunhu ine musoro unoti “Kutungamirirwei neBhaibheri?” Koka vanhu vanofarira kuti vapinde. Mukuvamba kwekurudziro inodikanwa zvikuru uye betsero iyo iwe nemhuri yako muchagamuchira, ita gadziriro chaidzo kuti ugovapo papurogiramu yose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe