RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/96 p. 3
  • Taura Noushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura Noushingi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 1/96 p. 3

Taura Noushingi

1 Mukati mamakore achangobva kupfuura aya vaparidzi mune dzimwe nzvimbo vari kukuwana kwakaoma nenzira inowedzera kutaura kuvanhu pamusha pavo. Vakawanda vanoshuma kuti mundima yavo inopfuura 50 muzana yavanhu haisi pamusha apo shanyo dzinoitwa paimba neimba. Somugumisiro, nguva yakawanda inopedzwa haisi inobudirira.

2 Makore akapfuura vanhu vakawanda vaiwanikwa pamusha paSvondo, iro rairangarirwa kazhinji kazhinji sezuva rokuzorora. Tsika dzachinja. Kunozivikanwa navose nhasi kuti vanhu vashande kumabasa okunyika, kutarisira zvinodikanwa zvemhuri zvakadai sokutenga, kana kuti kubatanidzwa munhandaro, izvo zvinovabvisawo pamusha. Naizvozvo kunyange pamaSvondo, kuwana vanhu paimba neimba kwava chinetso.

3 Apo vanhu vanenge vasiri pamusha, sezviri pachena kunoreva kuti vanenge vari kune imwe nzvimbowo zvayo. Sezvo nharidzano yedu iri yokutaura kuvanhu, kuregererei kutaura kuavo tinosangana navo—mumugwagwa, mumusika, kana kuti munzvimbo yebasa. Yakanga iri tsika yaPauro kusvika “vaakasongana navo,” kuti avape uchapupu. (Mabasa 17:17) Ikoku kwakabvumikisa kuva chimiro chinobudirira chokupupura panguva yacho, uye chimiro chinobudirira chokupupura muzuva redu.

4 Apo tinoenda paimba neimba, kazhinji kazhinji tinoona vanhu vachipfuura vasina nharidzano kana kuti zvichida vakamirira mumwe munhu. Pazuva rakanaka, vangava vakagara pabhenji romupaka kana kuti vachigadzira kana kuti kugeza motokari yavo. Nyemwerero yomutsa uye kwaziso youshamwari zvingava izvo tinoda kuti titange kurukurirano. Kana vachigara pedyo, tingatogona kududza kuti nokukurumidza sezvingabvira tavashaya pamusha wavo uye kuti zvino tinofara kuti tawana uyu mukana wokutaura navo. Kupfurikidza nokutanga kuratidza ushingi hwakati, vakawanda vakafarikanya zviitiko zvinotusa.

5 Ushingi Hunowana Migumisiro: Imwe hama yakarondedzera kuti iyo inosvika vanhu avo vakamira, vakamirira bhazi, vanofamba vasingamhanyi, kana kuti vakagara mumotokari mavo. Nenyemwerero youshamwari uye inzwi rinofara, iyo inoshandisa kusvika kwomuvakidzani ane ushamwari uyo anongoda hake kushanya. Muiyi nzira haana bedzi kungogovera mabhuku asiwo akatanga fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka.

6 Imwe hama nomudzimai wayo vakanga vachishanya pasuo nesuo apo vakasangana nomukadzi akanga achifamba akatakura bhegi guru regirosa. Ivo vakatanga kurukurirano, vachimurumbidza nokuda kwokushingaira kwake mukutarisira zvinodikanwa zvemhuri yake. “Asi ndiani,” ivo vakabvunza, “anogona kugovera zvinodikanwa zvorudzi rwomunhu?” Ikoko kwakatanga fariro yomukadzi wacho. Kurukurirano pfupi yakatungamirira kukukokwa kumba kwake, uko fundo yeBhaibheri yakatangwa.

7 Naizvozvo nguva inotevera yaunenge uchipupura pasuo nesuo, pangava paSvondo kana kuti pane rimwe zuva revhiki, uye uchiwana kuti vanhu havasi pamusha, kuregererei kuva noushingi hwakati ndokutaura kuvanhu vaunosangana navo—mumugwagwa kana kuti pane imwe nzvimbo? (1 VaT. 2:2) Ungava noushumiri hunobudirira zvikuru, uye uchawana mufaro mukuru zvikuru mubasa rako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe