Tevera Jesu Nguva Dzose
1 Pane imwe nguva Jesu akati: “Kana munhu upi noupi achida kunditevera, ngaazvirambe uye atakure danda rake rokutambudzira ndokunditevera nguva dzose.” (Mat. 16:24, NW) Zvirokwazvo tinoda kudavidza zvakanaka kumashoko aJesu. Ngatinzverei zvinobatanidzwa nechitsama chimwe nechimwe chemashoko ekokero yake.
2 “Ngaazvirambe”: Apo tinotsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha, tinozviramba. Revo huru yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuramba” ndi“kuti aiwa.” Ikoko kunoreva kuti tinorega nokuzvidira vavariro dzedu timene, zvishuwo, zvinofadza, uye mifarwa youdyire—tichiva vakatsunga kufadza Jehovha nokusingaperi kose.—VaR. 14:8; 15:3.
3 “Atakure Danda Rake Rokutambudzira”: Upenyu hweMukristu upenyu hwokutakura danda rokutambudzira rebasa rekuzvipira kuna Jehovha. Imwe nzira iyo mudzimu wekuzvipira ungaratidzirwa nayo iri kupfurikidza nokuzvishandisa muushumiri. Kusvikira panguva ino, vaparidzi vakawanda vave vachifarikanya basa reupiyona hwebetsero. Zvichida uri pakati pavo uye unogona kusimbisa kuti zvikomborero zvaunowana zvinotsiva nezvakawanda kupfuura zvinhu zvaunorega. Avo vasingakwanisi kubatira semapiyona ebetsero vakaronga kakawanda kupedzera nguva yakawanda seinobvira mubasa rekuparidza sevaparidzi veungano. Nechinangwa ichocho, dzimwe ungano dziri kuronga kutanga misangano yadzo yebasa remumunda dzichikurumidza nemaminiti mashomanene zvikuru kupfuura zvadzaimboita. Vamwe vakavawo nemigumisiro yakaisvonaka apo vakasarudza kushanyira pa‘imwe imba yekuwedzera’ kana kuti kushanda ‘mamwe maminiti mashomanene bedzi.’
4 Imwe nzira iyo mudzimu wokurega zvimwe zvinhu unoratidzirwa nayo iri kupfurikidza nokugadza nharidzano dzemunhu oga. Nokuronga kwekungwarira uye kupfurikidza nokugadziridza rudungwe rwavo, vamwe vakava mapiyona enguva dzose. Vamwe vakakwanisa kuronga zvinhu zvavo kuitira kuti vazviite vanowanika nokuda kweBheteri kana kuti basa reufundisi. Vamwe vakatamira kune kudikanwa kukuru zvikuru kwevaparidzi veUmambo.
5 “Kunditevera Nguva Dzose”: Kunyange zvazvo vadzidzi vaJesu vakawana miedzo yakawanda, vakakurudzirwa nokushingaira kwake netsungiriro muushumiri. (Joh. 4:34) Vakanzwa vamutsidzirwa mumudzimu wavo kupfurikidza nokuvapo kwake uye neshoko rake. Ndicho chikonzero nei avo vakamutevera vakaratidzira mufaro wechokwadi. (Mat. 11:29) Nenzira yakafanana ngatikurudziranei kutsungirira mubasa rinokosha zvikuru rekuparidza Umambo uye kuita vadzidzi.
6 Tose zvedu ngatiitei zvakanaka kukokero yaJesu yekumutevera kupfurikidza nokusakurira mudzimu wekuzvipira. Sezvatinodaro, tichava nemufaro mukuru zvino uye kukarira kunyange zvikomborero zvikuru munguva yemberi.