Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
“Itai Zvose Nokuda Kwemashoko Akanaka” ndiwo musoro wepurogiramu itsva yezuva regungano chairo ichatanga muna November. (1 VaK. 9:23, NW) Mashoko akanaka oUmambo ndiwo mashoko anokosha zvikurusa anonzwiwa nhasi. Purogiramu yacho ichatibetsera kuonga ropafadzo yakasiyana yatinayo yekutakura aya mashoko akaisvonaka. Ichatishingisawo kuramba tichizivisa mashoko akanaka tisinganeti.—Mabasa 5:42.
Purogiramu ichatiratidza nzira yekushandisa nayo zvizere kurovedzwa kwedu kweubati ushe hwaMwari kuitira kuti tigone kuita zvakawanda zvikurusa muushumiri. Tichanzwa vamwe vakaita gadziridzo dzekufutunudza basa ravo, kubatanidza vaduku vari kupa zvinhu zvavo zvose mukufambisira mberi mashoko akanaka.—Enzanisai naVaFiripi 2:22.
Hurukuro inokosha, ichapiwa nemukurukuri anoshanya, ichasimbisa kudikanwa kwekuramba “takakodzera kupiwa mashoko akanaka.” (1 VaT. 2:4, NW) Tichabetserwa kuona kuti kana tichizoramba tine ropafadzo yekugoverana mashoko akanaka nevamwe, tinofanira kupfuurira kuva nezvikwaniriso zvezvinodikanwa naMwari nemipimo mukufunga kwedu nemufambiro. Zvikomborero zvatinowana mukuita izvi zvichasimbiswa.
Usapotsa iyi purogiramu inokosha. Vachangozvitsaurira vanoshuva kubhabhatidzwa pazuva regungano chairo vanofanira kuzivisa mutariri anotungamirira nokukurumidza. Koka vose vaunofunda navo kuti vapinde. Ngatibvumirei Jehovha kutipa simba rokuita zvose nokuda kwemashoko akanaka uye nokudaro kupedza basa gurusa Armagedhoni isati yasvika.