Pwere—Shandisai Mukana Wokuva Kwenyu Kuchikoro
1 Unonzwa sei pamusoro pokudzokera kuchikoro pashure pezororo? Unodisisa kubetserwa neimwe temu yechikoro here? Uchashandisa mikana yaunopiwa nechikoro kugovera chokwadi kuvaunodzidza navo nevadzidzisi vako here? Tine chivimbo chekuti munoda kuita zvakanakisisa muchikoro.
2 Iva Mudzidzi Akanaka: Kana wakagadzirira zvakanaka paunoita zvidzidzo zvako uye uchinyatsoteerera, uchawana zvinhu zvinokubatsira kwenguva refu. Shanda nesimba pakuita basa rako rechikoro rinoitirwa kumba, asi usabvumira basa rako rechikoro kudzongonyedza zvinhu zvoubati ushe hwaMwari.—VaF. 1:10.
3 Tanga temu itsva yechikoro nokurava bhurocha raZvapupu zvaJehovha Nedzidzo. Pashure, iwe kana kuti vabereki vako munofanira kupa kopi kumumwe nomumwe wavadzidzisi vako. Itai kuti vazive kuti chero mibvunzo yavangava nayo ichapindurwa. Izvi zvichavabatsira kunzwisisa zviri nani tsika dzako nezvaunodavira ndokushanda pamwe chete newe sezvaunoshandisa zvawakadzidziswa. Zvichaitawo kuti vadzidzisi vako vave nechokwadi chokuti iwe navabereki vako munoda kushanda pamwe chete navo sezvavanokubatsira kuwana dzidzo inokosha.
4 Iva Chapupu Chakanaka: Wadii kuona chikoro chako sendima yako yokupupura kusina kurongwa? Mutemu iri kuuya, uchava nemikana inoshamisa yekupupura. Une zivo yemudzimu yakaisvonaka inogona kuponesa “iwe navanokunzwa,” kana ikagoverwa. (1 Tim. 4:16) Kupfurikidza nokuchengetedza mufambiro wechiKristu womuenzaniso nokupupura pose pazvinenge zvakafanira kuita kudaro, uchazvibatsira pachako navamwe.
5 Imwe hama duku yakapupura zvisina kurongwa kuwayaidzidza nayo kuchikoro kwayo. Pakati pevakafarira paiva nomuKaturike, mumwe asingadaviri kuti kuna Mwari aimbonyomba vanodavira kuti Mwari ariko, neimwe pwere yaisvuta nokudhakwa zvikuru. Pamwe chete, hama duku iyi yakabatsira vamwe vayo vanokwana 15 kusvika vazvitsaurira nokubhabhatidzwa!
6 Naizvozvo pwere, dzidzai uye shandai mundima yenyu yokupupura yakasiyana nedzimwe. Ipapo kuenda kuchikoro kuchaita kuti mubatsirwe zvikurusa.