Budirira Muushumiri Hwako
1 Denga rinosviba, uye ruzha runotyisa runoramba ruchiwedzera kusvika rwava kutinhira kunovhara nzeve. Gore rinenge utsi rinoburuka. Chii ichochi? Iuto remamiriyoni emhashu dziri kuuya kuzoparadza zvachose zvinhu zviri panyika! Chiono ichi chakarondedzerwa nemuporofita Joere chiri kuzadzika nhasi mubasa rokuparidza revaranda vaMwari vakazodzwa neshamwari dzavo, boka guru.
2 Nharireyomurindi yaMay 1, 1998, peji 11, ndima 19, yakataura kuti: “Uto raMwari romuzuva razvino uno remhashu rapa uchapupu hwakakwana mu“guta” rechiKristudhomu. (Joe. 2:9) . . . Vachiri kukurira mhinganidzo dzose, vachipinda mumamiriyoni emisha, vachisvika vanhu mumugwagwa, vachitaura kwavari murunhare, uye vachionana navo munzira iri yose inobvira sezvavanozivisa shoko raJehovha.” Haisi ropafadzo hurusa kubatanidzwawo mubasa iri rokupiwa naMwari here?
3 Kusiyana nemhashu chaidzo, dzinongova nechinangwa chokuzvidyisa chete, isu sevabatiri vaJehovha tinoitira hanya zvikuru upenyu hweavo vatinoparidzira. Tinoda kubatsira vamwe kudzidza zvokwadi dzine mbiri dziri muShoko raMwari uye kuti vanzwe vachida kutora matanho achavaita kuti vaponeswe nokusingaperi. (Joh. 17:3; 1 Tim. 4:16) Naizvozvo, tinoda kubudirira mumaitire atinoita ushumiri hwedu. Ungava chero mutoo upi zvawo wokuparidza watiri kushandisa, tinofanira kufunga kana tiri kuzviita munzira uye panguva ichawanika migumisiro yakanakisisa. Sezvo “mugariro wenyika uno[chinja, NW],” tinoita zvakanaka kuongorora mitoo yedu nemataurire edu kuti tive nechokwadi kuti tiri kuita zvose zvatinogona kuti tive vanowana zvibereko zvakawanda sezvatinogona.—1 VaK. 7:31.
4 Nepo tichiedza kuona vanhu munzira dzakawanda, basa repaimba neimba richakabata ushumiri hwedu. Unowana kuti kazhinji vanhu havasi pamba kana kuti vakarara paunoshanya here? Zvinoodza mwoyo sei, sezvo usingakwanisi kutaura navo mashoko akanaka! Ungabata sei nemamiriro ezvinhu aya akaoma?
5 Chinjika Uye Iva Nomufungo: Muna Israeri wezana remakore rokutanga, varedzi vairedza usiku. Nei usiku? Kunyange zvazvo iyi yakanga isiri nguva yakanakisisa kwavari, yakanga iri nguva yakanakisisa yokubata hove dzakawanda. Yaiva nguva yavaiwana dzakawandisisa. Ichitsinhira pamusoro pemashandire aya, Nharireyomurindi yaJune 15, 1992 yakataura kuti: “Isuwo tinofanira kufunga ndima yedu kuti tiende kundoredza, sokunge zvakadaro, apo vanhu vazhinji vanenge vari pamba uye vachida kuteerera.” Kunyatsoongororwa kwemararamire anoitwa munzanga kwakaratidza kuti munzanga zhinji dzemasabhabha nekumwe kunogara vanhu, zvichida vanhu vari pamba patinoshanya mangwanani eMugovera neSvondo asi kazhinji havawanzotigamuchira patinoshanya panguva iyoyo. Kana zvakadaro munharaunda yako, ungachinja here nguva yaunoshanya kuti ive gare gare mangwanani kana kuti kunyange masikati chaiwo? Iyi inzira yakanaka zvikuru yokuwedzera kubudirira kwoushumiri hwedu uyewo kuratidza kurangarira vavakidzani vedu, chiri chiratidzo chorudo rwechiKristu.—Mat. 7:12.
6 Pana VaFiripi 4:5, muapostora Pauro anotiyechidza kuti ‘kuva nemufungo kwe[du], ngakuzivikanwe nevanhu vose.’ Tichiwirirana nenhungamiro iyi yakafuridzirwa, tinoda kuva pakati nepakati uye kuva nemufungo mumitoo yatinoshandisa patinoita basa redu rokuparidza nokushingaira uye nokudisa. Hatidi ‘kurega kuparidza pachena nepaimba neimba,’ asi tinoda kuva nechokwadi chokuti taita ushumiri hwedu hwapaimba neimba panguva dzine mufungo uye dzatinowana vanhu vari pamba. (Mabasa 20:20) Kufanana nevaredzi ivavo vomuna Israeri womuzana remakore rokutanga, tine basa no‘kuredza’ panguva yatinogona kuwana zvibereko zvakawanda, kwete panguva yakatinakira.
7 Ndezvipi zvingada kuchinjwa? Kazhinji kacho, misangano yebasa romumunda inoitwa na9:00 kana 9:30 a.m. musi weMugovera neSvondo, boka racho robva rangoenda kubasa repaimba neimba mundima. Zvisinei, mamwe mapoka evakuru akaronga kuti boka riite humwe ushumiri, hwakadai sokupupura mumugwagwa, ndima yebhizimisi, kana kuti shanyo dzedzokerero, vasati vaita basa repasuo nesuo munzvimbo inogarwa. Dzimwe ungano dzakaronga nguva dzemisangano yebasa romumunda gare gare mangwanani—na10:00 a.m., 11:00 a.m., kana kuti 12:00 masikati. Rapedza, boka rinoenda zvakananga mubasa repaimba neimba ndokuramba ririmo kusvika mavambo emasikati. Mudzimwe ndima, mavambo emasikati makuru, panzvimbo pemangwanani, ingava nguva yakanakisisa yekuunganira basa romumunda. Kuchinja kwakadaro kungabatsira kwazvo kuva nemigumisiro yakanakisisa yakawedzerwa mubasa repasuo nesuo.
8 Nzwisisa Uye Ngwarira: Patinoonana nevanhu pasuo nesuo, tinoona vachiita zvakasiyana-siyana pavanonzwa shoko redu. Vamwe vanasadzimba vanogamuchira, vamwe havanei nazvo, uye vashomanene vangava nenharo kana kuti kupopota. Kana vari vapedzisira kududzwa, papeji 7 yaKurangarira muMagwaro, tinoyeuchidzwa kuti hatisi kuda “‘kukunda nharo’ kuna vanhu vanosaratidzira ruremekedzo nokuda kwezvokwadi.” Kana saimba achiratidza ruvengo, zvakanaka ndezvokubva. Hatimbofaniri kurwa nevanhu kupfurikidza nokuvamanikidza kuti vataure nesu kana kubvuma maonere edu. Hatimanikidzi vanhu kubvuma shoko redu. Izvozvo zvaisazova zvine mufungo uye zvaizokonzera zvinetso kuzvimwe Zvapupu uye kubasa redu rose zvaro.
9 Tisati tatanga kushanda mundima, kuchenjera kuongorora kadhi rendima kana pane zviratidzo zvekero uko vagari vakatiudza kusashanyira. Kana pane kero dzakadaro, muparidzi oga oga ari kushanda mumugwagwa iwoyo anofanira kuudzwa pokusashanyira. Hapana munhu anofanira kungofunga oga kushanyira dzimba idzi pasina kuudzwa nemutariri webasa.—Ona Ushumiri Hwedu HwoUmambo hwaJune 1994, Bhokisi Romubvunzo.
10 Tinogona kuwedzera kubudirira kwedu kupfurikidza nokunzwisisa patinoshanda paimba neimba. Ongorora zvinhu sezvaunosvika pane imwe imba. Maketeni ose akavharwa here? Hapana ruzha rwebasa here? Izvi zvingareva kuti vemo vakarara. Zvimwe, tingangova nekurukurirano inobudirira zviri nani nasaimba kana tikazodzoka gare gare. Pamwe zvakanakisisa ndezvokuti timbopfuura imba iyi pari zvino, tichinyora pasi nhamba yemba. Ungagona kuzotarisazve imba yacho usati wabva mundima kana kuti kusiya katsamba kanotaura kuti uchadzokazve pane imwe nguva.
11 Zvinogona kuitika kuti tisingadi tinomutsa munhu anga akarara kana kuti kumudzongonyedza neimwe nzira. Angatoratidza kushatirwa kana kuti kugumbuka. Tinofanira kuita sei? Zvirevo 17:27 inopa zano rokuti: “[Unonzwisisa, NW] une zivo.” Nepo tisingakumbiri ruregerero nokuda kweushumiri hwedu, chokwadi tinogona kutaura kuti tine urombo sei kuti tashanya panguva isina kukodzera. Nemutsa tinogona kukumbira kana imwe nguva ichiita ndokutaura kuti tinoda kudzoka. Mashoko asiri echipameso anoratidza kuitira hanya anotaurwa nenzwi nyoro kazhinji anowanzoita kuti munhu anyevenuke. (Zvir. 15:1) Kana saimba akatiudza kuti anoshanda usiku nguva dzose, chiratidzo chinofanira kuiswa pakadhi rendima kuitira kuti kushanya kunoitwa munguva yemberi kuitwe panguva yakafanira.
12 Kunzwisisa kwakafanira patinoedza kunyatsoshanda ndima yedu. Sezvo vanhu vakawanda vasiri pamba patinotanga kushanya, tinofanira kuedzazve kuvaona kuti titaurirane navo shoko rinoponesa. (VaR. 10:13) Mishumo inoratidza kuti dzimwe nguva vaparidzi vanoshanya paimba imwe cheteyo kakawanda pazuva kuti vaedze kuwana vanhu vari pamba. Izvi hazviregi kuonekwa nevavakidzani. Kuonekwa kusina kunaka kunogona kuvapo kwokuti Zvapupu zvaJehovha ‘zvinogara zvichishanyira’ mugwagwa wavo. Izvi zvinogona kudziviswa sei?
13 Nzwisisa. Paunoshanyazve pamba panga pasina vanhu, pane zvinoratidza kuti mumwe munhu avapo zvino here? Kana tsamba kana kuti mapepa evashambadzi achibuda nokunze mubhokisi retsamba, munhu wacho angangova asati ava pamba uye kugogodzazve pamba apa kungasabatsira panguva iyi. Kana munhu wacho asingawaniki pashure pokuedza kushomanene kunoitwa panguva dzakasiyana-siyana dzezuva, dzakadai semanheru, zvingabvira kuridzira saimba wacho runhare. Kana zvikasadaro, turakiti kana hendibhiri rinogona kusiyiwa nokungwarira pasi pesuo, kunyanya kana ndima yacho ichiwanzoshandwa kakawanda zvine mufungo. Zvimwe zvinongoreva kuti munhu wacho anogona kuonekwa nguva inotevera pachashandwa ndima yacho.
14 Tinofanira kudzivisa kurukurirano refu pasuo kana saimba ari kuvhiringidzwa nemamirire okunze akaipa. Kana manzi mupinde, ngwarirai kusasvibisa uriri. Nzwisisai kana mukavhundutsirwa nembwa inohukura. Kana muchishanda mumafurati, taurirai pasi uye dzivisai kuita ruzha runodzongonyedza vamwe vanogaramo uye runoratidza kuti muripo.
15 Rongekai Uye Ivai Nechiremera: Nokuronga kwakanaka tinogona kudzivisa kuva mapoka makuru, anonyatsooneka anoungana mundima. Vamwe vanasadzimba vangatyiswa panoungana boka guru revaparidzi pamberi pegedhi ravo. Hatidi kuita kuti vanhu vafunge kuti tiri kuda “kuvhozhokera” nharaunda dzinogarwa. Kuronga kushandwa kuchaitwa ndima kunoitwa zvakanakisisa pamusangano webasa romumunda. Mapoka maduku evaparidzi, akadai semhuri, haanyanyotyisidziri vanasadzimba uye haadi kunyanya kurongazve sezvo ndima inopfuurira kushandwa.
16 Kurongeka zvinoreva kuti vabereki vanofanira kunyatsoongorora kuti vana vavo vari kuita sei pavanoshanda mundima. Vana vanofanira kuva netsika dzakanaka pavanoenda nevabereki pasuo. Pwere hadzifaniri kubvumidzwa kutamba kana kuti kumbeya mbeya madiro, dzichiita kuti vagari vepo kana vapfuuri vayeve.
17 Kuva pakati nepakati kunodiwawo, panhau yokuzorora. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune, 1995, peji 3 hwakataura kuti: “Apo tinenge tiri mubasa romumunda, tinogona kurasikirwa nenguva inokosha panguva pfupi yokuzorora. Zvisinei, apo mamirire okunze anenge akaipa zvikuru, kuzorora kuchatizorodza uye kuchatibetsera kuramba tichipfuurira. Vakawanda, kunyange zvazvo zvakadaro, vanoda kuramba vakabatikana vachipupura kuvanhu ndokurega kusonganirana nehama pazororo mukati menguva yakatsaurirwa ushumiri.” Kunyange zvazvo kumbomira nokuda kwezvokunwa iri nhau yokuzvisarudzira, zvakacherechedzwa kuti dzimwe nguva, mapoka makuru ehama nehanzvadzi anosangana pashopu yekofi kana resitorendi. Tisingaverengi nguva inopedzwa kuti zvokudya zvigoverwe, mapoka makuru anogona kutyisa vamwe vanotenga munzvimbo idzi. Dzimwe nguva zvinenge zvaitika mubasa romumunda mangwanani zvinokurukurwa zvinonzwika, uye izvi zvinogona kushatisa chiremera choushumiri hwedu ndokutadzisa kubudirira kwahwo. Nokunzwisisa, vaparidzi vanogona kudzivisa kuunganira nzvimbo vakawandisa uye vachidya nguva youshumiri izvo zvisingafaniri hazvo kuitwa.
18 Vakawanda vakawana migumisiro yakanaka nokutaura nevanhu chero kupi zvako kwavanowanika—mumigwagwa, munomiswa motokari, uye dzimwe nzvimbo dzevanhu vose. Panowo, tinoda kupupura zvakanakisisa, kwete bedzi nemashoko edu asiwo nekuva kwedu vane mufungo. Vaparidzi muungano yoga yoga vanofanira kungwarira miganhu yendima yavo kuitira kuti vasanyanyovharidzira nzira vanofamba mumugwagwa munzvimbo dzokutengesera nezviteshi kana kuti vashandi vari pamabhizimisi, zvakadai sepanotengeswa peturu, panovhurwa maawa 24. Kuti tive nechokwadi chokuti tinoita ushumiri hwedu zvakarongeka, nechiremera, tichashanda bedzi mundima yedu yatakapiwa kutoti zvimwe zvirongwa zvakajeka zvaitwa neDare reBasa reUngano reimwe ungano, kuti ibatsirwe.—Enzanisa na2 VaKorinte 10:13-15.
19 Dzimwe ungano dzine nzvimbo dzakawanda dzinogona kupupurirwa pachena dzakaronga nzvimbo idzi kuva ndima. Kadhi rendima rinobva rapiwa mumwe muparidzi kana kuti boka. Izvi zvinobatsira kuti inyatsoshandwa nokudzivirira kuti vaparidzi vakawandisa vasashande munzvimbo imwe cheteyo panguva imwe cheteyo, maererano nenheyo iri pana 1 VaKorinte 14:40: “Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutowo wakafanira zvine mirayiro yazvo.”
20 Chitarisiko chedu chinofanira kuva nechiremera nguva dzose chichiratidza kuti tiri vashumiri vane zita raJehovha. Ndizvo zvimwe chetezvo nezvinhu zvatinoshandisa. Mabhegi emabhuku akabvaruka nemaBhaibheri ane makona emapeji akapetana kana kuti ane tsvina zvinoshoresa shoko roUmambo. Zvinonzi mupfekero norutsvindo “mashoko akapfupikiswa anoudza vanhu vakapoteredza mashoko pamusoro pokuti ndiwe ani uye uri munhu worudzii uye paunokwana munzvimbo inogara vanhu.” Naizvozvo, chitarisiko chedu hachifaniri kuva zvimwe chouyanga kana uchapa, zvimwe chokushamisira kana kunyanyisa, asi nguva dzose cha“kafanira evhangeri.”—VaF. 1:27; enzanisa na1 Timotio 2:9, 10.
21 Pana 1 VaKorinte 9:26, muapostora Pauro anotaura kuti: “Zvino ini handimhanyi somunhu usingazivi; handirwi somunhu unorova mhepo.” Tichitevedzera Pauro, takatsunga kuva noushumiri hunobudirira, hune zvibereko. Patinoshingairira mubasa rokupupura sedzimwe mhashu dze“uto remhashu” raJehovha nhasi, ngativei nomufungo nokunzwisisa kwechiKristu pakuendesa shoko roruponeso kuvose vari mundima yedu.