“Ngatitaurei Zvatafambira!”
1 Saimba akambopindira mharidzo yako yakanyatsogadzirirwa nemashoko anoti: “Munodei? Taurai zvamafambira!” Tingadzidzei mune chinoitika chakadaro?
2 Vanhu vakawanda nhasi havashiviriri. Vanoda kuziva kuti tiri vanaani uye nei tauya. Pavanoziva kuti chinangwa chokushanya kwedu ndechokukurukura Bhaibheri, vangaramba kuteerera. Kurava Bhaibheri uye kukurukurirana zvinhu zvemudzimu hazvisi zvinhu zvinokosha muupenyu hwavanhu vakawanda. Tingatendisa sei vanasaimba vakadaro kuti vanofanira kuva nemaminiti mashomanana okukurukura nhau yeBhaibheri nesu?
3 Chinonyatsoshanda: Zvinokosha kuratidza saimba kuti Bhaibheri rinogovera mhinduro dzinoshanda pazvinetso zvine chokuita naye uye kudaro namashoko mashoma seanobvira. Mharidzo dzinobudirira zvikuru dzinopa mubvunzo wakananga unoita kuti saimba afunge, uchiteverwa nerugwaro rwunopindura mubvunzo wacho. Ungada kuedza zvimwe zvezvinotevera. Zvakagadzirirwa kutibetsera ‘kutaura zvatafambira’ nokukurumidza panguva imwe chete tichinyandura kufarira kwasaimba.
4 Mundima umo vanhu vanowanzoti havafariri, bvunza mubvunzo unobatanidza ivo pachavo:
◼ “Sezvatinopinda mune chimwe chiuru chamakore, munonzwa mune tariro here kana kuti musina chokwadi? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rakafanotaura zvinoitika zvokusagadzikana zvatinoona nhasi pamwe chete nemigumisiro yazvo.” Rava 2 Timotio 3:1, 2, 5 naZvirevo 2:21, 22.
◼ “Munyika muno mune kuva nehanya kwazvo pamusoro peutano. Maiziva here kuti Mwari anovimbisa kuti achagadzirisa zvachose zvinetso zvose zveutano?” Rava Zvakazarurwa 21:3, 4.
◼ “Munofunga kuti nzanga yedu ingabetserwa sei kana munhu wose anogara muno akashandisa nheyo dzeBhaibheri?” Rava Mateo 22:37-39.
5 Sezvo basa redu riri rokuparidza mashoko akanaka eUmambo, pazvinobvira pose tinofanira kutaura zvichaitwa neUmambo hwacho. Ungati:
◼ “Maiziva here kuti bhuku rekare kare munyika yose, Bhaibheri, rakafanotaura kuti kuchava nehurumende imwe nokuda kwenyika yose?” Rava Dhanieri 2:44.
◼ “Munofunga kuti zvinhu zvingadai zvakaita sei kudai Jesu Kristu aitonga nyika?” Rava Pisarema 72:7, 8.
6 Mundima umo vanhu vanoda zvechitendero, ungaedza imwe yesumo idzi:
◼ “Vanhu vakawanda vanotambura kusarura nemhaka yekuva mukadzi kana kuti murume, chitendero chavo, kana kuti ruvara rweganda ravo. Munofunga kuti Mwari anonzwa sei nekusarura kwakadaro?” Rava Mabasa 10:34, 35.
◼ “Tinoziva kuti Jesu Kristu akaita zvishamiso zvakawanda muzuva rake. Kudai maizomukumbira kuita chimwe chishamisozve, chaizove chei?” Rava Pisarema 72:12-14, 16.
7 Kana saimba achizengurira kuvhura musuo, ungatanga kukurukura uchiti:
◼ “Vanhu vakawanda nhasi vaneta nekunzwa nezvezvinetso. Vanoda kunzwa nezvemhinduro. Pasina mubvunzo izvi ndezvechokwadi nemi. Asi ndekupi kwatingawana mhinduro chaidzoidzo dzezvinetso zvedu?” Bvumira mhinduro. Rava 2 Timotio 3:16, 17.
8 Wadii Kuzviedza? Kakawanda mubvunzo wakapfava, mupfupi ndiwo unongodiwa kumutsa kufarira kwasaimba. Mumwe mukadzi aichimboshora akakoka hanzvadzi mbiri mumusha make pashure pokunge mumwe wadzo abvunza mubvunzo uyu: “Munoziva Umambo hwamunonyengeterera muMunyengetero waShe here?” Mukadzi wacho akafara nemubvunzo wacho, uye akabvuma kufunda Bhaibheri. Zvino mubatiri akazvitsaurira waJehovha!
9 Kana uchitaura nasaimba, iva wechokwadi pamashoko ako. Taura zvinobva pamwoyo. Vanhu kakawanda vanobvuma zvakanaka apo zvinova pachena kuti tinovafarira zvechokwadi.—Mabasa 2:46, 47.
10 Basa rokuparidza mashoko akanaka rinoda kuchenjerera nhasi. Vamwe vanasaimba vanonyumwira vanhu vavasingazivi. Vamwe vanorarama upenyu hwakabatikana uye vane nguva shoma isina zvokuita. Asi tine chokwadi chokuti kuchine vakawanda vakafanirwa vachawanwa. (Mat. 10:11) Kuedza kwedu kuvatsvaka kungangobudirira zvikuru kana tikachengeta mharidzo dzedu dziri pfupi uye ndo‘kutaura zvatafambira!’